Testamente Itsva 2023
Kurume 6–12. Mateo 9–10; Marko 5; Ruka 9: “Ava vane Gumi naVaviri Jesu Wakavatuma”


“Kurume 6–12. Mateo 9–10; Marko 5; Ruka 9: ʻAva vane Gumi naVaviri Jesu Wakavatuma,ʼ” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kurume 6–12. Mateo 9–10; Marko 5; Ruka 9,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Jesu achigadza Petro

Kurume 6–12

Mateo 9–10; Marko 5; Ruka 9

“Ava vane Gumi naVaviri Jesu Wakavatuma”

Mazano ekunzvera ari muchidzidzo chino akaitirwa kuti akubatsire kuwana revo yako pachako mumagwaro matsvene. Haafanire, zvisinei, kutsiva zvakazarurwa zvako wega zvaungangotambira pamusoro pokuti indima dzipi dzaunofanira kunzvera kana manzverero ekudziita.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Shoko pamusoro pezvishamiso zvekuporesa zvaJesu raipararira nekukurumidza. Mhomho dzakaMutevera, dzichitarisira ruyamuro kubva kuurwere hwavo. Asi apo Muponesi paakatarisa pamhomho dzacho, Akaona zvizhinji kupfuura hosha dzavo dzepanyama. Akazadzwa netsitsi, Akaona “makwai asina mufudzi” (Mateo 9:36). “Kucheka kukuru,” Akacherechedza, “asi vashandi vashoma” (Mateo 9:37). Saka Akadaidza vaApositora vane gumi navaviri, “akavapa simba,” uye akavatuma kunodzidzisa nekushumira “kumakwai akarasika eimba yavaIsraeri” (Mateo 10:1, 6). Nhasi kudikanwa kwevashandi vakawanda vekuti vashandire vana vaBaba Vokudenga kwakakura zvimwechetezvo. Kuchine vaApositora vane gumi nevaviri, asi kune vadzidzi vazhinji vaJesu Kristu kupfuura kare kose—vanhu avo vanokwanisa kuzivisa pasi rose, “Hushe hwokudenga hwaswedera” (Mateo 10:7).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 9:18–26; Marko 5:22–43

“Usatya, tenda chete.”

Apo Jairosi paakatanga kukumbira Jesu kuti aporese mwanasikana wake, uyo “akanga wotandadza,” Jairosi akataura neruchimbidzo asi aine tarisiro: “Uyai muise maoko enyu pamusoro pake, … uye achararama” (Marko 5:23). Asi apo pavaienda, mutumwa akaudza Jairosi kuti vakanga vanonoka: “Mukunda wafa: muchatambudzireiko Mudzidzisi?” (ndima 35). Saizvozvo, zvingangoratidzika sezvaiva zvanonokwa kumudzimai akatsanangurwa muna Marko 5:25–34, uyo akanga atambura nechirwere kwemakore gumi nemaviri.

Apo paunoverenga tsananguro idzi, ungangofunga nezve zvinhu zvinofanira kuporeswa muupenyu hwako kana mhuri yako—kusanganisira zvinhu zvingangoratidzika kunge “zvavakutandadza” kana zvanonokerwa pakuporeswa. Chii chinokufadza pamusoro peratidzo dzerutendo mutsananguro idzi? Cherechedzawo zvinotaurwa naJesu kumudzimai wacho uye kuna Jairosi. Chii chaunonzwa kuti Ari kutaura kwauri?

Onawo Ruka 8:41–56

Mufananidzo
mudzimai achinanavira kuti abate nguwo yaJesu

Trust in the Lord [Vimba muna Ishe], naLiz Lemon Swindle

Matthew 10; Ruka 9:1–6

Ishe vanopa varanda Vavo simba rekuti vaite basa Ravo.

Mirairidzo yakapuwa naJesu muna Mateo 10 kuvaApositora Vake inokwanisa kushanda kwatiriwo, nokuti tose tine chikamu mubasa raIshe. Isimba ripi iro Kristu raakapa vaApositora Vake kuvabatsira kuzadzikisa basa ravo? Unokwanisa sei kuwana simba Rake mubasa rawakadaidzwa kuti uite? (ona 2 Vakorinte 6:1–10; Dzidziso neZvibvumirano 121:34–46).

Apo paunoverenga basa iro Kristu raakapa kuvaApositora Vake, ungangogamuchira manzwiro pamusoro pebasa iro Ishe ravanoda kuti uite. Chati yakaita seinotevera inokwanisa kukubatsira kuronga pfungwa dzako

Mateo 10

Manzwiro andinotambira

Muponesi akapa vadzidzi vake simba.

