Testamente Itsva 2023
Ndira 23–29. Mateo 3; Marko 1; Ruka 3: “Gadzirirai Imi Nzira yaIshe”


“Ndira 23–29. Mateo 3; Marko 1; Ruka 3: ‘Gadzirirai Imi Nzira yaIshe,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Ndira 23–29. Mateo 3; Marko 1; Ruka 3,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Johane Mubhabhatidzi achibhabhatidza Jesu

Hwindo rine girazi rine mufananidzo muTemberi yeNauvoo Illinois, naTom Holdman

Ndira 23–29

Mateo 3; Marko 1; Ruka 3

“Gadzirirai Imi Nzira yaIshe.”

Tanga nokuverenga Mateo 3; Marko 1; uye Ruka 3. Apo paunonamatira kuti Mweya Mutsvene ukubatsire kunzwisisa zvitsauko izvi, Anozokupa nzwisiso dzinova dzako pachako. Nyora pasi manzwiro aya, uye ita zvirongwa zvokuita chinhu paari.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Jesu Kristu nevhangeri Rake vanokwanisa kukushandura. Ruka akatapa huporofita hwechinyakare hwaIsaya uhwo hwakatsanangura shanduro iyo kuuya kweMuponesi yainozova nayo: “Mipata yose ichafusirwa, makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; zvakakombama zvicharuramiswa, pasakaenzana pachaitwa nzira dzakaenzaniswa” (Ruka 3:5; onawo Muporofita Isaya 40:4). Iri ishoko kwatiri tose, kusanganisira avo vanofunga kuti havakwanisi kushanduka. Kana chimwe chinhu chiripo zvachose segomo chichikwanisa kuputswa kuenzana napasi, zvino zvirokwazvo Ishe vanokwanisa kutibatsira kururamisa nzira dzedu pachedu dzakakombama (ona Ruka 3:4–5). Apo patinotambira kukoka kwaJohane Mubhapatidzi kuti titendeuke uye tishanduke, tinogadzirira pfungwa dzedu uye mwoyo yedu kugamuchira Jesu Kristu kuitira kuti isuwo tikwanise “kuona ruponeso rwaMwari” (Ruka 3:6).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Ndiani aiva Marko?

Pakati pavanyori vemaVhangeri, tinoziva zvishomasa pamusoro paMarko. Tinoziva kuti aiva mufambidzani pahushumiri waPauro, Petro, uye navamwe vashumiri vakati wandei. Vadzidzi vakawanda vebhaibheri vanotenda kuti Petro akaraira Marko kuti anyore pasi zviitiko zveupenyu hweMuponesi. Vhangeri raMarko pamwe rakanyorwa mamwe matatu acho asati anyorwa.

Onawo Nhungamiro kuMagwaro “Marko.”

Mateo 3:1–12; Marko 1:1–8; Ruka 3:2–18

Rutendeuko rushanduko rukuru rwepfungwa nemwoyo.

Basa raJohane muBabhabhatidzi raiva rokugadzirira mwoyo yavanhu kugamuchira Muponesi uye kuva saIye zvakanyanya. Akazviita sei? Akaparidza kuti, “Tendeukai imi” (Mateo 3:2). Uye akashandisa mifananidzo yakaita semuchero negorosi kudzidzisa pamusoro porutendeuko (ona Ruka 3:9, 17).

Ndeipi mimwe mifananidzo yaunowana mutsananguro dzehushumiri hwaJohane Mubhabhatidzi? (ona Mateo 3:1–12; Marko 1:1–8; Ruka 3:2–18). Funga pamusoro pekuzvimaka mumagwaro matsvene ako kana kudhirowa mifananidzo yazvo. Mifananidzo iyi inodzidzisa chii pamusoro pedzidziso uye nokudikanwa kwerutendeuko?

Rutendeuko rwechokwadi “rushanduko rwepfungwa, maonero matsva pamusoro paMwari, pamusoro pako pachako, uye pamusoro penyika. … [Runoreva] kutendeukira kwemwoyo nechido kuna Mwari” (Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Rutendeuko”). Muna Ruka 3:7–14, ndedzipi shanduko idzo Johane dzaanokoka vanhu kuti vaite kuitira kugadzirira kugamuchira Kristu? Rairo iyi inogona kushanda kwauri sei? Unokwanisa kuratidza sei kuti wakatendeuka zvechokwadi? (ona Ruka 3:8).

­

Mateo 3:7; Ruka 3:7

Ndivanaani vaiva vaFarise navaSaduse?

VaFarise vaiva nhengo dzesangano rechitendero chechiJuda avo vaizvikudza pakucherechedza zvakasimba mutemo waMosesi uye netsika dzawo. VaSaduse vaiva rudzi rwechiJuda rwakapfuma vaine simba guru pane zvechitendero uye nezvamatongerwo enyika; vaiva vasingatendi mudzidziso dzokumuka kuvakafa. Mapoka aya ose akanga atsauka kubva pavavariro yokutanga yemitemo yaMwari.

