Testamente Itsva 2023
Kusanganisira Mumhanzi Unoera Mukudzidza Kwako Vhangeri


“Kusanganisira Mumhanzi Unoyera Mukudzidza Kwako Vhangeri,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri:Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kusanganisira Mumhanzi Unoyera Mukudzidza Kwako Vhangeri,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Kusanganisira Mumhanzi Unoera Mukudzidza Kwako Vhangeri

Kuimba dzimbo dzePuraimari uye nziyo kunokwanisa kukuropafadza iwe nemhuri yako munzira dzakawanda. Mazano aya anokwanisa kukubatsira kushandisa mumhanzi inoera apo paunenge uchiedza kudzidza uye kurarama vhangeri.

  • Dzidza misimboti yedzidziso. Tsvaka zvokwadi zvinodzidziswa mudzimbo dzaunoimba kana kuteerera kwadziri. Izvi zvingangotungamirira kuhurukuro dzevhangeri pamusoro pezvokwadi izvi nemuzuva rose. Imba kana kuteerera kudzimbo dzePuraimari kana nziyo idzo dzinodzidzisa pamusoro paJesu Kristu nevhangeri Rake. Teerera kunzira idzo Mweya Mutsvene dzaunopupura nadzo nezve Muponesi nedzidziso Dzake.

  • Ziva simba remumhanzi. Kuimba kana kuteerera dzimbo dzePuraimari uye nziyo kunokwanisa kuva ropafadzo munguva dzinodiwa rubatsiro. Semuenzaniso, kuimba rumbo kunokwanisa kudzikamisa mwana panguva yekurara, kuunza mufaro apo mhuri yako painoshanda pamwechete, kusimudzira muvakidzani ari kurwara, kana kunyaradza mumwe munhu anonzwa kunetsekana.

  • Goveranai zviitiko. Goveranai zviitiko zvemunhu pachake uye zvemhuri izvo zvinoenderana namashoko edzimbo. Munokwanisawo kugoverana nyaya dzemumagwaro matsvene dzinoenderana nazvo.

  • Batanidzira mhuri yako. Mhuri yako inodzidza zvakawanda kubva kudzimbo kana vachitora chinhanho. Kuitira kuti ubatanidzire nhengo dzemhuri, unokwanisa kukoka mwana ava mukuru kuti abatsire kudzidzisa rumbo kuvaberekedzani vake vadiki kwaari kana kukoka vana kuti vadzidzise mhuri rumbo rwavakadzidza kuPuraimari. Unokwanisawo kuita kuti nhengo dzemhuri dzitore majana kutungamira rumbo.

  • Shandisa mazano aneuchenjeri. Shandisai nzira dzakasiyana siyana dzekudzidza mumhanzi unoera semhuri. Semuenzaniso, munokwanisa kushandisa nhengo dzomuviri kuita zviratidzo zvinoenderana nemashoko nendevo zviri murumbo. Kana kuti munogona kutora majana kuita chiito chinorehwa nezvikamu zverumbo apo dzimwe nhengo dzemhuri padzinenge dzichiedza kufembera rumbo rwacho. Mhuri yenyu ingangonakidzwa nekuimba dzimbo nemuchimbidzo kana mudaidziro wakasiyana siyana. Gospel Library app uye Gospel for Kids app dzine zvokuteerera zvakarekodhwa uye mavhidhiyo anokwanisa kukubatsirai kudzidza dzimbo. Munokwanisawo kuita mudorongodzwa wemumhanzi inoera wekuteerera kwauri.

Dhinda