Testamente Itsva 2023
Ndira 9–15. Mateo 2; Ruka 2: Tauya Kuzomunamata


“Ndira 9–15. Mateo 2; Ruka 2: Tauya Kuzomunamata,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Ndira 9–15. Mateo 2; Ruka 2,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Varume Vachenjeri vachifamba rwendo vari pangamera

Let Us Adore Him [Ngatimurumbidzei], naDana Mario Wood

Ndira 9–15

Mateo 2; Ruka 2

Tauya Kuzomunamata

Apo paunoverenga Mateo 2 uye Ruka 2, cherechedza nzwisiso dzezvepamweya dzaunogamuchira. Mazano ekunzvera ari muchidzidzo chino anokwanisa kukubatsira kuona misimboti yakakosha uye yakakodzera iri muzvitsauko izvi.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kubva pazuva rekuzvarwa kwake, zvaiva pachena kuti Jesu aiva asingori mwanawo zvake. Yaiva isiri chete nyenyedzi itsva mumatenga kana chiziviso chine mufaro chengirozi zvakaita kuti hucheche hwaJesu hushamise. Chaivawo chokwadi chekuti vanhu vakatendeka vakasiya-siyana zvakadaro—vaibva kundudzi dzakasiyana, mabasa akasiyana, uye mamiriro ezvinhu akasiyana—vakanzwa kuswededzwa pakarepo kwaAri. Kunyangwe Asati atombotaura kukoka Kwake kwekuti “uya unditevere,” vakauya (Ruka 18:22). Haasi munhu wose akauya kwaAri, pakutaura chokwadi. Kwaiva nevazhinji vasina kuMucherechedza, uye mutongi ane godo akatotsvaka kutora upenyu hwake. Asi vakaninipa, vakachena pamwoyo, vatsvaki vakazvipira veururami vakaMuona kuti Aiva ani—Mesiasi wavo akavimbiswa. Kuzvipira kwavo kunokurudzira kwedu pachedu, nokuti “mashoko omufaro mukuru” akaunzwa kuvafudzi aiva “avanhu vose,” uye “Muponesi, iye Kristu Ishe” akazvarwa zuva iroro kwatiri tose (ona Ruka 2:10–11).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Ruka 2:1–7

Jesu Kristu akazvarwa mumamiriro ezvinhu akaninipa.

Kunyangwe zvazvo Jesu Kristu aiva nokubwinya naMwari Baba “nyika isati yavapo” (Johane 17:5), Aiva achida kuzvarwa mumamiriro ezvinhu akaderera uye kugara pakati pedu pasi pano Apo paunoverenga Ruka 2:1–7, fungisisa izvo tsananguro iyi yekuzvarwa Kwake zvainokudzidzisa pamusoro pake. Edza kutsvaka ruzivo kana nzwisiso munyaya ino izvo zvawanga usina kumbocherechedza pashure. Kucherechedza zvinhu izvi kunoshandura sei manzwiro ako kwaAri?

Mateo 2:1–12; Ruka 2: 8–38

Kune zvapupu zvizhinji zvekuzvarwa kwaKristu.

Kuzvarwa uye hucheche hwaKristu hwakaratidzwa nezvapupu uye navanamati vaibva mumamiriro eupenyu mazhinji. Apo paunoongorora nyaya dzavo, chii chaunodzidza pamusoro penzira dzekushumira uye nekupupura nezvaKristu?

Chapupu chaKristu

Chii chandinodzidza pamusoro pekushumira nekupupura nezvaKristu?

Chapupu chaKristu

Vafudzi (Ruka 2:8–20)

Chapupu chaKristu

Simeoni (Ruka 2:25–35)

Chapupu chaKristu

Ana (Ruka 2:36–38)

Chapupu chaKristu

Varume Vachenjeri (Mateo 2:1–12)

Onawo 1 Nifai 11:13–23; 3 Nifai 1:5–21.

Mateo 2:13–23

Vabereki vanokwanisa kugamuchira zvakazarurwa kudzivirira mhuri dzavo.

Josefa haaimbokwanisa kuita zvaakakumbirwa kuti aite—kudzivirira Jesu muhudiki Hwake—pasina rubatsiro rwekudenga. SeVarume Vachenjeri, akagamuchira chakazarurwa chakamuyambira nezve njodzi. Apo punoverenga pamusoro pechiitiko chaJosefa muna Mateo 2:13–23, funga pamusoro penjodzi dzepanyama uye dzezvepamweya dzinotarisana nesu nhasi. Fungisisa zviitiko apo pawakanzwa nhungamiro yaMwari mukudzivirira iwe nevadikanwi vako. Funga pamusoro pekugoverana nevamwe zviitiko izvi. Chii chaungaita kuti ugamuchire nhungamiro yakadaro mune ramangwana?