Onawo Mateo 23:23–28; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “VaFarise,” “Saduse.”

Mateo 3:11, 13–17; Marko 1:9–11; Ruka 3:15–16, 21–22

Jesu Kristu akabhabhatidzwa kuitira “kuzadzikisa ururami hwose.”

Apo pawakabhabhatidzwa, wakatevera muenzaniso weMuponesi. Enzanisa zvaunodzidza kubva kutsananguro dzerubhabhatidzo rweMuponesi neizvo zvakaitika parubhabhatidzo rwako.

Rubhabhatidzo rweMuponesi

Rubhabhatidzo Rwangu

Rubhabhatidzo rweMuponesi

Ndiani akabhabhatidza Jesu, uye imvumo ipi yaaiva nayo?

Rubhabhatidzo Rwangu

Ndiani akakubhabhatidza, uye imvumo ipi yaaiva nayo?

Rubhabhatidzo rweMuponesi

Jesu akabhabhatidzirwa payi?

Rubhabhatidzo Rwangu

Iwe wakabhabhatidzirwa payi?

Rubhabhatidzo rweMuponesi

Jesu akabhabhatidzwa sei?

Rubhabhatidzo Rwangu

Iwe wakabhabhatidzwa sei?

Rubhabhatidzo rweMuponesi

Sei Jesu akabhabhatidzwa?

Rubhabhatidzo Rwangu

Sei iwe wakabhabhatidzwa?

Rubhabhatidzo rweMuponesi

Baba Vokudenga vakaratidza sei kuti Vakafara naJesu?

Rubhabhatidzo Rwangu

Baba Vokudenga vakaratidza sei kuti Vakafara apo iwe pawakabhabhatidzwa? Vakaratidza sei rubvumo Rwavo kubvira ipapo?

Onawo 2 Nifai 31; Mosaya18:8–11; Dzidziso neZvibvumirano 20:37, 68–74

Mateo 3:16–17; Marko 1:9–11; Ruka 3:21–22

Nhengo dzeMusoro wehumwari vanhu vatatu vakasiyana.

Bhaibheri rine umboo huzhinji zvikuru hwokuti nhengo dzeMusoro wehumwari vanhu vatatu vakasiyana. Tsananguro dzerubhabhatidzo rweMuponesi mumwe muenzaniso. Apo paunoverenga tsananguro idzi, fungisisa izvo zvaunodzidza pamusoro pemusoro wehumwari. Sei dzidziso idzi dzakakosha kwauri?

Onawo Genesi 1:26; Mateo 17: 1–5; Johane 17:1–3; Mabasa AvaApositora 7:55–56; Dzidziso neZvibvumirano 130:22.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 3.Johane muBhabhatidzi aiva neHupirisita hwaAroni Chii chatinokwanisa kudzidza kubva kumuenzaniso waJohane pamusoro pezvinangwa zveHupirisita hwaAroni. Ndeapi maropafadzo atinogamuchira nokuda kweHupirisita hwaAroni? Kana uine mukomana wechidiki mumhuri yako, ungangotora nguva kumubatsira kunzwisisa mashandisiro aanokwanisa kuita Hupurisita hwaAroni kuropafadza vamwe. (Onawo Dzidziso neZvibvumirano 13:1; 20:46–60.)

Mufananidzo
mukomana wechidiki achibhabhatidza mumwe

Apo patinobhabhatidzwa, zvivi zvedu zvinogezwa.

Mateo 3:11–17; Marko 1:9–11; Ruka 3:21–22.Nengo dzemhuri yako dzakamboona here mumwe munhu achibhabhatidzwa kana kuti achisimbiswa senhengo yeChechi? Nhengo dzemhuri dzakanzwa sei? Pamwe unokwanisa kuvadzidzisa pamusoro pechiratidzo chorubhabhatidzo uye norusimbiso. Kubhabhatidzwa nokusimbiswa kwakafanana sei nokuzvarwa kutsva? Sei tichinyudzwa zvakazara mumvura apo patinobhabhatidzwa? Sei tichipfeka zvichena apo patinobhabhatidzwa? Sei chipo cheMweya Mutsvene chichitsanangurwa “serubhabhatidzo rwemoto”? (Dzidziso neZvibvumirano 20:41; Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Rubhabhatidzo,” “Mweya Mutsvene”).

Mateo 3:17; Marko 1:11; Ruka 3:22.Ndirinhi patakanzwa kuti Mwari vakafara nesu? Chii chatinokwanisa kuita semhuri kuti tifadze Mwari?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Kumbira Ishe rubatsiro. Magwaro matsvene akapuwa kuburikidza nezvakazarurwa, uye kuitira kuti tianzwisise zvechokwadi tinoda zvakazarurwa zvedu pachedu. Ishe vakavimbisa kuti, “Kumbirai, muchapuwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa” (Mateo 7:7).

Mufananidzo
Johane achibhabhatidza Jesu

John the Baptist Baptizing Jesus [Johane Mubhabhatidzi Achibhabhatidza Jesu], naGreg K. Olsen.

Dhinda