Testamente Itsva 2023
Chikunguru 24–30. Mabasa AvaApositora 16–21: “Mwari Vatidana kuti Tindovaparidzira Vhangeri”


“Chikunguru 24–30. Mabasa AvaApositora 16–21: ‘Mwari Vatidana kuti Tindovaparidzira Vhangeri,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chikunguru 24–30. Mabasa AvaApositora 16–21,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Pauro achidzidzisa pachikomo

Chikunguru 24–30

Mabasa AvaApositora 16–21

“Mwari Vatidana kuti Tindovaparidzira Vhangeri”

Apo paunoverenga pamusoro pekuedza kwaPauro kuparidza vhangeri, Mweya ungangokufemera nepfungwa kana nemanzwiro. Nyora femero idzi pasi, uye woita zvirongwa zvekuita chimwe chinhu padziri.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Pakati pemashoko aIshe okupedzisira kuvaApositora Vavo paiva nemurairo wekuti “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene: muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imi” (Mateo 28:19–20). Kunyangwe zvazvo vaApositora vasina kunyatsozosvika kumarudzi ose, Mabasa AvaApositora 16–21 dzinoratidza kuti Pauro nefambidzani vake vakafambira mberi zvinoshamisa mukumisa Chechi. Vakadzidzisa, vakabhabhatidza, uye vakapa chipo cheMweya Mutsvene. Vakaita zvishamiso, kunyangwe kumutsa murume kubva kuvakafa, uye vakafanotaura Kutsauka Kubva Pachitendero Kukuru (Mabasa AvaApositora 20:7–12, 28-31). Uye basa ravakatangisa ririkuenderera mberi nevaApositora vanorarama nhasi, pamwepo nevadzidzi vakazvipira vakaita semi, varikubatsira kuzadzikisa basa reMuponesi nenzira dzaisambobvira kuva dzakafungidzirwa naPauro. Pamwe unoziva nezve vanhu vasingazive Baba vavo Vokudenga kana vhangeri Ravo. Pamwe wakanzwa kuti “mweya wako wakamutsidzirwa [mauri]” kuti ugoverane navo izvo zvaunoziva pamusoro pavo (Mabasa AvaApositora 17:16). Kana ukatevera muenzaniso waPauro weruninipo uye ushingi mukugovera vhangeri, ungangowana mumwe munhu “ane mwoyo Ishe [wava]kazarura” (Mabasa AvaApositora 16:14).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mabasa AvaApositora 16–21

Mweya unozonditungamira mukuedza kwangu kugovera vhangeri.

Muporofita Joseph Smith akazivisa kuti, “Hakuna munhu anokwanisa kuparidza Vhangeri asina Mweya Mutsvene” (Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith [2007], 332). Apo paunoverenga Mabasa AvaApositora 16–21, funga pamusoro pekuti sei chirevo chemuponesi chiri chechokwadi. Cherechedza zviitiko apo Mweya pawakabatsira Pauro nevafambidzani vake. Ndeapi maropafadzo akauya apo pavakatevera Mweya? Ndiriinhi wawakanzwa Mweya uchikukurudzira mukuedza kwako kugovera vhangeri?

Mabasa AvaApositora 16–21

Ndinokwanisa kuzivisa vhangeri mumamiriro ezvinhu ose.

Kukandwa mutirongo nokuda kwekuparidza vhangeri kungangoratidzika sechikonzero chinonzwisisika chekurega kuparidza. Asi kuna Pauro naSirasi, wakava mukana wekutendeutsa murindi wejere (ona Mabasa AvaApositora 16:16–34). Nemose muna Mabasa AvaApositora 16–21, tsvaga mimwe mienzaniso yechido chaPauro chekugovera uchapupu hwake kumunhu wose. Unofunga kuti sei aiva akashinga uye asingatyi zvakadaro? Unodzidzei kubva pamuenzaniso waPauro?

Pane mamwe mashoko mazhinji pamusoro pekugovera vhangeri ari muna Mabasa AvaApositora16–21. Apo paunodzidza zvitsauko izvi, tsvaga mamwe anonyanya kushanda kwauri.

Mufananidzo
mwana mucheche akabatwa

Mumwe nemumwe wedu mwana waMwari.

Mabasa Avaapositori 17:16–34

“Tiri rudzi rwaMwari.”

