Testamente Itsva 2023
Chivabvu 22–28. Joseph Smith—Mateo 1; Mateo 24–25; Marko 12–13; Ruka 21: “Mwanakomana woMunhu aChauya”


Chivabvu 22–28. Joseph Smith—Mateo 1; Mateo 24–25; Marko 12–13; Ruka 21: ‘Mwanakomana woMunhu aChauya,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

Chivabvu 22–28. Joseph Smith—Mateo 1; Mateo 24–25; Marko 12–13; Ruka 21,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Kuuya kweChipiri

The Second Coming [Kuuya Kwechipiri], naHarry Anderson

Chivabvu 22–28

Joseph Smith—Mateo 1; Mateo 24–25; Marko 12–13; Ruka 21

“Mwanakomana woMunhu aChauya”

Apo paunoverenga Joseph Smith—Mateo1; Mateo 24–25; Marko 12–13; uye Ruka 21, ungangobvunza, “Ndeapi mashoko ane zvitsauko izvi kwandiri? kumhuri yangu? kudaidzo yangu?”

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Vadzidzi vaJesu vanofanira kunge vakawana huporofita Hwake hwuchishamisa zvikuru; temberi hurusa yeJerusarema, nzvimbo yezvemweya uye nezvetsika yavanhu vechiJuda, yaizoparadzwa zvachose zvokuti “hakwaizoregwa kune … ibwe pamusoro pebwe.” Sezvinotarisirwa vadzidzi vaida kuziva zvimwe zvakawanda. “Izvozvi zvichagova riniko?” vakabvunza. “Uye chii chiratidzo chekuuya kwenyu”? (Joseph Smith—Mateo 1:2–4). Mhinduro dzeMuponesi dzakaratidza kuti ruparadzo rukuru rwaiuya kuJerusarema—huporofita hwakazadzikiswa muna 70 Kristu Azvarwa—rwaizova rwudiki chaizvo kana rwoenzaniswa kuzviratidzo zvokuuya Kwake mumazuva ekupedzisira. Zvinhu izvo zvairatidzika sezvakanyanya kugadzikana kupfuura temberi yeJerusarema zvinozoratidza kuva zvechinguva chidiki—zuva, mwedzi, nyeredzi, nyika, uye negungwa. Kunyangwe “masimba ekudenga achazungunuswa” (Joseph Smith—Mateo 1:33). Kana tiri tinoziva zvepamweya, mhirizhonga iyi inokwanisa kutidzidzisa kuisa ruvimbo rwedu mune chimwe chinhu chechigarire zvechokwadi. Sokuvimbisa kwakaita Jesu kuti, “Kudenga nenyika zvichapfuura; asi mashoko angu haazopfuuri. … Uye ani nani anochengetedza mashoko angu, haachazonyengerwi” (Joseph Smith—Mateo 1:35, 37).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Joseph Smith—Mateo chii?

Joseph Smith—Mateo, iri muDombo reMutengo Mukuru, ndiyo Dudziro yaJoseph Smith yendima dzekupedzisira dzaMateo 23 uye dzose dzaMateo 24. Gadziriso yakafemerwa yaJoseph Smith yakadzorera zvokwadi zvakakosha izvo zvakanga zvarashika. Ndima 12–21 dzinotaura nezve kuparadzwa kweJerusarema chinyakare; ndima 21–55 dzine huporofita pamusoro pamazuva ekupedzisira.

Joseph Smith—Mateo 1:21–37; Marko 13:21–25; Ruka 21:25–38

Huporofita pamusoro poKuuya kweChipiri kweMuponesi kunokwanisa kundibatsira kutarisana neramangwana nerutendo.

Zvinokwanisa kuva zvinonetsa pfungwa kuverenga pamusoro pezviitiko zvinotungamira Kuuya kweChepiri kwaJesu Kristu. Asi apo Jesu paakaporofita nezve zviitiko izvi, Akataurira vaporofita Vake kuti “musanetsekana” (Joseph Smith—Mateo 1:23). Ungava “unonetsekana” sei apo paunoverenga pamusoro pekudengenyeka kwenyika, hondo, hunyengeri, uye nenzara? Funga pamusoro pemubvunzo uyu apo paunoverenga ndima idzi. Maka kana kucherechedza rairo dzipi zvadzo dzinopa chivimbo dzaunowana.

­

Joseph Smith—Mateo 1:26–27, 38–55; Mateo 25:1–13; Ruka 21:29–36

Ndinofanira kugara nguva dzose ndakagadzirira Kuuya kweChipiri kweMuponesi.

Mwari havasati vataridza “zuva kana nguva apo Mwanakomana womunhu paanouya” (Mateo 25:13). Asi haVadi kuti zuva iroro ritisvikire “tisingazivi” Ruka 21:34), saka Vakatipa rairo pamusoro pokuti tinogadzirira sei.

