Testamente Itsva 2023
Chikunguru 31–Nyamavhuvhu 6. Mabasa AvaApositora 22–28: “Munyai neChapupu”


“Chikunguru 31–Nyamavhuvhu 6. Mabasa AvaApositora 22–28: ‘Munyai neChapupu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chikunguru 31–Nyamavhuvhu 6. Mabasa AvaApositora 22–28,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Pauro ari mutirongo

Chikunguru 31–Nyamavhuvhu 6

Mabasa AvaApositora 22–28

“Munyai neChapupu”

Manzwiro anobva kuMweya Mutsvene kazhinji akanyarara uye dzimwe nguva aripo kwechinguva chidikidiki. Kunyora manzwiro ako kunokubvumira kufunga pamusoro pawo zvakanyanya kudzama. Apo paunoverenga Mabasa AvaApositora 22–28, nyora pasi pfungwa uye manzwiro zvinouya kwauri, uye tora nguva kuzvifungisisa.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

“Apo patinenge tiri pabasa raIshe,” Mutungamiri Thomas S. Monson vakavimbisa vachiti, “tinokodzera rubatsirwo rwaIshe” (“To Learn, to Do, to Be,” Liahona, Mbudzi 2008, 62). Hatikodzeri, zvisinei, nzira yakatsetseka uye budiriro dzinouya zvisina mugumo. Kuti tiwane umboo hweizvi, chatinongofanira kuita kutarisa kuupenyu hwaPauro muApositora. Basa rake kubva kuMuponesi raiva rokuti “aende nezita rangu kuvahedeni, namadzimambo, nokuvana vaIsraeri” (Mabasa AvaApositora 9:15). Mune zvitsauko 22–28 zvaMabasa AvaApositora, tinoona Pauro achizadzikisa basa iri uye achitarisana nepikiso huru—ngetani, kuiswa mutirongo, kurohwa, kunyura kwechikepe, uye kunyangwe kurumwa nenyoka. Asi tinoonawo kuti Jesu “akamira naye, akati: tsunga mwoyo, Pauro” (Mabasa Avaapositora 23:11). Zviitiko zvaPauro iyeuchidzo inokurudzira yokuti daidzo yaIshe “yokuzivisa vhangeri [Ravo] neinzwi rokufara” inouya nevimbiso iyi: “Simudzai mwoyo yenyu uye mufare, nokuti ndiri pakati penyu” (Dzidziso neZvibvumirano 29:4–5; onawo Mateo 28:19–20).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mabasa AvaApositora 22: 1–21; 26:1–29

Vadzidzi vaJesu Kristu vanogovera uchapupu hwavo neushingi.

Apo Pauro paakapa uchapupu hune simba hwakanyorwa muna Mabasa AvaApositora 22 uye 26, aiva akabatwa semusungwa namasoja echiRoma. Vanhu vaakataura navo vakanga vaine simba rokumutongera kurufu. Asi akasuradza noushingi kupa uchapupu hwaJesu Kristu uye “nehwechiratidzo chokudenga” (Mabasa Avaapositora 26:19) chaakanga agamuchira. Chii chinokukurudzira pamusoro pamashoko ake? Funga pamusoro pemikana yauinayo yokugovera uchapupu hwako. Somuenzaniso, shamwari dzako dzinoziva here manzwiro aunoita pamusoro paJesu Kristu? Kana kuti wakagumisira riini kuudza mhuri yako mawaniro awakaita uchapupu hwako hwevhangeri?

Apo Joseph Smith mudiki paakasekwa nokuda kwekutaura pamusoro peChiratidzo Chokutanga, akakurudzirwa nenzira iyo Pauro yaakapupura nezve chiratidzo chake (ona Joseph Smith—Nhoroondo 1:24–25). Ungazopfupisa sei izvo Joseph Smith zvaakadzidza kubva kuna Pauro? Chii chaunodzidza kubva kuzvapupu zviviri izvi zvaJesu Kristu?

­

Mabasa AvaApositora 23:10–11; 27:13–25, 40–44

Ishe vanomira navo vanoshingaira kuVashumira.

Sokuratidza zvakajeka kunoita hushumiri hwaPauro, matambudziko muupenyu hwedu haasi chiratidzo chokuti Mwari havatifarire kana mabasa atiri kuita. Chokwadi ndechokuti, dzimwe nguva panguva yamatambudziko ndipo patinonzwa tsigiro Yavo zvakanyanyisa kusimba. Zvingangova zvinonakidza kuwongorora izvo zvawakaverenga chinguva chipfupi chichangopfuura pamusoro pehushumiri hwaPauro uye wodorongodza zvimwe zvezvinhu zvaakashingirira pazviri (ona, somuenzaniso, Mabasa AvaApositora 14:19–20; 16:19–27; 21:31–34; 23:10–11; 27:13–25, 40–44). Ishe vakamira sei naye? Vakamira sei newe?

