Huyai, Munditevere 2024
Chikumi 16–22: “Ishe Vanoda Mwoyo uye Pfungwa Inoda”: Dzidziso neZvibvumirano 64–66


“Chikumi 16–22: ‘Ishe Vanoda Mwoyo uye Pfungwa Inoda’: Dzidziso neZvibvumirano 64–66,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 64–66,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

Dunhu reDaviess, Missouri

Dunhu reDaviess, Missouri

Chikumi 16–22: “Ishe Vanoda Mwoyo uye Pfungwa Inoda”

Dzidziso neZvibvumirano 64–66

Mukupisa kukurusa kwezuva kwaNyamavhuvhu 1831, magosa akati wandei vaiva vari parwendo kudzokera kuKirtland kubva kunzvimbo yeZioni muMissouri. Vafambi ava vaitsva nezuva uye vakanga vaneta zvikuru, uye kusawirirana kwakashanduka nenguva diki kuva kakavadzano. Zvingangova zvakataridzika sokuti kuvaka Zioni, guta rerudo, rubatano, norunyararo, kwaizotora nguva refu.

Chinotendwa ndechekuti, kuvaka Zioni—muMissouri muna 1831, kana mumwoyo yedu, mumhuri dzedu, uye nemumawadhi edu nhasi—hakusi kunoda kuti tive vakarurama. Panekudaro, “kwamuri kunodikanwa kuti muregerere,” Ishe vakadaro (Dzidziso neZvibvumirano 64: 10). Vanoda “mwoyo uye pfungwa inoda” (ndima 34). Uye Vanoda mwoyo murefu neushingairi, nokuti Zioni yakavakwa pahwaro “hwezvinhu zvidiki,” zvakazadzikiswa neavo “vasinganeti mukuita zvakanaka” (ndima 33).

Onawo Saints,, 1:133–34; 136–37.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 64:1–11

mufananidzo weseminari
“Regereranai.”

Funga pamusoro pezvinotevera apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 64:1–11:

  • Funga pamusoro penguva iyo Ishe yavakakuregerera. Wakanzwa sei?

  • Pane mumwe munhu here waunofanira kuregerera? Sei kuregerera vamwe kuchikwanisa kuva kwakaoma kudaro? Chii chinokubatsira kukunda kuomerwa uku?

  • Ndezvipi zvokwadi pamusoro peruregeroro zviri muDzidziso neZvibvumirano 64:1–11 zvinotaridzika kuva zvakakosha kwauri? Unofunga kuti sei Ishe vachitiraira “kuti tiregerere vose”? (ndima 10).

Kana uchinetseka kuregerera, funga pamusoro pekunzvera shoko raGosa Jeffrey R. Holland “The Ministry of Reconciliation” (Liahona, Mbudzi 2018, 77–79) kana shoko raKristin M. Yee “Beauty for Ashes: The Healing Path of Forgiveness” (Liahona, Mbudzi 2022, 36–38). Chii chaunodzidza pamusoro pemabatsirirwo aungaitwa naKristu kuregerera?

Hukama hwemhuri hwunokwanisa kupa mikana yakawanda yokuregerera. Funga pamusoro penhengo dzemhuri yako. Ndiani waunofanira kuregerera? “Tinotambudzwa” sei (ndima 8) apo patisingaregererani? Ruregerero runozoshandura sei hukama hwemhuri yako?

Onawo Topics and Questions, “Forgiveness,” Gospel Library; “Forgiveness: My Burden Was Made Light” (vhidhiyo), Gospel Library.

8:24

Forgiveness: My Burden Was Made Light

After a man loses his wife and several children in a car accident, he finds healing and is able to forgive the offending driver through the power of Jesus Christ.

baba nemwanakomana vachimbundirana

“Imi munofanira kuregererana” (Dzidziso neZvibvumirano 64:9).

Dzidziso neZvibvumirano 64:31–34

Ishe vanokumbira “mwoyo uye pfungwa inoda” zvangu.

Wakambonzwa here “kuneta” nekwese “kuita zvakanaka” kwauri kuedza kuzadzikisa? Tsvaga shoko raIshe kwauri muDzidziso neZvibvumirano 64:31–34. Chii icho Ishe chavanoda kuti uite kuitira kuunza pamberi “basa guru” Ravo?

Funga nezve chidzidzo chinoshandisa zvinhu zvinobatwa icho chinozoratidza ndima 33—chimwe chinhu chikuru chakagadzirwa nezvinhu zviduku, sezvakaita mufananidzo wakaitwa nezvaenga zviduku duku kana chivako chezvidhinha Ndezvipi “zvinhu zviduku” zvaunokwanisa kuita zuva roga roga “[kuhwarika] hwaro” hwebasa guru raMwari? Ndeipi mimwe mienzaniso “yebasa guru” iro Ishe ravakakupa?

