“Chikunguru 28–Nyamavhuvhu 3: ‘Simba reHumwari’: Dzidziso neZvibvumirano 84,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Dzidziso neZvibvumirano 84,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Chikunguru 28–Nyamavhuvhu 3: “Simba reHumwari”
Dzidziso neZvibvumirano 84
Kubvira apo pakadzorerwa hupirisita muna 1829, Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vakaropafadzwa nesimba rinoera raIshe. Vakabhabhatidzwa, vakasimbiswa, uye vakadaidzwa kushandira nemvumo yehupirisita, sezvatinoitwa nhasi. Asi kukwanisa kuwana simba rehupirisita hachisi chinhu chimwechetecho sekunyatsorinzwisisa zvakakwana, uye Mwari vaive nezvakawanda zvaVaida kuti Vatendi Vavo vanzwisise—kunyanya nekuuya kwekudzorerwa kwezvisungo zvemutemberi. Zvakazarurwa pamusoro pehupirisita zva1832, izvo zvava iyezvino Dzidziso neZvibvumirano 84, zvakawedzera nzwisiso yeVatendi yeizvo hupirisita zvahwuri chaizvo. Uye zvinokwanisa kuita zvimwechetezvo kwatiri nhasi. Pamusoro pazvose, kune zvakawanda zvekudzidza pamusoro pesimba rehumwari rine “kiyi yeruzivo rwaMwari,” iro rinoratidza “simba rehumwari,”uye rinotigadzirira “kuona chiso chaMwari, kunyangwe Baba, uye tigorarama” (ndima 19–22).
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Dzidziso neZvibvumirano 84:17–32)
Ndinowana simba nemaropafadzo zvehupirisita hwaMwari.
Apo paunofunga nezve shoko rokuti hupirisita, chii chinouya mupfungwa? Simba raMwari rehupirisita rinoshandura upenyu hwako sei?
Mushure mokufungisisa mibvunzo iyi, ungangonzvera Dzidziso neZvibvumirano 84:17–32, uchitsvaga izvo Mwari zvavanoda kuti uzive pamusoro pesimba Ravo rehupirisita. Fungisisa mashandisiro aungaita ndima idzi kutsanangura hupirisita nechinangwa chahwo kune mumwe munhu.
Chimwe chinhu chaunozowana ndechokuti kuburikidza nezvisungo zvehupirisita “simba rehumwari rinoratidzwa” (ona ndima 19–21). Pamwe unokwanisa kudorongodza zvisungo zvehupirisita zvawakatora chinhanho mazviri (midorongodzwa iri muGeneral Handbook, 18.1, 18.2, inokwanisa kubatsira). Zvisungo izvi—nezvibvumirano zvinoenderana nazvo—zvakaunza simba raMwari muupenyu hwako sei? Upenyu hwako hungadai hwakaita sei dai zvanga zvisipo?
Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti: “Mudzimai woga woga nemurume woga woga uyo anoita zvibvumirano naMwari uye wochengeta zvibvumirano izvozvo, uye anotora chinhanho zvinekodzero muzvisungo zvehupirisita, anowana simba raMwari iye pachake” (“Spiritual Treasures,” Liahona, Mbudzi 2019, 77). Funga pamusoro pokunzvera shoko raMutungamiri Nelson, uchitsvaka nzira dzaunokwanisa “kukwevera simba reMuponesi muupenyu [hwako].”
Onawo Dziziso neZvibvumirano 25:10, 13, 15; 121:34–37, 41–46; Topics and Questions, “Priesthood,” “Joseph Smith’s Teachings about Priesthood, Temples, and Women,” Gospel Library; General Handbook, 3.6, Gospel Library.
Dzidziso neZvibvumirano 84:31–44
Hupirisita hwunowanikwa nemhiko nechibvumirano.
Mhiko nechibvumirano chehupirisita (ona Dzidziso neZvibvumirano 84:31–44) chine kushanda kwakakosha kuvanakomana vaBaba Vokudenga avo vanogadzwa kuchigaro chehupirisita, asi mazhinji emaropafadzo akavimbiswa mundima idzi anowanikwa nevana vaMwari vose. Ndedzipi vimbiso idzi, uye chii icho Mwari chavanotikumbira kuita kuti tidzigamuchire?
Gosa Paul B. Pieper vakadzidzisa kuti, “Zvinoshamisa kuti mumhiko nechibvumirano chehupirisita [ona Dzidziso neZvibvumirano 84:31-44], Ishe vanoshandisa mashoko echiito okuti wana uye gamuchira. Havashandisi shoko rechiito rokuti gadza. Mutemberi ndimo umo varume nemadzimai—pamwechete—mavanowana nokugamuchira maropafadzo ehwose hupirisita hwaAroni nehwaMerkizedeki” (“Revealed Realities of Mortality,” Ensign, Ndira. 2016, 21).
Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 84: 31–44, fungisisa izvo zvazvingareva, “kuwana” uye “kugamuchira” hupirisita. Izvi zvakasiyana sei nokugadzwa kuchigaro chehupirisita? Chii chimwe icho Ishe chavanokukoka kuti ugamuchire mundima idzi? Uri kuita izvozvo sei?
Chii chaunowana icho chinokukurudzira kuti uve wakanyanya kutendeka mukugamuchira Muponesi, Baba Vake, varanda Vake, uye nesimba rehupirisita Rake?
