Testamente Itsva 2023
Nyamavhuvhu 21–27. 1 Vakorinte 1–7: “Musonganiswe Zvakanaka Pamwechete”


“Nyamavhuvhu 21–27; 1 Vakorinte 1–7: ‘Musonganiswe Zvakanaka Pamwechete”,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Nyamavhuvhu 21–27. 1 Vakorinte 1–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Korinte yechinyakare

Corinth, Southern Greece, the Forum and Civic Center [Korinte, Greece yoKumaodzanyemba; , mufananidzo naBalage Balogh/www.ArchaeologyIllustrated.com

Nyamavhuvhu 21–27

1 Vakorinte 1–7

“Musonganiswe Zvakanaka Pamwechete”

Nyora pasi manzwiro ako apo paunenge uchiverenga 1 Vakorinte 1–7. Manzwiro aya angangosanganisira femero dzokunzvera rimwe zano zvakawedzerwa, kugoverana navamwe chimwe chinhu chaunodzidza, kana kuita shanduro muupenyu hwako.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Mumwedzi iyo Pauro yaakapedza ari muKorinte, “vazhinji vaVakorinte vakamunzwa, vakatenda, vakabhabhatidzwa” (Mabasa AvaApositora 18:8). Saka zvinofanira kuva zvakatyora mwoyo kuna Pauro kunzwa, pashure pemakore mashomanana, kuti kwaiva “nekupesana” uye “negakava” pakati paVatendi vechiKorinte uye kuti apo paaiva asipo vakatanga kuteerera “kuuchenjeri hwenyika ino” (1 Vakorinte 1:10–11, 20). Mumhinduro, Pauro akanyora tsamba iyo iyezvino yatinodaidza kuti 1 Vakorinte. Yakazara dzidziso dzakakosha, asi panguva imwecheteyo, Pauro airatidzika kuva akasuruvara kuti Vatendi vaiva vasati vagadzirira kugamuchira dzidziso dzose dzaaida kuvapa. “Ini, hama dzangu, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi sokune zvomweya,” akawuwura, “nokuti muchiri venyama” (1 Vakorinte 3:1–3). Apo patinogadzirira kuverenga mashoko aPauro, zvingangobatsira kuwongorora gadziriro yedu yokugamuchira chokwadi—kusanganisira chido chedu chokuteerera Mweya uye nokushingairira rubatano mumhuri dzedu, navamwe vedu Vatendi, uye naMwari.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

1 Vakorinte 1:10–17; 3:1–11

Nhengo dzeChechi yaKristu dzinoshingaira kuva dzakabatana.

Hatizivi zvinhu zvose pamusoro pekushaikwa kwerubatano pakati paVatendi vechiKorinte, asi tinoziva pamusoro pokushaikwa kwerubatano muhukama hwedu pachedu isu. Funga nezve ukama muupenyu hwako uhwo hwunokwanisa kubatsirwa nerubatano rwakawedzerwa; zvino wotsvaka izvo Pauro zvaakadzidzisa muna 1 Vakorinte 1:10–17; 3:1–11 pamusoro pokushayikwa kwerubatano pakati paVatendi vechiKorinte. Inzwisiso dzipi dzaunokwanisa kuwana pamusoro pamakudziridzo okuita rubatano rukuru navamwe?

Onawo Mosiah 18:21; 4 Nifai 1:15–17; Dzidziso neZvibvumirano 38:23–27; 105:1–5; Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Rubatano,” topics.ChurchofJesusChrist.org.

1 Vakorinte 1:17–31; 2

Kuti ndibudirire pabasa raMwari, ndinoda ungwaru hwaMwari.

Apo chiri chinhu chakanaka —kunyangwe kukurudzirwa—kutsvaka ungwaru kupi zvako kwatinokwanisa kuhuwana (ona 2 Nifai 9:29; Dzidziso neZvibvumirano 88:118.), Pauro akapa dzimwe yambiro dzakasimba pamusoro peungwaru hwusina kururama hwavanhu, uhwo hwaakadaidza kuti “ungwaru hwenyika ino.” Apo paunoverenga 1 Vakorinte 1:17–25, fungisisa zvingangorehwa nendevo iyi. Chii chaunofunga kuti Pauro aireva nokuti “ungwaru hwaMwari”? Sei tichida ungwaru hwaMwari kuitira kubudirira pabasa raMwari?

Mukuedza kwako kuzadzikisa mabasa ako mukubudirira pabasa raMwari, wakambonzwa here “kutya, uye … nokudedera kukuru” izvo Pauro zvaakanzwa apo paakadzidzisa Vatendi vechiKorinte? (1 Vakorinte 2:3). Chii chaunowana muna 1 Vakorinte 2:1–5 icho chinokupa ushingi? Funga pamusoro pokuti unokwanisa kutaridza sei kuti unovimba “nesimba raMwari” kupfuura “ungwaru hwavanhu.”

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 1:17–28.

