Testamente Itsva 2023
Kukadzi 6–12. Johane 2–4: “Munofanira Kuberekwa Patsva”


“Kukadzi 6–12. Johane 2–4: ‘Munofanira Kuberekwa Patsva,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kukadzi 6–12. Johane 2–4,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Kristu achitaura naNikodimo

Kukadzi 6–12

Johane 2–4

“Munofanira Kuberekwa Patsva”

Apo paunoverenga Johane 2–4, Mweya unozokudzidzisa zvinhu pamusoro porutendeuko rwako pachako. Nyora pasi kurudziro Dzake. Ungangowana dzimwe nzwisisiso dzezvepamweya kubva mumazano okunzvera ari muchirongwa chino.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Pamabiko emuchato muKana, Kristu akashandura mvura kuiita waini—chiitiko icho Johane chaakadaidza kuti “kutanga kwezvishamiso” (Johane 2:11). Ichi ichokwadi nenzira dzinopfuura imwechete. Apo ichi chaiva chishamiso chokutanga Jesu chaakaita zviri pachena, chinokwanisawo kuratidza mamwe mavambo anoshamisa—mutoo wekushandurwa kwemwoyo yedu apo patinenge tichinyanya kuva seMuponesi wedu. Chishamiso ichi choupenyu hwose chinotanga nesarudzo yokutevera Jesu Kristu, kushandura nokurarama upenyu hwuri nani kuburikidza Naye. Chishamiso ichi chinokwanisa kuva chinoshandura upenyu zvokuti “kuberekwa patsva” ndiyo imwe yenzira dzakanakisisa yokuchitsanangura (Johane 3:7). Asi kuberekwazve angori mavambo enzira youdzidzi. Mashoko aKristu kumudzimai weSamaria patsime anotiyeuchidza kuti kana tikaenderera mberi nemunzira iyi, pokupedzisira vhangeri rinozova “tsime remvura” mukati medu, “inovaira kuupenyu hwusingaperi”, (Johane 4:14).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Johane 2:1–11

Zvishamiso zvaJesu Kristu “akaratidza kubwinya kwake.”

Apo paunoverenga pamusoro peMuponesi achishandura mvura kuita waini muna Johane 2:1–11, ungangowana imwe nzwisiso kuburikidza nokufunga pamusoro pamaonero avanhu vakasiyana siyana avo vaivapo, kusanganisira Maria, vadzidzi, uye navamwe. Dai wakanga wakaona zviitiko zvakatsanangurwa pano, manzwiro ako nezva Jesu aizenge ari api? Chishamiso ichi chinokudzidzisa chii pamusoro Pake?

Johane 3:1–21

Ndinofanira kuberekwa patsva kuitira kuti ndipinde muumambo hwaMwari.

Apo Nikodimo paakauya kuna Jesu muchivande, aiva ari mucherechedzi akachenjerera. Pashure, zvisinei, akarwira Jesu zviri pachena (ona Johane 7:45–52) uye akabatana navatendi pakuvigwa kweMuponesi (ona Johane 19:38–40). Ndedzipi dzidziso dzaunowana muna Johane 3:1–21 idzo dzingangova dzakakurudzira Nikodimo kutevera Jesu uye kuberekwa patsva?

Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti, “kuberekwa patsva, kunouya neMweya waMwari kuburikidza nezvisungo” (Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith [2007], 95). Ndechipi chinhanho icho rubhabhatidzo norusimbiso rwako—“kuberekwa nemvura noMweya” (Johane 3:5)—chazvakatora mukuberekwa patsva kwako? Chii chauri kuita kuti uenderere mberi nenzira iyi yorushanduko? (ona Aruma 5 11–14).

Onawo Mosaya 5:7; 27:25–26.

Johane 3:16–17

Baba Vokudenga vanoratidza rudo Rwavo kwandiri kuburikidza naJesu Kristu.

Gosa Jeffrey R. Holland vakadzidzisa kuti, “Chokwadi chikuru chokutanga chokusingaperi kwose ndechekuti Mwari vanotida isu nemwoyo Wavo wose, kugwinya Kwavo kwose, pfungwa Dzavo dzose, uye nesimba Ravo rose” (“Tomorrow the Lord Will Do Wonders among You,” Liahona, Chivabvu 2016, 127). Wakanzwa sei rudo rwaMwari kuburikidza nechipo cheMwanakomana Wavo?

Sakaramende inopa nguva yokufungisisa parudo rwaMwari uye nechipo cheMwanakomana Wavo. Ndedzipi nziyo dzesakaremende dzinokubatsira kunzwa rudo urwu? Chii chaunokwanisa kuita kuti sakaremende inyanye kureva chinhu?

