Testamente Itsva 2023
Chikumi 19–25. Mateo 27; Marko 15; Ruka 23; Johane 19: “Zvapera”


“Chikumi 19–25. Mateo 27; Marko 15; Ruka 23; Johane 19: ʻZvapera,ʼ” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chikumi 19–25. Mateo 27; Marko15; Ruka 23; Johane 19,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Kristu pamberi paPirato

Ecce Homo [Tarirai Munhu], naAntonio Ciseri

Chikumi 19–25

Mateo 27; Marko 15; Ruka 23; John 19

“Zvapera”

Mateo 27; Marko 15; Ruka 23; uye Johane 19 zvitsauko zvinosanganisira tsananguro dzemaawa ekupedzisira eupenyu hwepanyika hweMuponesi. Tsvaga kunzwa rudo Rwake kwauri apo paunonzvera pamusoro pekuzvipira nerufu Rwake.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Mushoko rose uye chiito chose, Jesu Kristu akaratidza nemuenzaniso rudo rwakarurama—urwo muApositora Pauro rwaakadaidza kuti rudo rwutsvene (ona 1 Vakorinte 13). Hapana imwe nguva yarwakanyanya kuratidzwa kupfuura panguva yemaawa ekupedzisira eupenyu hwepanyika hweMuponesi. Kunyarara Kwake kwaiva nerutsigo mukutarisana nekupomerwa mhosva dzenhema kwakaratidza kuti “Haatsamwi” (1 Vakorinte 13: 5). Chido Chake chekuzviisa pasi pekurohwa, kusekwa, nekurovererwa pamuchinjikwa—apo achidzora simba Rake rekugumisa kutambudzwa Kwake—zvakaratidza kuti “Anomwoyo murefu” uye “anotsungirira pazvose” (1 Vakorinte 13: 4, 7). Mutsa Wake kuna amai Vake uye ngoni Dzake kuna avo vakamurovera pamuchinjikwa—kunyangwe panguva yekutambudzika Kwake kusingaenzaniswi—zvakaratidza kuti “haazvitsvakire [Zvake]” (1 Vakorinte 13: 5). Munguva Dzake dzekupedzisira pasi pano, Jesu aiita izvo zvaAkaita muhushumiri Hwake hwose hwepanyika—achitidzidzisa kuburikidza nekutiratidza. Chokwadi, rudo rwakadzama ndirwo “rudo rwutsvene rwaKristu” (Moronai 7:47).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 27; Marko 15; Ruka 23; John 19

Chido chaJesu Kristu chekutambura chinoratidza rudo Rwake kuna Baba uye kwatiri tose.

Kunyangwe zvazvo Muponesi akanga aine nesimba rekudaidza “vatumwa vanopfuura mapoka makuru-kuru” (Mateo 26:53), Akasarudza nechido kutsungirira kutongwa kusina kururama, kusekwa kune utsinye, uye kurwadziwa kwepanyama kusingafungidzirwi. Sei Akazviita? “Nokuda kwetsitsi dzinerudo dzake,” Nifai akapupura, “uye nemwoyo murefu wake kuvana vevanhu” (1 Nifai 19:9).

Mufananidzo
Kristu akatakura muchinjikwa

“Akabuda achitakura muchinjikwa wake akaenda … Gorgota” (Johane 19:17).

Ungangotanga kunzvera kwako nezvemaawa ekupedzisira eMuponesi nekuverenga 1 Nifai 19:9. Ndepapi muna Mateo 27; Marko 15; Ruka 23; uye Johane 19 paunowana mienzaniso yechinhu chimwe nechimwe Nifai chaakataura kuti Jesu aizotambura nacho?

  • “[Vanomutonga] sechinhu chisina maturo”

  • “Vanomurova netyava”

  • “Vanomurova”

  • “Vanomusvipira”

Indima dzipi dzinokubatsira kunzwa “tsitsi dzinerudo” dzeMuponesi? Ndedzipi dzimwe pfungwa uye manzwiro zvauinazvo apo paunoverenga tsananguro idzi? Funga pamusoro pekuzvinyora pasi kana kuzvigoverana nemumwe munhu.

 

Mateo 27:27–49, 54; Marko 15:16–32; Ruka 23:11, 35–39; John 19:1–5

Kunyomba hakukwanise kushandura chokwadi.

Kunyagwe Jesu akatsungirira kunyombwa muhushumiri Hwake hwose, zvakawedzera zvakanyanyisa panguva yokurohwa netyava uye yokuroverwa pamuchinjikwa Kwake. Asi kunyomba uku hakuna kukwanisa kushandura chokwadi: Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. Apo paunoverenga pamusoro pekunyadziswa kwakatsungirirwa naJesu, funga pamusoro perupikiso uye kunyombwa kunosangana nebasa Rake nhasi. Ndedzipi nzwisiso dzaunowana pamusoro pekutsungirira rupikiso? Chii chinokufadza pamusoro pemashoko emukuru wezana muna Mateo 27–54?

