Testamente Itsva 2023
Ndira 2–8. Mateo 1; Ruka 1: “Ndiitirwe Hangu seZvamataura”


“Ndira 2–8. Mateo 1; Ruka 1: ‘Ndiitirwe Hangu seZvamataura,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Ndira 2–8. Mateo 1; Ruka 1,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Maria naErisabete

Ndira 2–8

Mateo 1; Ruka 1

“Ndiitirwe Hangu seZvamataura”

Apo paunoverenga nekufungisisa Mateo 1 uye Ruka 1, nyora pasi manzwiro ezvemweya aunogamuchira. Ndezvipi zvokwadi zvaunowana? Ndeapi mashoko anozova akanyanyisa kukosha kwauri uye nemhuri yako? Mazano ekunzvera ari muchidzidzo chino angangokubatsira kuwana dzimwe nzwisiso.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kubva mumaonero evanhu, zvaiva zvisingakwanisike. Mhandara isinakumboziva murume yaiva isingakwanise kubata pamuviri—kana mudzimai asingabereki aiva apfuura nechakare makore ekubereka. Asi Mwari vakanga vaine chirongwa maererano nekuzvarwa kweMwanakomana Wavo uye nekuzvarwa kwaJohane Mubhabhatidzi, saka vose Maria naErisabete, kunyangwe zvaiva zvisingatombobvira, vakava vanaamai. Zvinokwanisa kuva zvinobatsira kuyeuka zviitiko zvavo zvinoshamisa apo pose patinotarisana nechimwe chinhu chinoratidzika sechisingakwanisike. Tinokwanisa here kukunda utera hwedu? Tinokwanisa here kubata mwoyo wenhengo yemhuri isiri kudaira? Gabriel aikwanisa kunge akanga achitaura nesu paakayeuchidza Maria kuti, “Hakune shoko raMwari richashaiwa simba” (Ruka 1:37). Uye mhinduro yaMaria inokwanisawo kuva yedu apo Mwari pavanozarura chido Chavo: “Ndiitirwe hangu sezvamataura”(Ruka 1:38).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo naRuka vaiva vanaani?

Mateo aiva muteresi wechiJuda, kana mutori wemutero, uyo akadaidzwa naJesu semumwe weVaapositora Vake (ona Mateo 10:3; onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Vateresi”). Mateo akanyorera vhangeri rake kunyanya kuvamwe vake vaJuda; naizvozvo, akasarudza kusimbisa huporofita hweTestamente Yekare pamusoro paMesiasi uhwo hwakazadzikiswa kuburikidza neupenyu nehushumiri hwaJesu.

Ruka aive chiremba wechiJentairi (asiri muJuda) uyo aifamba nemuApositora Pauro. Akanyora Vhangeri rake mushure mekufa kweMuponesi kunyanya kuvateereri vasiri vechiJuda. Akapupura nezva Jesu Kristu seMuponesi wavose vaJentairi nevaJuda. Akanyora rondedzero dzezvapupu zvakaona nemaziso zviitiko zvemuupenyu hweMuponesi, uye akasanganisira nyaya zhinjisa dzine chekuita nemadzimai kana zvichienzaniswa nemamwe maVhangeri.

Onawo Nhungamiro Kumagwaro Matsvene, “Vhangeri,” “Mateo,” “Ruka.”

Mateo 1:18–25; Ruka1:26–35

Jesu Kristu akazvarwa naamai venyama inofa uye naBaba venyama isingafe.

Muna Mateo 1:18–25 uye Ruka 1:26–35, cherechedza matsananguriro akaita Mateo naRuka chishamiso chekuzvarwa kwaJesu. Tsananguro dzavo dzinosimbisa sei rutendo rwako muMuponesi? Sei zvichikosha kwauri kuti uzive kuti Jesu aiva zvose Mwanakomana waMwari uye mwanakomana waMaria?

Mutungamiri Russell M. Nelson vakatsanangura kuti Rudzikinuro rwaJesu Kristu “rwaida kuzvipira kwemunhu pachake kuburikidza nemunhu wenyama asingafe. Asi zvakadaro Anofanira kufa uye otora muviri Wake pachake zvakare. Muponesi ndiye oga aikwanisa kuzadzikisa izvi. Kubva kuna Amai Vake Akawana simba rekufa. Kubva kuna Baba Vake akawana simba pamusoro perufu,” (“Constancy amid Change,” Ensign, Mbudzi 1993, 34).

Ruka 1:5–25, 57–80

Maropafadzo aMwari anouya munguva Yavo pachavo.

Kana ukazviwana uchifanira kumirira ropafadzo uye kana zvichiratidzika sekuti Mwari havasi kunzwa minamato yako, nyaya yaErisabete naZakaria inokwanisa kuva yeuchidzo yekuti Havana kukukanganwa. Sekuvimbisa kwakaita Gosa Jeffrey R. Holland pavakati: “Apo patinoshanda uye tichimirira pamwechete mhinduro dzemimwe minamato yedu, ndinokupai vimbiso yangu yehuapositora yekuti inonzwikwa uye inopindurwa, kunyangwe pamwe zvisingaitiki panguva kana nenzira yataida. Asi inopindurwa nguva dzose panguva iyo uye nenzira iyo mubereki anoziva zvose uye ane tsitsi nokusingaperi yaanofanira kuipindura” (“Waiting on the Lord,” Liahona, Mbudzi 2020, 115–16). Zakaria naErisabete vakaramba vakatendeka sei? (ona Ruka 1:5–25, 57–80). Unozviwana here wakamirira ropafadzo? Chii chaunonzwa kuti Ishe vanotarisira kwauri paunenge wakamirira?

