“Chikumi 30–Chikunguru 6: ‘Hakuna Chombo Chinogadzirirwa Kukurwisai Chichabudirira’: Dzidziso neZvibvumirano 71–75,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
Dzidziso neZvibvumirano 71–75,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Chikumi 30–Chikunguru 6: “Hakuna Chombo Chinogadzirirwa Kukurwisai Chichabudirira”
Dzidziso neZvibvumirano 71–75
Kubvira paakanga ari mukomana, Joseph Smith aitarisana nevashori—kunyangwe vavengi—apo paaiedza kuita basa raMwari. Asi zvinofanira kuva zvakanga zvakaoma zvikurusa mukupera kwa1831 apo Ezra Booth paakatanga kushora Chechi zviripachena, nokuti pamamiriro ezvinhu aya mushori wacho aimbova mutendi. Ezra akanga aona Joseph achishandisa simba raMwari kuporesa mumwe mudzimai. Akanga akokwa kuti aperekedze Joseph pakuwongorora kwekutanga kwenzvimbo yeZioni muMissouri. Asi zvino akanga arasikirwa nerutendo rwake uye, mukuedza kuipisa zita reMuporofita, akashambadza tsamba dzakawanda mupepanhau remuOhio. Uye kuedza kwake kwakaratidzika sekwaishanda, nokuti “pfungwa dzakaipa … dzakanga dzavapo maererano neChechi” munharaunda yacho (Dzidziso neZvibvumirano 71, musoro wenyaya wechikamu). Vatendi vanofanira kuita chii mumamiriro ezvinhu akadai? Kunyangwe pasina mhinduro imwechete kwayo kumamiriro ezvinhu oga oga, zvinoratidzika sekuti kazhinjisa—kusanganisira mumamiriro ezvinhu aya muna 1831—chikamu chemhinduro yaIshe ndeye kuzivisa chokwadi uye kugadzirisa manyepo kuburikidza “nokuparidza vhangeri” (ndima 1). Hongu, basa raIshe richagara riine vashori, asi pekupedzisira, “hakuna chombo chinogadzirirwa [kurirwisa] chichabudirira” (ndima 9).
Ona “Ezra Booth and Isaac Morley,” muRevelations in Context, 134.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Mweya unozonditungamira apo pandinenge ndichigovera vhangeri reMuponesi.
Zvinokwanisa kunetsa apo vanhu pavanoshoropodza kana kunyomba rutendo rwako muMuponesi, vhangeri Rake, kana Chechi Yake. Apo izvozvo pazvinoitika chii chaunoita? Chimwe chinhu chakafanana neizvi chakaitika muOhio muna 1831 (ona musoro wenyaya wechikamu cheDzidziso neZvibvumirano 71). Chii icho Ishe chavakataurira Joseph Smith naSidney Rigdon kuti vaite nezvazvo muDzidziso neZvibvumirano 71? Zvimwe ungakwanisa kudorongodza mirairidzo iyo Ishe yavakavapa uye maropafadzo aVakavimbisa.
Pamusoro pekunzvera chikamu 71, unokwanisawo kuongorora kuti Muponesi aipindura sei kuvatsoropodzi Vake munguva yehushumiri Hwake hwepanyika. Heino mimwe mienzaniso Mateo 22:15–22; 26:59–64; Johane 10:37–38. Chii chaunodzidza kubva kwaAri? Ndedzipi dzimwezve nzwisiso dzaunowana kubva kuna Mateo 18:15; VaEfeso 4:31–32; 2 Timotio 3:12; Jakobo 1:19?
Rairo Yake ingashanda sei kumamiriro ezvinhu aunosangana nawo nhasi? Ungangofunga pamusoro penzira dzekugadzirisa nhema murunyararo uchishandisa mashoko ako pachako. Semuenzaniso, ungatanga nekutaura ruremekedzo rwako rwemaonero emumwe munhu, uye zvino wogovera nenzira yakaninipa uye inemutsa izvo zvaunotenda pamusoro paJesu Kristu nedzidziso Dzake. Kuti ugadzirire zviitiko izvi, pamwe ungakwanisa kudzidzira nzira iyi neshamwari kana nhengo dzemhuri.
Onawo Topics and Questions, “Helping Others with Questions,” Gospel Library; Dallin H. Oaks, “Loving Others and Living with Differences,” Liahona, Mbudzi 2014, 25–28; Jörg Klebingat, “Valiant Discipleship in the Latter Days,” Liahona, Chivabvu 2022, 107–10.
Ishe vanondiropafadza kuburikidza nehushumiri hwevatungamiri vakaita semabhishopi.
Apo Newel K. Whitney paakadaidzwa kushandira sabhishopi, mabasa ake akanga akatisiyanei zvishoma neayo emabhishopi anhasi. Semuenzaniso, Bhishopi Whitney akatungamirira kukumikidzwa kwepfuma uye mvumo yekugara muMissouri, munzvimbo yeZioni. Asi apo paunoverenga pamusoro pedaidzo yake muDzidziso neZvibvumirano 72, ungangocherechedza dzimwe enderano dziripo neizvo zvinoitwa nemabhishopi nhasi—mumweya, kana usangakwanisi kuzvicherechedza munezvavanoita chaizvo, zvemabasa avo.