Mabasa AvaApositora 24:24–27; 26:1–3, 24–29; 27

Pane ruchengeteko nerunyararo mukuteerera mashoko avaranda vaMwari.

Nemuhushumiri hwake hwose, Pauro akapa uchapupu hwakasimba hwaJesu Kristu nevhangeri Rake. Vanhu vazhinji vakatambira umboo hwake, asi haasi munhu wese akadaro. Apo paunoverenga Mabasa AvaApositora 24:24–27 uye Mabasa AvaApositora 26:1–3, 24–29, tsvaka mashoko uye ndevo idzo dzinoratidza kuti vatongi vechiRoma vemuJudea vanotevera vakadavira sei kudzidziso dzaPauro:

  • Feriksi

  • Festo

  • Mambo Agripa

Apo paaifamba nechikepe kuenda kuRoma kunotongwa naKesari, Pauro akaporofita kuti “kutambudzika nokurashikirwa kukuru” kwaizouya kuchikepe nevafambi vacho (Mabasa AvaApositora 27:10). Verenga chitsauko 27 kuti uzive kuti vafambi vaiva naPauro vakadavira sei kuyambiro dzake. Unowana here zvimwe zvidzidzo zvako pachako muzviitiko zvavo?

Wakambodavira here semumwe wavanhu ava apo pawakanzwa dzidziso dzavatungamiri veChechi? Ndeapi mamwe magumisiro angangoitika okudavira nenzira iyi? Chii chaunodzidza kubva kutsananguro idzi pamusoro pekuteerera rairo yaIshe kuburikidza navaranda Vavo?

Onawo 2 Nifai 33: 1–2

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mabasa AvaApositora 24:16.Rutendeuko rwake rwusati rwaitika, Pauro akanga ane nhoroondo yakareba yezvikanganiso kuna Mwari. Asi nokuda kwokuti aida kutendeuka, akakwanisa kutaura kuti, “Pachinhu ichi ndinoedza zvikuru, kuti nguva dzose ndive nehana isina mhosva kuna Mwari, uye nekuna vanhu” Dzidziso neZvibvumirano 135:4–5). Tingakwanisa sei kubvisa muhana dzedu zvikanganiso kuna Mwari uye kuna vamwe?

Mabasa Avaapostora 26:16–18.Mundima idzi, chii icho Ishe chavakadaidza Pauro kuti aite? Ndeipi mikana yatinayo yekuita zvinhu zvakafanana neizvi?

Mabasa AvaApostora 28:1–9.Pane mumwe here mumhuri yenyu anoda nyoka? Ungangoda kubvunza munhu iyeye kana imwe nhengo yemhuri kuti ataure nyaya dzinowanikwa muna Mabasa AvaApositora 28:1–9. Vana vangangonakidzwa nekudhirowa mufananidzo wenyaya idzi kana kuita mutambo wadzo. Ndezvipi zvidzidzo zvatinokwanisa kudzidza kubva mutsananguro idzi? Chimwe chingangova chokuti Ishe vanozadzikisa vimbiso Dzavo kuvaranda Vavo? Somuenzaniso, unokwanisa kufananidza vimbiso dzakaitwa muna Marko 16:18 nezadzikiso dzadzo muzviitiko zvaPauro. Unokwanisawo kuwana munhauro dzemusangano mukuru uchangopfuura vimbiso yakaitwa nemumwe wavaranda vaIshe—pamwe uyo wakakosha kumhuri yako—uye woiisa panoonekwa mumba menyu. Tingaratidza sei rutendo rwedu rwekuti vimbiso iyi inozozadzikiswa?

Mufananidzo
nyoka inouturu hunouraya

Mwari vakadzivirira Pauro apo nyoka inouturu hunouraya payakamuruma.

Mabasa AvaApostora 28:22–24.SeChechi muzuva raPauro (inodaidzwa kunzi “dzidziso” mundima 22), Chechi nhasi kazhinji “inorambwa.” Apo vanhu pavakataura vachipikisa Muponesi neChechi Yake, Pauro akadavira sei? Chii chatinokwanisa kudzidza kubva kuchiitiko chaPauro?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndinoziva Mununuri Wangu MupenyuNziyo nedzeVana Vadiki,nhamba 74.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Nangisa pfungwa pamisimboti inozoropafadza mhuri yako. Apo paunonzvera magwaro matsvene, zvibvunze kuti, “Chii chandinowana pano chinozova chakanyanya kukosha kumhuri yangu?” (Ona Teaching in the Savior’s Way,17.)

Mufananidzo
Pauro ari pamberi paMambo Agripa

Pauro ari pamberi paMambo Agripa. Valiant in the Testimony of Jesus Christ [Kushinga muUchapupu hwaJesu Kristu], naDaniel A. Lewis

Dhinda