Testamente Itsva 2023
Chivabvu 1–7. Ruka 12–17; Johane 11: “Farai Neni; nokuti Ndawana Gwai Rangu Rakanga Rakarashika”


“Chivabvu 1–7. Ruka 12–17; Johane 11: ‘Farai Neni; nokuti Ndawana Gwai Rangu Rakanga Rakarashika,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chivabvu 1–7. Ruka 12–17,” Johane 11,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
murume achimbundira mwanakomana wake

The Prodigal Son (Mwanakomana Wakarashika), naLiz Lemon Swindle

Chivabvu 1–7

Ruka 12–17; Johane 11

“Farai Neni; nokuti Ndawana Gwai Rangu Rakanga Rakarashika”

Apo paunoverenga Luke 12–17 uye Johane 11, nomunamato tsvaka izvo Baba Vokudenga zvavanoda kuti uzive uye nokuita. Kunzvera kwako kwezvitsauko izvi kunokwanisa kuvhura mwoyo wako kumashoko ayo akanangana newe chete.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Mumamiriro ezvinhu mazhinji, makumi mapfumbamwe ane mapfumbamwe kubva muzana zvinofungwa sezvakanakisisa—asi kwete apo huwandu ihwohwo pahwunomirira vana vanodikanwa vaMwari (ona Dzidziso neZvibvumirano 18:10). Kana zvakadaro, kunyangwe mweya mumwechete unokodzera kutsvagwa zvakazara uye zvakaperera “kusvikira tauwana” (Ruka 15:4), sokudzidzisa kwakaita Muponesi murungano rwomufananidzo rwegwai rakarashika. Zvino kufara kunozokwanisa kutanga, nokuti “mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe unotendevuka, kupfuvura pavakarurama vanamakumi mapfumbamwe navapfumbamwe, vasingatsvaki kutendevuka” (Ruka 15:7). Kana izvi zvichitaridzika sezvisina ruenzaniso, zvinobatsira kurangarira kuti, muchokwadi, hakuna “vasingatsvaki kutendevuka.” Tose tinoda kununurwa. Uye tose tinokwanisa kutora chinhanho murununuro rwacho, tichifara pamwechete pamusoro pemweya woga woga uyo unoponeswa (ona Dzidziso neZvibvumirano 18:15–16).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Ruka 12; 14–16

Ndinoropafadzwa apo pandinomisira mwoyo wangu pazvinhu zvokusingaperi.

Sei Mwari vakati “Iwe benzi” kumurume aishanda nesimba rose uye aiva akabudirira uyo akanga avaka matura makuru uye akaazadza nezvibereko zvamabasa ake? (ona Ruka 12:16–21). Muzvitsauko izvi muna Ruka, Muponesi anodzidzisa ngano dzomufananidzo dzakati wandei idzo dzinokwanisa kutibatsira kuwedzera tarisiro dzedu kupfuura zvepanyika kuenda kune zvokusingaperi. Dzimwe dzengano dzomufananidzo idzi dzakadorongodzwa pano. Ungazopfupisa sei shoko reimwe neimwe yadzo? Chii chaunofunga kuti Ishe varikukutaurira?

Onawo Mateo 6:19–34; 2 Nifai 9:30; Dzidziso neZvibvumirano 25:10.

Ruka 15.

Baba Vokudenga vanofara apo avo vakarashika pavanowanikwa.

Apo paunoverenga rungano rwomufananidzo urwo Jesu rwaakadzidzisa muna Ruka 15, chii chaunodzidza pamusoro pamanzwiro anoita Baba Vokudenga pamusoro paavo vakatadza kana kuti nedzimwe nzira “vakarashika”? Mutungamiri wezvepamweya—kana mumwe zvake wedu—anofanira kunzwa sei maererano navo? Funga pamusoro pokuti vaFarise uye navanyori vangadai vakapindura mibvunzo iyi sei (ona Ruka 15:1–2). Mhinduro yaJesu inokwanisa kuwanikwa mungano dzomufananidzo nhatu dziri muna Ruka 15. Apo paunoverenga, funga pamusoro peizvo Jesu zvaaidzidzisa vanyori uye vaFarise nengano dzomufananidzo idzi.

Ungangofungawo pamusoro pokuita mudorongodzwa wezvakafanana uye nezvakasiyana pakati pengano dzomufananidzo. Somuenzaniso, unokwanisa kudoma icho chakarashika murungano rwomufananidzo rwoga rwoga uye kuti sei chakarashika, mawanikirwo achakaitwa, uye kuti vanhu vakanzwa sei apo pachakawanikwa. Ndeapi mashoko ayo Jesu aanawo kuna avo “vakarashika”—kusanganisira avo vasingafungi kuti vakarashika? Ndeapi mashoko aAiva navo kuvanhu vanotsvaka avo vakarashika?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 18:10–16.

