Testamente Itsva 2023
Nyamavhuvhu 14–20. VaRoma 7–16: “Kunda Zvakaipa neZvakanaka”


“Nyamavhuvhu 14–20. VaRoma 7–16: ‘Kunda Zvakaipa neZvakanaka,ʼ” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Nyamavhuvhu 14–20. VaRoma 7–16,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
masvingo eRoma yechinyakare

Nyamavhuvhu 14–20

VaRoma 7–16

“Kunda Zvakaipa neZvakanaka”

Mishoma chete yemisimboti yevhangeri iri muna VaRoma 7–16 ndiyo inokwanisa kusanganisirwa muchidzidzo chino, saka usazviisira muganhu weizvo zvakataurwa muno. Teerera kufemero yaunogamuchira apo paunonzvera.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Apo paatangisa mwadhi yake kuvaRoma, Pauro akakwazisa nhengo dzeChechi nekuvadaidza kuti “vadikanwa vaMwari” avo “vakadanwa kuti vave vatsvene.” Akataura kuti “kutenda kwavo [kwaiva] kuchiparidzirwa panyika yose” (VaRoma 1:7–8). Kunyangwe zvazvo Pauro akashandisa ruzhinji rwemwadhi yake kugadzirisa pfungwa dzemanyepo uye hunhu hwakaipa, zvinoratidzika sokunge aidawo kuvimbisa vatendeuki vatsva ava vechiKristu kuti vaiva zvechokwadi Vatendi avo vaidiwa naMwari. Rairo yake nyoro inoropafadza isu tose vanonetseka kunzwa rudo rwaMwari uye avo kuva Mutendi kungangonzwika sekusingakwanisiki. Netsitsi dzakaninipa, Pauro akabvuma kuti akanga anzwa semunhu “ari pakutambudzika” pane dzimwe nguva (VaRoma 7:24) asi vhangeri raJesu Kristu rakanga ramupa simba rekukunda chivi (ona ona Dudziro yaJoseph Smith, VaRoma 7:22–27 [muNhungamiro kuMagwaro Matsvene]). Nesimba iroro, simba rerununuro reMuponesi, tinokwanisa “kukunda zvakaipa”—zvose zvakaipa zviri panyika uye zvakaipa zviri matiri—“nezvakanaka” (VaRoma 12:21).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

VaRoma 7:8

Avo vanotevera Mweya vanokwanisa kuva “vagari venhaka pamwe naKristu.”

Kunyangwe mushure mekupinda “muupenyu hutsva” kuburikidza nechisungo cherubhabhatidzo (VaRoma 6:4), pamwe wakambonzwa kumwe kurwisana kwemukati kunotsanangurwa naPauro muna VaRoma 7—“kurwisana” pakati pemunhu wenyama uye nezvido zvako zvakarurama (VaRoma 7:23). Asi Pauro akataurawo nezvetariro muna VaRoma 8:23–25. Ndezvipi zvikonzero zvetariro iyi zvaunowana muchitsauko 8? Ungangotsvakawo maropafadzo anouya kubva pakuva “neMweya waMwari achigara mukati menyu” (VaRoma 8:9). Ungakwanisa sei kutsvaka hufambidzani hweMweya Mutsvene zvakanyanya kuzara muupenyu hwako?

VaRoma 8:16–39

Chipo chekubwinya kwekusingaperi chakakura zvikurusa kupinda miedzo yangu pasi pano.

Makore mashoma chete mushure mokunge Pauro anyora mwadhi iyi, Vatendi muRoma vakatambura nerutambudzwo rwunotyisa. Chii chaunowana muna VaRoma 8:16–39 chingangova chakabatsira Vatendi ava apo pakauya rutambudzwo urwu? Mashoko aya angashanda sei kwauri nemiedzo yauri kutarisana nayo parizvino?

Tsvaka kuenderana kuri pakati pendima idzi uye nerairo iyi inobva kuna Sisita Linda S. Reeves: “Handizive kuti sei tiine miedzo mizhinji yatiinayo, asi manzwiro angu pachezvangu okuti mubairo wacho mukurusa, ndowokusingaperi uye usingaperi chose, une mufaro mukuru uye unopfuura kunzwisisa kwedu zvokuti muzuva iroro remubairo, tingangova nechido chekuti kuna Baba vedu vane ngoni, vane rudo, ʻNdizvozvo chete zvose zvaidikanwa here?ʼ Ndinotenda kuti kana tikakwanisa kuyeuka uye kuziva zuva nezuva udzamu hwerudo irworwo Baba vedu Vokudenga neMuponesi wedu rwavainarwo kwatiri, tinozova tinoda kuita chipi zvacho chinhu kuti tidzokere pamberi Pavo zvakare, takakomberedzwa nerudo Rwavo nokusingaperi. Zvinozova nemhosva yei … izvo zvatakatambura pano kana, pakupedzisira, miedzo iyoyo iri zvinhu izvozvo chaizvo zvinotikodzeresa upenyu hwokusingaperi uye kusimudzirwa kumusoro-soro muumambo hwaMwari naBaba vedu neMuponesi? ” (“Worthy of Our Promised Blessings,” Liahona, Mbudzi 2015, 11). Sarudza zvaunozoita kuti “urangarire uye uzive zuva nezuva” rudo rwaMwari kwauri.

