Testamente Itsva 2023
Chivabvu 29–Chikumi 4. Mateo 26; Marko 14; Johane 13: “Mukurangarira”


“Chivabvu 29–Chikumi 4. Mateo 26; Marko 14: Johane 13: ʻMukurangarira,ʼ” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chivabvu 29–Chikumi 4. Mateo 26; Marko 14: Johane 13,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Kudya kwekupedzisira

In Remembrance of Me [Mukurangarira Ini], naWalter Rane

Chivabvu 29–Chikumi 4

Mateo 26; Marko 14; Johane 13

“Mukurangarira”

Apo paunoverenga pamusoro pezviitiko zvakatsanangurwa muna Mateo 26; Marko 14; Johane 13, teerera kumanzwiro api zvawo aunotambira, kunyanya manzwiro ayo anodzamisa rutendo rwako muna Jesu Kristu uye kuzvipira kwako kwaAri.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Pazuva rakateverwa nerokufa Kwake, Jesu akapa vadzidzi Vake chimwe chinhu chekuMurangarira nacho. “Akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokupa vadzidzi vake, achiti kwavari: Torai, mudye; ichi ndiwo muviri wangu. Akatora mukombe, akavonga, akavapa, achiti, Inwai mose pauri; nokuti ichi iropa rangu” (Mateo 26:26–28).

Izvi zvakaitika makore zviuru zviviri zvakapfuura, munzvimbo isingazombofa yakaonekwa navazhinji vedu, mumutauro unokwanisa kunzwisiswa navashoma vedu. Asi iyezvino, musi weSvondo wega wega munzvimbo dzedu dzekusangana, vane hupirisita, vanobvumirwa kushanda muzita raJesu Kristu, vanoita izvo zvaAkamboita. Vanotora chingwa nemvura, vozviropafadza, uye vozvipa kune mumwe nemumwe wedu, vadzidzi Vake. Ichi chiito chakareruka—pangakwanisa kuva nechimwe chinhu here chakanyanya kureruka, chakanyanya kukosha, pane kudya chingwa uye kunwa mvura? Asi chingwa nemvura izvozvo zvinoera kwatiri nokuti zvinotibatsira kuMurangarira. Ndizvo nzira yedu yekuti, “Handimbofi ndakamukanganwa”—kwete chete, “Handimbofi ndakakanganwa zvandakaverenga pamusoro pedzidziso Dzake neupenyu Hwake.” Pane kudaro, tiri kuti, “Handimbofi ndakakanganwa izvo zvaAkandiitira.” “Handimbofi ndakakanganwa manunuriro aAkandiita apo pandakachemera rubatsiro.” Uye “Handimbofi ndakakanganwa kuzvipira Kwake kwandiri uye kuzvipira kwangu kwaAri—chibvumirano chatakaita.”

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 26:6–13; Marko 14:3–9

“Auya … kuzozodzera muviri wangu kuvigwa.”

Nechiito chakaninipa chekunamata, mudzimai anotsanangurwa mundima idzi akaratidza kuti aiziva kuti Jesu aiva ani uye nezvaAiva avakuda kuita (ona Mateo 26:12). Sei uchifunga kuti zviito zvake zvaiva zvakakosha zvikuru kuMuponesi? (ona ndima 13). Chii chinokufadza pamusoro pemudzimai uyu nerutendo rwake? Fungisisa mateverero aungaita muenzaniso wake.

Onawo Johane 12:1–8.

Mateo 26:20–22; Marko 14:17–19

“Ishe, ndini here?”

Chii chaunodzidza pamusoro pevadzidzi kubva pamubvunzo wavo kuna Ishe mundima idzi? Unofunga kuti sei vakaubvunza? Funga pamusoro pemabvunziro aungaita Ishe kuti, “Ndini here?”

Mateo 26:26–29; Marko 14:22–25

Sakaramende mukana wekurangarira Muponesi.

Apo Muponesi paakasuma sakaramende kuvadzidzi Vake, ipfungwa dzipi uye manzwiro api aunofungidzira kuti vangangova vakava nawo? Funga pamusoro peizvi apo paunoverenga nezvechiitiko chavo muna Mateo 26:26–29 uye Marko 14:22–25. Sei uchifunga kuti Jesu akasarudza nzira iyi yekuti timurangarire? Ungangofungisisawo zviitiko zvawakambova nazvo panguva yesakaramende. Pane chimwe chinhu chaungakwanisa kuita here kuti uite kuti chiitiko chako chinyanye kuera nekukosha?

Mushure mekuverenga nekufungisisa ndima idzi ungangonyora pasi zvimwe zvinhu zvaunonzwa kukurudzirwa kurangarira pamusoro peMuponesi. Unokwanisa kuongorora zvinhu izvi nguva inotevera paunotora sakaramende. Unokwanisawo kuzviongorora pane dzimwe nguva, senzira “yekumurangarira nguva dzose” (Moronai 4:3).

