Testamente Itsva 2023
Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri


“Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri,,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri, Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri,,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri

Bhuku Rino Rinoshandiswa Nani?

Bhuku rino nderemunhu pachake wese uye nemhuri dzese muChechi. Rakagadzirirwa kukubatsira kuti udzidze vhangeri—kunyangwe uri wega kana kuti nemhuri yako. Kana wanga usinganzvere vhangeri nguva dzose munguva yakapfuura, bhuku rino rinokwanisa kukubatsira kuti utange. Kana wagara uine tsika yakanaka yekunzvera vhangeri, bhuku rino rinokwanisa kukubatsira kuti uve nezviitiko zvakanyanya kukosha.

Mufananidzo
murume nemudzimai wake vachinzvera magwaro matsvene

Ndinofanira Kushandisa Sei Bhuku Rino?

Shandisa bhuku rino munzira ipi zvayo inobatsira kwauri. Ungangowana richibatsira senhungamiro kana chibatsiro pakunzvera magwaro matsvene kwako wega uye semhuri. Unokwanisawo kurishandisa munguva yepamba manheru. Zvidzidzo zvaro zvinosimbisa misimboti yakakosha inowanikwa muTestamente Itsva, zvinopa mazano ekunzvera uye ezviitwa zvevanhu pachavo nezvemhuri, uye zvinopa nzvimbo dzekunyora pasi manzwiro ako.

Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri harina kunyorerwa kuti ritsive kana kukwikwidzana nezvimwe zvakanaka zvauri kuita kudzidza vhangeri. Tevera nhungamiro yeMweya kuti usarudze maitiro okunzvera kwako pachako shoko raMwari.

Bhuku Rino Rinoenderana Sei neIzvo Zvinoitika kuChechi?

Zvinyorwa zviri mubhuku rino zvakarongwa maererano nehurongwa hwekuverenga hwevhiki rega rega. Huyai, Munditevere zvinyorwa zvemakirasi ePuraimari, zveChikoro cheSvondo, uye zveZvikwata zveHupirisita hwaAroni uye Vasikana veChidiki zvinotevedzera hurongwa humwechetehwo. Kuti vatsigire kuedza kwako kwekudzidza nekurarama vhangeri kumba, vadzidzisi vako kuchechi vanozokupa mikana yekugovera zviitiko zvako, pfungwa dzako, uye mibvunzo yako pamusoro pendima dzezvinyorwa zvitsvene idzo dzawanga uchinzvera kumba.

Nokuda kwokuti Chikoro cheSvondo chinodzidziswa kaviri chete pamwedzi, vadzidzisi veChikoro cheSvondo vangangosarudza kudarika kana kubatanidza zvidzidzo kuti vaenderane nehurongwa hwevhiki. Izvi zvingangovawo zvinodikanwa (kwose kuChikoro cheSvondo uye kuPuraimari) pamavhiki apo misangano yeChechi yenguva dzose paisingaitwe nekuda kwemusangano wesiteki kana zvimwe zvikonzero. Mumavhiki aya unokokwa kuti uenderere mberi nekunzvera Testamente Itsva uri kumba.

Ndinofanira Kutevera Hurongwa hweZvidzidzo Here?

Hurongwa hwezvidzidzo hunozokubatsira kupedza kuverenga Testamente Itsva pakupera kwegore. Pamusoro pazvo, kutevera hurongwa humwechetehwo sevamwe kunokwanisa kutungamirira kuzviitiko zvakakosha kumba, kuchechi uye nekumwewo. Asi usanzwe kuti wakasungirwa nehurongwa hwezvidzidzo kana kuti unogombedzerwa kuverenga ndima yese yakapihwa; hurongwa hwezvidzidzo hunongova nhungamiro yekukubatsira kuti uronge madzidziro ako pachako. Chinhu chakakosha ndechekuti murikudzidza vhangeri semunhu pachake uye semhuri.

Dhinda