Testamente Itsva 2023
Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu


“Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
mudzimai arikunzvera magwaro matsvene

Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu

Chinangwa chekudzidza nekudzidzisa vhangeri kwose ndechekudzamisa rutendeuko rwedu kuna Baba Vokudenga naJesu Kristu uye kutibatsira kuva saIvo zvakanyanya. Nechikonzero ichi, apo patinodzidza vhangeri, hatisi kungotsvaga ruzivo rutsva; tinoda kuva “chisikwa chitsva” (2 Vakorinte 5:17). Izvi zvinoreva kuvimba naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu kuti vatibatsire kushandura mwoyo yedu, maonero edu, zviito zvedu, uye nehunhu hwedu chaihwo.

Asi rudzi rwamadzidziro evhangeri rwunosimbisa rutendo rwedu uye runotungamirira kuchishamiso cherutendeuko haruitike rwose panguva imwechete. Rwunoenderera mberi kupfuura kudzidza kwemukirasi kuenda mukati memwoyo yedu nemudzimba dzedu. Rwunoda kuedza kwenguva dzose uye kwamazuva ose kuitira kunzwisisa uye kurarama vhangeri. Kudzidza vhangeri kunotungamirira kurutendeuko rwechokwadi kunoda kurudziro yeMweya Mutsvene.

Mweya Mutsvene anotitungamirira kuchokwadi uye anopupura nezve chokwadi ichocho (ona Johane 16:13). Unojekesa pfungwa dzedu, unokurumidzisa nzwisiso dzedu, uye unobata mwoyo yedu nezvakazarurwa zvinobva kuna Mwari, manyuko echokwadi chose. Mweya Mutsvene unochenesa mwoyo yedu. Unokurudzira matiri chido chekurarama nechokwadi, uye Anozevezera kwatiri nzira dzekuita izvi. Zvirokwazvo, “Mweya Mutsvene … ucha[ti]dzidzisa zvinhu zvose” (Johane 14:26).

Nokuda kwezvikonzero izvi, mukuedza kwedu kurarama, kudzidza, uye kudzidzisa vhangeri, chinhu chekutanga uye chakakoshesesa chatinofanira kutsvaga hufambidzani hweMweya. Chinangwa ichi chinofanira kutonga sarudzo dzedu uye kutungamira pfungwa dzedu nezviito zvedu. Tinofanira kutsvaga chero chipi zvacho chinokoka hurudziro yeMweya uye kuramba chero chipi zvacho chinodzinga hurudziro iyoyo—nekuti tinoziva kuti kana tikakwanisa kuva takakodzera huvapo hweMweya Mutsvene, tinokwanisawo kuva takakodzera kurarama pamberi paBaba Vokudenga neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu.

Dhinda