Testamente Itsva 2023
Ndira 30–Kukadzi 5. Mateo 4; Ruka 4–5: “Mweya waIshe Uri pamusoro Pangu”


“Ndira 30–Kukadzi 5. Mateo 4; Ruka 4–5: ‘ Mweya waIshe Uri pamusoro Pangu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Ndira 30–Kukadzi 5. Mateo 4; Ruka 4–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Jesu akamira murenje

Into the Wilderness (Kuenda Murenje),, naEva Koleva Timothy

Ndira 30–Kukadzi 5

Mateo 4; Ruka 4–5

“Mweya waIshe Uri pamusoro Pangu”

Muponesi aishandisa magwaro matsvene zvose kukunda zviedzo zvaSatani uye nokupupura nezve basa rehumwari Rake pachake (ona Ruka 4:1–21). Fungisisa pamusoro pokuti magwaro matsvene anokwanisa sei kusimbisa rutendo noushingiriri hwako kukunda chiedzo.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kubvira pahuduku Hwake, Jesu airatidzika kuziva kuti Akanga aine basa rakasiyana uye rinoera. Asi apo Jesu paaigadzirira kutanga hushumiri Hwake hwapanyika, muvengi akatsvaka kusima kusava nechokwadi mupfunga dzeMuponesi. “Kana uri Mwanakomana waMwari,” Satani akataura (Ruka 4:3, runyoro rwakarereka rwakawedzerwa). Asi Muponesi akanga ataurirana naBaba Vake vari Kudenga. Aiziva magwaro matsvene, uye Aiziva kuti Iye aiva ani. Kwaari, chipo chaSatani chokuti—“Ndichakupa simba iri rose” (Ruka 4:6)—chaiva chisina maturo, nokuti gadziriro yeMuponesi youpenyu hwose yakaMubvumira kugamuchira “simba roMweya” (Ruka 4:14). Saka zvisinei nechiedzo, miyedzo, uye nokurambwa, Jesu Kristu haana kumbozungunuka kubva pabasa Rake raaiva apuwa: “Ndinofanira kuparidza ushe hwaMwari … nokuti ndizvo zvandakatumirwa” (Ruka 4:43).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 4:1–2

Kutaurirana naMwari kunondigadzirira kuVashandira.

Kuitira kugadzirira basa Rake, Jesu akaenda murenje “kuti anova naMwari” (Dudziro yaJoseph Smith, Mateo 4:1 [muna Mateo 4:1, noti yapazasi b]). Funga pamusoro pezvaunoita kuti unzwe kuva pedyo naMwari. Izvi zvinokugadzirira sei kubasa raVanoda kuti uite?

Mateo 4:1–11; Ruka 4:1–13

Jesu Kristu akamisa muenzaniso kwandiri nokukunda chiedzo.

Dzimwe nguva vanhu vanonzwa mhosva apo pavanoedzwa kuti vaite chivi. Asi kunyangwe Muponesi, uyo akararama “asina zvivi” (VaHeberu 4:15), akaedzwa. Jesu Kristu anoziva zviedzo zvatinotarisana nazvo uye mabatsiriro aanotiita kuzvikunda (ona VaHeberu 2:18; Aruma 7: 11–12).

Apo paunoverenga Mateo 4 1–11 uye Ruka 4:1–13, chii chaunodzidza icho chinokwanisa kukubatsira apo paunotarisana nezviedzo? Unokwanisa kunyora pfungwa dzako mutebhuru yakaita seino iyi:

Jesu Kristu

Ini

Jesu Kristu

Satani akaedza Kristu kuita chii?

Ini

Satani anondiedza kuita chii?

Jesu Kristu

Kristu akagadzirira sei kukunda chiedzo?

Ini

Ndinokwanisa kugadzirira sei kukunda chiedzo?

Ndedzipi dzimwe nzwisiso dzaunowana kubva kuDudziro yaJoseph Smith yaMateo 4? (ona manotsi apazasi mose muna Mateo 4).

Onawo 1 VaKorinte 10:13; Aruma 13:28; Mosesi 1:10–22; Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Chiedzo,” topics.ChurchofJesusChrist.org.

Ruka 4:16–32

Jesu Kristu ndiye Mesiasi akaporofitwa.

Kana ukabvunzwa kutsanangura izvo Jesu Kristu zvaakatumwa panyika kuzoita, unozoti chii? Nokutapa humwe huporofita hwaIsaya pamusoro paMesiasi, Muponesi akatsanangura zvimwe zvikamu zvebasa Rake pachake (ona Ruka 4:18–19; Muporofita Isaya 61: 1–2). Chii chaunodzidza pamusoro pebasa Rake apo paunoverenga ndima idzi?

Ndedzipi dzimwe nzira idzo Muponesi dzaanokukoka nadzo kutora chinhanho mubasa Rake?

