Testamente Itsva 2023
Zvita 26–Ndira 1. Ibasa Redu Kutaririra Kudzidza Kwedu Pachedu


“Zvita 26–Ndira 1. “Ibasa Redu Kutaririra Kudzidza Kwedu Pachedu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri:Testamente Itsva 2023 (2022)

“Zvita 26–Ndira 1. “Ibasa Redu Kutaririra Kudzidza Kwedu Pachedu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
mhuri yakatarisa paarubhamu yemapikicha

Zvita 26–Ndira 1

Ibasa Redu Kutaririra Kudzidza Kwedu Pachedu

Chinangwa chemagwaro matsvene ndeche kukubatsira kuuya kuna Kristu uye nekuva wakatendeutsirwa zvakadzamisisa kuvhangeri Rake. Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri rinokwanisa kukubatsira kunzwisisa zvinyorwa zvitsvene uye nekuwana mazviri simba rezvepamweya iro iwe nemhuri yako ramunoda. Zvino, mumakirasi ako eChechi, unozova nemikana yekugovera nzwisiso uye kukurudzira Vatendi vamwe vako mukuyedza kwavo kutevera Kristu.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

“Munotsvakeiko?” Jesu akabvunza vadzidzi vaJohane Mubhabhatidzi (Johane 1:38). Ungangozvibvunza mubvunzo mumwechetewo—nokuti izvo zvaunowana muTestamente Itsva gore rino zvinozoenderana zvikuru neizvo zvaunotsvaka. “Tsvakai, muchawana” ndiyo vimbiso yeMuponesi (Mateo 7:7) Saka bvunza mibvunzo inouya mupfungwa dzako apo paunonzvera, uye zvino wotsvaka mhinduro nekushingaira. MuTestamente Itsva unozoverenga pamusoro pezviitiko zvakasimba zvepamweya zvevadzidzi vaJesu. Semudzidzi akatendeka weMuponesi, unokwanisa kuva nezviitiko zvakasimba zvepamweya zvako pachako apo paunotambira kukoka kweMuponesi, kunowanikwa nemubhuku rose rino rinoyera, “Huyai munditevere” (Ruka 18:22).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Kuti ndidzidze zvechokwadi kubva kuMuponesi, ndinofanira kutambira kukoka kwake kwekuti, “Huya unditevere.”

Kukoka kweMuponesi kwekuti, “Huya unditevere,” kunoshanda kune vose—kunyangwe tiri vatsva munzira yeudzidzi kana kuti tiri takaifamba upenyu hwedu hwose. Uku ndiko kwaiva kukoka Kwake kujaya mupfumi aiva achiedza kuchengeta mirairo (ona Mateo 19:16–22; Ruka 18:18–23). Izvo jaya iri zvarakadzidza—uye izvo isu tose zvatinofanira kudzidza—ndezvekuti kuva mudzidzi zvinoreva kupa mweya yedu yose kuna Baba Vokudenga naJesu Kristu. Tinofambira mberi muudzidzi hwedu apo patinoziva izvo zvatisina, toita shanduro, uye totsvaka kuVatevera zvakanyanya kuzara.

Kudzidza kubva kuMuponesi kunotanga apo patinoedza kunzwisisa izvo zvaAkadzidzisa. Semuenzaniso, nzwisiso yako yeruninipo inodzama sei apo paunoongorora zvinotevera?

Kana uchida kudzidza zvakawanda, edza chiitwa ichi uchishandisa mumwe musimboti wevhangeri, wakaita serudo kana ruregerero.

Ibasa rangu kutaririra kudzidza kwangu pachangu.

Gosa David A. Bednar vakadzidzisa kuti: “Hatifanire kutarisira kuti Chechi sesangano itidzidzise kana kutiudza zvose zvatinofanira kuziva uye nekuita kuti tive vadzidzi vakazvipira uye tigotsungirira neushingi kusvika kumagumo. Panekudaro, basa redu isu pachedu ndere kudzidza izvo zvatinofanira kudzidza, kurarama sezvatinoziva kuti tinofanira kurarama, uye kuva avo Tenzi vaanoda kuti tive. Uye mudzimba dzedu ndimo munzvimbo yakanakisisa yekudzidza, kurarama, uye nekuva” (“Prepared to Obtain Every Needful Thing,” Liahona, Chivabvu 2019, 102).

Zvinorevei kuva nebasa rokutaririra kudzidza kwako pachako? Tsvaka mhinduro dzingangavapo muchirevo chaGosa Bednar uye nemuzvinyorwa zvitsvene zvinotevera: Johane 7:17; 1 VaTesaronika 5:21; Jakobo 1:5–6, 22; 2:17; 1 Nifai 10:17–19; 2 Nifai 4:15; Aruma 32:27; uye Dzidziso neZvibvumirano 18:18; 58:26–28; 88:118. Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti uve nekushingaira kukuru mukudzidza vhangeri?