Apo paunoenderera mberi nokuverenga pamusoro pedzidziso nehushumiri hwoMuponesi, zvibvunze kuti zvinhu zvaunoverenga zvinokubatsira sei kunzwisisa uye kunzwa rudo rwaMwari.

Johane 4:24

Mwari mweya here?

Vamwe vangangovhiringidzwa neshoko raJesu rokuti Mwari mweya. Dudziro yaJoseph Smith yendima iyi inopa jekeso yakakosha inoti “Nokuti kuna vakadaro Mwari vakavimbisa Mweya wavo” (zviri muDudziro yaJoseph Smith Johane 4:26 muNhungamiro kuMagwaro Matsvene). Zvakazarurwa zvamazuva ano zvinodzidzisawo kuti Mwari vane muviri wenyama namapfupa (ona Dzidziso neZvibvumirano 130:22–23; onawo Genesi 5:1–3; VaHeberu 1:1–3).

Johane 4:5–26

Kristu anondipa mvura mhenyu Yake.

Chii icho chingava chairehwa naJesu apo paakaudza mudzimai weSamaria kuti ani nani anonwa mvura yaAnopa iye haazombovi nenyota zvakare? Vhangeri rakaita semvura mhenyu sei?

Mufananidzo
rwizi rwemvura

Vhangeri raKristu ndiro mvura mhenyu iyo inopa zvokudya kumweya yedu.

Rimwe ramashoko eMuponesi kumudzimai weSamaria raiva rokuti manamatiro atinoita akanyanya kukosha kupfuura uko kwatinonamata tiri (ona Johane 4:21–24). Chii chauri kuita kuti “unamate Baba mumweya nemuzvokwadi”? (Johane 4:23).

Onawo Nhungamiro kuMwagwaro Matsvene, “Kunamata,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Johane 2–4.Apo mhuri yako painoverenga zvitsauko izvi vhiki ino, nyatsocherechedzai mashandisiro anoita Muponesi zvinhu zvamazuva ose—kuzvarwa, mhepo, mvura, uye zvokudya—kudzidzisa zvokwadi zvepamweya. Ndezvipi zvinhu zviri mumba menyu zvaunokwanisa kushandisa kudzidzisa zvokwadi zvepamweya.

­

Johane 2:13–17.Ndedzipi runziro dzisina kururama idzo mhuri yenyu dzainofanira kuchengeta kunze kweimba yenyu kuitira kuti igova nzvimbo inoera—sezvakaita temberi? Chii chaunozoita kuchengeta zvinhu izvozvo zviri kunze?

Johane 3:1–6.Taura nemhuri yako pamusoro pechishamiso chenhumbu uye nokuzvara—mutoo wokusika munhu mupenyu, anouchenjeri. Jesu akadzidzisa kuti tinofanira kuzvarwazve tisati tapinda muumambo hwaMwari. Sei kuzvarwazve riri dimikira rakanaka kushanduro inodikanwa kubva kwatiri tisati takwanisa kupinda muumambo hwaMwari? Tinokwanisa sei kuva nechiitiko chemutoo wekuzvarwazve?

Johane 3:16–17.Koka nhengo dzemhuri kuti vataurezve ndima idzi mumashoko avo pachavo sokunge vari kudzitsanangura kushamwari. Jesu Kristu akatibatsira sei kunzwa rudo rwaMwari?

Johane 4:5–15.Chii icho Muponesi chaaitidzidzisa apo paAkaenzanisa vhangeri Rake nemvura mhenyu? Pamwe mhuri yenyu inokwanisa kutarisa mvura inoyerera uye votsanangura chimiro chemvura. Sei tichifanira kunwa mvura zuva roga roga? Inzira dzipi idzo vhangeri raJesu Kristu radzakafanana “netsime remvura, inovaira kuupenyu husingaperi”? (Johane 4:14).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Hungwaru neRudo Rukurusa,” Nziyo nedzeVana Vadiki,, peji 37.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaga zviratidzo. Magwaro matsvene kazhinji anoshandisa zvinhu, zviitiko, kana zviito kumiririra zvokwadi zvepamweya. Zviratidzo izvi zvinokwanisa kukudziridza nzwisiso yako yedzidziso iri kudzidziswa. Somuenzaniso, Muponesi akafananidza rutendeuko nekuzvarwazve.

Mufananidzo
Jesu nemudzimai muSamaria patsime

Living Water [Mvura Mhenyu], naSimon Dewey

Dhinda