Testamente Itsva 2023
Chikunguru 17–23. Mabasa AvaApositora10–15: “Shoko raMwari Rakakura uye Rikawanda”.


“Chikunguru 17-23. Mabasa AvaApositora 10–15: ‘Shoko raMwari Rakakura uye Rikawanda,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chikunguru 17-23. Mabasa AvaApositora 10–15,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Petro achitaura naKornerio

Chikunguru 17–23

Mabasa AvaApositora 10–15

“Shoko raMwari Rakakura uye Rikawanda”.

Nyatsoverenga Mabasa AvaApositora 10–15, uchibvumira nguva yokuti Mweya ukufemere nepfungwa uye namanzwiro. Chii chiripo chokuti udzidze muzvitsauko izvi?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Munguva yehushumiri hwapanyika Hwake, Jesu Kristu kazhinji aipikisa tsika netendero dzavanhu idzo dzaiva dziripo kwenguva yakareba zvikuru. Izvi hazvina kumira mushure mokukwira Kwake kudenga, nokuti akaAramba achitungamirira Chechi Yake nezvakazarurwa. Somuenzaniso, panguva youpenyu hwaJesu vadzidzi Vake vakaparidza vhangeri chete kuvamwe vavo vaJuda. Asi chinguva chidiki mushure mokufa kweMuponesi uye Petro ava mutungamiri weChechi pasi, Jesu Kristu akazarura kuna Petro kuti nguva yaiva yanaka kuti vhangeri riparidzwe kuna avo vaiva vasiri vaJuda. Pfungwa yokugoverana vhangeri navaJentairi hairatidziki seinoshamisa nhasi, saka ndechipi chidzidzo chedu mutsananguro iyi? Pamwe chimwe chidzidzo ndechokuti zvose muChechi yechinyakare uye nemuChechi yamazuva ano, Muponesi anorudo anotungamirira vatungamiri Vake vakasarudzwa (ona Amosi 3:7; Dzidziso neZvibvumirano 1:38). Zvakazarurwa zvinoenderera chiratidzo chakakosha cheChechi yechokwadi uye inorarama yaJesu Kristu. SaPetro, tinofanira kuva tinoda kutambira zvakazarurwa zvinoenderera uye nokurarama “neshoko rose raMwari” (Ruka 4:4), kusanganisira “zvose izvo [Ivo] zvavakazarura, zvose izvo zvaVanozarura iyezvino,” uye “zvinhu zvizhinji zvikuru uye zvakakosha,” Izvo Ivo zvavanozozarura “maererano neUmambo hwaMwari” (Misimboti yeChitendero 1:9).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mabasa AvaApositora 10

“Mwari havazi mutsauri wavanhu.”

Kwezvizvarwa zvizhinji, vaJuda vakanga vachitenda kuti kuva “wechibereko chaAbrahama,” kana chizvarwa chaicho chaAbrahama, zvaireva kuti munhu wacho aitambirwa uye nokusarudzwa naMwari (ona Ruka 3:8). Vaifunga vamwe vese kuva vaJentairi “vanetsvina” avo vaiva vasingatambirwi naMwari. Muna Mabasa AvaApositora 10, chii icho Ishe chavakadzidzisa Petro pamusoro paavo “vanotambirwa navo”? (Mabasa AvaApositora 10:35). Ndehwupi umboo hwaunowana muchitsauko chino hwokuti upenyu hwaKornerio hwaitambirwa naIshe? Fungisisa pamusoro peizvo zvinorehwa neshoko rinoti “Mwari havazi mutsauri wavanhu” (ndima 34; onawo 1 Nifai 17:35). Sei zvakakosha kwauri kuti uzive pamusoro pechokwadi ichi?

SavaJuda vaitarisira pasi avo vaiva vasiri vechibereko chaAbrahama, unombozviwana here uchiita fungidziro dzisina tsitsi kana dzisina ruzivo rwakakwana pamusoro pemumwe munhu uyo akasiyana newe? Ungakunda sei maitiro aya? Zvingangova zvinonakidza kuedza chiito chakareruka kwamazuva mashoma anotevera: Apo pose paunotaura kana paunoshanda nemumwe munhu, edza kufunga kuti, “Uyu munhu mwana waMwari.” Apo paunoita izvi, ndedzipi shanduko dzaunocherechedza munzira dzaunofunga nadzo pamusoro pavamwe uye dzaunoshanda navamwe?

Onawo 1 Samueri 16:7; 2 Nefai 26: 13, 33

Mabasa AvaApositora 10; 11:1–18; 15

Baba Vokudenga vanondidzidzisa mutsetse pamusoro pemutsetse kuburikidza nezvakazarurwa.

