Testamente Itsva 2023
Chikumi 12–18. Ruka 22; Johane 18: “Kuda Kwangu Kurege Kuitwa, asi Kwenyu”


“Chikumi 12–18. Ruka 22; Johane 18: ‘Kuda Kwangu Kurege Kuitwa, asi Kwenyu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chikumi 12–18. Ruka 22; Johane 18,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Kristu nevadzidzi muGetsemani

Gethsemane Grove [Chitondo cheGetsemani], naDerek Hegsted

Chikumi 12–18

Ruka 22; Johane 18

“Kuda Kwangu Kurege Kuitwa, asi Kwenyu”

Verenga Ruka 22 uye Johane 18 usingakurumidze svondo rino. Fungisisa uye unamate pamusoro pezvaunoverenga. Kuita izvi kunokwanisa kupa Mweya mukana wekupupura kumwoyo wako kuti zvinyorwa zvitsvene zvacho ndezvechokwadi.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Paiva chete nezvapupu zvitatu zvevanhu venyama inofa pakutambura kwaJesu Kristu muBindu reGetsemani—uye vakanga vakarara mukuitika kuzhinji kwako. Mubindu iroro uye pashure pamuchinjikwa, Jesu akatora paAri zvivi, marwadzo, uye matambudziko zvemunhu wose akamborarama, kunyangwe zvazvo kuruzhinji rwevanhu vaiva vapenyu panguva iyoyo hapana aiziva zvaiva zvichiitika. Zviitiko zvekusingaperi zvakakoshesesa kazhinji zvinoitika pasina kuteerera kwakanyanya kwenyika. Asi Mwari Baba vaiziva. Vakanzwa kuteterera kweMwanakomana Wavo akatendeka: “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri: asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu. Ipapo mutumwa akaonekwa naye wakabva kudenga, akamusimbisa” (Ruka 22:42–43). Kunyangwe isu taiva tisipo kuti tione chiitiko ichi chekusazvifunga uye kuzvideredza, tiri zvapupu zveRudzikinuro rwaJesu Kristu. Nguva dzose patinotendeuka uye tichitambira ruregerero rwezvivi zvedu, nguva dzose patinonzwa simba rokusimbisa reMuponesi, tinokwanisa kupupura nezvehuchokwadi hweizvo zvakaitika muBindu reGetsemani.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Ruka 22:31–34, 54–62; Johane 18:17–27

Rutendeuko chinhanho chinoenderera mberi.

Funga pamusoro pezviitiko Petro zvaakava nazvo neMuponesi—zvishamiso zvaakaona uye dzidziso dzaakadzidza. Sei zvino Muponesi akati kuna Petro, “Kana watendeuka usimbise hama dzako”? (Ruka 22:32; runyoro rwakarereka rwakawedzerwa). Apo paunofungisisa izvi, funga pamusoro pemusiyano uri pakati pekuva neuchapupu uye nekuva wakatendeutswa zvechokwadi.

Apo paunoverenga pamusoro pezviitiko zvaPetro muna Ruka 22: 31-34, 54-62 (onawo Johane 18:17–27), funga pamusoro perutendeuko rwako pachako. Wati wambonzwa here kuzvipira kwakadai zvekuti, saPetro, waiva “wakagadzirira kuenda [neMuponesi], zvose mutirongo, uye nekurufu”? (Ruka 15:17). Sei manzwiro iwayo dzimwe nguva achinyangarika? Pane mikana yezuva nezuva yekuramba kana kupupura nezve Muponesi; chii chaunozoita kuti uve chapupu Chake chezuva nezuva? Ndezvipi zvimwe zvidzidzo zvaunodzidza kubva pazviitiko zvaPetro?

Apo paunofambira mberi nekuverenga Testamente Itsva, tarisa kuona umboo hwekuenderera mberi kwerutendeuko rwaPetro. Cherechedzawo nzira dzaakatambira nadzo rairo yaIshe yekuti “usimbise hama dzako” (22:32; ona Mabasa aVaapositora 3–4).

Onawo Marko 14:27–31.

Ruka 22:39–46

Muponesi akatambudzikira ini muGetsemani.

Mutungamiri Russell M. Nelson vakatikoka kuti, “tiise nguva yakawanda mukudzidza pamusoro peMuponesi uye nerudzikinuro Rwake rwekuzvipira” (“Drawing the Power of Jesus Christ into Our Lives,” Liahona, Chivabvu 2017, 40).

