Huyai, Munditevere 2024
Chikunguru 21–27: Uko “Zvakawanda Kwazvinopuwa Zvakawanda Zvinodikanwa”: Dzidziso neZvibvumirano 81–83


“Chikunguru 21–27, Uko ‘Zvakawanda Kwazvinopuwa Zvakawanda Zvinodikanwa’: Dzidziso neZvibvumirano 81–83,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 81–83,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

Jesu Kristu achitaura kujaya mupfumi

Chikamu chakabva kuChrist and the Rich Young Ruler [Kristu neJaya Mutongi Mupfumi], naHeinrich Hofmann

Chikunguru 21–27: Uko “Zvakawanda Kwazvinopuwa Zvakawanda Zvinodikanwa”

Dzidziso neZvibvumirano 81–83

Muna Kurume 1832, Ishe vakadaidza Jesse Gause kuti ave mutevedzeri kuna Joseph Smith muHutungamiri hweHupirisita Hwepamusoro (hwavakunzi iyezvino Hutungamiri Hwekutanga). Dzidziso neZvibvumirano 81 izvakazarurwa kuna Bhuratha Gause pamusoro pedaidzo yake itsva. Asi Jesse Gause haana kushandira zvakatendeka, nokudaro Frederick G. Williams akadaidzwa kuti amutsive. Zita raBhuratha Williams rakatsiva zita raBhuratha Fause muzvakazarurwa.

Izvo zvingangoratidzika sechinhu chidiki, asi zvinotaura chokwadi chikakosha zvikuru: Zvakazarurwa zvizhinji zviri muDzidziso neZvibvumirano zvakataurwa zvakananga vamwe vanhu, asi nguva dzose tinokwanisa kutsvaga nzira dzekuzvishandisa kwatiri pachedu (ona 1 Nifai 19:23). Apo patinoverenga rairo yaIshe kuna Frederick G. Williams “yekusimbisa mabvi asina simba” tinokwanisa kufunga nezve vanhu vatingasimbisa (Dzidziso neZvibvumirano 81:5). Apo patinoverenga kokero yaIshe kunhengo dzeUnited Firm yekuti “zvisungei nechibvumirano ichi” tinokwanisa kufunga zvibvumirano zvedu pachedu. Uye tinokwanisa kuverenga vimbiso Yavo yokuti “Ini … ndinosungirwa apo imi pamunoita zvandinotaura,” sokunge Vari kutaura kwatiri (Dzidziso neZvibvumirano 82:10,15). Tinokwanisa kuita izvi nokuti, sokutaura pachena kwakaita Ishe, “Icho chandinotaura kune mumwechete ndinochitaura kune vose” (ndima 5).

Ona “Newel K. Whitney and the United Firm,” “Jesse Gause: Counselor to the Prophet,” in Revelations in Context, 142–47, 155–57

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 81:4–5; 82:18–19

“Iwe unozoita zvakanaka zvikurusa kune vako vamwe vanhu.”

Mundima dzakati wandei muDzidziso neZvibvumirano 81– 83, Ishe vanotikoka kubatsira vanhu vanoshaiwa vakatikomberedza. Funga pamusoro pokumaka ndima dzacho apo paunenge uchidziwana. Mumwe wemienzaniso inonyatsotsanangura nemazvo uri muDzidziso neZvibvumirano 81:4–5. Heino mimwe mibvunzo yekukubatsira kuti ufungisise ndima idzi:

  • Ndedzipi dzimwe nzira idzo munhu dzaanokwanisa “kushaya simba” nadzo? Zvinorevei “kuvabatsira”? Ndiriinhi apo kushandira kwevamwe kwakafanana nekwaKristu pakwakandibatsira apo pandakanzwa kushaya simba?

  • Chii chingangokonzera maoko emunhu kuva “seakarembera”? Ndingakwanisa sei “kusimudza” maoko iwayo?

  • “Mabvi asina simba” zvingarevei? Anosimbiswa sei?

Muponesi anokuitira sei zvinhu izvi?

Zvimwe kunzvera ndima iyi kwaunza mupfungwa mumwe munhu waunokwanisa “kubatsira,” “kusimudzira,” kana “kusimbisa.” Chii chaunozoita kuti ushumire kumunhu iyeyo?

