Testamente Itsva 2023
Kubvumbi 17–23. Mateo 18; Ruka 10: “Ndingaiteiko kuti Ndigare Nhaka yoUpenyu Husingaperi?”


“Kubvumbi 17–23. Mateo 18; Ruka 10: ‘Ndingaiteiko kuti Ndigare Nhaka yoUpenyu Husingaperi?,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kubvumbi 17–23. Mateo 18; Ruka 10,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Musamaria Akanaka

The Good Samaritan [Musamaria Akanaka], naDan Burr

Kubvumbi 17–23

Mateo 18; Ruka 10

Chii Chandichaita kuti Ndigare Nhaka yoUpenyu Husingaperi?

Apo paunoverenga nemunamato uye wofungisisa Mateo 18 uye Ruka 10, teerera femero dzakanyarara dzeMweya Mutsvene. Anozokuudza mashandiro anoita dzidziso uye nyaya idzi kwauri. Nyora pasi manzwiro aunotambira.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Apo paunobvunza Ishe mubvunzo, ungangogamuchira mhinduro yawanga usingatarisire. Ndiani muvakidzani wangu? Munhu upi zvake anoda rubatsiro uye rudo rwako. Ndiani mukurusa paumambo hwokudenga? Mwana. Zvakakwana here kuregerera mutadzi kanomwe? Kwete, unofanira kuregerera kanoita makumi manomwe akapetwa kanomwe. (Ona Ruka 10:29–37; Mateo 18:4, 21–22.) Mhinduro dzisingatarisirwi dzinobva kunaIshe dzinokwanisa kutikoka kuti tishandure mafungiro, manzwiro, uye maitiro edu. Kana uri kutsvaka chido chaIshe nokuti urikuda zvechokwadi kudzidza kubva kwaVari, Ishe vanozokudzidzisa mararamiro nenzira inotungamira kuupenyu hwokusingaperi Navo.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 18:21–35

Ndinofanira kuregerera vamwe kana ndichifanira kugamuchira ruregerero kubva kuna Ishe.

Pfungwa yaPetro yekuti anokwanisa kuregerera mumwe munhu kanomwe ingangoratidzika sorupo rusina rutsuta zvachose, asi Jesu akadzidzisa mutemo wepamusoro-soro. Mhinduro yake, “Handiti kwauri, Kusvikira kanomwe, asi, Kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe” (ndima 22), yaiva isingadzidzise pamusoro pemanhamba asi panekudaro yaidzidzisa pamusoro pekukudziridza maitiro akaita seaKristu ekuregerera. Apo paunoverenga rungano rwemufananidzo rwemuranda asina tsitsi, fungisisa nguva idzo dzawakanzwa ngoni nemutsa zvaMwari. Pane mumwe munhu here anoda kunzwa ngoni uye mutsa kubva kwauri?

Gosa David E. Sorensen vakapa yambiro yakakosha iyi yokuti: “Kunyangwe zvazvo tichifanira kuregerera muvakidzani anotirwadzisa, tinofanira kuramba tichishanda zvinovaka kudzivirira kuti marwadziso iwayo asazodzokororwa. … Ruregerero harusi runoda kuti titambire kana kubvumira huipi. … Asi apo patinorwisana nechivi, hatifanire kubvumira ruvengo kana hasha kuti zvive nesimba papfungwa kana zviito zvedu” (“Forgiveness Will Change Bitterness to Love,” Liahona, Chivabvu 2003, 12).

Ruka 10:1–20

Ndivanaani vaneMakumi Manomwe?

Mukutevera mutoo wakamiswa munguva dzeTestamente Yekare (ona Eksodo 24:1; Numeri 11:16), Jesu Kristu “akagadza vamwe vanamakumi manomwe,” pamusoro peVaapositora vane Gumi neVaviri, kuti vapupure neZvake, vaparidze vhangeri Rake, uye nekuMubatsira mubasa Rake. Mutoo uyu unoenderera mberi muChechi yakadzorerwa. Vane makumi manomwe vanodaidzwa kuti vabatsire vane Gumi neVaviri mubasa ravo sevapupuri vakakosha vaJesu Kristu pasi rose.

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 107:25–26, 33–34, 97.

Ruka 10:25–37

Kuti ndiwane upenyu husingaperi, ndinofanira kuda Mwari uye nekuda muvakidzani wangu sezvandinozviita.

Zvinobatsira kurangarira kuti rungano rwomufananidzo rwemuSamaria akanaka rwaiva nzira yaJesu yekupindura mibvunzo miviri: “Ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” uye “Wokwangu ndianiko?” (Ruka 10:25, 29). Apo paunoverenga rungano rwomufananidzo urwu, chengeta mibvunzo iyi mupfungwa. Ndedzipi mhinduro dzaunowana?

