Testamente Itsva 2023
Kurume 27–Kubvumbi 2. Mateo 14; Marko 6; Johane 5–6: “Musatya”


“Kurume 27–Kubvumbi 2. Mateo 14; Marko 6; Johane 5–6: ‘Musatya,’”Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kurume 27–Kubvumbi 2. Mateo 14; Marko 6; Johane 5–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Jesu achifamba navadzidzi vakatakura tswanda dzechingwa

Kurume 27–Kubvumbi 2

Mateo 14; Marko 6; Johane 5–6

“Musatya”

Apo paunoverenga Mateo 14; Marko 6; uye Johane 5–6, tsvaga zvokwadi zvakakosha kwauri. Ungangozvibvunza mibvunzo yakaita seiyi “Tsananguro dziri muzvitsauko izvi dzine chokuita neni sei?” “Ndeapi mashoko andinowana anoshanda muupenyu hwangu?” kana “Chii chandinozoda kugoverena nemhuri yangu kana navamwe?”

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Chii chingave chakakurudzira Petro kusiya ruchengeteko rweigwa rake pakati peGungwa reGarirea munguva yedutu gurusa? Chii chakamutungamira kuti abvume kuti kana Jesu aikwanisa kufamba pamvura, iye aizokwanisawo? Hatikwanisi kuziva zvechokwadi, asi pamwe Petro ainzwisisa kuti Mwanakomana waMwari akauya kwete chete kungozoitira vanhu zvinhu zvinoshamisa asi kuzosimbisa vanhu vakaita saPetro kuti vaitewo zvinhu zvinoshamisa. Kukoka kwaJesu, mushure mazvose, kwaiva kwokuti “Uya, unditevere” (Ruka 18:22). Petro akanga ambotambira kukoka uku kare, uye aida kukutambira zvakare, kunyangwe kana zvaireva kutarisana nokutya kwake uye kuita chimwe chinhu chairatidzika sechisingabviri. Pamwe Ishe havazotikumbiri kuti tibude muigwa pakati pedutu kana kugovera chingwa chedu chishomanana apo zviuru pazvinenge zvichifanira kudya, asi Angangotikumbira kutambira rairo kunyangwe apo patinenge tisingadzinzwisisi zvakazara. Kungava kupi zvako kukoka Kwavo kwatiri, pane dzimwe nguva kungangoratidzika kuva kunoshamisa kana kunyangwe kutyisa. Asi zvishamiso zvinokwanisa kuitika kana isu, saPetro, tikazoisa padivi kutya kwedu, kusava nechokwadi kwedu, uye nzwisisiso shoma yedu uye toVatevera murutendo.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Johane 5:16–47

Jesu Kristu Anokudza Baba Vake.

Hukama pakati paBaba Vokudenga nemumwe nomumwe wavana Vavo hwunofanira kuva hwunoera. Mundima idzi, Jesu Kristu akatipa muenzaniso unokurudzira wokutevera muhukama hwedu naBaba Vokudenga. Verenga Johane 5:16–47, uye womaka kana kucherechedza pose pane shoko rokuti Baba. Mwanakomana anokudza Baba sei, uye iwe unokwanisa kutevera muenzaniso Wake sei? Chii chaunodzidza pamusoro pamanzwiro anoita Baba pamusoro peMwanakomana? Chii chaunokurudzirwa kuita kuti usimbise hukama hwako naBaba vako Vokudenga?

Onawo Johane 17

Mufananidzo
zvingwa nehove

Jesu nechishamiso akapa zvokudya kuzviuru zvishanu zvavanhu nezvingwa zvishanu nehove mbiri.

Mateo 14:15–21; Marko 6:33–44; Johane 6:5–14

Muponesi anokwanisa kukudziridza zvipo zvangu zvakaninipa kuitira kuti zvinangwa Zvake zvibudirire.

Wakambonzwa here kuti haukwanisi kuzadzikisa zvidikanwi zvose zvaunoona zvakakukomberedza—mumba mako, muhukama hwako, kana munzanga? Vadzidzi vaJesu vanofanira kunge vakanzwa kuti havakwanisi apo paAkavakumbira kuti vape zvokudya kuzviuru zvishanu zvavanhu vaiva nenzara apo pakwaingova nezvingwa zvishanu uye nehove mbiri chete. Apo paunoverenga pamusoro pechishamiso icho chakazotevera kuitika, fungisisa pamusoro pamashandisiro angangoita Mwari zvipo zvakaninipa zvako zvokushandira kuitira kuropafadza avo vakakukomberedza. Vakakudziridza sei kuedza kwako apo pawakaVashandira? Funga pamusoro peshoko iri rakabva kuna Sisita Michelle D. Craig: “Iwe neni tinokwanisa kupa izvo zvatiinazvo kuna Kristu, uye Anozoita kuti kuedza kwedu kunyanye kubudirira. Izvo zvaunopa zvakakwana kupfuuridza—kunyangwe nokusasimba kwako uye noutera hwako somunhu—kana ukavimba panyasha dzaMwari” (“Divine Discontent,” Liahona, Mbudzi 2018, 54).