MuAtene, Pauro akawana vanhu vaiva nemafungiro uye maonero echitendero akasiyana-siyana. Vaigara vachitsvaga “kunzwa chimwe chinhu chitsva,” uye izvo zvakanga zvichipuhwa naPauro zvaiva zvechokwadi zvitsva kwavari (ona Mabasa AvaApositora17 19–21). Vainamata vamwari vazhinji, kusanganisira mumwe wavaidaidza kuti “Mwari asingazivikanwi” (Mabasa AvaApositora 17:23), asi vaitenda kuti vamwari vaiva masimba kana mashavi, kwete vanhu vanorarama, uye kwete Baba vedu. Fungisisa izvo zvakataurwa naPauro kuitira kuvabatsira kusvika pakuziva Mwari. Zvinorevei kwauri kuva “rudzi rwaMwari”? (Mabasa AvaApostora 17:29). Mumafungiro ako, kuva mwana waMwari kwakasiyana sei nekungova chimwe chezvisikwa Zvavo? Kunzwisisa chokwadi ichi kunoshandura sei maonero aunozviita iwe nevamwe?

Dai wakanga umire padivi paPauro apo paaipupura, chii chaungadai wakaudza vaGiriki vechinyakare pamusoro paBaba vedu Vokudenga? Unoziva here mumwe munhu anokwanisa kupundutswa nekunzwa umboo hwako?

Onawo VaRoma 8:16; 1 Johane 5:2.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mabasa AvaApositora 16–21.Kudzamisa kunzwisisa kwemhuri yako kwaMabasa AvaApositora 16–21, munokwanisa kunzvera mepu iri kumagumo kwechidzidzo chino, muchitsvaga muzvitsauko izvi maguta ayo akaparidzwa vhangeri naPauro. Ndezvipi zvishandiso zvatiinazvo nhasi zvekubatsira kuunza vhangeri kumarudzi ose?

Mabasa AvaApositora 17:10–12; 18:24–28.Tingakwanisa sei kunyanya kuva saVatendi vari mundima idzi? Zvingangorevei “[kugamuchira] shoko negadziriro yose yepfungwa”? (Mabasa Avaapositora 17:11). Chii chatingakwanisa kuita kuti tive “vane simba mumagwaro matsvene”? (Mabasa Avaapositora 18:24).

Mabasa Avaapostori 19:1–7.Ndima idzi dzinokwanisa kubatsira mhuri yako kuva nehurukuro pamusoro pekukosha kwekubhabhatidzwa uye kusimbiswa. Kuti munzwisise zvirinani zvokwadi zviri muna Mabasa AvaApositora19:1–7, munokwanisa kukurukura zvimwe zvinhu zvinoshaya basa kana zvisina chimwe chinhu, sezvakaita nharembozha isina bhatiri. Kana kuti munokwanisa kugovana dzidziso iyi kubva kuMuporofita Joseph Smith inoti: “Rubhabhatidzo nemvura runongova chete hafu yerubhabhatidzo, uye haruna charwakanakira pasina imwe hafu yacho—urwo runova, rubhabhatidzo rweMweya Mutsvene” (Teachings: Joseph Smith95). Sei rubhabhatidzo “rwusina charwakanakira” kana ukasagamuchira chipo cheMweya Mutsvene? (ona 3 Nifai 27:19–20; Mosesi 6:59–61).

Mabasa AvaApositora 19:18–20.Apo paunoverenga Mabasa AvaApositora 19:18–20, cherechedza kukosha kwepfuma iyo vanhu yavakada kusiya kuitira kuti vagamuchire vhangeri zvakazara (ona ndima 19). Pane here pfuma yepanyika kana zviitwa zvatinofanira kusiya kuitira kuti tigamuchire maropafadzo ekudenga?

Mabasa AvaApositora 20:32–35.Ndiriinhi apo mhuri yako payakawana dzidziso yaKristu yekuti “kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira”? (Mabasa Avaapositora 20:35). Kune mumwe munhu here anokwanisa kubatsirika kubva pamushando, nguva, kana zvipo zvingakwanisa kupuhwa nemhuri yako? Semhuri, kurukurai mamwe mazano uye moita chirongwa chekushandira mumwe munhu. Tinonzwa sei apo patinoshandira vamwe? Sei kupa kuchinyanya kuropafadzwa kupfuura kugamuchira?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndiri Mwana waMwari,” Nziyo nedzeVana Vadiki,112.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Nyora Pasi Manzwiro Ako. “Apo paunonyora pasi manzwiro ezvepamweya, unoratidza Ishe kuti unokoshesa nhungamiro yaVo, uye Vanozokuropafadza nezvakazarurwa zvakawanda” (Teaching in the Savior’s Way12; onawo peji 30).

Mufananidzo
mepu yenzendo dzehushumiri dzaPauro

Nzendo dzehushumiri dzemuApositora Pauro

Dhinda