Mufananidzo
Erisabete naZakaria vainaJohane mucheche

Mushure mekumirira vakatendeka, Erisabete naZakaria vakaropafadzwa nemwanakomana.

Mateo 1:18–25; Ruka1:26–38

Vakatendeka vanozviisa pasi pechido chaMwari nekuzvidira.

SaMaria, dzimwe nguva tinowana kuti zvirongwa zvaMwari zveupenyu hwedu zvakasiyana zvikuru neizvo zvatakanga taronga. Chii chaunodzidza kubva kuna Maria pamusoro pekutambira chido chaMwari? Mutebhuru inotevera, nyora zvirevo kubva kungirozi uye kubva kuna Maria (ona Ruka 1:26–38), pamwechete nemashoko aunowana muzvirevo zvavo.

Mashoko engirozi kuna Maria

Shoko kwandiri ini

Mashoko engirozi kuna Maria

“Ishe unewe” (ndima 28).

Shoko kwandiri ini

Ishe vanoziva mamiriro ezvinhu uye matambudziko angu.

Mashoko engirozi kuna Maria

Shoko kwandiri ini

Mashoko engirozi kuna Maria

Shoko kwandiri ini

Mhinduro dzaMaria

Shoko kwandiri ini

Mhinduro dzaMaria

“Izvozvi zvingava seiko” (ndima 34).

Shoko kwandiri ini

ZVAKANAKA kubvunza mibvunzo kuti unzwisise zvirinani chido chaMwari.

Mhinduro dzaMaria

Shoko kwandiri ini

Mhinduro dzaMaria

Shoko kwandiri ini

Apo paunoverenga pamusoro pemuenzaniso wakarurama waJosefa muna Mateo 1:18–25, chii chaunodzidza pamusoro pekutambira chido chaMwari? Ndedzipi dzimwe nzwisiso dzaunodzidza kubva pazviitiko zvaZakaria naErisabete? (ona Ruka 1).

Onawo Ruka 22:42; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Gabrieri.”

Ruka 1:46–55

Maria akapupura nezve ushumiri hwaJesu Kristu.

Mashoko aMaria muna Ruka 1:46–55 akafanotaura zvikamu zveushumiri hweMuponesi. Chii chaunodzidza pamusoro paJesu Kristu kubva muzvirevo zvaMaria? Ungangoenzanisa ndima idzi nemashoko aHana muna 1 Samueri 2:1–10 uye neMharidzo dzaJesu paGomo muna Mateo 5:3–12. Chii chaunodzidziswa neMweya apo paunofungisisa nezve ndima idzi?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 1:1–17.Apo mhuri yako painoverenga mutsetse wemadzitateguru waJesu, mungangokurukura nezve nhoroondo yemhuri yenyu pachenyu uye mogoverana dzimwe nyaya pamusoro pemadzitateguru enyu. Kuziva pamusoro penhoroondo yemhuri yenyu kunoropafadza sei mhuri yenyu?  

Mateo 1:20; Ruka1:11–13, 30.Sei vanhu vari mundima idzi vangangova vaitya? Chii chinotikonzera kuti tinzwe kutya? Mwari vanotikoka sei kuti “tisatya”?

Ruka 1:37.Kuitira kubatsira mhuri yako kuvaka rutendo rwekuti “hakuna shoko raMwari richashaiwa simba” munokwanisa kutsvaga muna Ruka 1 pamwechete uye mowana zvinhu Mwari zvavakaita izvo zvinogona kufungwa sezvisingakwanisike. Ndedzipi dzimwe nyaya dzatingakwanisa kugoverana—kubva mumagwaro matsvene kana kubva muupenyu hwedu pachedu—idzo Mwari dzavakaita zvinhu zvinoratidzika sezvisingakwanisike? Kutsvagurudza muGospel Art Book mose kunokwanisa kupa mazano.

Ruka 1:46–55.Ndezvipi zvimwe “zvezvinhu zvikuru” izvo Muponesi zvaakatiitira? Zvinokwanisa kurevei kumweya yedu “kukudza Ishe”?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa “Husiku Hutsvene,” Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba 104.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Shandisa magwaro matsvene kuupenyu hwako. Mushure mekuverenga ndima yechinyorwa chitsvene, koka nhengo dzemhuri kuti vaishandise kuupenyu hwavo (ona Teaching in the Saviorʼs Way21). Semuenzaniso, nhengo dzemhuri dzingakwanisa sei kushandisa izvo zvavanodzidza kubva muna Mateo 1 uye Ruka 1 pamusoro pekudaira kudaidzo yaIshe?

Mufananidzo
Gabrieri achizviratidza kuna Maria

Blessed Art Thou among Women [Wakaropafadzwa Iwe pakati paMadzimai], naWalter Rane

Dhinda