Chii chimwe chaunodzidza pamusoro pokushandira vamwe muDzidziso neZvibvumirano 82: 18–19? Ungangoonawo vhidhiyo inoti “Teachings of Thomas S. Monson: Rescuing Those in Need” (Gospel Library). Nhengo dzewadhi raBishopi Monson dzakataridza sei muenzaniso weizvo zvinodzidziswa nendima idzi?

5:1

Teachings of Thomas S. Monson: Rescuing Those in Need

Bishop Thomas Monson and his ward welcome a poor German family into their community, providing them with housing, warmth, and food for Christmas.

Onawo Jakobo 2:17–19; Mosaya 18:8–9; “Works of God” (vhidhiyo), ChurchofJesusChrist.org.

4:21

Works of God

Two families share how they have seen the works of God made manifest in their lives as ward members reach out in love and understanding.

Jesu Kristu pachidziva cheBetesda.

Carl Heinrich Bloch (1834–1890), Christ Healing the Sick at Bethesda [Kristu Achiporesa Varwere paBetesda], 1883, pendi yeoyiri pakanivhasi masendimita 256 x 319. Brigham Young University Museum of Art, wakatengwa nemari yakapuwa naJack R. uye Mary Lois Wheatley, 2001.

Dzidziso neZvibvumirano 82:3

Muponesi akandipa zvakawanda uye zvakawanda zvinodikanwa kubva kwandiri.

Kuverenga ndima iyi kungangokukurudzira kuwongorora izvo Mwari zvavakakupa—zvose maropafadzo apamweya neepanyama. Chengeta izvi mupfungwa apo paunoverenga chikamu 82 chose. Chii chaunonzwa kuti chinodikwana naMwari kubva kwauri?

Onawo “Because I Have Been Given Much,” Hymns, nhamba 219.

Dzidziso neZvibvumirano 82:8–10

mufananidzo weseminari
Mirairo ndiyo umboo hwerudo rwaMwari kwatiri.

Kana iwe kana mumwe munhu waunoziva makambonetsekana kuti sei Ishe vachipa mirairo yakawanda kudaro, Dzidziso neZvibvumirano 82:8–10 inokwanisa kubatsira. Ndedzipi nzwisiso kubva mundima idzi dzinokwanisa kukubatsira kutsanangura kune mumwe munhu kuti sei uchisarudza kutevera mirairo yaIshe? Chii chaunokwanisa kuenzanisa mirairo kwachiri icho chingangobatsira? Unokwanisa kuwana dzimwe nzwisiso zhinji muDzidziso neZvibvumirano 1:37–38; 130:20–21 uye kuvhidhiyo “Blessed and Happy Are Those Who Keep the Commandments of God” (Gospel Library). Ndezvipi zviitiko zvakakudzidzisa kuona mirairo semaropafadzo?

5:41

Blessed and Happy Are Those Who Keep the Commandments of God

Read Elder Keetch's full conference talk here: https://www.lds.org/general-conference/2015/10/blessed-and-happy-are-those-who-keep-the-commandments-of-god?lang=eng&_r=1

Funga pamusoro pemimwe mirairo iyo Mwari yavakakupa. Mirairo iyi yakakudzidzisa chii pamusoro Pavo nechido Chavo? (ona ndima 8). Upenyu hwako hwakashandurwa sei nokuchengeta mirairo iyi?

Chii chaunodzidza pamusoro paIshe kubva mundima 10? Unofunga kuti zvinorevei kuti Ishe “vasungirwe”? (onawo ndima 15).

Ishe vakachengeta sei Vimbiso Dzavo muupenyu hwako? Chii chaungataura kune mumwe munhu asinganzwi kukurudzirwa kuchengeta mirairo nokuda kwokuti haasati agamuchira maropafadzo aanga akatarisira? Unowana here nzwisiso dzinobatsira mushoko raGosa D. Todd Christofferson “Our Relationship with God”? (Liahona, Chivabvu 2022, 78–80).

Onawo Topics and Questions, “Commandments,” Gospel Library.

Dzidziso neZvibvumirano 82:10

Ishe vanotiropafadza nenzira dzinoshamisa Dzavo pachavo.

