Testamente Itsva 2023
Chikumi 5–11. Johane 14– 17 “Garai Imi muRudo Rwangu”


“Chikumi 5–11. Johane 14–17: ‘Garai Imi muRudo Rwangu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chikumi 5–11. Johane 14–17,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Kudya kwekupedzisira

The Last Supper [Chirairo Chekupedzisira], naWilliam Henry Margetson

Chikumi 5–11

Johane 14–17

“Garai Imi muRudo Rwangu”

Apo paunoverenga dzidziso dzeMuponesi muna Johane 14–17, Mweya Mutsvene unozokubatsira kuziva mashoko akanangana newe. Nyora pasi manzwiro aunotambira.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Nhasi tinochidaidza kuti “Chirairo Chekupedzisira,” asi hatizivi kana vadzidzi vaJesu vaiziva zvakazara, apo pavakaungana pamabiko ePaseka egore rega rega, kuti ichi chaizova chirairo chavo chokupedzisira naTenzi wavo asati Afa. Jesu, zvisinei, “wakaziva kuti nguva yake yasvika” (Johane 13:1). Nechinguva chipfupi Aizotarisana nokutambura kukuru kweGetsemane, kutengeswa uye nokurambwa neshamwari dzake dzapedyo, uye rufu rwairwadza zvikurusa pamuchinjikwa. Asi kunyangwe nezviitiko zvose izvi zvaizouya pamberi Pake, nangiso yepfungwa yaJesu yaiva isiri paAri Iye asi pavadzidzi Vake. Chii chavaizofanira kuziva mumazuva uye nemumakore aiva mberi? Dzidziso nyoro dzaJesu muna Johane 14–17 dzinoratidza manzwiro aAnoita pamusoro pavadzidzi Vake, panguva iyoyo uye naiyezvino. Pakati pezvokwadi zvinonyaradza zvizhinji zvaAkagovera paiva nesimbiso yokuti, namamwe maonero, Haazombofi akatisiya. “Kana imi muchichengeta mirairo yangu,” Akavimbisa, “imi muchagara murudo rwangu” (Johane 15:10).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Johane 14–15

Ndinoratidza rudo rwangu rwaJesu Kristu nokuchengeta mirairo Yake.

Apo paunoveranga Johane 14–15, ungangocherechedza kana kumaka kushandiswa kwoga kwoga kweshoko rokuti rudo. Ungangoona kuti shoko rokuti mirairo rakadzokororwa kakawanda zvinoenderana neshoko rokuti rudo muzvitsauko izvi. Chii chaunodzidza pamusoro peukama pakati perudo nemirairo kubva mudzidziso dzeMuponesi? Ndeapi mamwe mashoko nendevo zvaunowana zvinoenderana nerudo muzvitsauko izvi?

Fungisisa kuti rudo rweMuponesi rwakakushandura sei.

Onawo Johane 13:34–35; D. Todd Christofferson, “Garai muRudo Rwangu,” Liahona, Mbudzi 2016, 48–51.

Mufananidzo
Jesu achitaura kuvadzidzi

The Last Supper [Chirairo Chekupedzisira], naClark Kelley Price

Johane 14–16

Mweya Mutsvene unondibatsira kuzadzikisa chinangwa changu semudzidzi waJesu Kristu.

Zvinofanira kuva zvairwadza mwoyo zvikurusa kuvadzidzi kunzwa kuti nguva yavo neMuponesi yakanga yava pedyo nokuguma. Vanogonawo kunge vakanetsekana pamusoro pokuti vaizoenderera mberi sei vasina Iye. Apo paunonzvera Johane:14–16, tsvaga izvo Muponesi zvaakataura kuvapa chivimbo. Kunyanya, cherechedza izvo zvaAkavadzidzisa pamusoro peMweya Mutsvene. Chii chatinodzidza pamusoro peMweya Mutsvene kubva mumashoko eMuponesi mundima dzinotevera?

Sei vadzidzi vachida rudzi urwu rwerubatsiro kubva kuMweya Mutsvene? Mweya Mutsvene wakazadzikisa sei mabasa aya kwauri? Funga zvaunokwanisa kuita kuti shanduro Yake izova yakanyanya kusimba muupenyu hwako.

Onawo 3 Nifai 19:9; 27:20; Dzidziso neZvibvumirano 11:12–14; Mosesi 6:61.

Johane 15:1–8

Apo pandinogara muna Kristu, ndinozobereka zvibereko zvakanaka.

Chii chaunofunga kuti zvinoreva “kugara muna [Kristu]”? (Johane 15:4). Ndezvipi “zvibereko” zvako izvo zvinoratidza kuti wakabatanidzirwa kumuzambiringa, unomiririra Jesu Kristu?

Johane 17

Jesu Kristu anoreverera vadzidzi Vake.

