Testamente Itsva 2023
Kukadzi 13–19. Mateo 5; Ruka 6: “Makaropafadzwa Imi”


“Kukadzi 13–19. Mateo 5; Ruka 6: ‘Makaropafadzwa Imi,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kukadzi 13–19. Mateo 5; Ruka 6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Jesu achidzidzisa pagomo

Jesus Preaching Sermon on the Mount [Jesu Achiparidza Mharidzo paGomo], naGustave Doré

Kukadzi 13–19

Mateo 5; Ruka 6

“Makaropafadzwa Imi”

Cherechedza manzwiro aunogamuchira apo paunoverenga Mateo 5 uye Ruka 6, uye woanyora mujenari raunonyora zvaunonzvera kana kuarekodha neimwe nzira. Chidzidzo chino chinokwanisa kukubatsira kuziva mimwe misimboti yakakosha muzvitsauko izvi, asi iva nechido chekufunga pamusoro pemimwe misimboti yakakosha yaunowana mukunzvera kwako.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Panguva ino muhushumiri Hwake, zvaiva pachena kuti dzidziso dzaJesu dzaizova dzisina kufanana neidzo vanhu venguva Yake dzavaiwanzonzwa. Varombo vanozogamuchira humambo hwaMwari? Vanyoro vanozogara nhaka yenyika? Vakaropafadzwa vanotambudzwa? Vanyori nevaFarisi vaiva vasingadzidzise zvinhu zvakadaro. Asi zvakadaro avo vainzwisisa zvechokwadi mutemo waMwari vakaziva chokwadi mumashoko eMuponesi. “Ziso rinotsiviwa neziso” uye “uvenge muvengi wako” yaiva mitemo midiki (Mateo 5:38, 43). Asi Jesu Kristu akanga auya kuzodzidzisa mutemo wepamusoro (ona 3 Nifai 15:2–10), uyo wakagadzirirwa kutibatsira kuti rimwe zuva tive “vakakwana, saBaba [vedu] vari kudenga vakakwana” (Mateo 5:48).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 5:1–12; Ruka 6:20–26, 46–49

Mufaro usingaperi unouya kubva pakurarama nenzira yakadzidziswa naJesu Kristu.

Munhu wose anoda kufara, asi haasi munhu wose anotsvaga mufaro munzvimbo dzimwechetedzo. Vamwe vanoutsvaga musimba uye muchinzvimbo chepanyika, vamwe mupfuma kana mukugutsa havi dzepanyama. Jesu Kristu akauya kuzodzidzisa nzira yekumufaro usingaperi, kuzodzidzisa zvazvinoreva pachokwadi kuva wakaropafadzwa. Chii chaunodzidza pamusoro pekuwana mufaro usingaperi kubva muna Mateo 5:1–12 uye Ruka 6:20–26? Izvi zvakasiyana sei nemaonero anoita nyika mufaro.

Ndima idzi, pamwechete naRuka 6:46–49, dzinokudzidzisa chii pamusoro pekuva mudzidzi waJesu Kristu? Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti ukudziridze hunhu hwakatsanangurwa mundima idzi?

Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Mharidzo.”

Mateo 5:13

“Imi muri munyu wenyika.”

Munyu wakagara uchishandiswa kwenguva refu pakuchengetedza, kurunga uye nekuchenesa. Munyuwo wakanga uine zvawaireva pachitendero kuvaIsraeri. Waiva wakabatanidzwa netsika yechinyakare yezvipiriso zvemhuka pasi pemutemo waMosesi (ona Revitiko 2:13; Numeri 18:19). Apo munyu paunodurungunda, unobva washaya basa, kana kuti “hauchabatsiri chinhu” (Mateo 5:13). Izvi zvinoitika kana wasanganiswa kana kusvibiswa nezvimwe zvinhu.

Chengeta izvi mupfungwa apo paunofungisisa Mateo 5:13. Unozochengeta sei runako rwako semudzidzi waJesu Kristu? Unozozadzikisa sei basa rako rekuchengetedza uye rekuchenesa semunyu wepasi pano?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 103:9–10.

Mufananidzo
munyu

“Imi muri munyu wenyika” (Mateo 5:13).

Mateo 5:17–48; Ruka 6:27–35

Mutemo waKristu unotora nzvimbo yemutemo waMosesi.

Vadzidzi vanogona kunge vakashamisika kunzwa Jesu achiti ururami hwavo hwaifanira kudarika uhwo hwevanyori nevaFarise (ona Mateo 5:20), avo vaizvikudza nemachengetero akanaka avaita mutemo waMosesi.