Mateo 14:22–33; Marko 6:45–52; Johane 6:15–21

Jesu Kristu anondikoka kuti ndiise parutivi kutya uye kusava nechokwadi kwangu uye ndishandise rutendo maAri.

Funga mupfungwa dzako zviitiko zvakatsanangurwa muna Mateo 14:22–33; Marko 6: 45–52; uye Johane 6:15–21. Fungidzira manzwiro ayo Petro navamwe vadzidzi avangangova vakaita. Chii chaunodzidza pamusoro poudzidzi kubva kumashoko nezviito zvoMuponesi mundima idzi? Chii chaunodzidza kubva kumashoko nezviito zvaPetro? (Onawo 1 Nifai 3:7.) Chii icho Ishe chavari kukukoka kuti uite icho chingangova chakafanana nokubuda muigwa? Chii chaunowana mundima idzi chinokupa kurudziro yokushandisa rutendo rwako muna Jesu Kristu?

Johane 6:22–71

Semudzidzi waJesu Kristu, ndinofanira kuva ndiine chido chokutenda uye nokutambira chokwadi, kunyangwe apo pazvinenge zvakaoma kuita.

Apo Jesu paakazviti Ndiye “chingwa choupenyu” (Johane 6:48), vakawanda vakawana izvi zviri “shoko gukutu” (Johane 6:60). Mashoko aPetro muna Johane 6:68–69 anokwanisa kukubatsira sei panguva idzo dzidziso yeMuponesi painoratidzika seyakaoma kutambira kana kurarama nayo? Chii chinokufadza pamusoro peuchapupu hwaPetro? Ndeapi mamwe “mashoko oupenyu hwokusingaperi” (Johane 6:68) ayo anokubatsira kuramba wakazvipira kutevera Muponesi?

­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 14:15–21.Funga pamusoro pamabatsiriro aungangoita mhuri yako kufungidzira kuti zvinozotora chingwa nehove zvakawanda zvakadii kupa vanhu zviuru zvishanu kuti vadye vachiguta. Chishamiso chiri muna Mateo 14:15–21 chinotidzidzisa chii pamusoro peMuponesi? Funga kugovera chiitiko apo pawakanzwa kuti waiva usina zvakakwana zvokupa uye Muponesi vakaita kuti kuedza kwako kunyanye kubudirira.

Mateo 14:22–33.Mhuri yako ingangonakidzwa nokuita mutambo wenyaya iri mundima idzi. Sei vadzidzi vaiva vachitya? Sei Petro akakwanisa kukunda kutya kwake uye akabuda muigwa? Akaratidza sei rutendo kunyangwe apo paakatanga kunyura? Dzimwe nguva takafanana sei naPetro?

Johane 5:1–16.Koka mhuri yako kuti icherechedze pose pane chirevo chokuti “kuporeswa” mundima idzi. Jesu Kristu anokwanisa kuporesa vanhu nenzira dzipi? Akatiporesa riinhi uye sei?

Johane 6:28–58.Ipa nhengo yemhuri yoga yoga chimedu chechingwa kuti vadye, uye mokurukura pundutso dzatinogamuchira kubva kuchingwa uye kubva kune zvimwe zvokudya zvinoutano. Zvino tsvagurudzai ndima idzi pamwechete, muchitsvaka kuti sei Jesu Kristu akaZvidaidza kuti “chingwa choupenyu” (Johane 6:35). Chii chazvingareva “kudya” chingwa cheupenyu?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rwiyo rwakapuwa: “Hungwaru neRudo Rukurusa,” Nziyo nedzeVana Vadiki, peji 36

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaka nzwisiso dzako pachako dzezvemweya. Mukunzvera kwako wega uye nekwemhuri, usangogumira pandima dzezvinyorwa zvitsvene dzakapuwa muzvirongwa zvezvidzidzo zvino. Ishe vanokwanisa kunge vaine mashoko kwauri muzvitsauko izvi ayo anenge asina kusanganisirwa pano. Nemunamato atsvake.

Mufananidzo
Jesu Kristu achisimudza Petro kubuda mumvura

Against the Wind [Kurwisana neMhepo] naLiz Lemon Swindle

Dhinda