Mufananidzo
mudzimai achitsvaka mari yendarama

The Lost Piece of Silver (Mari yeSirivha Yakarashika, naJames Tissot

Ruka 16:1–12

Chii icho Kristu chaaidzidzisa murungano rwomufaninidzo rwemutariri asakarururama.

Gosa James E. Talmage vakatsanangura chidzidzo chimwechete chatinokwanisa kudzidza kubva kurungano rwomufananidzo rwacho: “Shingaira, nokuti zuva iro raunokwanisa kushandisa upfumi hwako hwapasi rinozopfuura nechinguva chidiki. Tora chidzidzo kubva kunyangwe kune vasina kutendeka uye vakaipa, kana ivo vakachenjerera kugadzirira ramangwana chete iro ravanofunga nezvaro, ko iwe, uyo anotenda mune ramangwana rokusingaperi, unofanira kugadzirira izvozvo zvikuru zvakadii! Kana usina kudzidza ungwaru uye uchenjereri mukushandisa ‘pfuma isakarurama,’ ungakwanisa kuvimbwa newe sei nepfuma inonyanya kuva yezvokwadi?” (Jesus the Christ [1916], 464). Ndezvipi zvimwe zvidzidzo zvaunowana murungano rwomufananidzo urwu?

Ruka 17:11–19

Ruvongo rwamaropafadzo angu rwunozondiswededza pedyo naMwari.

Dai wakanga uri mumwe wavaiva namaperembudzi vane gumi, unofunga here kuti ungadai wakadzokera kunovonga Muponesi? Ndeapi mamwe maropafadzo uyo aiva namaperembudzi aivonga aakagamuchira nokuda kwokuti akapa ruvongo?

Ungangofungisisawo mashoko eMuponesi okuti “kutenda kwako kwakuponesa” (ndima 19). Mumafungiro ako, ruvongo uye nerutendo zvinoenderana sei? Zvose zvinotibatsira kuva vakaporeswa sei? ­

­

Johane 11:1–46

Jesu Kristu ndiye Kumuka Kuvakafa uye Upenyu.

Chishamiso chokumutsa Razaro kubva kuvakafa chaiva uchapupu hwune simba uye hwusingarambiki hwokuti Jesu aiva zvirokwazvo Mwanakomana waMwari uye Mesiasi wakavimbiswa. Ndeapi mashoko, zvirevo, kana ruzivo zviri muna Johane 11:1–46 zvinosimbisa rutendo rwako rwokuti Jesu Kristu ndiye “kumuka kuvakafa, noupenyu”? Zvinorevei kwauri kuti Jesu ndiye “kumuka kuvakafa noupenyu”?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Ruka 15:1–10.Nhengo dzemhuri dzako dzinonzwisisa here manzwiro azvinoita kurashikirwa nechimwe chinhu—kana kurashika? Kutaura pamusoro pezviitiko kunokwanisa kutanga hurukuro pamusoro pengano dzomufananidzo dzegwai rakarashika uye mari yendarama yakarashika. Kana kuti munokwanisa kutamba mutambo uyo mumwe munhu anovanda uye dzimwe nhengo dzemhuri dzoedza kumuwana. Chiitwa ichi chinotibatsira sei kunzwisisa ngano dzomufananidzo idzi?

Ruka 15:11–32.Tingakwanisa kufanana sei nababa vari munyaya apo patinenge tiine vadikanwi vakarashika? Chii chatinokwanisa kudzidza kubva pachiitiko chemwanakomana mukuru wacho icho chinokwanisa kutibatsira kunyanya kuva saKristu? Ndedzipi nzira idzo baba vari murungano rwomufanidzo urwu dzavakafanana nadzo naBaba vedu Vokudenga?

Ruka 17:11–19.Kuti ubatsire nhengo dzemhuri kushandisa tsananguro yevaiva namaperembudzi vane gumi, unokwanisa kuvakoka kuti vasiyirane zvitsamba zvemuchivande zvoruvongo. Munokwanisawo kuimba pamwechete “Verenga Zvikomborero Zvako” (Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba 14), uye moverenga maropafadzo ayo mhuri yenyu yaakagamuchira.

Johane 11:1–46.Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana uchapupu hwavo hwaJesu Kristu.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Shandisa nyaya nemienzaniso kudzidzisa misimboti yevhangeri. Muponesi kazhinji aidzidzisa pamusoro pemisimboti yevhangeri nokushandisa nyaya uye ngano dzomufananidzo. Funga nezve mienzaniso nenyaya kubva muupenyu hwako pachako dzinokwanisa kuita kuti musimboti wevhangeri unyanye kureva chinhu kumhuri yako (ona Teaching in the Savior’s Way, 22).

Mufananidzo
murume akagwadama muruvongo pamberi paJesu

Where Are the Nine (Vapfumbamwe Varipi), naLiz Lemon Swindle

Dhinda