Pakazosvika zuva raJesu, ruvengo pakati pavaJuda nevaSamaria rwakanga rwagara kwemazana emakore. VaSamaria vaiva zvizvarwa zvavaJuda vaigara muSamaria avo vakanga vachata nevaJentairi. VaJuda vainzwa kuti vaSamaria vakanga vava nehuori kuburikidza neufambidzani hwavo nevaJentairi uye vakanga vatsauka pachitendero. VaJuda vaifamba makiromita mazhinji vachitora nzira yakareba kudzivirira kuti vasapfuure nemuSamaria. (Onawo Ruka 9:52–54; 17:11–18; Johane 4:9; 8:48.)

Unofunga kuti sei Muponesi akasarudza muSamaria, mumwe munhu aivengwa nevaJuda, semuenzaniso wemutsa uye kuda muvakidzani wako? Rungano rwomufananidzo urwu runokukurudzira kuita chii?

Onawo Mosaya 2:17.

Ruka 10:38–42

Tinosarudza “chikamu chakanaka ichocho” nekuita sarudzo dzezuva rega rega dzinotungamirira kuupenyu husingaperi.

Muna Ruka 10:38–42, Jesu akakoka Marita zvinyoro nyoro kuti afunge zvakasiyana pamusoro pamapedzero aaiita nguva yake. Mushure mekutapa ndima idzi, Sista Carol F. McConkie vakadzidzisa kuti: “Kuti tizova vatsvene, tinofanira kudzidza kugara patsoka dzaIye Mutsvene waIsraeri uye topa nguva kuutsvene.” Tinoisa here parutivi runhare, mudorongodzwa wezvinhu zvisingaperi zvinoda kuitwa, uye zvinetso zvenyika? Munamato, kunzvera, uye kuteerera shoko raMwari kunokoka rudo Rwake runoshanangura nekuporesa mumweya yedu. Ngatitorei nguva yekuva vatsvene, kuti tigozadzwa neMweya Wake unoyera uye unotsvenesa” (“The Beauty of Holiness,” Liahona, Chivabvu 2017, 11). Ungangoda kuongorora mashandisiro aunoita nguva yako—kunyangwe pazvinhu zvakanaka. Pane chimwe chinhu here “chinodikanwa” zvakanyanya (ndima 42) icho chinokodzera kuteererwa zvakanyanya newe?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 18:1–11.Sei Jesu achida kuti tive semwana mudiki? Ndehupi hunhu hune vana hwatinokwanisa kukudziridza kuti tinyanye kuva saKristu? (ona Mosaya 3:19).

Mufananidzo
Jesu aine vana

Jesu anoda kuti vadzidzi Vake vave sevana vadiki.

Mateo 18:15.Tinokwanisa sei kushandisa rairo iri muna Mateo 18:15 muhukama hwedu hwemhuri? Kuita izvi kunokwanisa kuropafadza sei mhuri yedu?

Mateo 18:21–35.Rungano rwemufananidzo urwu runotidzidzisei pamusoro paJesu Kristu? Runotidzidzisa chii pamusoro pamabatiro ekuita vamwe?

Ruka 10:25–37.Nhengo dzemhuri dzingangonakidzwa nekupfeka zvipfeko uye kuita mutambo werungano rwemufananidzo urwu. Isu dzimwe nguva takafanana sei nevanhu vakasiyana-siyana vari murungano rwomufananidzo urwu? Muponesi akafanana sei nemuSamaria akanaka? Tingakwanisa sei kuva semuSamaria akanaka?

Mungangofunga pamusoro pekuimba pamwechete rwiyo kana rumbo rwevana runotsigira chokwadi chiri murungano rwomumufananidzo urwu.   Nhengo dzemhuri dzingangonakidzwa nekuwana rwiyo kana rumbo uye nekutsanangura kuti rwunoenderana sei nerungano rwemufananidzo urwu.

Ruka 10:38–42.Zvinombonetsa here kupinza zvinhu zvepamweya muhurongwa hwezvinofanira kuitwa hwemhuri yako? Nyaya yaMaria naMarta inokwanisa kukurudzira dare remhuri kana manheru pamba pamusoro pemaitiro eizvi zvirinani. Semhuri, munokwanisa kunyora pasi mudorongodzwa wenzira dzekusarudza “mugove wakanaka” (Ruka 10:42).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Kurudzira manzwiro erudo mumba. Manzwiro pamusoro pemumwe uye mabatirano anoita nhengo dzemhuri anokwanisa kushandura zvikurusa mweya wemumba menyu. Batsira nhengo dzemhuri dzose kuti dziite chikamu chadzo mukumisa imba inerudo uye ineruremekedzo kuitira kuti munhu wose azonzwa kugadzikana pakugoverana nevamwe zviitiko, mibvunzo, neuchapupu. (Ona Teaching in the Savior’s Way15.)

Mufananidzo
Kristu aina Maria naMarta

Christ in the Home of Mary and Martha [Kristu ari Mumba maMaria naMarta], naWalter Rane

Dhinda