Mufananidzo
Jesu akamira musinagoge

Kunyangwe zvazvo vaJuda vakanga vakamirira kwamazana amakore kuti huporofita hwaIsaya hwuzadzikiswe, vakawanda havana kutambira kuti Jesu aiva Mesiasi apo paAkavazivisa achiti “Nhasi rugwaro rutsvene urwu rwaitika munzeve dzenyu” (Ruka 4:21). Apo paunoveranga Ruka 4:20–30 (onawo Marko 6:1–6, edza kuzviisa munzvimbo yavaNazareta. Pane chimwe chinhu here chingakudzivirira kubva mukutambira zvakazara Kristu semuMoponesi wako pachako?

Onawo Mosaya 3:5–12

Mateo 4:18–22; Ruka 5:1–11

Apo pandinovimba muna Ishe, Vanokwanisa kundibatsira kusvika pakwaniso yangu yehumwari.

Mutungamiri Ezra Taft Benson vakadzidzisa kuti, “Varume namadzimai avo vanokumikidza upenyu hwavo kuna Mwari vanozoona kuti Vanokwanisa kuita zvakanyanya kuwandisa noupenyu hwavo kupfuura zvavanokwanisa ivo” (Teachings of Presidents of the Church: Ezra Taft Benson [2014], 42). Cherechedza maitikiro akaita izvi kuna Simoni Petro navamwe vabati vehove vake. Jesu akaona chimwe chinhu chikurusa mavari kupfuura zvavaiona mavari pachavo. Aida kuvaita “vabati vavanhu” (Mateo 4:19; onawo Ruka 5:10).

Apo paunoverenga Mateo 4:18–22 uye Ruka 5:1–11, fungisisa pamusoro peizvo Jesu Kristu zvaari kukubatsira kuti uve. Wakanzwa sei Achikukoka kuti uMutevere? Unokwanisa kuratidza Ishe sei kuti unoda kusiya zvinhu zvose kuti uMutevera: (ona Ruka 5:11).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 4:1–2; Ruka 4:1–2.Inzwisiso dzipi dzatinowana kubva mutsananguro iyi pamusoro pesimba rokutsanya? ­ Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana zviitiko izvo zvavakava nazvo nokutsanya. Pamwe nomunamato munokwanisa kuita zvirongwa zvokutsanya pamwechete kuitira chimwe chinangwa.

Mateo 4:3–4; Ruka 4:3–4.Apo Satani paakaedza Kristu kuti ashandure ibwe kuriita chingwa, akapikisa hunhu hwehumwari hwaKristu nokutaura kuti, “Kana uri Mwanakomana waMwari” (Mateo 4:3, runyoro rwakarereka rwakawedzerwa). Sei Satani achiedza kutiita kuti tisava nechokwadi nehunhu hwedu hwehumwari—uye nehwe Muponesi? Anoedza kuita izvi sei? (Onawo Mosesi 1:10–23).

Dudziro yaJoseph Smith, Mateo 4:11.Mushure mokunge Jesu aedzwa panyama uye napamweya, pfungwa Dzake dzakatendeukira kuzvidikanwi zvaJohane Mubhabhatidzi, uyo aiva ari mutirongo: “Uye zvino Jesu aiziva kuti Johane aiva akandwa mutirongo, uye akatumira ngirozi, uye, tarisai, dzakauya uye dzikashumira kwaari [Johane]” Dudziro yaJoseph Smith, Mateo 4:11 [muna Mateo 4:11, noti yapazasi a). Tinoropafadzwa sei apo patinotevera muenzaniso waKristu wokufunga nezva vamwe?

Ruka 4:16–21.Tinoziva here mumwe munhu akatyorwa mwoyo kana anoda “kusunungurwa”? (Ruka 4:18). Tingakwanise sei kubatsira vamwe kugamuchira ruporeso uye norusununguro rweMuponesi? Mungangokurukurawo kuti kuita zvisungo zvemutemberi kunobatsira sei kuunza “rusununguko kuvakatapwa” (Ruka 4:18).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Rarama vhangeri raJesu Kristu. “Pamwe chinhu chakanyanyisa kukosha chaunokwanisa kuita [somubereki kana mudzidzisi] ndeche … kurarama vhangeri nemwoyo wako wese. … Iyi ndiyo nzira huru yokukodzera hufambidzani hweMweya Mutsvene. Haufanire kuva wakarurama, kungoedza neushingairi hwakasimba—uye nokutsvaga ruregerero kuburikidza neRudzikinuro rweMuponesi apo pose paunogumburwa” (Teaching in the Savior’s Way13).

Mufananidzo
Jesu achidaidza vaApositora kuti vave vabati vavanhu

Christ Calling the Apostles James and John (Kristu Achidaidza vaApositora Jakobo naJohane), Edward Armitage (1817–96)/Sheffield Galleries and Museums Trust, UK/© Museums Sheffield/The Bridgeman Art Library International

Dhinda