Testamente Itsva 2023
Kubvumbi 10–16. Mateo 15–17; Marko 7–9: “Ndimi Kristu”


“Kubvumbi 10–16. Mateo 15–17; Marko 7–9: ‘Ndimi Kristu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kubvumbi 10–16. Mateo 15–17; Marko 7–9,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Kushandurwa kwaKristu

The Transfiguration (Kushandurwa), naCarl Heinrich Bloch

Kubvumbi 10–16

Mateo 15–17; Marko 7–9

“Ndimi Kristu”

Kuverenga magwaro matsvene kunokoka Mweya Mutsvene muupenyu hwako. Rimwe ramabasa akakosha eMweya Mutsvene ndere kupupura nezva Jesu Kristu. Apo paunoverenga magwaro matsvene vhiki rino, nyatsoteerera kumanzwiro epamweya ayo anosimbisa uchapupu hwako hweMuponesi.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Hazvisi zvinoshamisa here kuti vaFarise navaSaduse vaizoraira kuti Jesu avaratidze “chiratidzo chinobva kudenga”? Ko zvishamiso Zvake zvizhinji zvaizivikanwa zvikuru zvaiva zvisina kukwana here? Ko dzidziso Dzake dzaiva nesimba kana nzira zhinji idzo dzaAkanga azadzikisa nadzo huporofita hwechinyakare? Rairo yavo yakakurudzirwa kwete nokuda kwekushaikwa kwezviratidzo asi nokusada “kududzira zviratidzo” uye nokuzvitambira. (Ona Mateo 16:1–4.)

Petro, savaFarise navaSaduse, akaona zvishamiso zveMuponesi uye akanzwa dzidziso Dzake. Asi uchapupu hwemazvo hwaPetro hwokuti “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu,” hahwuna kuuya kuburikidza nemanzwiro ake apanyama— “nyama neropa” rake. Uchapupu hwake hwakaratidzwa kwaari “naBaba vedu vari Kudenga.” Zvakazarurwa ndiro dombo iro pariri Muponesi akavakira Chechi Yake panguva iyoyo uye naiyezvino—zvakazarurwa kubva kudenga kuvaranda Vake. Uye iri ndiro dombo iro pariri patinokwanisa kuvakira udzidzi hwedu—zvakazarurwa zvokuti Jesu ndiye Kristu uye kuti varanda Vake vane “kiyi dzoushe.” Apo patinovakira pamusoro pehwaro uhwu, “masuvo egehena haizokundi [isu]”(Mateo 16:15–19).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 16:13–17

Uchapupu hwaJesu Kristu hwunouya kuburikidza nezvakazarurwa.

Kana Jesu Kristu akabvunza vanhu nhasi kuti “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?” vangangotii? Mungazopindura sei kana Jesu akakubvunzai kuti, “Ko imi munoti ndini ani? (Ona Mateo 16:13–15.)

Fungisisa pamusoro pouchapupu hwako hweMuponesi uye magamuchiro awakahwuita. Chii chaunodzidza kubva muna Mateo 16:15–17 icho chinokwanisa kuhwusimbisa? Kana uchizoda kudzidza zvimwe zvakawanda pamusoro peuchapupu uye zvakazarurwa zvemunhu pachake, wongorora zvinyorwa zvitsvene izvi Johane 15:26; 2 Nifai 31:17–18; Aruma 5:45–48; uye Dzidziso neZvibvumirano 8:2–3.

­.

Mateo 16:13–19; 17:1–9;Marko 9:2–9

“Kiyi dzoushe hwokudenga” dziri panyika nhasi.

“Kiyi dzoushe hwokudenga” idzo Muponesi dzaakavimbisa kupa Petro ndidzo kiyi dzohupirisita (Mateo 16:19). Kiyi dzohupirisita chii? Sei tichidzida? Funga mibvunzo iyi apo paunoverenga pamusoro pevimbiso yoMuponesi muna Mateo 16:13–19 nokuzadzikiswa kwayo muna Mateo 17:1–9; Marko 9:2–9 (onawo Dudziro yaJoseph Smith, Marko 9:3).

Zvimwe zvinyorwa zvokukubatsira kudzidza pamusoro pamakiyi ehupirisita zvinosanganisira Dzidziso neZvibvumirano 65:2; 107:18–20; 110:11–16; 128:9–11; “Makiyi eHupirisita” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Apo paunonzvera zvinyorwa izvi, funga pamusoro pokuita mudorongodzwa weizvo zvaunodzidza pamusoro pamakiyi ehupirisita uye maropafadzo anouya kubva maari. Sei uchifunga kuti kiyi muenzaniso wakanaka wekodzero yokutungamira hushandiri hwehupirisita?

Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Kushandurwa, Gomo re.”

Mufananidzo
Chifananidzo chechivezwa chaPetro akabata makiyi

Makiyi ehupirisita imvumo yekutungamira mashandisirwo ehupirisita.

Mateo 17:14–21; Marko 9:14–29

Apo pandinenge tichitsvaka rutendo rukurusa, ndinokwanisa kutanga nerutendo rwandinarwo.

Baba vakataurwa muna Mateo 17 uye Marko 9 vakanga vane zvikonzero zvokunzwa kusava nechokwadi kuti Jesu aikwanisa kuporesa mwanakomana wavo. Vakanga vakumbira vadzidzi vaJesu kuporesa mwanakomana wavo, uye havana kukwanisa. Asi apo pavakakumbira Muponesi chishamiso, vakasarudza kuratidza rutendo. “Ishe, ndinotenda,” vakadaro. Zvino, mukubvuma kuti rutendo rwavo rwaiva rusina kururama, vakawedzera kuti, “Ndibatsirei pakusatenda kwangu.”

Chii chaunodzidziswa neMweya apo paunoverenga pamusoro pechishamiso ichi? Baba Vokudenga vakakubatsira sei kuwedzera rutendo rwako? Chii chaungakwanisa kuita kuti ukudziridze rutendo rwaunarwo nechakare? Pamwe ungakwanise kuita mudorongodzwa wezvinyorwa zvitsvene, mashoko emusangano mukuru, kana zviitiko izvo zvakasimbisa rutendo rwako.

­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 15:7–9; Marko 7:6–7.Ndeupi musiyano pakati pokukudza Mwari nemiromo yedu, kana namashoko edu, uye nokuVakudza nemwoyo yedu?

Mateo 15:17–20; Marko 7:18–23.Sei tichichenjerera pamusoro peizvo zvatinoisa mumiromo yedu? Maererano nezvakadzidziswa naJesu mundima idzi, sei tichifanira kutonyanyisa kuchenjerera pamusoro pezvinobuda mumiromo yedu—uye zvinobuda mumwoyo yedu? Tingakwanise sei kuchengeta mwoyo yedu yakachena?

Mateo 16:15–17.Mwari vanozarura sei kwatiri kuti Jesu ndiye “Kristu, Mwanakomana waMwari vapenyu”? (ndima 16). Tingakwanisa sei kuzvigadzirira kugamuchira chakazarurwa ichi kubva kwaVari?

Mateo 16:13–19; 17:1–9.­ Kuitira kudzidzisa vana pamusoro pamakiyi ehupirisita, unokwanisa kuvarega vachishandisa makiyi kuvhura imba, motokari, kana zvimwe zvimai zvemakiyi. Funga pamusoro pokuratidza mufananidzo weMutungamiri weChechi uye nokupupura kuti ane makiyi ose ehupirisita, sezvaiva zvakaita Petro.

Mateo 17:20.Vaporofita vane rutendo muna Jesu Kristu vakasudurutsa makomo chaiwo (ona Jakobo 4:6; Mosesi 7:13). Asi kazhinji, ichi hachisicho chishamiso chatinoda. Mutungamiri M. Russel Ballard vakadzidzisa kuti “Kana tiine rutendo rudiki sembeu yemastarda, Ishe vanokwanisa kutibatsira kubvisa makomo ekuora mwoyo uye ekusava nechokwadi mumabasa ari pamberi pedu apo patinenge tichishandira vana vaMwari, kusanganisira nhengo dzemhuri, nhengo dzeChechi, uye avo vasati vava nhengo dzeChechi” (“Precious Gifts from God,” Liahona, Chivabvu 2018, 10). Ndeapi mamwe makomo ari muupenyu hwedu anodikanwa kuti asudurutswe? Tingakwanisa kuratidza sei rutendo musimba raMwari rinotibatsira kusudurutsa makomo aya?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Hwaro Hwakasimba,” Nziyo nedzeVana Vadiki, peji.10.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Unganai pamwechete kazhinji. Mutungamiri Henry B. Eyring vakadzidzisa kuti: “Usamborasikirwa nemukana wekuunganidza vana pamwechete kuti vadzidze nezve dzidziso yaJesu Kristu. Nguva dzakadai ishoma zvikuru mukuenzanisa nezvinoedzwa nemuvengi” (“The Power of Teaching Doctrine,” Ensign, Chivabvu 1999, 74).

Mufananidzo
murume aine mwanakomana anorwara pamberi paJesu

Master, I Have Brought unto Thee My Son (Tenzi Ndaunza kwaMuri Mwanakomana Wangu), naWalter Rane

Dhinda