Apo Petro paakaona chiratidzo chakatsanangurwa muna Mabasa AvaApositora 10, pakutanga akatambudzika kuchinzwisisa uye “akakanganiswa mumwoyo make, kuti chairevei” (ndima 17). Asi Ishe vakapa Petro nzwisiso hurusa apo Petro paakaitsvaka. Apo paunoverenga Mabasa AvaApositora 10, 11, uye 15, cherechedza kuti nzwisiso yaPetro yechiratidzo inodzama sei nekufamba kwenguva. Wakatsvaka uye ukagamuchira sei nzwisiso hurusa kubva kuna Mwari apo pawakanga uine mibvunzo?

Mabasa AvaApositora 10; 11, uye 15 dzinotsanangura nguva idzo Ishe dzavakaraira varanda Vavo kuburikidza nezvakazarurwa. Zvingangobatsira kunyora pasi izvo zvaunodzidza pamusoro pezvakazarurwa apo paunenge uchiverenga zvitsauko izvi? Inzira dzipi idzo Mweya dzaunotaura nadzo kwauri?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Zvakazarurwa,” topics.ChurchofJesusChrist.org

Mabasa AvaApositora 11:26

Ndiri muKristu nokuda kwekuti ndinotenda muna Jesu Kristu uye ndinomutevera.

Chii chakakosha pamusoro pokudaidzwa kwemunhu kuti muKristu? (ona Mabasa AvaApositora 11:26). Zvinorevei kwauri kuzivikwanwa semuKristu? Funga pamusoro pekukosha kwemazita. Somuenzaniso, zita remhuri yako rinorevei kwauri? Sei zita reChechi rakakosha kwauri (ona Dzidziso neZvibvumirano 115:4). Zvinorevei kwauri kutora pauri pachako zita raJesu Kristu kuburikidza nechibvumirano (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:77).

Onawo Mosiah 5:7–15; Aruma 46:13–15; 3 Nifai 27:3–8; Russel M. Nelson, “Zita Kwaro reChechi,” Liahona,, Mbudzi 2018, 87–90.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mabasa AvaApostora 10:17, 20.Takambova here nechiitiko chemweya uye pashure tikasazova nechokwadi neizvo zvatakanzwa kana kudzidza? Ndeipi rairano yatingagoverana ingangotibatsira kukunda kusava nechokwadi kwedu? ­

Mabasa AvaApostora 10:34–35.Ungakwanisa kudzidzisa sei mhuri yako kuti “Mwari havazi mutsauri wavanhu”? (Mabasa AvaApositora 10:34). Pamwe unokwanisa kuratidza mifananidzo yavanhu kubva kumamiriro ezvinhu uye nekutsika dzakasiyana siyana apo mhuri yenyu painenge ichiverenga ndima idzi. Zvokwadi zviri mundima idzi zvinoshandura sei zviito zvako?

Mabasa AvaApostora 12:1–17Mhuri yenyu inokwanisa kuita mutambo wetsananguro yaPetro achikandwa mutirongo uye nhengo dzeChechi dzakaungana pamwechete uye dzichimunamatira. Ndiriini watakaropafadzwa nomunamato? Kune mumwe munhu here watinonzwa kufemerwa kuti timunamatire, sezvakaita mutungamiri weChechi kana mudikanwi wedu? Zvinorevei kunamata “usingagumi”? (Mabasa AvaApositora 12:5; onawo Aruma 34:27).

Mufananidzo
Petro akasunungurwa kubva mutirongo

Peter Delivered from Prison [Petro Akasunungurwa kubva Mutirongo], naA.L. Noakes

Mabasa aVaApositora 14.Apo pamunoverenga ndima iyi pamwechete, dzimwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kucherechedza maropafadzo ayo anouya kuvadzidzi uye nokuChechi. Dzimwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kucherechedza pikiso kana zviedzo izvo vadzidzi zvavakasangana nazvo. Sei Mwari vachibvumira kuti zvinhu zvakaoma zviitike kuvanhu vakarurama?

Mabasa AvaApostora 15:1–21.Ndima idzi dzinotsanangura kusawirirana muChechi pamusoro pokuti vatendeuki vaifanira here kuchengeta mutemo waMosesi, kusanganisira kungidziswa. Chii icho vaApositora chavakaita pamusoro pokusawirirana uku? Chii chatinokwanisa kudzidza kubva kumuenzaniso uyu pamusoro pamatungamiriro anoita vatungamiri veChechi basa reChechi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Dhirowa mufananidzo. Mifananidzo inokwanisa kubatsira nhengo dzemhuri kuona mufungwa dzidziso nenyaya dzemagwaro matsvene. Unokwanisa kukoka nhengo dzemhuri kuti dzidhirowe mifananidzo yeizvo zvaunoverenga, sezvakaita chiratidzo chaPetro muna Mabasa AvaApositora 10.

Mufananidzo
Petro naKornerio

Chiitiko chaPetro naKornerio chinoratidza kuti “Mwari havazi mutsauri wavanhu” (Mabasa AvaApositora 10:34).

Dhinda