Testamente Itsva 2023
Kudzidzisa Vana Vadiki


“Kudzidzisa Vana Vadiki,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva2023 (2022)

“Kudzidzisa Vana Vadiki,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Kudzidzisa Vana Vadiki

Kana uine vana vadiki mumhuri yako, hezvino zvimwe zviitwa zvinokwanisa kuvabatsira kuti vadzidze:

  • Imbai. Nziyo nedzimbo kubva muBhuku reNziyo nedzeVana Vadiki dzinodzidzisa dzidziso zvakasimba. Shandisa munongedzo wemisoro yenyaya uri kumashure kweBhuku reNziyo nedzeVana Vadiki kuti uwane nziyo dzinoenderana nemisimboti yevhangeri yauri kudzidzisa. Batsira vana vako kuti vafananidze mashoko edzimbo dzacho kuupenyu hwavo. (Onawo “Kusanganisira Mumhanzi Unoyera Mukudzidza Kwako Vhangeri” iri muchinyorwa chino.)

  • Teererai kumutambo kana kuti itai mutambo wenyaya. Vana vadiki vanoda nyaya—kubva mumagwaro matsvene, kubva muupenyu hwako, kubva munhoroondo yeChechi kana kubva munhoroondo yemhuri yenyu, uye kubva mumamagazini eChechi. Tsvaga nzira dzokuvasanganisira mukutaura nyaya. Vanokwanisa kubata mifananidzo kana zvinhu, kudhirowa mifananidzo yezvavari kunzwa, kuita mutambo wenyaya yacho, kana kunyangwe kubatsira kutaura nyaya yacho. Batsira vana vako kuti vazive chokwadi chevhangeri munyaya dzaunogovera.

  • Verenga chinyorwa chitsvene. Vana vadiki pamwe havangakwanisi kuverenga zvakanyanya, asi unokwanisa kuita kuti vatore chinhanho mukudzidza kubva mumagwaro matsvene. Ungangofanira kunangisa pfungwa pandima imwechete, ndevo yakakosha imwechete, kana shoko rimwechete. Vana vangangokwanisa kunyangwe kudzidza nemusoro ndevo pfupi kubva mumagwaro matsvene kana vakadzidzokorora kwenguva dzakati wandei. Apo pavanonzwa shoko raMwari, vanozonzwa Mweya.

  • Tarisai mufananidzo kana kuona vhidhiyo. Apo paunoratidza vana vako mufananidzo kana vhidhiyo inoenderana nemusimboti wevhangeri kana nyaya yemumagwaro matsvene, vabvunze mibvunzo inovabatsira kudzidza kubva pane zvavari kuona. Semuenzaniso, unokwanisa kubvunza kuti, “Chii chiri kuitika mumufananidzo uyu kana muvhidhiyo iyi? Zvinoita kuti unzwe sei?” The Gospel Media app, MediaLibrary.ChurchofJesusChrist.org , uye children.ChurchofJesusChrist.org inzvimbo dzakanaka dzekutsvaga mifananidzo nemavhidhiyo.

  • Gadzirai. Vana vanokwanisa kuvaka, kudhirowa, kana kukara chimwe chinhu chinoenderana nenyaya kana nemusimboti wavari kudzidza.

  • Torai chinhanho muzvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatika. Chidzidzo chakareruka chinoshandisa zvinhu zvinobatika chinokwanisa kubatsira vana vako kuti vanzwisise musimboti wevhangeri wakaoma kunzwisisa. Apo paunenge uchishandisa zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatika, tsvaga nzira dzekuti vana vako vatore chinhanho. Vanozodzidza zvakawanda kubva pachiitiko chamunoita pamwechete kupfuura kubva pakungotarisa zvinenge zvichiratidzwa.

  • Itai mutambo wenyaya. Apo vana pavanotamba mutambo wemamiriro ezvinhu avangangosangana nawo muupenyu chaihwo, vanokwanisa kunzwisisa zvirinani mashandiro anoita misimboti yevhangeri kuupenyu hwavo.

  • Dzokororai zviitwa. Vana vadiki vangangofanira kunzwa pfungwa dziri kudzidziswa kakawanda kuti vadzinzwisise. Usatya kudzokorora nyaya kana zviitiko kazhinji. Semuenzaniso, ungangogovera nyaya yechinyorwa chitsvene kakawanda nemunzira dzakasiyana—kuverenga kubva mumangwaro matsvene, kuisa muchidimbu nemumashoko ako pachako, kuratidza vhidhiyo, kuita kuti vana vako vakubatsire kutaura nyaya yacho, kuvakoka kuti vaite mutambo wenyaya yacho, uye zvichingodaro.

Mufananidzo
mhuri ichinzvera magwaro matsvene

Dhinda