Dzidziso neZvibvumirano 64:31–34

“Mwoyo uye pfungwa inoda”

Gosa Donald L. Hallstrom vakapa pfungwa yeizvi zvingangoreva ndevo yokuti “mwoyo uye pfungwa inoda”

“Mwoyo unomiririra rudo nekuzvipira. Tinozvipira uye tinotakura mitoro yeavo vatinoda iyo yatisingazotsungiriri pairi nokuda kwechimwe chikonzero chipi zvacho. Kana rudo rusipo, kuzvipira kwedu kunoderera. …

“Kuva ‘nepfungwa inoda’ kunoreva kupa kuedza kwedu kwose uye kufunga kwedu kwakanakisisa uye nokutsvaka ungwaru hwaMwari. Kunoreva kuti kunzvera kwedu kwekuzvipira kukuru kweupenyu hwose kunofanira kuva kwezvinhu izvo zviri zvokusingaperi muchimiro chazvo. Zvinoreva kuti panofanira kuva neukama hwusingapatsanurwi pakati pokunzwa shoko raMwari nokuriteerera” (“The Heart and a Willing Mind,” Ensign, Chikumi 2011, 31–32).

Dzidziso neZvibvumirano 64:41–43

Zioni ichava “mureza kuvanhu.”

Mureza “ijira rinosungirirwa padanda kana rupawo apo vanhu pavanoungana murubatano rwechinangwa kana mukuzivikanwa” (Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Ensign,” Raibhurari yeVhangeri). Zioni—kana Chechi yaIshe—yanga yakaita semureza kwauri sei? Funga pamusoro pemimwe mienzaniso iyi yezvinhu zvinosimudzwa mudenga, semureza, kuropafadza vanhu: Numeri 21:6–9; Mateo 5:14–16; Aruma 46:11–20. Tsvaga dzimwe nzira idzo Ishe dzavanotsanangura nadzo Zioni muDzidziso neZvibvumirano 64:41–43

Onawo “Let Zion in Her Beauty Rise,” Hyms, nhamba 41.

Dzidziso neZvibvumirano 65

Umambo hwaMwari pasi hwunogadzirira nyika kudzoka kweMuponesi.

Dzidziso neZvibvumirano 65 chinopa tsananguro yakafemerwa yebasa reChechi yaIshe mumazuva ekupedzisira. Funga pamusoro pekutsvagurudza chikamu ichi, uchitsvaga mhinduro kumibvunzo yakaita seiyi: Chii icho Ishe chavanoda umambo Hwavo kuti huzadzikise panyika? Chii chaVanoda kuti ndiite kubatsira?

Onawo “Prepare Today for the Second Coming” (vhidhiyo), ChurchofJesusChrist.org

2:3

Prepare Today for the Second Coming

(Joseph Smith—Matthew 1:46–54; Matthew 24:42–51) An excerpt from “Preparation for the Second Coming,” Ensign or Liahona, May 2004, 8–9.

Dzidziso neZvibvumirano 66

Ishe vanoziva pfungwa dzemwoyo wangu.

Chinguva chidiki mushure mekupinda Chechi, William E. McLellin akakumbira Joseph Smith kuti azarure chido chaMwari kwaari. Joseph akanga asingazvizivi, asi William akanga ane mibvunzo mishanu yake pachake yaaitarisira kuti Ishe vaizopindura kuburikidza neMuporofita Wavo. Hatizivi kuti mibvunzo yaWilliam yakanga iri ipi, asi zvakazarurwa zvakataurwa kwaari, izvo ikozvino zvava Dzidziso neZvibvumirano 66, zvakapindura mubvunzo woga woga “kugutsikano yakazara uye yose” yaWilliam (“William McLellin̛ s Five Questions,” muRevelations in Context, 138).

Apo paunoverenga chikamu 66, funga pamusoro peizvo Ishe zvavaiziva pamusoro paWilliam McLellin uye zvinetso nezvinangwa zvemwoyo wake. Ishe vakakutaridza sei kuti Vanokuziva? Kana uine ropafadzo yapatiriyaki, funga pamusoro pekuinzvera. Apo paunodaro, chii icho Mweya Mutsvene chaunokubatsira kunzwisisa pamusoro pechido chaMwari kwauri?

­

mufananidzo wechikamu chevana 03

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 64:7–10

Jesu Kristu anoda kuti ndiregerere munhu wose.

