Testamente Itsva 2023
Kubvumbi 24–30. Johane 7–10: “Ndini Mufudzi Wakanaka”


“Kubvumbi 24–30. Johane 7–10: ‘Ndini Mufudzi Wakanaka,ʼ” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kubvumbi 24–30. Johane 7–10,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Jesu aine mudzimai akawira pasi

Neither Do I Condemn Thee [Neniwo Handikupi Mhosva], naEva Koleva Timothy

Kubvumbi 24–30

Johane 7–10

“Ndini Mufudzi Wakanaka”

Apo paunoverenga Johane 7–10, ungangogamuchira femero kubva kuMweya Mutsvene pamusoro pemisimboti yedzidziso iri muzvitsauko izvi. Kunyora pasi manzwiro ako kunokwanisa kukubatsira kuita chirongwa chekuita chimwe chinhu paari.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kunyangwe zvazvo Jesu Kristu akauya kuzounza “rugare [uye] nekufarira kwakanaka kuvanhu” (Ruka 2:14) paiva paine “kupesana kwakamuka pamusoro pake pakati pavazhinji”(Johane 7:43). Vanhu vakaona zviitiko zvimwechetezvo vakasvika pamafungiro akasiyana zvikuru pamusoro pekuti Jesu aiva ani. Vamwe vakatenda kuti, “Wakanaka,” asi vamwe vachiti, “Anotsausa vanhu” (Johane 7:12). PaAkarapa bofu paSabata, vamwe vakasimbirira kuti, “Munhu uyu haasi waMwari, nokuti haachengeti sabata,” apo vamwe vakabvunza kuti, “Ko munhu mutadzi ungaita seiko zviratidzo zvakadai?” (Johane 9:16). Asi zvisinei nekuvhiringika kwose, avo vakatsvaka chokwadi vakacherechedza simba raiva mumashoko Ake, nokuti “hakuna nomunhu wakatongotaura sokutaura kwomunhu uyu” (Johane 7:46). Apo vaJuda pavakakumbura Jesu kuti “tiudze pachena” kana aiva ari Kristu, Akazivisa musimboti unokwanisa kutibatsira kusiyanisa chokwadi kubva pane zvisiri izvo: “Makwai angu anonzwa inzwi rangu,” Akadaro, “uye neni ndinoaziva, uye anonditevera” (Johane 10:24, 27).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Johane 7:14–17

Apo pandinorarama zvokwadi zvakadzidziswa naJesu Kristu, ndinosvika pakuziva kuti ndezvechokwadi.

VaJuda vakakahadzika kuti Jesu aiziva zvakawanda kudaro, sezvo Aiva asina kudzidza (ona ndima 15)—zvisinei hazvo, kwete nenzira dzavaiziva. Mumhinduro yaJesu, Akadzidzisa nzira yakasiyana yekuziva chokwadi iyo inowanikwa nomunhu wose, zvisinei nedzidzo kana mamiriro ezvinhu ake. Maererano naJohane 7:14–17, ungakwanisa sei kusvika pakuziva kuti dzidziso dzakadzidziswa naJesu ndedzechokwadi? Nzira iyi yakakubatsira sei kukudziridza uchapupu hwako hwevhangeri?

Johane 8:2–11

Ngoni dzeMuponesi dziripo kumunhu wose.

Apo pavakataura pamusoro pekutaurirana kweMuponesi nemukadzi akatorwa muhupombwe, Gosa Dale G.Renlund vakati: “Chokwadi, Muponesi haana kutambira hupombwe. Asi zvakare Haana kupa mhosva mukadzi uyu. Akamukurudzira kuti agadzirise upenyu hwake. Iye akakurudzirwa kuti ashanduke nokuda kwemutsa nengoni Dzake. Uye mukadzi uyu akarumbidza Mwari kubva paawa iyoyo uye akatenda muzita rake, (ona Johane 8:11).

Ndiriinhi pawakanzwa semudzimai uyu, uchigamuchira ngoni panzvimbo perushoro kubva kuMuponesi? Ndiriinhi pawakava wakafanana nevanyori nevaFarise, uchipomera mhosva kana kutonga vamwe kunyangwe iwe usiri munhu asina chivi? (ona Johane 8:7). Chii chimwe chaunokwanisa kudzidza kubva munzira iyo Muponesi yaakataurirana nayo nevanyori nevaFarise nemudzimai akabatwa achiita hupombwe? Chii chaunodzidza pamusoro peruregerero rweMuponesi apo paunoverenga ndima idzi?