Onawo Ruka 22:7–39; 3 Nifai 18: 1–13; Dzidziso uye Zvibvumirano 20:76–79.

Johane 13:1–17

Muponesi muenzaniso wedu wekushandira vamwe zvakaninipa.

Munguva yaJesu, kushambidza tsoka dzemumwe munhu raive basa revaranda, kwete vatungamiri. Asi Jesu aida kuti vadzidzi vake vafunge zvakasiyana pamusoro pezvazvinoreva kutungamira uye kushandira. Mashoko api aunowana mumazwi nezviito zveMuponesi muna Johane 13:1–17? Mutsika yako, kushambidza tsoka dzevamwe ingangova isiri tsika yenzira yokushandira. Asi funga pamusoro peizvo zvaungakwanisa kuita kutevera muenzaniso weMuponesi wekushandira kwakaninipa.

Zvingangovawo zvinonakidza kucherechedza zvinhu izvo Jesu zvaaiziva uye zvaainzwa munguva iyi inoera nevaApositora Vake (ona ndima 1 uye 3). Nzwisiso idzi dzinokubatsira kunzwisisa chii pamusoro peMuponesi?

Onawo Ruka 22:24–27.

Johane 13:34-35

Rudo rwangu rwevamwe chiratidzo chekuti ndiri mudzidzi wechokwadi waJesu Kristu.

Pakutanga, Jesu akanga apa murairo wokuti “ida wokwako sezvaunozvida iwe” (Mateo 22:39). Zvino Akapa “murairo mutsva.” Unofunga kuti zvinorevei kuda vamwe sekuda kwaunoitwa naJesu? (ona Johane 13:34).

Ungangofungisisawo pamusoro pekuti vamwe vanhu vanoziva sei kuti uri mudzidzi waJesu Kristu. Ungakwanisa sei kuita chokwadi chekuti rudo ruve ndirwo hunhu hukurusa hwako semuKristu?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 26:26–29; Marko 14:22–25.Manzwiro emhuri yako akaita sei panguva yesakaramende vhiki yega yega? Kuverenga pamusoro pesakaramende yekutanga kunokwanisa kukurudzira hurukuro pamusoro pekukosha kwesakaramende uye nzira dzekunatsurudza manzwiro ako. Funga pamusoro pekuratidza mufananidzo wePassing the Sacrament [Kutambidzwa kweSakaramende] (Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 108) uye nekugovera mazano pamusoro pezvaunokwanisa kuita sakaramende isati yatanga, munguva yayo, uye mumashure mayo.

Mufananidzo
mudzimai achitora sakaramende

Sakaramende inotibatsira kurangarira Jesu Kristu.

Mateo 26:30.Funga pamusoro pekuimba rwiyo, sezvakaita Jesu nevaApositora Vake—pamwe rwiyo rwesakaramende. Kuimba rwiyo kungadai kwakavaropafadzo sei kuna Jesu nevaApositora Vake panguva iyoyo? Nziyo iropafadzo kwatiri sei?

Johane 13:1–17.Ungangoda kuratidza mhuri yako mufananidzo uri kumagumo kwechidzidzo chino apo paunoverenga ndima idzi. Izvokwadi zvipi zvakadzidziswa neMuponesi kuburikidza nezviito Zvake? Ruzivo rwupi rwuri mumufananidzo rwunotibatsira kunzwisisa zvokwadi izvi? Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugovera kuti kurarama kuburikidza nezvokwadi izvi kwakavaunzira sei rufaro (ona Johane 13:17).

Johane 13:34–35.Mushure mekuverenga ndima idzi, mungangotaura pamwechete pamusoro pemaziviro anoita vamwe vanhu kuti muri vadzidzi vaJesu Kristu. Muponesi anoda kuti vateveri Vake vazivikanwe sei? Unokwanisa kukumbira nhengo dzemhuri kuti dzitaure pamusoro pevanhu avo rudo rwavo rwevamwe rwunoratidza kuti vadzidzi vechokwadi vaJesu Kristu. Mungangokurukurawo nzira dzamunokwanisa kuratidza nadzo rudo rukuru semhuri.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Hungwaru neRudo Rukurusa,” Nziyo nedzeVana Vadiki,136.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Fungisisa Magwaro matsvene ane ukoshi hwezvepamweya uhwo hwatingangopotsa kana tikangoverenga nenzira isina hanya, sezvatinoita nezvimwe zvinyorwa zvekuverenga. Usava muchimbidzo yekupedza chitsauko. Tora nguva yekufunga zvakadzama pamusoro pezvauri kuverenga.

Mufananidzo
Jesu achishambidza tsoka dzevadzidzi

Greatest in the Kingdom [Mukurusa muHumambo], naJ. Kirk Richards

Dhinda