Apo paunoverenga ndima idzi, doma ngano dzomufananidzo uye nedzimwe enzaniso idzo Muponesi dzaakashandisa kutidzidzisa kuti tigare nguva dzose takagadzirira Kuuya kweChipiri Kwake. Chii chaunodzidza kubva kwadziri? Chii chaunokurudzirwa kuita?

Ungangofungawo pamusoro pokuti Muponesi anoda kuti ubatsire sei kugadzirira nyika Kuuya kweChipiri Kwake. Unonzwa kuti zvinorevei kuva wakagadzirira kugamuchira Muponesi apo paAnouya? ­

­

Mateo 25:14–30

Baba Vokudenga vanotarisira kuti ndishandise zvipo Zvavo noungwaru.

Murungano rwomufananidzo rweMuponesi,“tarenta” rinoreva mari. Asi rungano rwomufananidzo rwamatarenta runokwanisa kutikurudzira kufungisisa mashandisiro atiri kuita ripi zvaro ramaropafadzo edu, kwete mari chete. Mushure mokuverenga rungano rwomufananidzo urwu, ungangoita mudorongodzwa wemamwe maropafadzo uye mabasa ayo Baba Vokudenga avakapa kwauri. Chii chaVanotarisira kuti uite namaropafadzo aya? Ungashandisa sei zvipo izvi neungwaru hukuru?

Mateo 25:31–46

Apo pandinoshandira vamwe, ndiri kushandira Mwari.

Kana uchishama kuti Ishe vanozotonga upenyu hwako sei, verenga rungano rwomufananidzo rwamakwai nembudzi. Sei uchifunga kuti kuriritira avo vanoshaya kunozobatsira kukugadzirira “kugara nhaka yeumambo” hwaMwari?

Rungano rwomufananidzo urwu rwakafanana sei nedzimwe mbiri dziri muna Mateo 25? Nderipi shoko rakafanana iro ngano dzomufananidzo nhatu idzi dzarinaro?

Onawo Muporofita Isaya 2:17; 5:13.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Joseph Smith—Mateo.Kuti ubatsire mhuri yako kuwongorora chitsauko ichi, vakoke kuti vatsvake dzidziso dzeMuponesi pamusoro pamagadziriro atingaita Kuuya Kwake kweChipiri (ona, somuenzaniso, ndima 22–23, 29–30, 37, 46–48). Chii chatingakwanisa kuita kuti titevere rairo iyi? Mhuri yenyu ingangonakidzwa nokudhirowa mifananidzo yeizvo zvavanofungidzira kuti Kuuya kweChipiri kweMuponesi kunezenge kwakaita sei.

Joseph Smith—Mateo 1:22, 37.Zvinorevei kuchengetedza shoko raMwari? Tingakwanisa kuiti izvi sei isu pachedu uye semhuri? Kuita izvozvo kunozotibatsira sei kudzivirira kunyengedzwa?

Mateo 25:1–13.Unokwanisa kushandisa mufananidzo wemhandara gumi uyo uri muchidzidzo chino kukurukura Mateo 25:1–13. Ndezvipi zvinhu zvatinoona mumufananidzo izvo zvakatsanangurwa mundima idzi?

Ungangocheka mapepa uchiita mufananidzo wemadonhwe emafuta uye woviga madonhwe acho munzvimbo dzakasiyana siyana mumba menyu. Unokwanisa kunamira madonhwe acho kuzvinhu zvakaita samagwaro matsvene kana mufananidzo wetemberi. Apo nhengo dzemhuri padzinowana madonhwe, munokwanisa kukurukura kuti zvinhu izvi zvinotibatsira sei kugadzirira Kuuya kweChipiri.

Marko 12:38–44; Ruka 21:1–4.Ndima idzi dzinotidzidzisa chii pamusoro pamaonero anoita Muponesi mipiro yedu? Ratidza mhuri yako mabhadhariro okuita chegumi uye nemipiro yekutsanya yedu kuna Ishe. Mipiro iyi inobatsira sei kuvaka umambo hwaMwari? Ndedzipi dzimwe nzira dzatinokwanisa kupa “izvo zvose [zvaitinazvo]” kuna Ishe? (Marko 12:44).

Mufananidzo
mudzimai achiisa mari yendarama mubhokisi

Widowʼs Mite (Chipo choUrombo cheShirikadzi); naSandra Rast

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Gadzirira nzvimbo dzaunogara. “Nzvimbo dzatinogara dzinokwanisa kuva neshanduro hurusa pakwaniso yedu yokudzidza nokunzwa chokwadi” (Teaching in the Savior’s Way, 15). Edza kuwana nzvimbo yekunzvera magwaro matsvene iyo inozokoka rukurudziro rweMweya Mutsvene. Mumhanzi uye mifananidzo zvinofadza zvinokwanisa kukoka Mweya.

Mufananidzo
mudzimai akabata mwenje

Five of Them Were Wise [Vashanu Vavo Vakanga Vakachenjera], naWalter Rane

Dhinda