Sisita Virginia H. Pearce, vaimbova nhengo yeHutungamiri Hukuru hweVasikana Vechidiki, vakataura pamusoro pemudzimai ainetsekana zvikurusa pamusoro pevana vake avo vaiva vachiita sarudzo dzisina kururama. Mukuvhunduka, vakaedza zvose zvavaikwanisa kufunga nezvazvo kutsvaga maropafadzo aIshe muchinzvimbo chavo. Pamusoro pokunamata nesimba rose, vakamisa chinangwa chakaoma chokuenda kutemberi kakawedzerwa uye vakanzwa kuti Ishe vaizokudza kuzvipira kukuru uku kuburikidza nokushandura mwoyo yevana vavo. Mudzimai uyo akataura kuti:

“Mushure memakore gumi ekuenda kutemberi kakawedzerwa uye emunamato wenguva dzose, ndineurombo kutaura kuti sarudzo dzevana vangu hadzisati dzashanduka. …

“Asi ini ndashanduka. Ndava mudzimai akasiyana. … Ndava nemwoyo wakanyanya kupfava. Ndakazara nemutsa. Ndinokwanisa pachokwadi kuita zvakanyanya kuwanda uye ndakasununguka kubva mukutya, kunetsekana, mhosva, kupomera, kana kuvhunduka kukuru. Ndakarega kumisa kwangu miganhu yenguva uye ndavakukwanisa kumirira panaIshe. Uye ndinowana zviratidzo nguva zhinji zvesimba raIshe. Vanotuma ngoni nyoro, mashoko maduku ayo anotsinhira rudo rwavo kwandiri nokuvana vangu. Tarisiro dzangu dzakashanduka. Pane kutarisira kuti vana vangu vashanduke, ndinotarisira ngoni nyoro dzenguva zhinji idzi uye ndizere neruvongo kwavari. …

“Minamato yangu yashanduka. Ndinotaura rudo rwakanyanya kuwanda uye ndinovonga zvakanyanya kuwanda. … Ishe vanoshanda nenzira dzinoshamisa, uye zvirokwazvo ndizere nerunyararo urwo rwunopfuura nzwisiso dzose” (“muPrayer: A Small and Simple Thing,” At the Pulpit [2017], 288–89).

Dzidziso neZvibvumirano 83

“Shirikadzi nenherera dzichariritirwa.”

Muna Kubvumbi 1832, sekurairwa kwaakanga aitwa naIshe, Joseph Smith akafamba makiromita angada kusvika ku1288 kuti anoshanyira Vatendi vakanga vaungana muMissouri (ona Dzidziso neZvibvumirano 78:9). Apo paakanga ariko, akashanyira nzanga umo shirikadzi dzakati wandei madzakanga dzichirera vana vadzo dzega. Pakati pavo paiva naPhebe Peck naAnna Rogers, avo vaizikanwa neMuporofita pachake. MuMissouri muma1830, mitemo yenyika yaipa shirikadzi kodzero shoma kupfuma yevarume vavo vakafa. Chii chaunodzidza kubva muchikamu 83 pamusoro pemanzwiro anoita Ishe pamusoro peshirikadzi nenherera? Unoziva here mumwe munhu ari mumamiriro ezvinhu aya angabatsirika kubva murudo rwako kana kutaririra kwako? Ndedzipi dzimwe nzira dzaungakwanisa kugovera izvo zvaunazvo neshirikadzi, nherera, vanamai vasina varume, uye vamwe vanoshaya?

Onawo Muporofita Isaya 1:17; Jakobo 1:27.

­

mufananidzo wechikamu chevana 01

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 81:3

Ndinokwanisa kunamata kuna Mwari “ndichidudza uye nechemumwoyo [mangu].”

  • Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 81:3 nevana vako, vabatsire kufunga nezve nzvimbo “dzeruzhinji” uye “dzakavanzika” idzo dzavanokwanisa kunamata vari. Ungangoteererawo kana kuimba navo rwiyo pamusoro pemunamato sezvakaita “Secret Prayer” (Hymns, nhamba 144). Goveranai chimwe chinhu kubva kurwiyo rwacho icho chinodzidzisa chokwadi chakakosha pamusoro pemunamato. Munokwanisawo kutaura pamusoro pokutaura neruremekedzo kuna Baba Vokudenga.

