Testamente Itsva 2023
Chivabvu 8–14. Mateo 19–20; Marko 10; Ruka 18: “Ndichakashaiweiko?”


Chivabvu 8–14. Mateo 19–20; Marko 10: Ruka 18: ʻNdichakashaiweiko?,ʼ” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chivabvu 8–14. Mateo 19–20; Marko 10: Ruka 18,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
vashandi mumunda wemuzambiringa

Chivabvu 8–14

Mateo 19–20; Marko 10; Ruka 18

“Ndichakashaiweiko?”

Verenga uye ufungisise Mateo 19–20; Marko 10; uye Ruka 18, uchiteerera kufemero dzaunogamuchira. Nyora pasi femero idzodzo, uye wosarudza zvaunozoita padziri.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Dai waiva nemukana wekubvunza Muponesi mubvunzo, waizova wekuti kudii? Apo rimwe jaya mupfumi parakasangana neMuponesi kokutanga, rakabvunza kuti, “Ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?” (Mateo 19:16). Mhinduro yeMuponesi yakaratidza zvose ruvongo rwezvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa nechekare nemujaya uyu uye nekurudziro ine rudo yekuti aite zvimwe zvakawanda. Apo patinofungisisa nezve kwaniso yeupenyu husingaperi, tingangofunga nenzira imwecheteyo kana paine zvimwe zvakawanda zvatinofanira kunge tichiita. Apo patinobvunza, nenzira yedu pachedu kuti, “Ndichakashaiweiko?” (Mateo 19:20), Ishe vanokwanisa kutipa mhinduro dziri dzedu pachedu semhinduro Yavo kujaya mupfumi. Chipi nechipi zvacho Ishe chavanotikumbira kuti tiite, kuchiita maererano nemhinduro Yavo kunozoda nguva dzose kuti tivimbe Navo kupfuura ururami hwedu pachedu (ona Ruka 18:9–14) uye kuti “tigamuchire ushe hwaMwari somwana mudiki” (Ruka 18:17; onawo 3 Nifai 9:22).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 19:3–9; Marko 10:2–12

Muchato pakati pomurume nomudzimai wakagadzwa naMwari.

Nhaurirano iyi pakati peMuponesi nevaFarise ndeimwe yezviitiko zvishoma zvakanyorwa pasi umo Muponesi maakadzidzisa akanangisa pamusoro pemuchato. Mushure mekuverenga Mateo 19:3–9 uye Marko 10:2–12, nyora mudorongodzwa wezvirevo zvakati wandei izvo zvaunonzwa kuti zvinotaura muchidimbu maonero aIshe emuchato.   Ruzivo rwako nezve chirongwa chaBaba cheruponeso runoshandura sei mafungiro uye manzwiro aunoita pamusoro pemuchato?

Mateo 19:3–9; Marko 10:2–12

Jesu akadzidzisa here kuti kurambana hakumbofi kwakatambirwa kana kuti vanhu vakarambana havafanire kuchatazve?

Munhaurwa nezve kurambana, Mutungamiri Dallin H. Oaks vakadzidzisa kuti Baba Vokudenga vanovavarira kuti hukama hwemuchato huve husingaperi. Zvisinei, Mwari vanonzwisisawo kuti kurambana pane dzimwe nguva kunodikanwa. Mutungamiri Oaks vakatsanangura kuti Ishe “vanotendera vanhu vakarambana kuti vachate zvakare vasina vara reunzenza hwakataurwa mumutemo wepamusoro. Kunze kwekunge nhengo yakarambana yakaita zvitadzo zvakakomba, inokwanisa kukodzera kuwana mvumo yokupinda mutemberi pasi pemwero wekodzero mumwechetewo unoshanda kune dzimwe nhengo (“Divorce,” Liahona, Chivabvu 2007, 70.

Mateo 19:16–22; Marko 10:17–22; Ruka 18:18–23

Kana ndikabvunza Ishe, Vanozondidzidzisa zvandinofanira kuita kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi.

Tsananguro yejaya mupfumi inokwanisa kukonzera munhu kuti amire uye afungisise kunyangwe mudzidzi akatendeka, weupenyu hwose. Apo paunoverenga Marko 10:17–22, umboo hupi hwaunowana hwerutendeseko uye huchokwadi hwejaya mupfumi? Ishe vakanzwa sei kumujaya uyu?

