Testamente Itsva 2023
Chikunguru 3–9. Mabasa AvaApositora 1–5: “Imi Muchava Zvapupu Zvangu”


“Chikunguru 3–9. Mabasa AvaApositora 1–5: ‘Imi Muchava Zvapupu Zvangu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chikunguru 3–9. Mabasa AvaApositora 1–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Mhomho yavanhu vari pamahombekombe erwizi uye vachibhabhatidzwa murwizi

Day of Pentecost [Zuva rePentekosta), naSidney King

Chikunguru 3–9

Mabasa AvaApositora 1–5

“Imi Muchava Zvapupu Zvangu”

Apo paunoverenga Mabasa AvaApositora 1–5, Mweya Mutsvene unokwanisa kukukurudzira kuti uwane zvokwadi izvo zvinoenderana neupenyu hwako. Cherechedza ndima idzo dzinokubata pamwoyo zvakadzama, uye wotsvaka mikana yokugovera zvawadzidza.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Wakamboshamisika here pamusoro peizvo Petro zvaangava aifunga nokunzwa apo iye, pamwepo navamwe vaApositora, “pavakatarisisa kudenga” Jesu achikwira kuenda kuna Baba Vake? (Mabasa AvaApositora 1:10). Chechi iyo yakatangwa neMwanakomana waMwari yaiva zvino yava mumaoko aPetro. Basa rokutungamirira kuedza “kudzidzisa marudzi ose” zvino raiva rava paari (Mateo 28:19). Asi kana akanzwa kusakodzera kana kutya, hatina umboo hwupi zvahwo hwaizvozvo mubhuku raMabasa AvaApositora. Chii chatinowana semienzaniso yeuchapupu nerutendeuko zvisina kutya, kuporeswa kunoshamisa, zviratidzo zvemweya, uye kukura kunoshamisa kweChechi. Iyi yaiva ichiri Chechi yeMuponesi, ichiri kutungamirirwa naIye. Chokwadi ndechekuti, bhuku raMabasa AvaApositora rinokwanisawo kudaidzwa kuti Mabasa aJesu Kristu kuburikidza navaApositora Vake. Achitungamirwa nekudururwa kweMweya, Petro akanga asisiri mubati wehove asina kudzidza uyo Jesu waakawana pamahombekombe eGungwa reGarirea. Uye aiva asisiri murume aishungurudzika zvikuru uyo mavhiki mashomanana chete akanga apfuura aiva achichema zvikurusa nokuda kwokuti akanga aramba kuti aimboziva Jesu weNazareta.

Mubhuku raMabasa AvaApositora, unozoverenga zviziviso zvinesimba pamusoro paJesu Kristu nevhangeri Rake. Unoonawo kuti vhangeri iroro rinokwanisa kushandura sei vanhu—kusanganisira iwe—kuita vadzidzi vaneushingi avo Mwari vavanoziva kuti vanokwanisa kuva.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mabasa AvaApositora 1:1–8, 15–26; 2:1–42; 4:1–13, 31–33

Jesu Kristu anotungamira Chechi Yake kuburikidza neMweya Mutsvene.

Bhuku raMabasa AvaApositora rinotaura nezve kuedza kwavaApositora kumisa Chechi yaJesu Kristu mushure moKukwira Kudenga kweMuponesi. Kunyangwe zvazvo Jesu Kristu aiva asisiri panyika, Akatungamira Chechi Yake nezvakazarurwa kuburikidza neMweya Mutsvene. Funga pamusoro pamatungamiriro akaita Mweya Mutsvene vatungamiri vatsva veChechi yaKristu apo paunenge uchiwongorora ndima dzinotevera: Mabasa AvaApositora 1:1–8, 15–26; 2:1–42; 4:1–13, 31–33.

Senhengo yeChechi yaKristu nhasi, mumwe nomumwe wedu ane basa rokutora chinhanho mubasa reruponeso uye rokusimudzirwa kumusorosoro—rokurarama vhangeri raJesu Kristu. kuriritira avo vanoshaya, kukoka vamwe kuuya kuna Kristu, uye kubatanidza mhuri nokusingaperi (ona General Handbook, 1.2). Chii chaunodzidza kubva kuvaApositora vokutanga ava pamusoro pamavimbiro atinokwanisa kuita paMweya Mutsvene kuti utungamirire kuedza kwedu?

Onawo Nhungamiro kuMagwaro, “Mweya Mutsvene.”

Mabasa AvaApostora 2:36–47; 3:12–21

Misimboti uye nezvisungo zvevhangeri zvinondibatsira kuuya kuna Kristu.

Wakambonzwa here “kubayiwa pamwoyo [wako],” sezvakaita vaJuda pazuva rePentekosta? (Mabasa AvaApositora 2:37). Pamwe wakaita chimwe chinhu chaunodemba, kana pamwe unongoda kushandura upenyu hwako. Chii chaunofanira kuita apo paunenge uinemanzwiro aya? Rairo yaPetro kuvaJuda inowanikwa muna Mabasa AvaApositora 2:38. Cherechedza kuti misimboti uye zvisungo zvevhangeri (kusanganisira rutendo, rutendeuko, rubhabhatidzo, uye chipo cheMweya Mutsvene—kana izvo dzimwe nguva zvinotaurwa sedzidziso yaKristu) zvakashandura sei vatendeuki ava, sokunyorwa kwazvakaitwa muna Mabasa AvaApositora 2:37–47.