  • Kuti ukurudzire vana vako kunamata mumwoyo yavo, unokwanisa kuvapa mwoyo yamapepa uye wovakoka kudhirowa kana kunyora chimwe chinhu chavanoda kunamata pamusoro pacho kuna Baba Vokudenga. Pupura kuti Baba Vokudenga vanoziva izvo zvatinofunga uye zvatinonzwa uye Vanokwanisa kunzwa minamato yedu kunyangwe kana tikasaitaura zvinonzikwa. Ungangogoverana navo chiitiko apo pawakanamata mumwoyo mako uye Baba Vokudenga vakakunzwa.

Dzidziso neZvibvumirano 81:5

Ishe vanoda kuti ndibatsire vanhu vanoshaiwa.

  • Navana vako, dhirowai mifananidzo yemaoko nemabvi, uye wokumbira vana vako kuti vawane nhengo dzemuviri muDzidziso neZvibvumirano 81:5. Chii chatiri kukumbirwa naIshe kuti tiite mundima iyi? Mungangogoverana dzimwe nzira idzo vanhu dzavakakusimbisa nadzo apo pawakanzwa “kushaya simba” kana “kurukutika.” Vhidhiyo “Pass It On” (ChurchofJesusChrist.org) inokwanisa kupa vana vako mazano pamusoro pamashandiriro avanoita vamwe. Munokwanisawo kuimba rumbo pamusoro pokushandira. ­ Funga pamusoro pokubatsira vana vako kuita chirongwa chokubatsira munhu mumwechete kana kupfuura anoshaiwa vhiki rino.

    2:3

    Pass It On

    Children around the world have taken President Thomas S. Monson's counsel to find a way to serve others.

  • Unokwanisawo kushandisa mifananidzo kana mavhidhiyo kutaura nyaya dzakareruka dzaJesu Kristu achishandira vamwe (ona mifananidzo iri muchidzidzo chino; Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, manhamba 41, 42, 46, 47, 55; kana rimwe reBible Videos muGospel Library). Tinokwanisa kutevera sei muenzaniso weMuponesi wokubatsira vamwe?

    Christ raising the daughter of Jairus
Jesu Kristu nemudzimai waAkaporesa

Tinokwanisa kunanavira kuvanhu vanoshaiwa sezvakaitwa neMuponesi.

Batsira vana vako kutambira femero yavo pachavo. Kudzidzisa zvinoreva zvakawanda kupfuura kungogovera chokwadi—zvinoreva kubatsira vamwe vanhu kuva vadzidzi vanozvifungira. Pane kungotaurira vana vako mashandiro avanokwanisa kuitira vamwe, semuenzaniso, vakurudzire kutsvaga nhungamiro yaIshe kuziva uyo wavangabatsira.

Dzidziso neZvibvumirano 82:10

Baba Vokudenga vanovimbisa maropafadzo apo pandinoedza nesimba kuVateerera.

  • Iwe navana munokwanisa kutsvaga muDzidziso neZvibvumirano 82:8–10 mhinduro kumubvunzo wokuti “Sei Baba Vokudenga vachitipa mirairo?” Ungangoda kubatsira vana vako kufunga mienzaniso yemirairo Yavo (ona, semuenzaniso, Eksodo 20:4–17; Mateo 22:37–39; Dzidziso neZvibvumirano 89:5–17). Zvingangobatsira kana iwe nevana vako mukawana kana kudhirowa mifananidzo inomiririra mimwe yacho. Mirairo yaBaba Vokudenga inotaridza sei rudo Rwavo kwatiri?

  • Pamwe mutambo wakareruka unozobatsira vana vako kuona mirairo yaMwari semaropafadzo, kwete mitoro. Munhu mumwechete anokwanisa kupa mirairidzo kubatsira mumwe munhu, uyo akavharwa maziso, kuti aite chimwe chinhu chakaita sokugadzira sangweji kana kudhirowa mufananidzo. Funga nezve chimwe chinhu chinonakidza uye chinoitwa neungwaru! Zvino taurai kuti mirairo yaMwari yakafanana sei nemirairidzo iri mumutambo uyu.

­

Jesu Kristu nemurume waakaporesa

Mufananidzo waJesu achiporesa murume, naDan Burr

peji yechiitwa yevana