Testamente Itsva 2023
Kurume 13–19. Mateo 11–12; Ruka 11: “Ini Ndichakuzorodzai”


“Kurume 13–19. Mateo 11–12; Ruka 11: ‘Ini Ndichakuzorodzai,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kurume 13–19. Mateo 11–12; Ruka 11,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Jesu akamira pakati pemakore

Be Not Afraid [Usatya], naMichael Malm

Kurume 13–19

Mateo 11–12; Ruka 11

“Ini Ndichakuzorodzai”

Mutungamiri Dallin H. Oaks vakadzidzisa kuti: “Zvinyorwa zvitsvene, izvo zvinova zvakazarurwa zvekare, hazvikwanisi kunzwisiswa pasina chido chekutambira zvakazarurwa zvemazuva ano. … Kunzvera magwaro matsvene kunoita kuti varume nemadzimai vakwanise kutambira zvakazarurwa ” (“Scripture Reading and Revelation,” Ensign, Ndira 1995, 7).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Munzira dzakawanda, vaFarise nevanyori vakanga vaita kuti kushumira Jehova kuve kunorema. Kazhinji vaisimbisa mirau yakaoma pamusoro pezvokwadi zvekusingaperi. Mirau pamusoro pezuva reSabata, iro raifanira kuva zuva rekuzorora, yaiva pachezvayo mutoro unorema.

Uye zvino, Jehova paChake akauya pakati pavanhu Vake. Akavadzidzisa kuti chinangwa chechokwadi chechitendero hachisi chekupa mitoro asi kuirerutsa. Akadzidzisa kuti Mwari vanotipa mirairo, kusanganisira uyo wekuremekedza Sabata, kwete kuti vatidzvinyirire asi kuti vatiropafadze. Hongu, nzira inoenda kuna Mwari yakamanikana uye inhete, asi Ishe vakauya kuzozivisa kuti hatifanire kuifamba tega. “Uyai kwandiri,” Vakateterera. Kukoka Kwake, kune vose vanonzwa “kuremerwa” nechikonzero chipi zvacho, ndekwekumira parutivi Pake, kuzvibatanidza kwaAri, uye nokuita kuti Atakudzane nesu mitoro yedu. Vimbiso yake ndeyekuti “Muchawana zororo pamweya yenyu.” Zvichienzaniswa nezvimwe zvingaitwa zvakaita—sokuedza kufambira mberi uri wega kana kuvimba negadziriso dzepanyika—“Joko rake rakanaka, uye mutoro [Wake] wakareruka.” (Mateo 11:28–30.)

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 11:28–30

Jesu Kristu anozondipa zororo apo pandinovimba Naye.

Tose tinotakura mitoro—mimwe inokonzereswa nezvivi uye nezvikanganiso zvedu pachedu, mimwe inokonzereswa nesarudzo dzavamwe, uye mimwe inenge isiri mhosva yemunhu asi inongova chikamu cheupenyu hwepasi pano. Zvisinei nezvikonzero zvematambudziko edu, Jesu anotiteterera kuti tiuye kwaAri kuitira kuti Atibatsire kutakura mitoro yedu uye tiwane rerutso.(onawo Mosaya 24). Gosa David A. Bednar vakadzidzisa kuti, “Kuita nekuchengeta zvibvumirano zvinoera kunotisunganidza pajoko kunaIshe Jesu Kristu” (Bear Up Their Burdens with Ease,” Liahona, Chivabvu 2014, 88). Uine izvi mupfungwa, fungisisa mibvunzo yakaita seinotevera kuti unzwisise zvirinani mashoko eMuponesi mundima idzi: Zvibvumirano zvangu zvinondisunganidza sei pajoko kuMuponesi? Chii chandinofanira kuita kuti ndiuye kuna Kristu? Joko reMuponesi riri nyore uye mutoro Wake wakareruka nenzira ipi?

Ndeipi mimwe mibvunzo inouya mupfungwa mako apo paunoverenga? Zvinyore pasi, uye tsvakurudza mhinduro svondo rino mumagwaro matsvene uye nemumashoko evaporofita. Unogona kuwana mhinduro kune mimwe mibvunzo yako mushoko raGosa David A. Bednar rataurwa pamusoro.

Mufananidzo
varume vanoshora vadzidzi varikufamba nemumunda wegorosi

The Disciples Eat Wheat on the Sabbath [Vadzidzi Vanodya Gorosi paSabata], naJames Tissot

Mateo 12:1–13

“Ita zvakanaka pamazuva esabata.”