Semuenzaniso, inzira dzipi “dzaunopa nadzo rondedzero” kuna bhishopi wako? (ndima 5). Mumazuva ano “dura raIshe” rinokwanisa kusanganisira zvipo, mushando, uye matarenda enhengo dzewadhi (ona ndima 10, 12). Ungakwanisa sei kupa kudura iroro?
Ishe vakakuropafadza sei iwe nemhuri yako kuburikidza nebasa rabhishopi?
Onawo Quentin L. Cook, “Bishops—Shepherds over the Lord’s Flock,” Liahona, Chivabvu 2021, 56–60.
Ndine mikana yakawanda yekugovera vhangeri reMuponesi.
Apo Joseph Smith naSidney Rigdon pavakadzoka kubva kubasa ravo rehushumiri (ona Dzidziso neZvibvumirano 71.), Ishe vakavataurira kuti vaenderere mberi nedudziro yavo yeBhaibheri (ona Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Dudziro yaJoseph Smith” Raibhurari yeVhangeri). Asi izvozvo hazvina kureva kuti Vaida kuti vamire kugovera vhangeri. Nokuti pamusoro pezvimwe zvinhu zvose, chikamu cheupenyu hwemudzidzi.
Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 73, funga pamusoro pekuti ungakwanisa sei kuita kuti kugovera vhangeri kuve chikamu chinoenderera mberi, “chinokwanisika” (ndima 4)—kana chinobudirira—cheupenyu hwako pakati pemamwe mabasa ako.
Dzidziso neZvibvumirano 75:1–16
“Mushande nesimba renyu … muchiparidza chokwadi.”
Zvakazarurwa zviri muchikamu 75 zvakataurirwa kuvanhu vakanga “vapa mazita [avo] kuti vaende mberi kunoparidza vhangeri [reMuponesi]” (ndima 2). Imwe nzira yekunzvera nayo zvakazarurwa izvi ndeyekuita mudorongodzwa miviri: (1) magoverero ekuita vhangeri zvinobudirira uye (2) maropafadzirwo uye matsigirirwo atinoitwa naIshe apo patinogovera vhangeri.
Unofunga kuti zvinorevei “kunonoka” kana “kuva neunyope” mukugovera vhangeri? Zvinotaridzika sei “kushanda nesimba rako”? (ndima 3).
Onawo “I’ll Go Where You Want Me to Go,” Hymns, nhamba 270.
Mazano eKudzidzisa Vana
Ndinokwanisa kudzvirira chokwadi kuburikidza nekugovera uchapupu hwangu.
-
Unokwanisa kushandisa musoro wenyaya wechikamu cheDzidziso neZvibvumirano 71 kudzidzisa vana vako pamusoro pemamiriro ezvinhu akakurudzira chikamu 71. Zvino vabatsire kuwana mundima 1 izvo Ishe zvavaida kuti Joseph naSidney vaite pamusoro “pepfungwa dzakaipa” dzaiva dzanangiswa kuChechi. Vakavataurira sei kuti Vaizovabatsira? Tinokwanisa sei kuva saJoseph naSidney?
-
Unokwanisawo kuimba rumbo rwunokurudzira vana vako kuti vave pachokwadi kuMuponesi, sezvakaita “Stand for the Right” (Children’s Songbook, 159). Batsira vana vako kudzidzira magovero ekuita izvo zvavanoziva pamusoro paJesu Kristu.
Ishe vakadaidza bhishopi kuti andibatsire.
-
Kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 72:2 pamwechete kunokwanisa kupa mukana wekukurukura kuti sei Ishe vachitipa mabhishopi. Iwe nevana vako munokwanisa kuwana mifananidzo kana zvinhu zvinomiririra mabasa abhishopi. Mufananidzo nepeji yechiitwa zviri kumagumo kwechidzidzo chino zvinopa mamwe mazano. Zvino munokwanisa kutaura pamwechete pamusoro pemabhishopi amakaziva uye maropafadzirwo akaitwa mhuri yenyu naIshe kuburikidza nemushando wavo.
Ndinokwanisa kupa kuedza kwangu kwakanakisisa kuna Ishe.
-
Kuti utaure pamusoro pemusiyano uri pakati pokuva “neusimbe” uye “[kushanda] nesimba [redu],” pamwe unokwanisa kusarudza mamwe mabasa ekushandira kana kuti mabasa emumba uye wokoka vana vako kuti varatidze kuaita neusimbe uye zvino kuaita nesimba ravo rose. Apo pamunoverenga “kana musava neusimbe” muDzidziso neZvibvumirano 75:3, vana vako vanokwanisa kuratidza maitiro avangaita mabasa neunyope. Apo pamunoverenga “asi shandai nesimba renyu,” vanokwanisa kuratidza mashandiro avanoita nesimba. Sei zvakakosha kuti tiite zvakanakisisa zvatinogona apo patinoshandira Ishe?
-
Mushoko ravo “Two Principles for Any Economy” (Liahona, Mbudzi 2009, 55–58), Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf vakataura nyaya mbiri pamusoro pebasa. Zvimwe unokwanisa kuzvigoverana nevana vako uye motaura pamusoro pemanzwiro azvinoita kuziva kuti takashanda nesimba uye takaita zvakanakisisa zvatinogona.