Testamente Itsva 2023
Chikumi 26–Chikunguru 2. Mateo 28; Marko 16; Ruka 24; Johane 20–21: “Wakamuka”


“Chikumi 26–Chikunguru 2. Mateo 28; Marko 16; Ruka 24: Johane 20–21: ‘Wakamuka,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chikumi 26–Chikunguru 2. Mateo 28; Marko 16; Ruka 24; Johane 20–21,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Jesu achitaura kuna Petro pedyo namahombekombe egungwa

Feed My Sheep [Fudza Makwai Angu], naKamille Corry

Chikumi 26–Chikunguru 2.

Mateo 28; Marko 16; Ruka 24; Johane 20–21

“Wakamuka”

Nomunamato verenga Mateo 28; Marko 16; uye Ruka 24; Johane 20–21, uchifungisisa pamusoro pemufaro waunawo nokuda kweKumuka kwaKristu. Ndiani angaropafadzwa nokunzwa uchapupu hwako hwechiitiko ichi?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kuvacherechedzi vakawanda, rufu rwaJesu weNazareta rungangova rwakaratidzika samagumisiro anoshamisa kuupenyu hwaiva hwakanakisa. Akanga asiri iye here murume akamutsa Razaro kubva kuvakafa? Akanga Asina here kukunda tyisidziro dzoumhondi kubva kuvaFarise nguva nenguva? Akanga aratidza simba rokuporesa upofu, maperembudzi, uye mitezo yakafa. Mhepo chaiyo uye namagungwa zvakaMuteerera. Asi zvakadaro Aivapo, akarembera pamuchinjikwa, achizivisa kuti, “Zvapera” (Johane 19:30). Panogona kunge paiva nekumwe kushamisika kwechokwadi mumashoko okushora okuti “Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa” (Mateo 27:42). Asi tinoziva kuti rufu rwaJesu rwaiva rwusiri magumo enyaya yacho. Tinoziva kuti kunyarara kwebwiro rake kwaiva kwechinguva chidiki uye kuti basa rokuponesa raKristu raiva riri kutotanga. Anowanikwa nhasi kwete “pakati pavakafa” asi pakati pavapenyu (Ruka 24:5). Dzidziso dzake hadzaizonyaradzwa, nokuti vadzidzi Vake vakatendeka vaizoparidza vhangeri “mumarudzi ose,” vachivimba nevimbiso Yake yokuti aizova “[navo] mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika” (Mateo 28:19–20).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 28; Marko 16; Ruka 24; Johane 20

Jesu Kristu akamuka kuvakafa.

Mundima idzi, unozoverenga pamusoro pechimwe chezviitiko zvakakosha zvikurusa munhoroondo yevanhu: Kumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu. Apo paunoveranga, zviise munzvimbo yavanhu avo vakaona zviitiko zvakaitika paKumuka Kuvakafa. Chii chaunodzidza kubva pazviitiko zvavo?

Unonzwa sei iwe apo paunoverenga pamusoro poKumuka Kuvakafa kweMuponesi? Funga pamusoro pamashanduriro akwakakuita iwe—maonero aunoita upenyu, ukama hwako, uye rutendo rwako mune zvimwe zvokwadi zvevhangeri.

Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene “Kumuka Kuvakafa”; Misoro yeNyaya yeVhangeri “Kumuka Kuvakafa,” topics.ChurchofJesusChrist.org.

Ruka 24:13–35

Ndinokwanisa kukoka Muponesi kuti “agare [neni].”

Apo paunoverenga zviitiko zvavadzidzi vaviri vaifamba avo vakasangana neMuponesi akamuka kuvakafa, tsvaka fanano kuzviitiko zvako semuteveri waKristu. Ungakwanisa kufamba sei naIye nhasi uye nokuMukoka kuti “agare” kwechinguva chakati rebei? (Ruka 24:29). Unoziva sei kuvapo Kwake muupenyu hwako? Inzira dzipi idzo Mweya Mutsvene dzawakapupura nezve humwari hwaJesu Kristu kwauri?

­

Ruka 24:36–43; Johane 20

Kumuka kuvakafa kubatanazve kusina mugumo kwemweya nemuviri.

Tsananguro dzeKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu dzinokwanisa kukubatsira kunzwisisa zvazvinoreva kumutswa kuvakafa? Somuenzaniso, ndezvipi zvokwadi zvaunowana muna Ruka 24:36–43 uye Johane 20 pamusoro pokumutswa kuvakafa kwemiviri? Unokwanisawo kutsvaka mune zvimwe zvinyorwa zvitsvene pamusoro pekumuka kuvakafa, sezvakaita 1 Vakorinte 15:35–44; VaFiripi 3:20–21; 3 Nifai 11:13–15; Dzidziso neZvibvumirano 88:27–31; 110:2–3; 130:1, 22.

