Testamente Itsva 2023
Kukadzi 20–26. Mateo 6–7: “Akavadzidzisa soMunhu Unesimba”


“Kukadzi 20–26. Mateo 6–7: ‘Akavadzidzisa soMunhu Unesimba,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kukadzi 20–26. Mateo 6–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Jesu achidzidzisa pamahombekombe egungwa

Jesus Teaching the People by the Seashore [Jesu Achidzidzisa Vanhu paMahombekombe eGungwa], naJames Tissot

Kukadzi 20–26

Mateo 6–7

“Akavadzidzisa soMunhu Unesimba”

Apo patinoverenga magwaro matsvene tiine mubvunzo mupfungwa uye nechido chechokwadi chekunzwisisa izvo Baba Vokudenga zvavanoda kuti tizive, tinokoka Mweya Mutsvene kuti utifemere. Apo paunoverenga Mateo 6–7, cherechedza manzwiro aya.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Mharidzo yepaGomo ndeimwe yehurukuro dzinozivikanwa zvikuru muchiKristu. Muponesi akadzidzisa nemifananidzo yakajeka zvikurusa, sezvakaita mufananidzo weguta rakamiswa pamusoro pechikomo, maruva emusango, uye mapere akavanzwa chitarisiko kuita semakwai. Asi Mharidzo yepaGomo inopfuura nekuresa kungova chete nhaurwa yakanaka. Simba redzidziso dzeMuponesi kuvadzidzi Vake rinokwanisa kushandura upenyu hwedu, kunyanya apo patinorarama kuburikidza nadzo. Zvino mashoko Ake anova anopfuura kungova mashoko; anova hwaro hwechokwadi hweupenyu zvekuti, seimba yomurume akachenjera, anokwanisa kukunda mhepo nemafashama enyika (ona Mateo 7:24–25).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 6–7

Kurarama dzidziso dzeMuponesi kunokwanisa kundibatsira kuva saIye.

Mharidzo yepaGomo ine misimboti yevhangeri yakawanda. Apo paunonzvera zvitsauko izvi, bvunza Ishe izvo zvavanoda kuti udzidze.

Mumwe musimboti waungawana ndewekudikanwa kwekupa ukoshi hukurusa kuzvinhu zvaMwari kupfuura zvinhu zvepanyika. Ndedzipi dzedzidziso dzeMuponesi dziri muna Mateo 6–7 dzinokubatsira kunangisa pfungwa pazvinhu zvekudenga? Ndedzipi dzimwe pfungwa kana mamwe manzwiro zvauinazvo? Chii chaunokurudzirwa kuita? Funga pamusoro pekunyora pasi manzwiro Ako. Semuenzaniso:

Mateo 6:1–4

Ini ndinoda kunyanya kuva nehanya pamusoro peizvo Mwari zvavanofunga nezvangu kupfuura izvo zvinofungwa nevamwe.

Mumwe musimboti uri muna Mateo 6–7 ndewemunamato. Tora kanguva kadiki kekuongorora minamato yako. Unonzwa kuti urikuita zvakadii mukuedza kwako kuswedera padyo naMwari kuburikidza nemunamato? Ndedzipi dzidziso muna Mateo 6–7 dzinokukurudzira kuti unatsurudze manamatiro aunoita? Nyora pasi manzwiro aunotambira. Semuenzaniso:

Mateo 6:9

Apo pandinonamata, ndinoda kubata zita raBaba Vokudenga neruremekedzo.

Mateo 6:10

Apo pandinonamata, ndinokwanisa kutaura chido changu chekuti chido chaIshe ngachiitwe.

Ungangofunga pamusoro pekuverenga Mharidzo yepaGomo zvakare, uchitsvaka mimwe misimboti kana mashoko anodzokororwa kakawanda ayo anonyanya kushanda kwauri. Nyora izvo zvaunowana mujenari raunonyora zvaunonzvera, pamwepo nepfungwa dzako uye manzwiro ako.

Mufananidzo
Mhuri ichinamata

Tinokwanisa kuswedera pedyo naMwari kuburikidza nemunamato.

Mateo 6:7

Zvinorevei kushandisa “kupamhidza zvisina maturo” mumunamato?