Apo paunoverenga Mateo 5:21-48 uye Ruka 6:27-35, funga pamusoro pekumaka zvose hunhu hwaidikanwa mumutemo waMosesi (“Makazvinzwa kuti …”) uye neizvo Jesu zvaakadzidzisa kusimudzira hunhu uhwu. Sei uchifunga kuti nzira yeMuponesi ndiyo mutemo wepamusoro?

Semuenzaniso, Jesu akadzidzisa chii muna Mateo 5:27-28 pamusoro pebasa redu mukudzora pfungwa dzedu? Ungakwanisa sei kuwana simba rakanyanya pamusoro pepfungwa nemanzwiro zvinouya mundangariro nemumwoyo mako? (ona Dzidziso neZvibvumirano 121:45).

 

Mateo 5:48

Baba Vokudenga zvechokwadi vanonditarisira here kuti ndive akarurama?

Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti:

“Shoko rekuti perfect [kururama] rakadudzirwa kubva mushoko rechiGiriki rinoti teleios, zvinoreva kuti complete ‘[kuzara].’ … Chivakashure cheshoko rechiito nditeleiono, izvo muchiGiriki zvinoreva kuti ʻkusvika kumagumo ari kure, kukudziridzwa zvakazara, kuzara, kana kupedza.ʼ Tapota cherechedza kuti shoko iri harireve ʻrusununguko kubva pachikanganisoʼ; rinoreva ʻkubudirira pachinangwa chekure.ʼ …

“… Ishe vakadzidzisa kuti, ‘Imi hamugoni kugara pamberi paMwari ikozvino …; nokudaro, rambai muine mwoyo murefu kudakara mave vakakwana’ [Dzidziso neZvibvumirano 67:13].

“Hatifanire kuora mwoyo kana kuyedza kwedu kwechokwadi kwakananga kuururami ikozvino kuchiita sekwakaoma uye kusingaperi. Ururami huri kuuya. Hunokwanisa kuuya zvizere chete mushure meKumuka Kuvakafa uye chete kuburikidza naIshe. Hunomirira vose vanomuda uye vanochengeta mirairo yake” (“Perfection Pending,” Ensign, Mbudzi 1995, 86, 88).

Onawo 2 Petro 1:3–11; Moroni 10:32–33; Dzidziso neZvibvumirano 76:69.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 5:1–9.Ndeipi misimboti yakadzidziswa muna Mateo 5: 1–9 inokwanisa kubatsira imba yako kuva nzvimbo inonyanya kufarwa? Unogona kusarudza mumwechete kana miviri inoratidzika kuva yakanyanya kukosha kumhuri yako. Semuenzaniso, ndedzipi dzidziso dzatinowana dzinokwanisa kutibatsira kuva vanhu vanoita kuti pave norunyararo? (ona Mateo 5:21–25, 38–44). Zvinangwa zvipi zvatingakwanisa kumisa? Tinozozviita sei?

Mateo 5:13.Idyai pamwechete zvokudya zvakarungwa nemunyu uye modya zvokudya zvimwechetezvo zvisina munyu. Musiyano upi watinoona? Zvinorevei kuva “munyu wenyika”? Tingakwanisa sei kuita izvi?

Mateo 5:14–16.Kuti ubatsire mhuri yako kuti inzwisise zvazvinoreva kuva “chiedza chenyika,” unokwanisa kutsvaga zvimwe zvinounza chiedza mumba menyu, munharaunda yako, uye nemunyika? Zvingangobatsira kuratidza izvo zvinoitika apo paunovanza mwenje. Jesu airevei apo paAkati, “Imi muri chiedza chenyika” ? (Mateo 5:14). Ndiyani anga ari sechiedza kumhuri yedu? Tingakwanisa sei kuva chiedza kuna vamwe? (ona 3 Nifai 18:16, 24–25).

Mateo 5:43–45.Apo mhuri yako painoverenga mashoko eMuponesi mundima idzi, munogona kutaura pamusoro pekuti ndiyani, chaiye, wamunonzwa kuti munokwanisa kuda, kuropafadza, nekunamatira. Tingakwanisa sei kuwedzera rudo rwedu kwavari?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ita Zvakanaka,” Nziyo nedzeVana vaVadiki, 66.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Iva unocherechedza. Apo paunocherechedza zviri kuitika muupenyu [hwevana vako], unozowana mikana yakanakisisa yekudzidzisa. … Pfungwa idzo [dzavanopa] kana mibvunzo yavanobvunza zvinokwanisawo kutungamirira kunguva dzekudzidzisa ” (Teaching in the Savior’s Way16).

Mufananidzo
kenduru

“Muri chiedza chenyika” (Mateo 5:14).

Dhinda