Johane 20:19–29

“Vacharopafadzwa vanotenda, kunyange vasina kuvona.”

Vamwe vanhu vanonzwa saTomasi, uyo akati, “Kana ndikasavona … , handingatongotendi” (Johane 20:25). Mumafungiro ako, sei kutenda usina kuona kuchikwanisa kuva ropafadzo? (ona Johane 20:29). Fungisisa kuti wakaropafadzwa sei nokuda kwekutenda muzvinhu zvawaiva usingakwanisi kuona. Chii chinokubatsira kuva norutendo muMuponesi kunyangwe usingakwanisi kuMuona? Ungakwanisa kuenderera mberi sei nokusimbisa rutendo rwako “muzvinhu zvisingaonekwi, zviri zvechokwadi”? (ona Aruma 32:16–21; Eta 12:6). Funga pamusoro pokunyora pasi mujenari zviitiko izvo zvakakubatsira kutenda muna Jesu Kristu, kana kuzvigoverana nemumwe munhu waunoziva.

Johane 21:1–17

Muponesi vanondikoka kuti ndifudze makwai Avo.

Zvingangova zvinonakidza kuenzanisa kutaurirana kweMuponesi navaApositora Vake muna Johane 21 kunguva yokutanga paAkavaraira kuti vakande vutava hwekubatisa hove hwavo, kwakanyorwa muna Ruka 5:1–11. Ndedzipi dzimwe fanano uye siyano dzaunowana? Ndedzipi nzwisiso pamusoro peudzidzi dzaunowana?

Funga pamusoro pokuti mashoko eMuponesi kuna Petro Johane 21:15–17 angashanda sei kwauri. Pane chimwe chinhu here chiri kukudzivirira kubva mukushumira kumakwai aIshe? Mhinduro yako inozova yokuti chii kana Ishe vakakubvunza kuti, “Iwe unondida here?” Fungisisa maratidziro aungaita rudo rwako rwaIshe?

Onawo 1 Petro 5: 2–4, 8

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Ruka 24:5–6.Mutungamiri Thomas S. Monson vakataura nezva Ruka 24:5–6, kuti “Hakuna mashoko muchiKristu anoreva zvakakosha kupfuura aya kwandiri” (“Wakamuka!,” Liahona, Chivabvu 2010, 89). Mashoko aya anorevei kwauri nemhuri yako?

Mateo 28; Marko 16; Ruka 24; Johane 20–21.Apo mhuri yenyu painoverenga zvitsauko izvi, cherechedza vanhu avo vakataura naJesu mutsananguro yoga yoga. Somuenzaniso, chii chinokufadza pamusoro pavanhu avo vakashanyira bwiro reMuponesi? Chii chaunodzidza kubva kumashoko kana zviito zvavaApositora kana kubva kuvadzidzi panzira yokuEmausi?

­­ Taurai pamusoro pemumwe munhu mhuri yenyu yainoziva uyo akafa, uye mokurukura kuti zvokwadi zviri muzvitsauko izvi zvinounza sei nyaradzo.

Mufananidzo
Jesu achifamba navarume vaviri munzira

Road to Emmaus [Nzira yokuenda kuEmausi], naWendy Keller

Mateo 28:16–20; Marko 16:14–20; Ruka 24:44–53.Mundima idzi, chii icho Jesu chaaikumbira vaApositora Vake kuti vaite? Tingakwanisa sei kubatsira kubudirira pabasa iri? Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana zviitiko apo pavakanzwa “Ishe achibata navo” kuti vabudirire pazvinangwa Zvake (Marko 16:20).

Johane 21:15–17.Funga pamusoro pokuverenga ndima idzi apo pamunenge muchidya pamwechete. Izvi zvinokwanisa kuwedzera imwe revo kumashoko eMuponesi okuti “chengeta makwai angu.” Kubva pane izvo Jesu zvaakadzidzisa pamusoro pamakwai muTestamente Itsva (ona, somuenzaniso, Mateo 9:35–36; 10:5–6; 25:31–46; Ruka 15:4–7; Johane 10:1–16), sei kuchengeta makwai iri nzira yakanaka yokutsanangura kushandira vana vaMwari? Enzaniso iyi inodzidzisa chii pamusoro pamanzwiro anoita Baba Vokudenga naJesu pamusoro pedu?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Shandisa mumhanzi kukoka Mweya uye kudzidza dzidziso. Kuteerera kana kuimba nziyo dzakaita “saWakamuka” (Nziyo nedzeVana Vadiki, peji 108) kunokwanisa kukoka Mweya uye kukubatsira kudzidza pamusoro peKumuka Kuvakafa kweMuponesi.

Mufananidzo
Mudzimai achiona Kristu akamuka kuvakafa pedyo nebwiro

The Resurrected Christ [Kristu Akamuka], naWalter Rane

Dhinda