1 Vakorinte 2:9–16

Ndinoda Mweya Mutsvene kuitira kunzwisisa zvinhu zvaMwari.

Kana waida kudzidza zvimwe zvakawanda pamusoro pechimwe chinhu chakaita sezvokugadzirwa kwemotokari kana zvekuvakwa kwezvivako zvechinyakare, ungazviita sei? Maererano naVakorinte 2:9–16, kudzidza “zvinhu zvaMwari” kwakasiyana sei kubva mukudzidza “zvinhu zvavanhu”? Sei tichifanira kuva neMweya Mutsvene kuitira kunzwisisa zvinhu zvaMwari? Mushure mokuverenga ndima idzi, chii chaunonzwa kuti unofanira kuita kuti unzwisise zvinhu zvemweya zvakanyanya kuzara? Mashoko aPauro angakwanisa sei kubatsira mumwe munhu ari kunetsekana neuchapupu hwake?

1 Vakorinte 6:13–20

Muviri wangu unoera.

Vanhu vazhinji muKorinte vainzwa kuti kusazvibata chaiva chinhu chinotambirwa uye kuti miviri yavo yaiva yakanyanya kugadzirirwa mafaro. Muna mamwe mashoko, Korinte yaiva isina kunyanya kusiyana nenyika yanhasi. Chii chakadzidziswa naPauro muna 1 Vakorinte 6:13–20 icho chinokwanisa kukubatsira kutsanangura kuna vamwe kuti sei uchida kurarama upenyu hwekuzvibata?

­ ­

1 Vakorinte 7:29–33

Pauro akadzidzisa here kuti zviri nani kuva munhu asina kuchata kana akachata?

Ndima dzakati wandei muna 1 Vakorinte 7 dzinenge dzinoratidza kutaura kuti apo muchato unotambirwa, kuramba usina kuchata uye uchidzivirira zvakazara ukama hwapabonde chinhu chinonyanya kudikanwa. Zvisinei, Dudziro yaJoseph Smith, 1 Vakorinte 7:29–33 (ona Nhungamiro kuMagwaro Matsvene) inotibatsira kunzwisisa kuti Pauro aireva avo vakadaidzwa kuti vave vashumiri venguva yakazara, achicherechedza kuti vaikwanisa kushandira Mwari zvirinani kana vairamba vasina kuchata panguva yehushumiri hwavo. Ishe vakadzidzisa kuburikidza navaranda Vavo, kusanganisira Pauro, kuti muchato chikamu chechirongwa chokusingaperi Chavo uye unodikanwa kuitira kusimudzirwa kumusoro-soro (ona 1 Vakorinte 11:11; Dzidziso neZvibvumirano 131:1–4).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

1 Vakorinte 1:10–17; 3:1–11.Apo nhengo dzemhuri yenyu padzinenge dzichiverenga ndima idzi, vakoke kuti vawane nzwisiso iyo inokwanisa kuvabatsira kuti vave vakanyanya kubatana.

1 VaKorinte 3:1–2.Pamwe munokwanisa kuverenga ndima idzi apo pamunenge muchidya mukaka nenyama. Munokwanisa kuenzanisa nzira iyo vacheche yavanokura nayo kuva vanhu vakuru nenzira yatinokura nayo pane zvepamweya.

1 VaKorinte 3:4–9.Pauro akaenzanisa hushingairi hwehushumiri hwake kukukavira mbeu. Enzaniso iyi inotidzidzisei pamusoro pokugovera vhangeri?

1 Vakorinte 6:19–20.Kuenzanisa miviri yedu kutemberi, sezvakaitwa naPauro, kunokwanisa kuva nzira inoshanda yokudzidzisa pamusoro pohueri hwemiviri yedu. Pamwe unokwanisa kutaridza mifananidzo yematemberi, sezvakaita ayo ari muchidzidzo chino. Sei matemberi achiera? Miviri yedu yakafanana sei netemberi? Chii chatingaite kuti tibate miviri yedu setemberi? ­

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku rePuraimari.

Rumbo rwakapuwa: “Ishe Vakandipa Temberi,” Nziyo nedzeVana Vadiki, 120.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Iva nomwoyo murefu newe pachako. Pauro akadzidzisa kuti mukaka unouya pamberi penyama apo patinenge tichidzidza vhangeri (ona 1 Vakorinte 3: 1–2). Kana ukawana kuti dzimwe dzidziso dzakaoma kunzwisisa iyezvino, iva nemwoyo murefu. Vimba kuti mhinduro dzinozouya apo paunova nerutendo uye nokunzvera noushingairi.

Mufananidzo
matemberi mana

Pauro akaenzanisa miviri yedu nouyeri hwetemberi. Kubva kuruboshwe nechokumusoro kuenda kurudyi: Temberi yeCuritiba Brazil, Temberi yeMexico City Mexico, Temberi yeTokyo Japan, Temberi ye Accra Ghana.

Dhinda