 

Johane 9

Kana tiine rutendo, Mwari vanokwanisa kuzviratidza Pachavo mumatambudziko edu.

Chii chaunodzidziswa naJohane 9:1–3 pamusoro pezvinetso nematambudziko eupenyu? Apo paunoverenga Johane 9, fungisisa kuti “mabasa aMwari akaoneswa” sei muupenyu hwemurume akazvarwa ari bofu. Akaratidzwa sei muupenyu hwako—kusanganisira mumatambudziko ako?

Johane 10:1–30

Jesu Kristu ndiye Mufudzi Akanaka.

Kunyangwe dai usingazive nezve makwai uye zvekufudza, kuverenga Johane 10, apo muMuponesi paanoti, “Ndini mufudzi akanaka,” kunokwanisa kukudzidzisa zvokwadi zvakakosha pamusoro Pake. Kuti uwane zvokwadi izvi, tsvaka ndevo dzinotsanangura kuti mufudzi akanaka akaita sei uye zvino wofunga pamusoro pekuti zvirevo izvozvo zvine chekuita neMuponesi sei. Pazasi pane mimwe mienzaniso:

  • Ndima 3: “Anodana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze.”

  • Ndima 11: “Unorashira makwai ake upenyu hwake.”

  • Verse 16: “richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.”

Heino mimwezve mibvunzo yekukubatsira kufungisisa chitsauko chino: Jesu akaita semukova sei? (ona ndima 7–9). Akakupa sei “upenyu Hwake … hwakawanda”? (ndima 10). Ndiriinhi wawakanzwa kuti Anokuziva iwe pachako? (ona ndima 14). Unoziva sei izwi reMufudzi Akanaka? (ona ndima 27).

Onawo Pisarema 23; Muporofita Ezekieri 34; Aruma 5:37–39; 3 Nifai 15:21–16:5.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Johane 7:24.Kubatsira mhuri yako kunzwisisa dzidziso yaJesu iri muna Johane 7:24, ungangovaratidza chimwe chinhu chinoratidzika neimwe nzira nechekunze asi chichiratidzika zvakasiyana nechemukati. Kana kuti nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugovera zviitiko zvakavadzidzisa kuti vasatonge kuburikidza nemaratidzikiro okunze. Unokwanisawo kunyora hunhu hwenhengo yega yega yemhuri husingaoneke neziso (onawo 1 Samueri 16:7).

Johane 8:31–36.Zvinorevei kuva “muranda wechivi”? (onawo Moronai 7:11). Ndezvipi zvokwadi zvakadzidziswa naJesu zvinokwanisa kutisunungura?

Mufananidzo
Kristu achiporesa murume bofu

Healing the Blind Man [Kuporesa Murume Bofu], naCarl Heinrich Bloch

Johane 9.Ungakwanisa sei kubatsira mhuri yako kufungidzira tsananguro yaJesu achiporesa murume bofu iri muna Johane 9?     Vakoke kuti vanyore pasi zvidzidzo zvipi zvazvo zvavanodzidza kubva mutsananguro iyi, sezvakaita zvazvinoreva kuva wakatendeutsirwa kuvhangeri raJesu Kristu.

.Johane 10: 1–18, 27–29.Kuti usanganisire nhengo dzemhuri mukudzidza kubva murungano rwomufananidzo rwemufudzi akanaka, kumbira mumwe nemumwe wavo kuti adhirowe mufananidzo wechimwe chezvinotevera: mbavha, mukova, mufudzi, musevenzi, mhumhi, uye hwai. Vakoke kuti vaverenge Johane 10:1–18, 27–29, uye zvino mozokurukura semhuri izvo zvakadzidziswa neMuponesi pamusoro pezvinhu zvavadhirowa.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa “Hungwaru neRudo Rukurusa,” Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba 36.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaka mashoko nendevo zvinokuridzira. Apo paunoverenga, Mweya ungangounza mamwe mashoko kana ndevo mupfungwa dzako zvinokukurudzira uye nokukushishivadza kana zvinoratidzika kunge zvakanyorerwa iwe chete. Funga kunyora pasi api zvawo mashoko kana ndevo zvinokukurudzira zviri muna Johane 7–10.

Mufananidzo
Jesu negwayana

Lost No More [Harichisina Kurasika], naGreg K. Olsen

Dhinda