Mwari vanozondipa simba randinoda kuti ndiite basa rangu.

Onawo Marko 6:7–13; Misimboti yeChitendero 1:6; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “MuApositora.”

Mateo 10:17–20

Apo pandinenge ndiri mumushando waIshe, Vachandikurudzira neizvo zvandinofanira kutaura.

Ishe vakafanoona kuti vadzidzi Vavo vaizotambudzwa uye nekubvunzwa pamusoro perutendo rwavo—chimwe chinhu chakafanana neicho vadzidzi vanhasi chavangangosangana nacho. Asi Vakavimbisa vadzidzi kuti vaizoziva kuburikidza neMweya izvo zvekutaura. Wakambova here nezviitiko apo chivimbiso cheumwari ichi pachakazadzikiswa muupenyu hwako, pamwe apo pawakapa uchapupu hwako, pawakapa ropafadzo, kana pawakaita hurukuro nemumwe munhu? Funga kugovera zviitiko zvako kumunhu waunoda kana kuzvinyora mujenari. Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuti uite kuitira kuti ukwanise kuva nezviitiko zvakadaro zvakanyanya kuwanda?

Onawo Ruka 12:11–12; Dzidziso neZvibvumirano 84:85.

Mateo 10:34–39

Jesu airevei nekuti “Handina kuuya kuisa rugare, asi kurwa”?

Gosa D. Todd Christofferson vakadzidzisa kuti: “Ndine chivimbo chekuti vazhinji venyu makarambwa uye mukafuratirwa nababa naamai, vanunʼuna nehanzvadzi apo pamakatambira vhangeri raJesu Kristu uye mukapinda muchibvumirano Chake. Neimwe nzira, rudo rwako rwepamusoro-soro rwaKristu rwakava nefaniro yekurasikirwa nehukama hwaiva hwakakosha kwauri, uye wakaburitsa misodzi yakawanda. Asi zvakadaro nerudo rwako rusina kuderera, unobatirira usingazungunuke pasi pemarwadzo aya ekurambwa nevadikani vako, uchizviratidza usina nyadzi dzeMwanakomana waMwari ”(“Finding Your Life,” Ensign, Kurume 2016, 28).

Chido ichi chekurasikirwa nehukama hunodiwa kuitira kuti utevere Muponesi chinouya nevimbiso yekuti “asi unorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana” (Mateo 10:39).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Marko 5:22–43.Apo mhuri yako painoverenga nyaya iyi pamwechete, ungangomira zvishoma uchibvunza nhengo dzemhuri manzwiro avangaita dai vaiva Jairosi, mudzimai, kana vamwe vanhu vari munyaya yacho. Unokwanisawo kuratidza mifananidzo yenyaya yacho, yakaita seiyo iri muchidzidzo chino. Mifananidzo iyi inoratidza sei rutendo rwevanhu vari munyaya dzacho?   Mungangofunga pamusoro pezvinetso zvinosangana nemhuri yako. Tingakwanisa sei kushandisa mashoko Ake anoti, “Usatya, tenda bedzi”? (Marko 5:36).

Mateo 10:39; Ruka 9:23–26..Zvingarevei “kurasikirwa” neupenyu hwedu uye “kuhuwana”? (Mateo 10:39). Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugovera zviitiko zvinoratidza dzidziso dzaJesu mundima idzi.

Mateo 10:40.Iwe uye mhuri yako murikuita zvakadii pakugamuchira nekutevera rairo yevaApositora vemazuva ano? Kuteerera kwedu kurairo yavo kuri kutiunza sei padyo naJesu Kristu?

Ruka 9:61–62.Zvinorevei kucheukira shure mushure mekuisa ruoko rwedu pagejo? Sei mafungiro aya achitiita kuti tisakodzere humambo hwaMwari?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

 

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Teerera kuMweya Apo paunonzvera, teerera kupfungwa dzako nemanzwiro ako (ona Dzidziso neZvibvumirano 8:2–3), kunyangwe dai zvisingaenderani nezvauri kuverenga. Manzwiro iwayo angangova zvinhu izvo chaizvo Mwari zvavanoda kuti uzive.

Mufananidzo
Jesu achimutsa musikana kubva pamubhedha

Talitha Cumi [Tarita Kumi], naEva Koleva Timothy

Dhinda