Cherechedza: Apo paunodzidzisa vana vako pamusoro perairo yaIshe “yokuregerera vose,” ungangoda kujekesa kuti kuregerera hazvirevi kutendera vanhu kutirwadzisa. Vakurudzire kutaurira munhu mukuru wavanovimba naye kana mumwe munhu akavarwadzisa kana kuti akabata miviri yavo zvisina kufanira.

  • Mushure mokuverenga Dzidziso neZvibvumirano 64:10 nevana vako, taura navo pamusoro pezvazvinoreva kuregerera mumwe munhu. Ungangogovera mienzaniso mishoma yakareruka. Pamwe vanokwanisa kuita kamutambo kokutaridza mienzaniso iyi kuti vadzidzire kuregerera.

  • Ungangokumbira vana vako kuronga madzidzisiro avanozoita mumwe munhu—sezvakaita muberekedzani mudiki kwavari—pamusoro pokuregerera vamwe. Vabatsire kuwana ndevo muDzidziso neZvibvumirano 64:7–10 idzo dzavanokwanisa kushandisa apo pavanodzidzisa.

  • Imbai rumbo pamusoro poruregerero, rwakaita sorwokuti “Help Me, Dear Father” (Children’s Songbook, 99). Rumbo urwu runotidzidzisei pamusoro pokuregerera vamwe?

Dzidziso neZvibvumirano 64:33

“Basa guru” raMwari rakavakirwa “pazvinhu zviduku.”

  • Unokwanisa kuratidza vana vako zvimwe zvinhu zvakagadzirwa nezvikamu zviduku, sezvakaita pazuru kana ragi. Zvino munokwanisa kuverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 64:33. Chii “basa guru” raMwari? Ndezvipi “zvinhu zviduku” zvatinokwanisa kuita izvo zvinozobatsira?

Dzidziso neZvibvumirano 64:34

Ndinokwanisa kutevera Jesu nemwoyo wangu uye nepfungwa dzangu.

  • Apo paunoverengera vana vako kubva muDzidziso neZvibvumirano 64:34, unokwanisa kunongedza kumwoyo wako uye kumusoro wako apo paunenge uchiverenga “mwoyo” uye “pfungwa,” uye wokoka vana kuti vazviite pamwechete newe. Tingakwanisa sei kupa mwoyo yedu (zvido) uye pfungwa dzedu (mifungo) kuMuponesi?

Simbisisa muenzaniso waJesu Kristu. Funga pamusoro pokuti ungasimbisisa sei muenzaniso weMuponesi apo paunonzvera kana kudzidzisa. Semuenzaniso, apo paunenge uchidzidzisa pamusoro peDzidziso neZvibvumirano 64:34, unokwanisa kutaura nevana vako pamusoro pemapiro akaita Muponesi mwoyo Wake (zvido) uye pfungwa Dzake (ndangariro) kuna Baba Vake vari Kudenga. (Ona Kudzisa neMunzira yeMuponesi, 6.)

Dzidziso neZvibvumirano 66

Ishe vanoziva kuti ndiri ani uye vanodida.

  • Batsira vana vako kunzwisisa kuti William E. McLellin akanga aine mibvunzo mishanu kuna Ishe. Joseph Smith akagamuchira mhinduro kumibvunzo iyi kunyangwe zvazvo akanga asingazivi kuti mibvunzo yaWilliam yaiva ipi. Taurira vana vako pamusoro penguva iyo Ishe yavakakuratidza izvo zvaVaida kuti uite, uye taura pamusoro pemaropafadzo anouya kubva mukutevera rairo Yavo. Zvino munokwanisa kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 66 66: 4 pamwechete uye wokoka vana vako kuti vatsvage mikana yekunzwisisa izvo Ishe zvavanoda kuti vaite.

    Kuuya kweChipiri kweMuponesi

    Chikamu chakabva kuThe Second Coming [Kuuya Kwechipiri], naKevin Keele

Dzidziso neZvibvumirano 65

Ndinokwanisa kubatsira kugadzirira nyika kugamuchira Jesu Kristu.

  • Apo vana vako pavanenge vakatarisa pamufananidzo weKuuya kweChipiri kweMuponesi, vakumbire kuti vatsanangure izvo zvavanoona kana izvo zvavanoziva pamusoro pechiitiko ichi. Unokwanisawo kupa vana vako mashoko kana ndevo pamusoro peKuuya kweChipiri dzekuwana muDzidziso neZvibvumirano 65. Mashoko nendevo idzi zvinotidzidzisa chii? Tingakwanisa sei kugadzirira kudzoka kweMuponesi?

­

Muponesi achiregerera mudzimai

Forgiven [Kuregererwa], naGreg K. Olsen

peji yechiitwa yevana