Mateo 27:46; Marko 15:34

Jesu Kristu akatambura ari ega kuitira kuti ini ndisatambure zvakadaro.

Pane imwe yenguva Dzake dzinosuwisa zvikurusa ari pamuchinjikwa, Jesu, uyo akanga agara nguva dzose achivimba naBaba Vake Vokudenga, akaerekana anzwa kusiiwa ari ega. Kuverenga pamusoro peizvi kungangokutungamira kuti ufunge pamusoro penguva dzawakanzwa kuva kure naMwari. Ungangofungisisa kuti kuzvipira pamuchinjikwa kweMuponesi kunoita kuti zvikwanisike kwauri sei kuti ukunde kuva kure ikoko. Sekupupura kwakaita Gosa Jeffrey R. Holland kuti, “Nokuti Jesu akafamba nzira refu, yakasurukirwa zvakadaro ari ega zvachose, isu hatifanire kudaro. … Zvakaziviswa nekudaidzira kubva pamusoro peKarivhari ichokwadi chekuti hatizombofa takasiiwa tiritega kana tisina rubatsiro, kunyangwe kana dzimwe nguva tinganzwa kuti tiri tega” (“None Were with Him,” Liahona, Chivabvu 2009, 88). Funga pamusoro pokuti Muponesi angakwanisa kukubatsira sei kukunda kusurukirwa apo paunoverenga shoko rose rasara raGosa Holland.

Ruka 23:34

Muponesi ndiye muenzaniso wedu weruregerero.

Unonzwa sei apo paunoverenga mashoko eMuponesi muna Ruka 23:34? Vachitaura nezve mashoko eMuponesi, Mutungamiri Henry B. Eyring vakadzidzisa kuti: “Tinofanira kuregerera uye tisava nemanzwiro eruvengo kune avo vanotitadzira. Muponesi akamisa muenzaniso kwatiri kubva pamuchinjikwa. … Hatizive mwoyo yeavo vanotitadzira” (“That We May Be One,” Ensign, Chivabvu 1998, 68). Ndima iyi ingakwanisa kukubatsira sei kana uchinge uchinetseka kuregerera mumwe munhu?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 27; Marko 15; Ruka 23; Johane19.Kuti ubatsire mhuri yako kudzidza pamusoro pezviitiko zvinotsanangurwa muzvitsauko izvi, unokwanisa kugoverana navo “Chitsauko 52: Kutongwa kwaJesu” uye“ Chitsauko 53: Jesu Anoroverwa Pamuchinjikwa ” zviri muNyaya dzeTestamente Itsva, 133–38).   Mushure mekuverenga pamusoro pezviitiko zvinotsanangurwa muzvitsauko izvi, ungangokoka vana kuti vataure zvakare nyaya idzi mumashoko avo pachavo. Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana manzwiro avanoita kuMuponesi nokuda kweizvo zvaAkatitamburira.

Mateo 27:11–26; Marko 15:1–15; Ruka 23:12–25; Johane 19:1–16.Sei Pirato akakumika Jesu kuti arovererwe pamuchinjikwa, kunyangwe zvazvo aiziva kuti Jesu aiva asina mhosva? Ndezvipi zvidzidzo zvatinodzidza kubva pazviitiko zvaPirato pamusoro pekudzivirira izvo zvatinoziva kuti ndizvo zvakanaka? Zvingangova zvinobatsira kuti mhuri yako iite mitambo yenyaya dzinovabvumira kudzidzira kumiririra izvo zvakanaka.

Mateo 27:46; Ruka 23:34, 43, 46; Johane 19:26–28, 30.Pamwe unokwanisa kukumbira nhengo yemhuri yega yega kuti iverenge chimwechete kana kupfuura chezvirevo zvakataurwa neMuponesi pamuchinjikwa, zvinowanikwa mundima idzi. Vakumbire kuti vagovere zvavanodzidza kubva muzvirevo izvi pamusoro peMuponesi nebasa Rake.

Marko 15:39.Kuverenga pamusoro peKurovererwa Pamuchinjikwa kwakasimbisa sei uchapupu hwako hwekuti Jesu ndiye “Mwanakomana waMwari”?

Johane 19:25–27.Chii chatinodzidza kubva mundima idzi pamusoro pemakwanisiro atingaita kuda uye kutsigira nhengo dzemhuri?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Kune Chikomo Kure,” Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba 184.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Tevedzera upenyu hweMuponesi. “Zvinobatsira kunzvera maitiro akadzidziswa neMuponesi—mitoo yaAkashandisa uye zvinhu zvaAkataura. Asi simba reMuponesi rekudzidzisa uye kusimudzira vamwe raibva panzira yaAirarama nayo uye nerudzi rwemunhu rwaAiva. Kuedza neushingairi hukuru kwaunoita kurarama saJesu Kristu, kunozoita kuti unyanye kukwanisa kudzidzisa saIye” (Teaching in the Savior’s Way, 13).

Mufananidzo
Kristu ari pamuchinjikwa

Christ on the Cross [Kristu ari Pamuchinjikwa], naCarl Heinrich Bloch

Dhinda