Mashoko aJesu akanyorwa muna Johane 17 anozivikanwa seMunamato weRureverero. Mumunamato uyu, Jesu akanamatira vaApositora Vake uye “naivo vanotendavo [maAri] neshoko ravo” (John 17:20). Izvi zvinoreva kuti ainamatira iwe. Chii icho Jesu chaakakumbira kubva kuna Baba Vake akamiririra iwe uye navamwe vatendi vose? Izvi zvinokudzidzisa chii pamusoro pamanzwiro Ake kwauri?

Munamato uyu unodzidzisawo zvokwadi zvakakosha zvikuru uye zvokusingaperi. Ndezvipi zvokwadi zvaunowana? Apo paunoverenga chitsauko ichi, funga pamusoro pekunyora pasi izvo zvaunodzidza pamusoro pezvinotevera:

  • Munamato

  • Ukama hweMuponesi naBaba Vake

  • Ukama hweMuponesi navadzidzi Vake

  • Kuti vadzidzi vanofanira kusiyana sei kubva kunyika

  • Zvimwe zvokwadi izvo zvaunonyanya kucherechedza

Johane 17:11, 21–23

Baba Vokudenga naJesu Kristu vakabatana zvakarurama.

Munamato Wake muna Johane 17, Jesu akasimbisisa rubatano Rwake naBaba. Inzira dzipi idzo Baba noMwanakomana dzavari “mumwechete”? (Johane 17:11, 21–23). Cherechedza kuti Muponesi akanamata kuti vadzidzi Vake vagova mumwechete “kunyangwe”—kana nenzira imwecheteyo iyo—Iye naBaba Vake yavari mumwechete (Johane 17:22). Izvi zvinorevei kwauri? Funga pamusoro peukama hwako—somuenzaniso, nemurume kana mudzimai wako kana dzimwe nhengo dzemhuri, nhengo dzewadhi, uye navamwe vaKristu. Ungakwanisa sei kushanda kuti uwane rudzi rwerubatano urwo Jesu rwaanarwo naBaba?

­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Johane 14:5–6.Nhengo dzemhuri dzingangonakidzwa nokutora zvijano kutungamira mhuri yenyu pakuenda kunofamba nemunzira kwenguva refu. Jesu ndiye “nzira” sei? Anotitungamirira kupi?

Johane 14:26–27.Runyararo rwaJesu rwakasiyana sei kubva kurudzi urwo “runopuwa nenyika”? Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana nzira dzavakawana nadzo runyararo uye nyaradzo kuburikidza neMweya Mutsvene.

Johane 15:1–8.Zvingangova zvinonakidza kuverenga ndima idzi muri panze pedyo nemuzambiringa, muti, kana rimwe dzinde. Chii chinoitika kubazi apo parinobviswa kubva padzinde? Munokwanisa kutaura pamusoro pamafananiro atakaita namatavi uye zvazvinoreva “kugara” muMuponesi uye “kubereka zvibereko.”

Johane 15:17–27; 16: 1–.7.Unofunga kuti sei Jesu Kristu akayambira vadzidzi Vake nezve rutambudzwo? Vadzidzisi vaKristu vanotambudzwa sei nhasi? Rairo yeMuponesi mundima idzi ingakwanisa kutibatsira sei apo patinotarisana nerutambudzwo?

Johane 16:33.Jesu Kristu akakunda sei nyika? Rudzikinuro Rwake rwakatiunzira sei runyararo Dzidziso neZvibvumirano 68:6).

Johane 17:21–23.Chii chingazobatsira mhuri yenyu kudzidza kuti muve makanyanya kubatana sezvakaita Jesu Kristu naBaba Vokudenga? Pamwe munokwanisa kutaura pamusoro petimu yemitambo inodikanwa zvikuru uye mashandiro avanoita pamwechete vakananga kuchinangwa chimwechetecho. Kana munokwanisa kuteerera kukwaya kana ochesitira uye mokurukura kuti vaimbi vacho vanobatana sei kubudisa mumhanzi wakanaka.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Mweya waMwari,”Nziyo nedzeVana Vadiki, 54.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Verenga uchidaidzira. Apo paunodzidzisa mhuri yako magwaro matsvene, kuverenga ndima uchidaidzira kunokwanisa kubatsira kuti nyaya dzomumagwaro matsvene dzinyanye kuva nyaya chaidzo. . Izvi zvinokwanisa kunyanya kuva zvine simba kuzvitsauko zvakaita saJohane 14–17 nokuda kwokuti zvitsauko izvi zvine mashoko eMuponesi mazhinji zvikuru.

Mufananidzo
mazambiringa ari pamuzambiringa

Jesu akadzidzisa kuti, “Indi ndiri muzambiringa, imi muri matavi” (Johane 15:5).

Dhinda