Testamente Itsva 2023
Chikunguru 10–16. Mabasa AvaApositora 6–9: “Munoda Kuti Ndiiteiko?”


“Chikunguru 10–16. Mabasa AvaApositora 6–9: ‘Munoda Kuti Ndiiteiko?,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chikunguru 10–16. Mabasa AvaApositora 6–9,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Paul akadonhera pasi

Conversion on the Way to Damascus [Rutendeuko Munzira Kuenda kuDamasko], naMichelangelo Merisi da Caravaggio

Chikunguru 10–16

Mabasa AvaApositora 6–9

“Munoda Kuti Ndiiteiko?”

Tanga nekuverenga Mabasa AvaApositora 6–9. Mazano ari muchidzidzo chino anokwanisa kukubatsira kuona mimwe yemisimboti yakakosha iri muzvitsauko izvi, asi zvakadaro mukunzvera kwako pachako ungangowana mimwe misimboti.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kana paine munhu airatidzika semunhu asingatarisirwi kuti angatendeuka, pamwe aiva ari Sauro—muFarise aiva nembiri yekutambudza maKristu. Saka apo Ishe pavakaudza mudzidzi anonzi Ananiasi kuti atsvage Sauro uye amupe ropafadzo, zvinonzwisisika kuti Ananiasi akazeza. “Ishe,” akadaro, “Ndakanzwa nevanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti wakaitira vatsvene venyu zvakaipa” (Mabasa AvaApositora 9:13). Asi Ishe vaiziva mwoyo waSauro uye kwaniso yake, uye Vaiva nebasa mupfungwa Mavo rekuti Sauro azoita: “Iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedeni, namadzimambo, uye nokuvana vaIsraeri” (Mabasa AvaApositora 9:15). Saka Ananiasi akateerera, uye apo paakawana uyu aimbova mutambudzi, akamudaidza kuti “Sauro hama” (Mabasa AvaApositora 9:17). Kana Sauro akakwanisa kushanduka zvakazara uye Ananiasi akakwanisa kumugamuchira akasununguka kudaro, zvino isu tinombofanira here kufunga pamusoro pekuti mumwe munhu upi zvake angava asingatarisirwi kuti angashanduka—kusanganisira isu pachedu?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mabasa AvaApositora 6–8

Mwoyo wangu unofanira “kuva wakarurama pamberi paMwari.”

Chechi yaikura yaireva kudikanwa kwakawedzera kwevadzidzi vekuti vashande muhumambo. Maererano naMabasa AvaApositora 6:1–5, hunhu hupi hwaitsvakwa neVaapositora Gumi neVaviri kune avo vaizoshanda navo? Apo paunoverenga, Mabasa AvaApositora 6–8, cherechedza kuti hunhu uhwu, nehumwe, hwakaratidzwa sei muvanhu vakaita saStefano naFiripi. Chii chaishayikwa muna Simoni, uye chii chatinokwanisa kudzidza kubva kwaari pamusoro pekuda kushanduka?

Pane here chinhu chaunonzwa kukurudzirwa kushandura kuti uite chokwadi chekuti mwoyo wako “wakarurama pamberi paMwari”? (Mabasa AvaApositora 8:21–22). Kuita shanduro iyi kungakuropafadza sei apo paunoshumira Mwari?

Mabasa AvaApositora 6–7

Kuramba Mweya Mutsvene kunokwanisa kutungamirira kukuramba Muponesi nevaranda Vake.

Vatungamiriri vechiJuda vaiva nebasa rekugadzirira vanhu kuuya kwaMesiasi. Asi zvakadaro vakatadza kucherechedza Mesiasi uye vakaMuramba. Izvi zvakaitika sei? Chikamu chemhinduro chingangowanikwa mumashoko aStefano ekuti: “Munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene” (Mabasa AvaApositora 7:51). Unofunga kuti zvinorevei kudzivisa Mweya Mutsvene? Sei kuramba Mweya Mutsvene kuchitungamirira kukuramba Muponesi nevaranda Vake?

Apo paunoverenga Mabasa AvaApositora 6–7, tsvaka mamwe mashoko ayo akadzidziswa naStefano kuvaJuda. Ipfungwa dzipi dzaaiyambira pamusoro padzo? Unoona here pfungwa dzipi zvadzo dzakafanana naidzodzo mauri? Mashoko aStefano anokudzidzisa chii pamusoro pemhedzisiro dzekuramba Mweya Mutsvene? Ungakwanisa sei kuva unonyanya kuteerera uye kudaira kufemero dzeMweya Mutsvene muupenyu hwako?

 .

Mabasa AvaApositora 8:26–39

Mweya Mutsvene unozondibatsira kutungamira vamwe kuna Jesu Kristu.

Chii chatinodzidza pamusoro pekugovera vhangeri kubva patsananguro iri muna Mabasa AvaApositora 8:26–39? Mweya Mutsvene wakabatsira sei Firipi? Kugovera vhangeri kune vamwe kwakafanana sei nekuva mutungamiri? (ona Mabasa AvaApositora 8:31).