Ndinofanira kuziva chokwadi ini pachangu.

Pamwe unoziva vanhu vanoratidzika sevasingamborasikirwi nerutendo rwavo, zvisinei nokuti chii chinoitika muupenyu hwavo. Vangangokuyeuchidza nezve mhandara dzakachenjera shanu dziri murungano rwemufananidzo rweMuponesi (ona Mateo 25:1–13). Zvaungange usingaone ndezve kuedza nekushingaira kwavo kusimbisa uchapupu hwavo hwechokwadi.

Tinowana uye nekuriritira uchapupu hwedu pachedu sei? Nyora pasi pfungwa dzako apo paunofungisisa zvinyorwa zvitsvene zvinotevera: Ruka 11:9–13; Johane 5:39; 7:14–17; Mabasa aVaApositora 17:10–12; 1 Vakorinte 2:9–11; uye Aruma 5:45–46. (Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Uchapupu,” topics.ChurchofJesusChrist.org.)

Mufananidzo
musikana wechidiki ari panzira

Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzviwanira uchapupu pachezvedu.

Chii chandinofanira kuita apo pandinenge ndiine mibvunzo?

Apo paunotsvaka ruzivo rwezvepamweya, mibvunzo inozouya kupfungwa dzako. Misimboti inotevera inokwanisa kukubatsira kupindura mibvunzo nenzira dzinovaka rutendo neuchapupu:

  • Tsvaka nzwisiso kubva kuna Mwari. Mwari ndivo manyuko echokwadi chose, uye Vanozarura chokwadi kuburikidza neMweya Mutsvene, magwaro matsvene, uye vaporofita navaapositora Vavo.

  • Ita murutendo. Kana mhinduro dzikasauya pakarepo, vimba kuti Ishe vanozoratidza mhinduro apo nguva painenge yakwana. Parizvino, ramba uchirarama nechokwadi chaunoziva nechekare.

  • Chengeta maonero ezvinhu ekusingaperi. Edza kuona zvinhu semaonero azvinoitwa naIshe, kwete semaonero azvinoitwa nenyika. Ona mibvunzo yako mumanzwisisirwo echirongwa cheruponeso chaBaba vedu Vokudenga.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 13:1–23.Kubatsira mhuri yako kugadzirira kudzidza kubva muTestamente Itsva gore rino, unokwanisa kuverenga rungano rwemufananidzo rwemukushi. Mhuri yako ingangonakidzwa nekuenda panze uye vonotsvaka mhando dzakasiyana dzeivhu dzakatsanangurwa murungano rwemufananidzo urwu. Tingakwanisa sei kuita kuti mwoyo yedu ive “sevhu rakanaka” rakatsanangurwa naJesu? (Mateo 13:8).

VaGaratia 5:22–23; VaFiripi 4:8.Mutungamiri Russell M. Nelson vakakukokai kuti “mushandure imba [yenyu] kuiita nzvimbo tsvene yerutendo” uye kuti “mugadziridze imba yenyu ive nzvimbo yokudzidza vhangeri.” Kune avo vanoita zvinhu izvi, vakavimbisa kuti: “Vanavenyu vanozofarira kudzidza uye nekurarama dzidziso dzeMuponesi, uye runziro yemuvengi muupenyu hwenyu uye mumba menyu inozodzikira. Shanduko mumhuri yenyu inozova inoshamisa uye inosimbisa” (“Becoming Exemplary Latter-day Saints,” Liahona, Mbudzi 2018, 113).

Kutanga kwegore idzva inguva yakanaka yekuita dare remhuri pamusoro pekuita imba yenyu “nzvimbo tsvene yerutendo” uye “nzvimbo yekudzidza vhangeri.” Ndeapi mazano pamusoro pemaitiro ezvizvi anouya mupfungwa apo patinoverenga VaGaratia 5:22–23 uye VaFiripi 4:8? Pamwe mhuri yako inokwanisa kumisa zvinangwa zvemunhu pachake uye zvemhuri zvekunzvera Testamente Itsva gore rino riri kuuya. Chii chatingakwanisa kuita kuti tizviyeuchidze nezve zvinangwa zvedu?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndidzidzisei Kufamba Muchiedza,” Nziyo nedzeVana Vadiki, 128.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaka dzidziso. Dzidziso ichokwadi chekusingaperi, chisingashanduke. Mutungamiri Boyd K. Packer vakazivisa kuti “dzidziso yechokwadi, inonzwisiswa, inoshandura mafungiro uye nehunhu” (“Little Children,” Ensign, Mbudzi 1986, 17). Apo iwe nemhuri yako pamunonzvera zvinyorwa zvitsvene, tsvakai zvokwadi zvinokwanisa kukubatsirai kurarama zvakanyanya kuva seMuponesi.

Mufananidzo
Jesu Kristu

Light of the World [Chiedza cheNyika], naBrent Borup

Dhinda