Dzidziso dzevaFarise dzakanga dzakasiyana nedzeMuponesi munzira dzakawanda, asi kunyanya mumaremekedzero ezuva reSabata. Apo paunoverenga Mateo 12:1–13, ungangofunga pamusoro pekuti mafungiro ako uye zviito zvako maererano neSabata zvinofambirana zvakanaka zvakadii nedzidziso dzeMuponesi. Kuti uite izvi, unokwanisa kufungisisa zvirevo zvakaita seizvi:

  • “Ndinoda ngoni, handidi chibayiro” (ndima 7; ona Hosea 6:6).

  • “Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabatawo” (ndima 8).

  • “Zvakatenderwa kuita zvakanaka nesabata” (ndima 12).

Dzidziso idzi dzingashandura sei mafungiro aunoita pamusoro peSabata?

Onawo Marko 2:233:5.

Mateo 12:34–37; Ruka 11:33–44

Mashoko angu nezviito zvangu zvinoratidza zviri mumwoyo mangu.

Imwe yeshoropodzo huru yeMuponesi yekuvaFarise yaiva yokuti vaiedza kuratidzika sevakarurama asi vavariro dzavo dzaiva dzisina kururama. Apo paunoverenga yambiro dzeMuponesi kuvaFarise muna Mateo 12:34–37 uye Ruka 11:33–44, fungisisa kuenderana kuri pakati pemwoyo yedu nezviito zvedu. Ndevo yekuti “pfuma yakanaka yemwoyo” inorevei kwauri? (Mateo 12:35). Mashoko edu anotiruramisa kana kutipa mhosva sei? (ona Mateo 12:37). Zvingarevei kuti ziso rako rive “rakanaka”? (Ruka 11:34). Fungisisa kuti ungakwanisa sei kuva “wakavhenekerwa” (Ruka 11:36) kuburikidza nesimba reMuponesi.

Onawo Aruma 12:12–14; Dzidziso neZvibvumirano 88:67–68.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 11:28–30.Unokwanisa kubatsira mhuri yako kufungidzira dzidziso dzeMuponesi dziri mundima idzi nekuita kuti vatore zvijano vachiyedza kukweva chimwe chinhu chinorema, kutanga varivoga uye zvino nerubatsiro. Ndeipi mimwe yemitoro yatinotakura? Zvinorevei kutora joko raKristu pamusoro pedu? Mufananidzo uri kumagumo kwechidzidzo chino unokwanisa kukubatsira kutsanangura kuti joko chii.

Mateo 12:10–13.Apo pamunoverenga pamusoro paJesu achiporesa murume paSabata, mhuri yako inokwanisa kutaura pamusoro pekuti “tinovandudzwa kuva mumwe” sei neMuponesi. Sabata ringakwanisa sei kuva zuva rekuporesa kwatiri?

Muchikurudzirwa nemuenzaniso weMuponesi mundima idzi, mhuri yako inokwanisa kuita mudorongodzwa wenzira dzamunokwanisa “kuita zvakanaka pasabata” (ndima 12). Ivai nechokwadi chekusanganisira mikana yokushandira vamwe. Zvinokwanisa kubatsira kuchengeta mudorongodzwa wenyu uye mozodzokera kwauri pamisi yeSvondo yeramangwana.

Ruka 11:33–36.Fungisisa madzidzisiro aungaita mhuri yako zvazvinoreva kuva “wakavhenekerwa” (ndima 34, 36). Chidzidzo chekushandisa chinhu chinobatika chingabatsira here? Munokwanisawo kukurukura nzira dzekuunza chiedza cheMuponesi muupenyu hwedu, mumba medu, uye nemunyika.  

Ruka 11:37–44.Pamwe mhuri yako inokwanisa kukurukura ndima idzi apo pamunenge muchisuka ndiro pamwechete. Munokwanisa kutaura pamusoro pekuti sei ingava pfungwa yakaipa kusuka kunze chete kwezvinhu zvakaita sembiya nemakomichi. Unokwanisa zvino kufananidza izvi nefaniro yekuva wakarurama kwete chete muzviito zvedu zvekunze asiwo mupfungwa uye mumanzwiro edu emukati.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Nzvera nokushingaira Ungangova nemazuva apo kudzidza magwaro matsvene pakunoratidzika sekwakanyanya kuoma kana kunova neshanduro shoma kupinda zvawanga uchitarisira. Usaora mwoyo. Gosa David A. Bednar vakadzidzisa kuti, “Kushingaira kwedu mukuita zvinoratidzika kunge zvinhu zvidiki kunokwanisa kutungamirira kumhedzisiro dzakakosha dzezvepamweya” (“More Diligent and Concerned at Home,” Liahona, Mbudzi 2009, 20).

Mufananidzo
madhonza maviri akasungwa pamwechete pajoko

“Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomwoyo unozvininipisa: kuti muwane zororo pamweya yenyu” (Mateo 11:29). Photograph © iStockphoto.com/wbritten

Dhinda