Gosa Ulisses Soares vakati tsananguro iyi “chiyeuchidzo chemurairo wehumwari watinofanira tose kutsvaka kuti tidzidze uye nekudzidzisana vhangeri raJesu Kristu. … Dzimwe nguva takaita semuEthiopian—tinoda rubatsiro rwemudzidzisi akatendeka uye akafemerwa; uye dzimwe nguva takaita saFiripi—tinofanira kudzidzisa uye kusimbisa vamwe murutendeuko rwavo ”(“How Can I Understand?,” Liahona, Chivabvu 2019, 6). Funga pamusoro pekuverenga shoko raGosa Soares rose uye uchifungisisa mabatsirirwo aunokwanisa kuitwa neMweya Mutsvene kuti uve mudzidzi uye mudzidzisi wevhangeri ari nani.

Mabasa AvaApositora 9

Apo pandinozviisa pasi pechido chaIshe, ndinokwanisa kuva mudziyo mumaoko Avo.

Rutendeuko rwaSauro rwunoratidzika serwakangoerekana rwaitika; akashanduka nokukurumidza kubva mukuisa vaKristu mujeri kuenda mukuparidza pamusoro paKristu mumasinagoge Apo paunoverenga nyaya yake, fungisisa kuti sei aiva nechido chokushanduka zvakadaro. (Kuti uverenge tsananguro yaSauro pachake yerutendeuko rwake, ona Mabasa AvaApositora 9:13 uye 26:9–18. Cherechedza kuti mutsananguro idzi, Sauro anoshandisa zita rokuti Pauro [ona Mabasa AvaApositora 13:9].)

Kunyangwe chiri chokwadi kuti chiitiko chaSauro hachisi chiitiko chamazuva ose—kuvanhu vakawanda, rutendeuko inzira yakareba zvikuru—pane chimwe chinhu here chaunokwanisa kudzidza kubva kuna Sauro pamusoro perutendeuko? Chii chaunodzidza kubva pamaonerwo erutendeuko rwaSauro akaitwa naAnaniasi nevamwe vadzidzi? Chii chauchazoita kuti ushandise zvidzidzo izvi muupenyu hwako? Ungangotanga nekukumbira mumunamato, sezvakaitwa naSauro, “Munoda kuti ndiiteiko?”

Apo paunoverenga Mabasa AvaApositora 9:36–42, funga pamusoro pekuti Tabita akava sei mudziyo mumaoko aMwari. Chii chinokukurudzira pamusoro pemuenzaniso wake?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mabasa AvaApositora 6:8; 7:51–60.Enzanisa tsananguro dzaStefano dziri muna Mabasa AvaApositora 6:8 uye Mabasa AvaApositora 7:51–60 kutsananguro dzeMuponesi dziri muna Ruka 23:1–46. Stefano akatevera sei muenzaniso weMuponesi?

Mabasa AvaApositora 7:51–60.Mweya Mutsvene wakaropafadza sei Stefano apo paaiva achitambudzwa? Ndiriinhi patakatambira simba kubva kuMweya Mutsvene munguva dzakaoma?

Mabasa AvaApositora 9:5.Chibaiso chaive pfumo rakapinza raishandiswa kutyaira mhuka. Kazhinji mhuka dzaikava makumbo ekumashure kana dzadyungwa, izvo zvaikonzera kuti pfumo riwedzere kunyura munyama yemhuka. Enzaniso iyi ingashanda sei kwatiri dzimwe nguva? Chii chatingakwanisa kuita kuti titambire zvirinani ruramiso kubva kuIshe?

Mufananidzo
Petro achimutsa Tabita kubva kuvakafa.

Tabitha Arise [Tabita Muka], naSandy Freckleton Gagon

Mabasa AvaApositora 9:32–43.Funga pamusoro pekukoka nhengo dzemhuri yako kuti dzidhirowe mifananidzo yenyaya dziri muna Mabasa AvaApositora 9:32–43. Chii chatinodzidza pamusoro pehudzidzi hwechokwadi kubva mundima idzi? Mumwe munhu “anoshingaira zvikuru pamabasa akanaka,” sezvaiva zvakaita Tabita, angabatsira sei vamwe kutenda muna Ishe? (ona Mabasa AvaApositora 9:36; Chitsauko 60: Petro Anodzosa Tabita kuUpenyu” chiri muNyaya dzeTestamente Itsva, 156–57.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndichaenda Kwamunoda Kuti Ndiende,” Hwaro hweVhangeri, nhamba 318.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Fananidza magwaro matsvene kuupenyu hwako. Apo paunoverenga, funga kuti nyaya nedzidziso zviri mumagwaro matsvene zvinoshanda sei muupenyu hwako. Semuenzaniso, ndeipi mikana yaunayo yekushandira vamwe, sezvakaitwa naTabita muna Mabasa AvaApositora 9:36–39?

Mufananidzo
Stefano achitakwa nemabwe kusvikira afa

“Vakataka Stefano, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu” (Mabasa AvaApositora 7:59).

Dhinda