Testamente Itsva 2023
Kubvumbi 3–9. Isita: “Iwe Rufu, Kukunda Kwako Kuripiko?”


“Kubvumbi 3–9. Isita: ‘Iwe Rufu, Kukunda Kwako Kuripiko?,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Kubvumbi 3–9. Isita,” Uyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Bwiro reMubindu

Kubvumbi 3–9

Isita

“Iwe Rufu, Kukunda Kwako Kuripiko?”

Apo paunoverenga uchapupu hweKumuka Kuvakafa kweMuponesi muchidzidzo chino, nyora pasi manzwiro ako uye pfungwa dzinouya kwauri kubva kuMweya Mutsvene.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Munguva yevhiki rokupedzisira reupenyu hweMuponesi, vaJuda vazhinji vakanga vakamukomberedza vaiva vachitora chinhano mutsika dzePaseka. Vakagadzira zvokudya, vakaimba dzimbo, uye vakaungana pamwechete kuti varangarire rusunungurwo rweimba yaIsraeri kubva muutapwa kuvaEgipita. Mhuri dzakateerera kunyaya yengirozi inoparadza ichidarika dzimba dzemadzitateguru avo akanga azora magonhi avo neropa regwayana. Pakati pemhemberero dzose idzi dzakapfuma nezviratidzo zvizhinji zverusununguro, vashoma vaiziva kuti Jesu Kristu, Gwayana raMwari, aiva avakuda kuvanunura kubva muutapwa hwechivi uye nerufu—kuburikidza nekutambudzika Kwake, kufa Kwake, uye neKumuka Kuvakafa Kwake. Kunyange zvakadaro, paiva neavo vaiziva Jesu saMesiasi wavo akavimbiswa, Mununuri wavo wokusingaperi. Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, vadzidzi vaJesu Kristu vakapupura kunyika yose “kuti Kristu akafira zvivi zvedu … ; uye kuti wakavigwa, uye kuti akamutswa zvakare nezuva retatu” (1 Vakorinte 15:3–4).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 21–28

Jesu Kristu anondisunungura kubva muchivi uye rufu, anondisimbisa muutera hwangu, uye anondinyaradza muzviyedzo zvangu.

Imwe nzira yekunangisa pfungwa pamaropafadzo eRudzikinuro rweMuponesi svondo rino ndeyekupedza nguva zuva rega rega uchiverenga pamusoro pevhiki rekupedzisira reupenyu hwaJesu (hurongwa hwakatarwa hwekuverenga hungangoshandiswa hunotevera). Chii chaunowana muzvitsauko izvi chinokubatsira kunzwa rudo rwaIshe? Fungisisa izvo zvinodzidziswa nezvitsauko izvi pamusoro pemasununguriro Aanokwanisa kukuita kubva muchivi, rufu, zviyedzo, uye utera. Uri kushandisa sei rutendo rwako musimba Rake rerusununguro?

Onawo Easter.ComeuntoChrist.org.

Mufananidzo
Kristu pamuchinjikwa

Crucifixion [Kuroverwa Pamuchinjikwa], naLouise Parker

Mateo 28:1–10; Ruka 24:13–35; Johane 20:19–29; 1 Vakorinte 15:1–8, 55

Zvapupu zvakawanda zvinopupura nezve Kumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu.

Fungidzira kuti zvingange zvaiva zvakaita sei kuvadzidzi kutarisa Jesu achisekwa, achibatwa zvisina kunaka, uye achiroverwa pamuchinjikwa. Vakanga vaona simba Rake, vakanzwa chokwadi chedzidziso Dzake, uye vakanga vaine rutendo rwekuti Aiva Mwanakomana waMwari. Kuona rufu Rwake kunofanira kunge kwakakonzera vadzidzi Vake kunzwa kurwadziwa uye kuvhiringidzika. Asi nenguva pfupi vakava zvapupu zvechishamiso chikuru cheKumuka Kuvakafa Kwake.

