Testamente Itsva 2023
Kukadzi 27–Kurume 5. Mateo 8; Marko 2–4: Ruka 7: “Kutenda Kwako Kwakuraramisa”


“Kukadzi 27–Kurume 5. Mateo 8; Marko 2–4: Ruka 7: ʻKutenda Kwako Kwakuraramisa,ʼ” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kukadzi 27–Kurume 5. Mateo 8; Marko 2–4; Ruka 7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Jesu achimutsa murume kubva pauvato

Kukadzi 27–Kurume 5

Mateo 8; Marko 2–4; Ruka 7

“Kutenda Kwako Kwakuraramisa”

Chenjera kuti usakurumidzise kunzvera kwako kwemagwaro matsvene. Tora nguva yekufungisisa nemunamato, kunyangwe kana dai zvikareva kuti hauna nguva yekuverenga ndima dzose. Nguva idzi dzekufungisisa kazhinji dzinotungamirira kuzvakazarurwa zvako wega.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Rimwe remashoko akajekesesa muTestamente Itsva nderekuti Jesu Kristu murapi. Tsananguro dzepamusoro peMuponesi achirapa vanorwara nevanotambura dzakawanda—kubva kumudzimai aiva nefivha kusvika kumwanakomana weshirikadzi uyo akanga afa. Sei nangiso yakaiswa pakurapa kwepanyama? Mashoko api angangovapo kwatiri isu muzvishamiso izvi? Zvirokwazvo rimwe shoko riri pachena nderekuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari, anesimba pamusoro pezvinhu zvose, kusanganisira marwadzo edu epanyama uye kusarurama kwedu kwepanyama. Asi imwe revo inowanikwa mumashoko Ake kuvanyori vaiva vasina chokwadi: “Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokutikanganwira zvivi” (Marko 2:10). Saka apo paunoverenga pamusoro pemunhu aiva bofu kana aiva nemaperembudzi achiporeswa, ungangofunga nezve kuporeswa—zvose pamweya uye nepanyama—uko kwaunokwanisa kugamuchira kubva kuMuponesi uye ugomunzwa achiti kwauri, “Kutenda kwako kwakuraramisa” (Ruka 7:50).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 8; Marko 2–3; Ruka 7

Muponesi anokwanisa kuporesa utera nezvirwere.

Zvitsauko zvishoma izvi zvinorondedzera zviitiko zvakawanda zvekuporesa kunoshamisa kwakaitwa neMuponesi. Apo paunonzvera kuporesa uku, tsvaka mashoko angange akanangana newe. Ungangozvibvunza kuti: Tsananguro iyi inodzidzisa chii pamusoro perutendo muna Jesu Kristu? Tsananguro iyi inodzidzisei pamusoro peMuponesi? Chii chinodiwa naMwari kuti ndidzidze kubva pachishamiso ichi? Heino mimwe mienzaniso, asi pane mimwe yakawanda.

 

Marko 2:15–17; Ruka 7:36–50

Jesu Kristu haana kuuya kuzoshoropodza vatadzi asi kuzovaporesa.

Apo paunoverenga mundima idzi pamusoro pekushanda kwaJesu nevanyori uye nevaFarise, ungangofunga kana uchizviona mukati metsananguro idzi. Semuenzaniso, pfungwa nezviito zvako zvinomboita seizvo zvaSimoni muFarise here? Ungatsanangura sei musiyano uripakati penzira iyo Jesu yaaiona nayo vatadzi uye nenzira iyo vaFarise vakaita saSimoni yaaivaona nayo? Funga pamusoro pekuti avo vakaremerwa nezvivi vanganzwa sei apo pavanenge vaine Muponesi. Vanonzwa sei apo pavanenge vainewe?

Ungangofungisisawo kuti wakafanana sei nemukadzi anotsanangurwa muna Ruka 7:36–50. Ndiriinhi pawakambonzwa unyoro uye tsitsi izvo Muponesi zvaakamuratidza? Chii chaunodzidza kubva pamuenzaniso wake werutendo, rudo, uye runinipo?