VaRoma 8:29–30; 9–11

Pauro airevei nekuti “kutemera kare,” “kusanangura” uye “kuziva kare”?

Pauro akashandisa mashoko ekuti “kutemera kare,” “kusanangura” uye “kuziva kare” kuti adzidzise kuti upenyu huno husati hwavapo, Mwari vakasarudza vamwe vevana Vavo kuti vave chikamu cheIsraeri, vanhu Vavo vechibvumirano. Izvi zvaireva kuti vaizogamuchira maropafadzo uye mabasa akakosha kuitira kuti vagokwanisa kuropafadza vanhu vose vepanyika (ona Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Sarudzo,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Zvisinei, Pauro akasimbisa muna VaRoma 9–11 kuti vose vana vaMwari vanokwanisa kuva vanhu Vavo vechibvumirano, uye tose tinogamuchira upenyu hwekusingaperi nenzira imwecheteyo—kuburikidza nerutendo muna Jesu Kristu uye nokuteerera kumirairo Yavo.

Onawo VaEfeso 1:3–4; 1 Petro 1:2; Aruma 13:1–5; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Kufanogadzwa,” topics.ChurchofJesusChrist.org.

VaRoma 12–16

Pauro anondikoka kuti ndive Mutendi uye muteveri wechokwadi waJesu Kristu.

Zvitsauko zvishanu zvekupedzisira zvaVaRoma zvine mimwe mirairo mizhinjisa iri pamusoro pekurarama saVatendi. Imwe nzira yekunzvera mirairo iyi ndeyekutsvaka misoro yenyaya inodzokororwa. Ungapfupisa sei rairo yaPauro?

Ungangotadza kukwanisa kushandisa rairo iyi yose nguva imwechete, asi Mweya unokwanisa kukubatsira kuti uwane musimboti mumwechete kana miviri yaunokwanisa kutanga kushanda pairi nhasi. Govera zvido zvako kuna Baba Vako Vokudenga mumunamato, uye wokumbira rubatsiro rwavo.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

VaRoma 8:31–39.Chii chatinowana muna VaRoma 8:31–39 chinotidzidzisa manzwiro anoita Baba Vokudenga uye Jesu Kristu pamusoro pedu? Takanzwa riinhi rudo rwaMwari?

Kuratidza ndima 38–39, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuwana mienzaniso yezvinhu izvo, zvisingakwanisi kupatsanurwa, sezvakaita isu nerudo rwaMwari.

Mufananidzo
baba nemwanasikana wavo vachitamba

Gosa Wilford W. Andersen vakadzidzisa kuti, “Mumhanzi wevhangeri [mufaro] wemanzwiro ezvepamweya.”

VaRoma 9:31–32.Shoko raGosa Wilford W. Andersen “The Music of the Gospel” (Liahona, Chivabvu 2015, 54–56; onawo vhidhiyo pa ChurchofJesusChrist.org) rinokwanisa kubatsira kuratidza zvinodzidziswa naPauro pamusoro pemutemo, mabasa, uye rutendo. Mushure mekukurukura nhaurwa yavo, mhuri yako inokwanisa kuedza kutamba paine mumhanzi unorira uye pasina mumhanzi. Rutendo rwungakwanisa sei kutibatsira kunzwa mufaro wevhangeri?

VaRoma 10:17.Maka magirazi emvura akati wandei nemanyuko eshoko raMwari (sezvakaita magwaro matsvene, zvakazarurwa zvako pachako, uye musangano mukuru). Kurukurai nezve mawedzerero anoita shoko raMwari rutendo rwedu apo pamunodira mvura yegirazi rega rega mumudziyo wakamakwa kuti “Rutendo.”

VaRoma 12.Zvinorevei kuti tizviite “chibairo chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari”? (ndima 1).

VaRoma 14:13–21.Mhuri yako ingangowana pundutso nekunzvera rairo yaPauro pamusoro pekutonga uye kukakavadzana pamusoro pezvinofarirwa nemunhu pachake. Pamwe munokwanisa kukurukura nzira dzakakodzera dzekupindura apo vamwe vanhu, kusanganisira nhengo dzemhuri, pavanoita sarudzo dzakasiyana nedzako. Tingakwanisa sei “kutsvaka izvo zvinouyisa rugare”? (ndima 19).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Hungwaru neRudo Rukurusa,” Nziyo nedzeVana Vadiki, 36.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Regai vana varatidze kwaniso yavo inouchenjeri. “Apo paunokoka vana kugadzira chimwe chinhu chinoenderana nemusimboti wevhangeri, unovabatsira kunzwisisa zvirinani musimboti wacho. … Vabvumire kuvaka, kudhirowa, kuisa ruvara, kunyora, uye kugadzira” (Teaching in the Savior’s Way25).

Mufananidzo
Kristu nemaoko akatambanudzwa

Abide with Me [Garai Neni], naDel Parson

Dhinda