Ruka 2:40–52

Kunyangwe semukomana wechidiki, Jesu aiva akanangisa pfungwa pakuita chido chaBaba Vake.

Semukomana wechidiki, Muponesi akadzidzisa vhangeri zvine simba zvikuru zvekuti kunyangwe vadzidzisi mutemberi vakakatyamadzwa “nokuziva uye nokupindura” Kwake (Ruka 2:47). Chii chaunodzidza kubva mundima idzi pamusoro peMuponesi semukomana wechidiki? Vanhu vechidiki vaunoziva varikuedza sei “kuva pazvinhu zvaBaba [vavo]”? (Ruka 2:49). Vechidiki uye vana vakakubatsira sei kuwana nzwisiso yakadzama yevhangeri? Chii chimwe chaunodzidza kubva pamuenzaniso wehudiki hwaJesu muna Ruka 2:40–52 uye muDudziro yaJoseph Smith, Mateo 3:24–26 (muNhungamiro kuMagwaro Matsvene)?

Mufananidzo
Jesu semukomana aine vadzidzisi mutemberi

“Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?” (Ruka 2:49).

Chii chinonzi Dudziro yaJoseph Smith?

Nokuti zvokwadi “zviri pachena uye zvakakosha zvizhinji” zvakarasika kubva muBhaibheri kwamazana emakore (1 Nifai 13:28; onawo Mosesi 1:41), Ishe vakaraira Joseph Smith kuti aite hwiridziro yakafemerwa yeBhaibheri, inozivikanwa seDudziro yaJoseph Smith. Hwiridziro zhinji dzakaitwa neMuporofita dzakasanganisirwa muchiwedzerwa chebhuku rezvinyorwa zvitsvene raVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Dudziro yaJoseph Smith yaMateo 24, inozivikanwa seJoseph Smith—Mateo, inokwanisa kuwanikwa muDombo reMutengo Mukuru. Kuti uwane rumwe ruzivo, ona “Dudziro yaJoseph Smith (DJS).”

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Ruka 2.Koka nhengo dzemhuri kuti dzisarudze munhu akatsanangurwa muna Ruka 2, voverenga ndima shoma pamusoro pekushanda kwemunhu iyeyo neMuponesi, uye vogovera chimwe chinhu chavakadzidza icho chinowedzera rutendo rwavo muna Jesu Kristu. Imbai pamwechete “Jesu Akazvarwa seMunhu” kana “Husiku Hutsvene” (Nziyo nedzeVana Vadiki, 104) Chii chatinodzidza kubva padzimbo idzi pamusoro pekuzvarwa kweMuponesi?

Funga pamusoro pekuti mifananidzo inogona kuwedzera ruzivo sei kuhurukuro yenyu pamusoro pekuzvarwa kwaKristu. (Semuenzaniso, ona Gospel Art Book (Bhuku reMifananidzo yeVhangeri) kana history.ChurchofJesusChrist.org/exhibit/birth-of-Christ.)

Mateo 2:1–12.Chii chatinodzidza pamusoro pekutsvaga nekuwana Muponesi kubva pamuenzaniso waVarume Vakangwara?

Ruka 2:41–49.Chii chinonzi “Zvinhu zvaBaba”? (Ruka 2:49; ona Mosesi 1:39). Chii chatinodzidza pamusoro pezvinhu izvozvo kubva munyaya iri muna Ruka 2: 41-49? Funga kunyora pasi dzimwe nzira idzo mhuri yako dzainokwanisa kutora chinhanho mubasa raBaba uye vodziisa mumudziyo. Munguva yesvondo ririkuuya, apo mhuri yako painotsvaga nzira dzekubatsira mubasa raBaba Vokudenga, vanokwanisa kusarudza mazano kubva mumudziyo wacho. Rongai nguva apo pamunozogoverana zviitiko zvenyu.

Ruka 2:52.Chii chatinokwanisa kudzidza kubva muna Ruka 2:52 pamusoro pemakuriro akaita Jesu muupenyu hwake? Ndezvipi zvinangwa zvedu pachedu kana zvemhuri zvatinokwanisa kumisa kuti tiwedzere “pakuchenjera napakukura, napakufadza Mwari navanhu”?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Husiku Hutsvene,” Nziyo nedzeVana Vadiki,, 104.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Shandisa zvibatsiro zvekunzvera magwaro matsvene. Kuti uwane dzimwe nzwisiso apo paunonzvera magwaro matsvene, shandisa zvimwe zvishandiso zvakaita semanotsi epazasi, Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, uye nezvimwe zvibatsiro zvekunzvera zvinowanikwa pa ChurchofJesusChrist.org.

Mufananidzo
Maria, Josefa, uye mucheche Jesu

Muponesi weNyika akauya pasi pano mumamiriro ezvinhu akaninipa.

Dhinda