Onawo Johane 3:17; Ruka 9:51–56

Mateo 8:18–22; Marko 3:31–35

Kuva mudzidzi waJesu Kristu kunoreva kuti ini ndinomuisa Iye pokutanga muupenyu hwangu.

Mundima idzi, Jesu akadzidzisa kuti kuva vadzidzi Vake zvinoda kuti isu timuise Iye pokutanga muupenyu hwedu, kunyangwe kana dzimwe nguva izvozvo zvichireva kuti tinofanira kupira zvimwe zvinhu zvatinokoshesa. Apo paunonzvera ndima idzi, fungisisa nezve hudzidzi hwako pachako. Sei vadzidzi vachifanira kuva vanoda kuisa Muponesi pokutanga? Chii chaungafanira kurega kuitira kuti uise Jesu pokutanga? (Onawo Ruka 9:57–62.)

Mateo 8:23–27; Marko 4:35–41

Jesu Kristu ane simba rekuunza runyararo pakati pematutu eupenyu.

Wati wambonzwa here samanzwiro akaita vadzidzi vaJesu mudutu regungwa—vachitarisa masaisai emvura achizadza igwa uye vachibvunza kuti, “Mudzidzisi, hamune hanya kunyange tofa here?”

Muna Marko 4:35–41, uchawana mibvunzo mina. Dorongodza mumwe nemumwe, uye wofungisisa izvo zvaunokudzidzisa pamusoro pekutarisana nezvinetso zveupenyu nerutendo muna Jesu Kristu. Muponesi anounza sei runyararo kumatutu eupenyu hwako?

 

Mufananidzo
Jesu ari muigwa achinyaradza dutu

From Fear to Faith [Kubva Mukutya Kuenda muRutendo], naHoward Lyon

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 8; Marko 2–4; Ruka 7.Funga pamusoro pekuita mudorongodzwa wezvishamiso zvakatsanangurwa muzvitsauko izvi.   Nhengo yega yega yemhuri inokwanisa kushandisa mifananidzo kutaura pamusoro pechimwe chezvishamiso uye vogovera zvavanodzidza kubva pachiri. Ungangogovera mimwe mienzaniso yezvishamiso zvawakaona kana kuverenga pamusoro pezvazvo muzuva redu.

 

Mateo 8:5–13; Ruka 7:1–10.Chaiva chii pamusoro perutendo rwemukuru wezana chakayemurwa naJesu? Tingakwanisa sei kuratidza rutendo rwakafanana nairworwo muna Jesu Kristu?

Marko 2:1–12.Chitsauko 23: Murume Aiva Asingakwanise KufambamuNyaya dzeTestamente Itsva chingakwanisa kubatsira mhuri yako kukurukura Marko 2:1–12.   Tingakwanisa sei kuva seshamwari dzemurume uyu aiva asingakwanisi kufamba? Ndiyani anga ari rudzi rwakadaro rweshamwari kwatiri?

Marko 4:35–41.Tsananguro iyi ingakwanisa kubatsira here nhengo dzemhuri apo pavanonzwa kutya? Pamwe vangakwanisa kuverenga ndima 39 uye vogovera zviitiko apo Muponesi paakavabatsira kunzwa runyararo.

Vana vangangofadzwa nekunyepedzera kuita sevari muigwa mugungwa rine dutu guru apo mumwe munhu paanenge achiverenga Marko 4:35–38. Zvino, apo mumwe munhu paanoverenga ndima 39, vanokwanisa kunyepedzera kunge vari muigwa mugungwa rakadzikama.    

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

 

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Ivapo uye uchiwanikwa. Dzimwe dzenguva dzekudzidzisa dzakanakisisa dzinotanga semibvunzo kana zvinetso zvinenge zviri mumwoyo yenhengo dzemhuri. Ita kuti nhengo dzemhuri dzizive kuburikidza nemashoko ako nezviito zvako kuti une chido chikuru chokuvanzwa. (Ona Teaching in the Savior’s Way16.)

Mufananidzo
Jesu aine murume airwara ari pamubhedha wakadzikiswa napadenga remba

Christ and the Palsied Man [Kristu neMurume Wakafa Mutezo], naJ. Kirk Richards

Dhinda