Pamwe ungange wakatobhabhatidzwa uye ukagamuchira chipo cheMweya Mutsvene, saka unoenderera mberi sei nokushandisa dzidziso yaKristu? Funga pamusoro pamashoko akabva kuna Gosa Dale G. Renlund: “Tingaruramiswa nokudzokorora … kushandisa rutendo muna [Kristu], kutendeuka, kutora sakaramende kuitira kuvandudza zvibvumirano namaropafadzo erubhabhatidzo, uye kugamuchira Mweya Mutsvene semufambidzani wenguva dzose zvikurusa. Apo patinoita kudaro, tinonyanya kuva saKristu uye tinokwanisa kushingirira kusvikira kumagumo, neizvo zvose izvozvo zvazvinoreva” (“Latter-day Saints Keep on Trying,” Liahona, Chivabvu 2015, 56).

Mabasa AvaApositora 3:19–21

Ndedzipi “nguva dzokusimbiswa” uye “nguva dzokugadzirwa kwezvinhu zvose”?

“Nguva dzokusimbiswa” dzinoreva nguva yeChiuru chaMakore, apo Jesu Kristu paanozodzoka panyika. “Nguva dzokugadzirwa kwezvinhu zvose” dzinoreva Kudzorerwa kwevhangeri, iro rinogadzirira nyika kuNguva yeChiuru chaMakore.

Mabasa AvaApostora 3; 4:1–31; 5:12–42

Vadzidzi vaJesu Kristu vanopuwa simba rokuita zvishamiso muzita Rake.

Murume aikamhina aitarisira kugamuchira mari kubva kuna avo vaiuya kutemberi. Asi varanda vaIshe vakamupa zvakanyanya kukosha. Apo paunoverenga Mabasa AvaApositora 3; 4:1–31 uye 5:12–42, funga pamusoro pokuti chishamiso chakatevera chakashandura vanhu ava sei.

  • Murume aikamhina

  • Petro naJohane

  • Zvapupu patemberi

  • Vapirisita vapamusoro nevatongi

  • Vamwe Vatendi

Mufananidzo
Jesu achiporesa murume

Such as I Have I Give Thee (Izvo Zvandinazvo Ndinopa Kwauri), naWalter Rane

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mabasa AvaApositora 1:21–26Kuverenga Mabasa AvaApositora 1:21–26 kunokwanisa kubatsira mhuri yako kukurukura maropafadzo anouya kubva mukuva navaApositora panyika nhasi. Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugovera mawaniro avakaita uchapupu hwekuti vaapositora navaporofita vanhasi vanodaidzwa naMwari. Sei kuva neuchapupu uhwu kwakakosha?

Mabasa Avaapositora 2:37.Ndevo inoti “vakabayiwa mumwoyo mavo” inokwanisa kurevei? Ndirinhi patakanzwa chimwe chinhu chakafanana nazvo? Sei zvakakosha kutaura kuti “tichaiteiko?” apo patinenge tiine manzwiro akadaro?

Mabasa AvaApostora 3:1–10.Mhuri yako ingangonakidzwa nekuita mutambo wetsananguro iri mundima idzi. ­ Murume aiva patemberi akaropafadzwa zvakasiyana sei neizvo zvaaitarisira? Takaona maropafadzo aBaba Vokudenga achiuuya kwatiri sei munzira dzataiva tisingatarisiri?

Mabasa AvaApositora 3:12–26; 4:1–21; 5:12–42.Chii chinokufadza pamusoro perutendeseko rwaKarebi naJoshua? Tingakwanisa sei kuva neushingi muuchapupu hwedu hwaJesu Kristu? Funga pamusoro pokubatsira vana vadiki kudzidzira kugovera uchapupu hwavo.

Mabasa AvaApostora 4:315:4.Tingakwanisa sei kubatsira mhuri, wadhi, kana nzanga yedu kuti vanyanye kuva sezvakatsanangurwa muna Mabasa AvaApositora 4:31–37? Zvinorevei kuva “nomwoyo mumwe nomweya mumwe”? Ndedzipi nzira idzo dzimwe nguva “dzatinozvikamurira chimwe chikamu” chemupiro wedu? Sei kuita izvozvo kwakafanana “nokureva nhema kuna Mwari”? ((Mabasa AvaApositora 5:2, 4). Kusavimbika kunotishandura sei pane zvemweya?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndinoziva Mununuri Wangu Mupenyu,” Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba. 74.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Sarudzai musoro wenyaya. Ita kuti nhengo dzemhuri dzitore zvinjano kusarudza musoro wenyaya kubva muna Mabasa AvaApositora 1–5 wokuti munzvere pamwechete.

Mufananidzo
VaApositora vakakomberedza ngirozi mbiri vachinongedzera kumusoro

The Ascension [Kukwira Kudenga], naHarry Anderson

Dhinda