“Chikumi 23–29: ‘Zvakakosha … Upfumi hwaPanyika Pose’: Dzidziso neZvibvumirano 67–70,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
Dzidziso neZvibvumirano 67–70,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Chikumi 23–29: “Zvakakosha … Upfumi hwaPanyika Pose”
Dzidziso neZvibvumirano 67–70
Kubva muna 1828 kusvika muna 1831, Muporofita Joseph Smith akagamuchira zvakazarurwa zvakawanda kubva kuna Ishe, kusanganisira rairo yehumwari yevanhu pachavo, rairidzo pamusoro pekutonga Chechi, zviratidzo zvemazuva ekupedzisira, uye zvokwadi zvakawanda zvinokurudzira zvekusingaperi. Asi Vatendi vazhinji vakanga vasati vazviverenga. Zvakazarurwa izvi zvakanga zvisati zvashambadzwa, uye makopi mashoma aiwanikwa aiva akanyorwa nemaoko pamapepa ayo aigoveraniswa pakati penhengo uye aitakurwa nevashumiri.
Zvino, muna Mbudzi 1831, Joseph akadaidza dare revatungamiri veChechi kuti vakurukure zvekushambadzwa kwezvakazarurwa izvi. Mushure mekutsvaga chido chaIshe, vatungamiri ava vakaita zvirongwa zvekushambadza Bhuku reMirairo—nhungudzo kubhuku reDzidziso neZvibvumirano ranhasi. Nenguva duku munhu wose aizokwanisa kuzviverengera shoko raMwari rakazarurwa kuburikidza neMuporofita anorarama, umboo hwakanyatsojeka hwekuti “makiyi ezvakavanzika zveumambo hweMuponesi wedu akabatiswa zvakare kuvanhu.” Nekuda kwezvikonzero izvi nezvimwe zvakawanda, Vatendi nguva iyoyo uye naikozvino vanotora zvakazarurwa izvi kuva “zvakakosha … upfumi hwaPanyika pose” (Dzidziso neZvibvumirano 70, musoro wenyaya wechikamu).
Ona Saints, 1:140–43.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Dzidziso neZvibvumirano 67:1–9; 68:3–6
Varanda vaIshe vanotaura chido Chavo apo pavanofemerwa neMweya Mutsvene.
Sarudzo yekushambadza zvakazarurwa zvakagashirwa naJoseph Smith inoratidzika seyaiva nyore, asi vamwe vatungamiri veChechi vekutanga vakanga vasina chokwadi kuti yaiva pfungwa yakanaka. Chimwe chinetso chakanga chiine chekuita nekusanyatsorurama kwenzira yemanyorerwo akaitwa naJoseph Smith zvakazarurwa izvi. Zvakazarurwa zviri muchikamu 67 zvakauya mumhinduro kuchinetso ichocho. Chii chaunodzidza pamusoro pevaporofita vaIshe nezvakazarurwa kubva mundima 1–9? Ndedzipi dzimwezve nzwisiso dzaunowana kubva muchikamu 68:3–6?
Wakasvika sei pakuziva pachezvako kuti zvakazarurwa izvo Mwari zvavanopa varanda vavo ndezvechokwadi? Ungangofungisisawo zviitiko apo pawakanzwa kuti Ishe vaitaura kwauri kuburikidza nemumwe wevaranda Vavo (ona Dzidziso neZvibvumirano 68:4). Ndepapi apo pawakanzwa “kufemerwa neMweya Mutsvene” (ndima 3) kuti utaure chimwe chinhu? Ishe “vakamira newe” sei? (ndima 6).
Bhuku reMirairo risati radhindwa, vatungamiri veChechi vakati wandei vakasaina uchapupu hwakanyorwa hwekuti zvakazarurwa zviri mubhuku iri ndezvechokwadi. Kuti uone kopi yeuchapupu hwavo, ona “Testimony, circa 2 November 1831,” Revelation Book 1, 121, josephsmithpapers.org.
Dzidziso neZvibvumirano 67:10–14
“Endererai mberi mumwoyo murefu.”
Shanje, kutya, nerudado zvinotitadzisa sei kuswedera padyo naIshe? Tingakunda sei “munhu wenyama” kana “pfungwa dzenyama” kuitira kuti tigokwanisa “ku[Va]ona uye tigoziva kuti [Ndivo]”? (ndima 12; onawo Mosiya 3:19). Chii chaunowana mundima idzi chinokukurudzira “kuramba uine mwoyo murefu kusvikira waruramiswa”? (ndima 13).
Dzidziso neZvibvumirano 68:25–31
Ndinokwanisa kubatsira kunangisa imba yangu pana Jesu Kristu.
Mashoko aIshe muDzidziso neZvibvumirano 68:25–31 anotaura akananga kuvabereki, asi kunyangwe uri mubereki kana kuti kwete, unokwanisa kushandisa rairo Yavo kuita chikamu chako kunangisa imba yako padzidziso yaJesu Kristu. Pazasi pakadorongodzwa mimwe yemisimboti iyo Ishe yavanoti inofanira kudzidziswa mumba. Funga pamusoro pekuti ungakwanisa sei kuita chimwe nechimwe cheizvi chikamu chehwaro hweimba yakanangiswa panaKristu—imba yaunogara iyezvino kana imba yako yeramangwana. Zvinyorwa nemibvunzo zvakapuwa zvinokwanisa kubatsira.
-
Rutendeuko: Nzvera Aruma 36:17–20, uye wocherechedza maropafadzirwo akaitwa Aruma panguva yakakosha zvikuru nokuti baba vake vakanga vamudzidzisa pamusoro pebasa rekudzikinura reMuponesi. Ungabatsira sei kukurudzira mhuri yako kuti vauye kuna Jesu Kristu uye vakutendeuke? (onawo 2 Nifai 25:26).