Dzidziso neZvibvumirano 84:43–61
Kurarama neshoko raMwari kunounza chiedza uye chokwadi muupenyu hwangu.
Ndezvipi zvokwadi zvaunowana muDzidziso neZvibvumirano 84:43–61 izvo zvinokubatsira kunzwisisa chikonzero chaunofanira kunzvera shoko raMwari nguva dzose? Cherechedza musiyano pakati pechiedza nerima mundima idzi; “kuteerera noushingairi kumashoko eupenyu hwokusingaperi” kwako kwakaunza sei chiedza, chokwadi, uye “Mweya waJesu Kristu” muupenyu hwako? (ndima 43, 45).
Onawo 2 Nifai 32:3.
Dzidziso neZvibvumirano 84:62–91
Ishe vanozova neni pandinenge ndiri mumushando Wavo.
Apo paunoverenga ndima idzi, unokwanisa kudoma nzira idzo Ishe dzavakati Vanozotsigira nadzo varanda Vavo. Vimbiso idzi dzingashanda sei kubasa raVakakukumbira kuti uite? Semuenzaniso, vimbiso dziri mundima 88 dzakazadzikiswa sei muupenyu hwako?
Dzidziso neZvibvumirano 84:106–110
Munhu wose anokwanisa kubatsira mubasa raMwari.
Chii chaunodzidza kubva pandima idzi pamusoro pamazadzikisiro anoita Ishe basa Ravo? Ndeipi rairo nemaropafadzo zvaunowana? Ungangofungawo pamusoro “pemasimbisirwo awakaitwa muunyoro hwose” nokuda kwokuti wakashandira nemumwe munhu uyo “aiva akasimba muMweya,” kusanganisira vanhu vari mumhuri yako.
Mazano eKudzidzisa Vana
Dzidziso neZvibvumirano 84:4–5
Zvisungo zvemutemberi zvinondibatsira kugadzirira kunogara naBaba Vokudenga zvakare.
-
Kuti ubatsire vana vako kutarisira kuenda kutemberi, unokwanisa kugadzira pazuru kubva mumufanidzo wetemberi. Kuseri kwechidimbu choga choga, unokwanisa kunyora chimwe chinhu chatinoita mutemberi, sezvakaita kubhabhatidzirwa madziteteguru edu, kusunganidzwa kumhuri dzedu, uye kuita zvibvumirano naMwari. Verenga Dzidziso neZvibvumirano 84:4–5 nevana vako, uye wovakumbira kuteerera kune izvo Ishe zvavakaraira Vatendi kuti vavake. Apo iwe navana vako pamunoisa pazuru pamwechete, goveranai zvimwe zvinhu zvatinokwanisa kuita kugadzirira kupinda mutemberi.
Dzidziso neZvibvumirano 84:19–22
Ndinokwanisa kugamuchira simba raBaba Vokudenga kuburikidza nezvisungo zvehupirisita.
-
Kuti ubatsire vana vako kunzwisisa kuti chisungo chii, funga pamusoro pokutarisa navo pamifananidzo yezvisungo zvehupirisita zvakati wandei, sezvakaita Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 103–8, kana peji yechiitwa yevhiki rino. Vakumbire kutsanangura zviri kuitika mumufananidzo woga woga. Munokwanisa zvino kuverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 84:19–22. Sei Baba Vokudenga vachida kuti tigamuchire zvisungo izvi? Taurira vana vako manzwiro awakaita simba raMwari nokuda kwezvisungo zvawakagamuchira uye zvibvumirano zvawakaita. (Onawo “Priesthood Power, Authority, and Keys” muchiwedzerwa A kana chiwedzerwa B.)
Ndiri shamwari yaJesu apo pandinoMutevera.
-
Mushure mokuverenga Dzidziso neZvibvumirano 84:77 pamwechete, bvunza vana vako pamusoro pezvazvinoreva kuva shamwari. Ungangotaura pamusoro peshamwari dzakanaka dzawakava nadzo. Jesu anotiratidza sei kuti Anoda kuti tive shamwari Dzake? Tinokwanisa kuratidza sei kuti isu ndizvo zvatinodawo? Rumbo rwakaita serwokuti “I’m Trying to Be like Jesus” (Children’s Songbook, 78–79) runokwanisa kubatsira nenhaurirano iyi.
Baba Vokudenga vanobatsira varanda Vavo.
-
Vana vako vangangonakidzwa nokunzwa pamusoro pekuti vashumiri vakakubatsira sei iwe, mhuri yako, kana madziteteguru kugamuchira vhangeri. Zvino unokwanisa kuverenga pamusoro pevimbiso yakakosha Ishe yavakaita kuvashumiri muDzidziso neZvibvumirano 84:88. Pamwe vana vako vanokwanisa kufunga nezve zviito izvo zvinoenderana nendima iyi. Funga kugovera pamusoro penguva iyo yawaishandira Ishe uye ukanzwa kuti Vaiva newe, sokutsanangurwa kwazvakaitwa mundima 88. Ungangobatsirawo vana vako kufunga nezve nzira dzavanokwanisa kuva vashumiri iyezvino. Pupura kuti Baba Vokudenga vanotibatsira kuziva izvo zvokutaura apo patinotaura nevamwe pamusoro paJesu Kristu.