Testamente Itsva 2023
Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako


“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
amai nemwana vachinzvera magwaro matsvene

Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako

Kunzvera magwaro matsvene kwemhuri nguva dzose inzira inesimba yokubatsira nayo mhuri yenyu kunzwa kurudziro yeMweya Mutsvene uye nokudzidza vhangeri. Huwandu hwezvamunoverenga nehurefu hwenguva yamunoverenga semhuri hazvina kukosha sekuramba makashinga mukuedza kwenyu. Apo paunoita kuti kunzvera magwaro matsvene kuve chikamu chakakosha choupenyu hwemhuri yako, unozobatsira nhengo dzemhuri yako kuswedera pedyo naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu uye nokuvaka uchapupu hwavo pahwaro hweshoko raMwari. Funga nezvekurairana pamwechete pamusoro pemibvunzo inotevera:

  • Nhengo dzemhuri yenyu dzingakwanisa kukurudzirana sei kunzvera magwaro matsvene?

  • Chii chingakwaniswa kuitwa nenhengo dzemhuri yenyu kukurudzira munhu woga woga kugovera zvaari kudzidza?

  • Ungasimbisa sei misimboti yauri kudzidza muTestamente Itsva munguva dzokudzidzisa dzamazuva ose?

Yeuka kuti mumba ndiyo nzvimbo yakanakisa yekudzidza vhangeri. Unokwanisa kudzidza nekudzidzisa vhangeri kumba nenzira dzisingakwanisiki mukirasi yeChechi. Shandisa mazano anouchenjeri apo paunofunga nzira dzokubatsira mhuri yako kudzidza kubva mumagwaro matsvene. Funga pamusoro pamamwe amazano anotevera kuti unatsurudze kunzvera magwaro matsvene kwemhuri yako:

Mufananidzo
mhuri navatungamiri veChechi vachiimba pamwechete mumba

Shandisa Mumhanzi

Imbai dzimbo dzinosimbisa misimboti yakadzidziswa mumagwaro matsvene. Rwiyo kana rumbo rwevana vadiki rwamungaimba rwakapuwa muchirongwa chevhiki yoga yoga. Ungangobvunza nhengo dzemhuri mibvunzo pamusoro pemashoko kana ndevo dziri mumazwi erumbo. Pamusoro pekuimba, mhuri yako inokwanisa kuita zviito zvinoenderana nedzimbo kana kuteerera kudzimbo dzacho semumhanzi unenge uchirira apo pavanenge vachiita zvimwe zviitwa. Kuti uwane mamwe mazano, ona “Kusanganisira Mumhanzi Unoyera Mukudzidza Vhangeri Kwako” mubhuku rino.

Goveranai Zvinyorwa Zvitsvene Zvakakosha

Ipa nhengo dzemhuri nguva yekugoverana ndima dzezvinyorwa zvitsvene idzo dzavakawana kuti dzinokosha panguva yekunzvera kwavo pachavo.

Shandisa Mashoko Ako Pachako

Koka nhengo dzemhuri kuti vapfupise nemumashoko avo pachavo izvo zvavanodzidza kubva mumagwaro matsvene amunonzvera.

Shandisa Magwaro Matsvene kuUpenyu Hwako

Mushure mekuverenga ndima yechinyorwa chitsvene, kumbira nhengo dzemhuri kuti dzigovere nzira idzo ndima iyi dzainoshanda kuupenyu hwavo.

Bvunza Mubvunzo

Koka nhengo dzemhuri kuti dzibvunze mubvunzo wevhangeri, uye zvino mopedza nguva muchitsvaga ndima dzinokwanisa kubatsira kupindura mubvunzo wacho.

Turika Chinyorwa Chitsvene

Sarudza ndima yaunowana yakakosha, uye woiturika apo painoonekwa nenhengo dzemhuri nguva zhinji. Koka dzimwe nhengo dzemhuri kuti dziite majana mukusarudza chinyorwa chitsvene chekuturika.

Mufananidzo
amai nevana vachinzvera magwaro matsvene

Ita Mudorongodzwa weZvinyorwa Zvitsvene

Semhuri, sarudzai ndima dzakati wandei idzo dzamunoda kuzokurukura mukati mevhiki inotevera.

Dzidzai Zvinyorwa Zvitsvene neMusoro

Sarudzai ndima yechinyorwa chitsvene yakakosha kumhuri yenyu, uye wokoka nhengo dzemhuri kuti dziidzidze nemusoro kuburikidza nekuidzokorora zuva nezuva kana kutamba mutambo wekuyeuka.

Govera Dzidziso yeZvidzidzo

Tsvaga zvinhu zvinoenderana nezvitsauko uye ndima dzamuri kuverenga semhuri. Koka nhengo dzemhuri kuti dzitaure pamusoro pekuti chinhu chimwe nechimwe chinofambirana sei nedzidziso dziri mumagwaro matsvene.

Sarudzai Musoro weNyaya.

Ita kuti nhengo dzemhuri dziite majana kusarudza musoro wenyaya unozonzverwa nemhuri pamwechete. Shandisa Nhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org) kuti muwane ndima dzezvinyorwa zvitsvene zviri maererano nemusoro wenyaya unenge wasarudzwa.

Dhirowai Mufananidzo.

Verengai ndima shoma semhuri, uye mopa nguva yekuti nhengo dzemhuri dzidhirowe chimwe chinhu chinoenderana nezvavaverenga. Pedzai nguva muchikurukura nezve mifananidzo yemumwe nemumwe.

Itai Mutambo weNyaya

Mushure mekuverenga nyaya, koka nhengo dzemhuri kuti dziite mutambo wezvenyaya yacho. Mushure maizvozvo, taurai pamusoro pekuti nyaya yacho inofambirana sei nezvinhu zvamuri kusangana nazvo semunhu pachake uye semhuri.

Mutungamiri Russell M. Nelson vakati: “Ndinovimbisa kuti kana muchishanda neushingi hukurusa kushandura imba yenyu kuti ive nzvimbo yekudzidza vhangeri, nekufamba kwenguva mazuva enyu eSabata achava zvechokwadi anofadza. Vana venyu vanozofarira kudzidza uye nokurarama dzidziso dzeMuponesi, uye runziro yemuvengi muupenyu hwenyu uye mumba menyu inozodzikira. Shanduko mumhuri yenyu inozova inoshamisa uye inosimbisa” (“Becoming Exemplary Latter-day Saints,” Liahona, Mbudzi 2018, 113).

Dhinda