Funga pamusoro pezvaunozoita kuti utambire kukoka kweMutungamiri Nelson. Ungangotanga nekufungisisa nemunamato kutambudzika kweMuponesi muGetsemani, sekutsanangurwa kwazvakaitwa mundima idzi, uye nekunyora manzwiro uye mibvunzo inouya mupfungwa.

Kuti uve nekunzvera kwakanyanya kudzama nezve Muponesi neRudzikinuro Rwake, edza kutsvagurudza mumamwe magwaro matsvene kuti uwane mhinduro kumibvunzo yakaita seiyi:

Apo paunodzidza pamusoro peizvo zvakaitika muGetsemani, zvingangova zvinonakidza kuziva kuti Getsemani raiva bindu remiti yemiorivhi uye raisanganisira chisviniro chemaorivhi, chaishandiswa kupwanya maorivhi uye kuburitsa mafuta aishandiswa kuvhenekera uye pazvokudya pamwepo nepakuporesa (ona Ruka 10:34). Nzira inoshandiswa kusvina mafuta eorivhi ingangomiririra sei izvo zvatakaitirwa neMuponesi muGetsemani?  

Ona Mateo 26:36–46; Marko 14:32–42.

Johane 18:28–38

“Hushe hweMuponesi hausi hwenyika ino.”

Semutungamiri wezvematongerwo enyika, Pontiasi Pirato aiziva zvesimba uye zvehumambo hwenyika ino. Asi Jesu aitaura nezve mhando yakasiyana zvikuru yehumambo Uchifunga pane izvo zvawakaverenga pamusoro peupenyu hweMuponesi, umboo hupi hwaunoona hwekuti “hushe Hwake hausi hwenyika ino”? (Johane 18:36). Sei zvakakosha kuti iwe uzive izvi? Ndezvipi zvimwe zvakakosha kwauri pamusoro pemashoko aJesu kuna Pirato?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Ruka 22:31–32.Petro angangova akanzwa sei kuziva kuti Jesu akamunamatira iye uye nerutendo rwake? Ndiani watingakwanisa kunamatira, kuti “kutenda [kwavo] kurege kupera”? (ndima 32).

Ruka 22:39–46.Kudzidza pamusoro pekutambudzika kweMuponesi muGetsemani kunokwanisa kuva chiitiko chinoera chemhuri yako. Funga zvaunokwanisa kuita kuti uvake mweya weruremekedzo uye nekushumira apo paunonzvera Ruka 22:39–46. Mungangoridza kana kuimba pamwechete dzimwe dzenziyo kana dzimbo dzevana dzinodisiswa nemhuri yenyu dziri pamusoro peMuponesi.   Apo pamunoverenga ndima dzacho, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugovera ndima dzinonyanya kukosha kwavari—pamwe ndima inovabatsira kunzwa rudo rweMuponesi (onawo Mateo 26: 36–46; Marko 14: 32–42). Ungangovakoka kuti vagovere uchapupu hwavo hwaJesu Kristu neRudzikinuro Rwake.

Ruka 22:42.Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugovera zviitiko apo pavakadzidza kuti, “Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.”

Ruka 22:50–51; Johane 18:10–11.Chii chatinodzidza pamusoro paJesu kubva mundima idzi?

Mufananidzo
Kristu achiporesa nzeve yemuranda

Suffer Ye Thus Far [Regai Zvaringana], naWalter Rane

Johane 18:37–38.Tinozopindura sei mubvunzo waPirato wekuti “Chokwadi chiiko?” (ndima 38). Kuti uwane mamwe mazano, ona Johane 8:32; Dzidziso neZvibvumirano 84:45; 93:23–28.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndinoshamiswa Kwazvo,” Nziyo nedzeVana Vadiki,, nhamba 42.

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Nzvera mashoko evaporofita nevaapositora vemazuva ekupedzisira. Verenga izvo zvakadzidziswa nevaporofita nevaapositora vemazuva ekupedzisira pamusoro pezvokwadi zvaunowana mumagwaro matsvene. Semuenzaniso, muchinyorwa chemusangano mukuru uchangopfuura cheLiahona, unokwanisa kutsvagurudza munongedzo wemusoro wenyaya “weRudzikinuro” (ona Teaching in the Savior’s Way21).

Mufananidzo
Kristu muGetsemani

Not My Will, But Thine, [Kwete Kuda Kwangu, Asi Kwenyu], naWalter Rane

Dhinda