Huyai, Munditevere 2024
Manzwi Ekudzorerwa: Uchapupu “hweChiratidzo”


“Manzwi Ekudzorerwa: Uchapupu ‘hweChiratidzo’,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Uchapupu ‘hweChiratidzo’,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa: Uchapupu “hweChiratidzo”

Wilford Woodruff

Portrait of Wilford Woodruff.

Wilford Woodruff akapinda Chechi muna Zvita 1833, zvingangoita makore maviri mushure mekunge Joseph Smith naSidney Rigdon vatambira chiratidzo chakanyorwa muDzidziso neZvibvumirano 76. Akanga achigara muNew York panguva iyoyo uye akadzidza pamusoro “peChiratidzo” kubva kuvashumiri vakanga vachishandira munzvimbo iyoyo. Mushure memakore akawanda, akataura nezve manzwiro ake pamusoro pezvakazarurwa izvi:

“Ndakadzidziswa kubvira pahuduku hwangu kuti kwakanga kune Denga rimwechete neGehena rimwechete, uye ndakaudzwa kuti vakaipa vose vaiva nechirango chimwechete uye vakarurama vaiva nekubwinya kumwechete. …

“… Apo pandakaverenga chiratidzo … , chakajekesa pfungwa dzangu uye chikandipa rufaro rukuru, zvakaratidza kwandiri kuti Mwari uyo akanga azarura musimboti iwoyo kuvanhu aiva nehungwaru, neururami uye ari wechokwadi, uye aiva nehunhu hwakanakisisa pamwepo nemafungiro neruzivo rwakanaka, ndakanzwa kuti Akanga asingashanduki pazvese rudo, nyasha, ruenzaniso neutongi, uye ndakanzwa kuda Ishe zvakanyanya kupfuura zvandakambobvira ndaita muupenyu hwangu.”

“‘Chiratidzo’ [ndicho] chakazarurwa chinopa nzwisiso huru, chokwadi chikuru uye musimboti mukuru kupinda chipi zvacho chiratidzo chiri mubhuku rimwe ripi zvaro ratakamboverenga. Chinotibatsira kunzwisisa zvakajeka mamiriro edu eparizvino, uko kwatakabva, kuti sei tiripano, uye uko kwatiri kuenda. Munhu upi zvake angaziva kuburikidza nechakazarurwa ichocho kuti chikamu chake nemamiriro ake zvinozova zvipi.”

“Ndisati ndaona Joseph ndakati ndakanga ndisina hanya nokuti akanga akura zvakadii, kana kuti akanga ari mudiki zvakadii, ndakanga ndisina hanya nokuti aitaridzika sei—kana vhudzi rake rakanga rakareba kana kuti riripfupi, murume akanga akagamuchira uye akadzidzisa chakazarurwa ichocho [chiratidzo chakanyorwa muchikamu 76] akanga ari muporofita waMwari. Ndakazvizivira ini pachangu.”

Phebe Crosby Peck

Apo Phebe Peck paakanzwa Joseph naSidney vachidzidzisa nezve “Chiratidzo,” akanga achigara muMissouri uye achirera vana vashanu saamai vakanga vasina murume. Chiratidzo chakamufadza nokumukurudzira zvokuti akanyora zvinotevera kuti agogoverana nehama dzake izvo zvaakanga adzidza:

“Ishe vari kuzarura zvakavanzika zveUmambo hwekudenga kuvana Vavo. … Joseph Smith naSidney Ridgon vakatishanyira chirimo chapfuura, uye takava nemisangano yaifadza yakawanda apo pavakanga varikuno, uye zvakavanzika zvakawanda zvakapetenurirwa kukuona kwedu, izvo zvakandipa nyaradzo huru. Takakwanisa kuona kuzvideredza kwaMwari mukugadzirira vana vavo dzimba huru dzerunyararo. Uye avo vose vasingagamuchiri kuzara kwevhangeri uye vagosamira sevarwi vakashinga muchinangwa chaKristu havagoni kugara pamberi paBaba neMwanakomana. Asi kune nzvimbo yakagadzirirwa avo vose vasingagamuchiri kuzara kwevhangeri, asi inzvimbo yekubwinya kwakaderera chaizvo pane kugara muumambo hweSeresitiyaro. Handichaedzi kutaura zvimwe maererano nezvinhu izvi sezvo zvakashambadzwa iyezvino uye zviri kuparadzirwa kunyika. Uye iwe pamwe unozova nemukana wekuzviverengera, uye kana ukadaro, ndinovimba unozoverenga nemwoyo wakangwarira uye unemunamato, nokuti zvinhu izvi zvakakodzera kucherechedzwa. Uye ndinoda kuti ugozviverenga nekuzvinzvera, nokuti ndizvo izvo zvinotungamira kurufaro rwedu munyika ino uye nemunyika ichauya.”

Manotsi

  1. “Remarks,” Deseret News, Chivabvu 27, 1857, 91.

  2. Deseret News, Nyamavhuvhu 3, 1881, 481; onawo Teachings of Presidents of the Church: Wilford Woodruff (2004), 120–21.

  3. “Remarks,” Deseret Weekly, Gunyana 5, 1891, 322.

  4. “Tsamba yaPhebe Crosby Peck kuna Anna Jones Pratt,” Nyamavhuvhu 10, 1832, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City; kuperetera nezvimiso zvakaitwa zvemazuva ano.