Chii chaunokwanisa kudzidza kubva mutsananguro dzeavo vakaona Muponesi Akamutswa Kuvakafa? Maka kana kunyora pasi chiitiko chemunhu ega ega Mateo 28:1–10; Ruka 24:13–35; Johane 20:19–29; 1 Vakorinte 15:1–8, 55. (Zvimwe zvapupu zvaKristu Akamutswa Kuvakafa zvinokwanisa kuwanikwa muna 3 Nifai 11; ; Mormoni 1:15; Eta 12:38–39; Dzidziso neZvibvumirano 76:19–24; Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:15–17.) Chii chinokufadza pamusoro peuchapupu hwezvapupu izvi? Mushure meKumuka Kuvakafa kweMuponesi, vamwe vakamutswa kuvakafa uye vakazviratidza kunevakawanda (ona Mateo 27:52–53; 3 Nifai 23:9). Rutendo rwako muMuponesi uye nevimbiso yekumuka kuvakafa zvinoshandura sei mararamiro ako?

1 Petro 1:3–11

Jesu Kristu anondipa tariro uye mufaro.

Mashoko api kana ndevo muna 1 Petro 1:3–11 zvinokupa tariro nokuda kwaJesu Kristu? Wakanzwa riinhi tariro iyoyo?

Gosa Gerrit W. Gong vakapupura kuti Kumuka Kuvakafa “kunopa tariro kune avo vakarasikirwa nemitezo; avo vakarasikirwa nekwaniso yokuona, kunzwa, kana kufamba; kana avo vanofungwa kuti vakarasika kuchirwere chisingaperi, kuchirwere chepfungwa, kana kumwe kuderedzwa kwekwaniso yekuita chinhu. Anotiwana Anotiita vakazara. … [Pamusoro pezvo,] nokuti ‘Mwari pachavo vanodzikinura zvivi zvenyika’ [Aruma 42:15], … Vanokwanisa, nengoni, kutibatsira maererano nezvirwere zvedu. … Tinotendeuka uye toita zvose zvatinokwanisa. Vanotikomberedza nokusingaperi ‘mumaoko erudo rwavo’ [2 Nifai 1:15]” (“Hosanna and Hallelujah—The Living Jesus Christ: The Heart of Restoration and Easter,” Liahona, Chivabvu 2020, 54).

Onawo Aruma 27:28; 36:1–24; 3 Nifai 9:11–17; Moronai 7:40–41.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

ComeuntoChrist.orgEaster.ComeuntoChrist.org ine nhevedzano uye tsanangudzo yezvakaitika pazuva rega rega revhiki rokupedzisira reupenyu hweMuponesi. Zuva rega rega revhiki, mhuri yako inokwanisa kuongorora tsanangudzo idzi kuti muone zvakaitwa neMuponesi musi iwoyo, kana kuti munokwanisa kuverenga pamusoro pevhiki Rake rokupedzisira mumagwaro matsvene semhuri (ona rondedzero yakapuwa “muMazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega” ari pamusoro).

Nziyo uye Nziyo nedzeVana VadikiFungai kuimba dzimbo pamwechete pamusoro peRudzikinuro uye Kumuka Kuvakafa kweMuponesi muvhiki rino, kusanganisira dzimwe dzisinganyanyi kuzivikanwa nemi. (Ona munongedzo wemisoro yenyaya yenziyo muHwaro hweVhangeri kana Nziyo nedzeVana Vadiki, pasi pemisoro yenyaya yenziyo yakaita “saRudzikinuro,” “Isita,” kana “Kumuka Kuvakafa.”) Kubatsira nhengo dzemhuri kudzidza nziyo, unokwanisa kuratidza mifananidzo inoenderana nemashoko enziyo dzacho.

“Kristu Anorarama: Uchapupu hwevaApositora.”Semhuri, verengai “Kristu Anorarama: Uchapupu hwevaApositora” (ChurchofJesusChrist.org). Kokai nhengo yemhuri yega yega kuti itore shoko reIsita kubva muuchapupu uhwu kuti vagoverane nevamwe. Semuenzaniso, ungangogadzira maposita ekuisa panhaurirano nenhepfenuro dzepaindaneti, pamukova wenyu wepamberi pemba, kana mumba menyu.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Kristu Ishe Wamuka Nhasi,” Hwaro hweVhangeri, 332.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Misa zvinangwa zvinokwanisika. Kushandisa kunyangwe maminetsi mashoma pazuva uchinzvera magwaro matsvene kunokwanisa kuropafadza upenyu hwako. Tsidzira kunzvera zuva rega rega, tsvaka nzira yekuzviyeuchidza nezve tsidziro yako, uye woita zvose zvaunokwanisa kuramba uchienderera kusvika wapedza. Kana ukakanganwa, usaora mwoyo. Ingotanga zvakare.

Mufananidzo
Kristu muGetsemani

Gethsemane [Getsemani], naAdam Abram

Dhinda