-
Rutendo munaKristu: Verenga mazano mashanu ekukudziridza rutendo aMutungamiri Russell M. Nelson “muChrist Is Risen; Faith in Him Will Move Mountains” (Liahona, Chivabvu 2021, 103). Fungisisa kuti mazano aya anokwanisa sei kuumba tsika yerutendo mumhuri yako.
-
Rubhabhatidzo: Wongorora chibvumirano cherubhabhatidzo sezvakatsanangurwa muna Mosaya 18:8–10, 13. Kuedza kwako kuchengeta chibvumirano ichi kungakwanisa kusimbisa sei mhuri yako?
-
Gift of the Holy Ghost: Nzvera kukokwa kuri papeji 17–19 yeFor the Strength of Youth: A Guide for Making Choices. Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti ukoke kurudziro yeMweya Mutsvene mumba menyu?
-
Munamato: Chii chaunodzidza pamusoro pezvesimba remunamato mumba kubva murwiyo “Love Is Spoken Here”? (Children’s Songbook, 190–91). Ndeapi maropafadzo anovimbiswa neMuponesi muna 3 Nifai 18:15–21?
-
Mimwe misimboti yaunowana muDzidziso neZvibvumirano 68:25–31:
Irairo ipi yaungapa munhu ane nhengo dzemhuri dzisingatsigire kuedza kwake kuvaka rutendo muna Kristu?
Onawo “Mhuri: Chiziviso kuNyika,” Raibhurari yeVhangeri; Topics and Questions, “Parenting,” Gospel Library; Dieter F. Uchtdorf, “Jesus Christ Is the Strength of Parents,” Liahona, Chivabvu 2023, 55–59.
Shamwari dziri “paChokwadi uye dzakatendeka” dzinondibatsira kutevera Jesu Kristu.
Sei uchifunga kuti hwaiva “ungwaru muna [Ishe]” kuti mumwe munhu “ari pachokwadi uye akatendeka” aperekedze Oliver Cowdery pabasa rinotsanangurwa mundima ino? Musimboti uyu unoshanda sei kwauri?
Dzidziso neZvibvumirano 70:1–4
Ndinozvidavirira pamusoro pezvakazarurwa zvakapuwa naIshe.
Ishe vakapa mamwe magosa basa rekutungamirira kushambadzwa kwezvakazarurwa izvi. Kunyangwe zvazvo usina basa iroro chairo, utariri hwako kana basa rako ndereyi “pamusoro pezvakazarurwa nemirairo yacho”? (ndima 3).
Mazano eKudzidzisa Vana
Dzidziso neZvibvumirano rinondidzidzisa pamusoro paJesu Kristu.
-
Taurira vana vako pamusoro pekuti zvakazarurwa zvaJoseph Smith zvakasvika sei pakudhindwa mubhuku (ona “Chapter 23: The Doctrine and Covenants,” muDoctrine and Covenants Stories, 90–92, kana vhidhiyo inoenderana nazvo muGospel Library). Vabatsire kuyeuka zvimwe zvezvinhu zvawakadzidza pamusoro paJesu Kristu kubva muDzidziso neZvibvumirano kusvika parizvino gore rino. Munokwanisawo kugoverana dzimwe dzendima dzenyu dzamunodisisa kubva muDzidziso neZvibvumirano.
-
Unokwanisawo kuratidza vana vako Bhaibheri, Bhuku raMormoni, Dzidziso neZvibvumirano, uye Dombo reMutengo Mukuru uye wotaura navo pamusoro pekuti akasiyana sei uye kuti akafanana sei (ona tsanangudzo dzemabhuku aya muNhungamiro kuMagwaro Matsvene). Tinokwanisa sei kuziva kuti magwaro matsvene ndeechokwadi? Chii chatinodzidza kubva muDzidziso neZvibvumirano 67:4, 9 pamusoro pezvakazarurwa izvo zvakapuwa Joseph Smith naIshe?
Dzidziso neZvibvumirano 68:25–31
Ndinokwanisa kubhabhatidzwa kana ndava nemakore masere.
-
MuDzidziso neZvibvumirano 68:27, Ishe vakataura makore anofanira kunge ava nemunhu kuti abhabhatidzwe. Batsira vana vako kuwana izvo zvaVakataura. Sei Jesu achida kuti tibhabhatidzwe? Rumbo rwakaita “saBaptism” (Children’s Songbook, 100–101) rwunokwanisa kubatsira. Uchishandisa mifananidzo kana ndima 25–31 (kana kuti zvose zviri zviviri), batsira vana vako kuwana zvinhu izvo Ishe zvavanoda kuti vana vadzidze.
-
Verenga nevana vako pamusoro pebasa rakapuwa Oliver Cowdery naIshe mumusoro wenyaya wechikamu cheDzidziso neZvibvumirano 69. Irairo ipi yakapuwa naIshe mundima 1? Sei zvakakosha kuva nevanhu “vanozova pachokwadi uye vakatendeka”? Zvimwe vana vako vanokwanisa kutaura pamusoro pemumwe munhu wavanoziva uyo ari “pachokwadi uye akatendeka.” Imbai pamwechete rumbo rwunokurudzira vana kuti vave pachokwadi uye vakatendeka seMuponesi sezvakaita “I’m Trying to Be like Jesus” (Children’s Songbook, 78–79). Tingakwanisa sei kuita chokwadi chekuti tiri pachokwadi uye takatendeka kuna Ishe? Vanokwanisa sei kutishandisa kuropafadza vamwe apo patinenge tiri pachokwadi uye takatendeka?