Vanhu kazhinji vanonzwisisa “kupamhidza zvisina maturo” sokunoreva kudzokorora mashoko mamwechetewo kakawanda. Zvisinei, mashoko anoti zvisina maturo anokwanisa kutsanangura chimwe chinhu chisina ukoshi. Kushandisa “pamhidzo dzisina maturo” mumunamato kunokwanisa kureva kunyengetera usina manzwiro echokwadi, emwoyo wose (ona Aruma 31:12–23).

Mateo 7:1–5

Ndinokwanisa kutonga noururami

Muna Mateo 7:1, Muponesi angaratidzike kunge ari kuti hatifanire kutonga, asi mune zvimwe zvinyorwa zvitsvene (kusanganisira dzimwe ndima muchitsauko chino), Anotipa mirairidzo pamusoro pekutonga. Kana izvozvo zvichiratidzika sezvinovhiringidza, Dudziro yaJoseph Smith yendima ino ingangobatsira iyo inoti “Musatonga zvisina ururami, kuti imi musazotongwa; asi tongai nemutongo wakarurama” (ona Nhungamiro kuMagwaro Matsvene). Chii chaunowana muna Mateo 7:1–5, pamwechetepo nechitsauko chese, icho chinokubatsira kuziva maitiro “ekutonga mutongo wakarurama”?

 

Mateo 7:21–23

Ndinosvika pakuziva Jesu Kristu kuburikidza nekuita chido Chake.

Ndevo yekuti “Handina kutongokuzivai” iri muna Mateo 7:23 yakashandurwa muDudziro yaJoseph Smith kuti “Imi hamuna kumbondiziva” (Nhungamiro kuMagwaro Matsvene ). Shanduro iyi inokubatsira sei kuti unzwisise zvirinani izvo zvakadzidziswa naIshe mundima 21–22 pamusoro pekuita chido Chavo? Unonzwa kuti unoziva Ishe zvakanaka zvakadii? Chii chaunokwanisa kuita kuti uVazive zvirinani?

 

Mateo 7:24–27

Kuteerera dzidziso dzeMuponesi kunovaka hwaro hwakasimba hweupenyu hwangu.

Kurarama vhangeri hakubvise matambudziko muupenyu hwedu. Dzimba dzose dziri murungano rwemufananidzo rweMuponesi muna Mateo 7:24–27 dzakasangana nedutu rimwechetero. Asi imwe yedzimba dzacho yakakwanisa kuramba yakamira mudutu. Kurarama dzidziso dzeMuponesi kwakavaka hwaro hwakasimba kwauri sei? Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti urambe uchivaka “imba yako paruware”? (ona ndima 24).

Onawo Hiramani 5:12.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 6–7.     

Mateo 6:5–13.Chii chatinokwanisa kudzidza pamusoro pekunamata kubva munzira iyo Muponesi yaakanamata nayo? Tingakwanisa sei kushandisa munamato Wake semuenzaniso wekunatsurudza minamato yedu tega uye neyemhuri? (Onawo Ruka 11:1–13.) Kana uine vana vadiki, mungangodzidzira kunamata pamwechete.

Mateo 6:33.Zvinorevei “kutanga … kutsvaka ushe hwaMwari”? Tiri kuzviita sei izvi isu pachedu uye semhuri?

Mateo 7:1–5.Kuti mufungidzire dzidziso dziri mundima idzi, mhuri yako inokwanisa kuwana rubanzu (kasemo kadiki‑diki kehuni) uye danda (chidimbu chikuru chehuni). Kuenzanisa zviviri izvi kunotidzidzisei pamusoro pekutonga vamwe?  

Mateo 7:24–27.Kuti ubatsire mhuri yako kunzwisisa zvirinani rungano rwemufananidzo rweMuponesi rwemurume akangwara uye murume benzi, unokwanisa kuvaita kuti vadire mvura pajecha uye zvino padombo. Tingakwanisa sei kuvaka padombo hwaro hwedu hwezvepamweya?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Wafunga Kunamata Here?,” Nziyo nedzeVana Vadiki, 94.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Govera nzwisiso Kukurukura misimboti yaunodzidza kubva pakunzvera kwako wega haisi chete nzira yakanaka yekudzidzisa vamwe; kunobatsirawo kusimbisa nzwisiso yako pachako. Edza kugovera musimboti wawakadzidza svondo rino kunhengo yemhuri kana mumakirasi ako eChechi.

Mufananidzo
Jesu achinamata

I Have Prayed for Thee [Ndakunamatirai], naDel Parson

Dhinda