Tsananguro iyi ingangokukurudzira kubvunza kuti, “Ndichakashaiweiko” (Mateo 19:20). Ishe vanotibatsira sei kuzadzisa pane izvo zvatisina? (Eta 12:27). Chii chatingakwanisa kuita kuti tizvigadzirire kutambira ruramiso uye rubatsiro Rwavo apo patinotsvaka kunatsurudza?

Mateo 20:1–16

Munhu wose anokwanisa kugamuchira maropafadzo eupenyu husingaperi, zvisinei nekuti akatambira vhangeri riinhi.

Ungakwanisa here kunzwisisa zviitiko zveupi neupi wevashandi vemumunda wemuzambiringa? Zvidzidzo zvipi zvaunowana zvakanangana newe mundima ino? Gosa Jeffrey R Holland vakadzidzisa kuti rungano rwomufananidzo urwu “inyaya iri pamusoro porunako rwaMwari, mwoyo murefu Wavo noruregerero Rwavo, uye Rudzikinuro rwaIshe Jesu Kristu. Inyaya iri pamusoro perupo rusina rutsuta uye mutsa. Inyaya yenyasha” “The Laborers in the Vineyard,” (Liahona, Chivabvu 2012, 31–33). Ndedzipi dzimwe nzwisiso dzaunowana kubva mudzidziso dzaGosa Holland? Ndedzipi dzimwe femero dzaunopuwa neMweya?

Mufananidzo
murume akaninipa nemuFarise

The Repentant Publican and the Self-Righteous Pharisee in the Temple [Muteresi Akatendeuka uye MuFarise Aizviti Akarurama vari Mutemberi], naFrank Adams

Ruka 18:9–14

Ndinofanira kuvimba netsitsi dzaMwari, kwete neururami hwangu.

Ungapfupikisa sei musiyano uri pakati peminamato miviri iri murungano rwomumufananidzo urwu? Fungisisa zvaunonzwa kuti unofanira kuita kuti unyanye kuva semuteresi ari munyaya iyi uye usanyanya kuita semuFarise.

Onawo VaFiripi 4:11–13; Aruma 31:12–23; 32:12–16.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Marko 10:13–16; Ruka 18:15–71.Kuti ubatsire nhengo dzemhuri kufungisisa tsananguro iri mundima idzi, munokwanisa kuimba pamwechete rwiyo rwunoenderana nayo, rwakaita sokuti “Wafunga Kunamata Here” (Nziyo nedzeVana Vadiki, 94. Zvingava zvaiva zvakaita sei kuva pakati pevana vakaropafadzwa naJesu? Zvingava zvinorevei “kugamuchira ushe hwaMwari somwana muduku”? (Marko 10:15).

Marko 10:23–27.Mutsauko upi uri pakati pekuva neupfumi nekuvimba muupfumi? (ona Marko 10:23–24).   Semhuri, tiri kuratidza sei kuti tinovimba naMwari kupfuura zvinhu zvenyama?

Mateo 20:1–16.Kuti uratidze musimboti uri muna Mateo 20:1–16, ungangoronga makwikwi akareruka, akaita semujawo mupfupi. Mushure mekunge munhu wose apedza makwikwi acho, ipa munhu wose mubairo wakafanana, uchitanga nemunhu akagumisira kupedza uye uchipedzisira nemunhu atanga kupedza. Izvi zvinotidzidzisei pamusoro pekuti ndiani anogamuchira maropafadzo eupenyu husingaperi muchirongwa chaBaba Vokudenga?

Mateo 20:25–28; Marko 10:42–45.Chii chinorehwa nendevo inoti “aninani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu”? (Mateo 20:27). Jesu Kristu akaratidzira sei musimboti uyu? Tingatevere sei muenzaniso Wake mumhuri medu, muwadhi yedu kana mubazi redu, uye nemunharaunda yedu?

Ruka 18:1–14.Chii chatinodzidza pamusoro pemunamato kubva mungano dzomufananidzo mbiri dziri mundima idzi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Wana nguva inoshanda kwauri. Kazhinji zviri nyore kudzidza apo paunokwanisa kunzvera magwaro matsvene pasina chinokuvhiringidza. Wana nguva inoshanda kwauri, uye woita zvose zvaunokwanisa kuti ugare uchidzidza panguva iyoyo zuva nezuva.

Mufananidzo
Kristu nejaya mupfumi

Christ and the Rich Young Man [Kristu neJaya Mupfumi], naHeinrich Hofmann

Dhinda