Testamente Itsva 2023
Gunyana 4–10. 1 VaKorinte 14–16: “Mwari Haazi Mwari weNyonganiso, asi woRugare”


Gunyana 4–10. 1 VaKorinte 14–16: ‘Mwari Haazi Mwari weNyonganiso, asi woRugare,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Tesitamente Itsva 2023 (2022)

“Gunyana 4–10. 1 VaKorinte 14–16,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
chidziva chekubhabhatidzirwa chemutemberi

Gunyana 4–10

1 VaKorinte 14:16

“Mwari Haazi Mwari weNyonganiso, asi woRugare”

Nyora pasi pfungwa dzako apo paunenge uchiverenga 1 VaKorinte 14–16. Namata pamusoro peizvo zvawakadzidziswa neMweya, uye wobvunza Baba Vokudenga kana paine zvimwe zvakawanda zvaVangada kuti udzidze.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Nokuti Chechi nedzidziso dzayo zvaiva zvichiri zvitsva muKorinte, zvinonzwisisika kuti Vatendi vechiKorinte vakasangana nekuvhiringidzika. Pashure Pauro akanga avadzidzisa chokwadi chakakosha chevhangeri: “Kuti Kristu akafira zvivi zvedu … uye kuti wakavigwa, akamutswa nezuva retatu” (1 VaKorinte 15:3–4). Asi dzimwe nhengo dzakabva dzatanga kudzidzisa kuti “hakuna kumuka kwavakafa” (1 VaKorinte 15:12). Pauro akavakurudzira kuti “vabatisise” zvokwadi zvavakanga vadzidziswa (1 VaKorinte 15:2). Apo patinosangana nemafungiro anopikisana pamusoro pezvokwadi zvevhangeri, zvakanaka kuyeuka kuti “Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare” (1 VaKorinte 14:33). Kuteerera kuvaranda vakagadzwa naIshe uye kubatirira kuchokwadi chakareruka chavanodzidzisa kazhinji kunokwanisa kutibatsira kuwana rugare uye “kumira nesimba pakutenda” (1 Corinthians 16:13).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

1 VaKorinte 14

Ndinokwanisa kutsvaka chipo chehuporofita.

Chipo chehuporofita chii? Ikwaniso yekufanotaura zveramangwana here? Ndeche vaporofita chete here? Kana kuti mumwe munhuwo zvake angakwanisa here kugamuchira chipo ichi?

Fungisisa mibvunzo iyi apo panonzvera 1 VaKorinte 14: 3, 31, 3–40. Unokwanisawo kuverenga Zvakazarurwa 19:10 uye “Huporofita, Porofita” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.(scriptures.ChurchofJesusChrist.org) Maererano nezvaunodzidza, ungatsanangura sei chipo chehuporofita? Pauro angange airevei apo paakakoka vaKorinte kuti “shingairirai kuporofita”? (1 VaKorinte 14:39). Ungakwanisa sei kutambira kukokwa uku?

Onawo Muporofita Joere 2:28–29; Aruma 17:3; Dzidziso neZvibvumirano 11:23–28.

1 VaKorinte 14:34–35

Chirevo pamusoro pemadzimai chiri mundima idzi chinoshanda sei nhasi?

Muzuva raPauro, kwaive netarisiro dzakasiyana pamusoro pematorero chinhanho anoita madzimai munzanga, kusanganisira mumisangano yechechi. Zviri zvipi zvazvo zvairehwa nedzidziso dziri muna 1 VaKorinte 14:34–35 muzuva raPauro, hazvifanire kunzwisiswa sokureva kuti madzimai havakwanise kutaura uye kutungamira muChechi nhasi Mutungamiri Russell M. Nelson vakataura kumadzimai eChechi nhasi vachiti: “Tinoda … simba renyu, rutendeuko rwenyu, chivimbo chenyu, kwaniso yenyu yekutungamira, ungwaru hwenyu, uye namazwi enyu. Umambo hwaMwari hahwusi uye hahwukwanisi kuva hwakazara pasina madzimai anoita zvibvumirano zvinoera uye zvino vozvichengeta, madzimai anokwanisa kutaura nesimba uye nemvumo zvaMwari!” (“A Plea to My Sisters,” Liahona, Mbudzi 2015, 96).

1 VaKorinte 15 1–34, 53–58

Jesu Kristu akawana rukundo pamusoro perufu.

Kumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu kwakakosha zvikuru kuchiKristu, mumwe angangoti pasina izvozvo hakuna chiKristu—kushandisa mashoko aPauro, “kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva pasina” (1 VaKorinte 15:14). Asi zvakadaro vamwe vaVatendi vechiKorinte vaidzidzisa kuti hakuzova “nekumuka kwevakafa” (1 VaKorinte 15:12). Apo paunoverenga mhinduro yaPauro muna 1 VaKorinte 15, tora chinguva chekufungisisa musiyano waizovapo muupenyu hwako dai wakanga usingatende muKumuka Kuvakafa (ona 2 Nifai 9:6–19; Aruma 40:19–23; Dzidziso neZvibvumirano 93:33–34). Ndevo yekuti “kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwako hakuna maturo” inorevei kwauri? (ndima 17).

Zvakakoshawo kuziva kuti Pauro akataura nezve rubhabhatidzo rwevakafa seumboo hwechokwadi chekumuka kuvakafa (ona 1 VaKorinte 15:29). Basa remutemberi uye renhoroondo yemhuri rakasimbisa sei rutendo rwako mudzidziso yekumuka kuvakafa?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 138:11–37.

1 VaKorinte 15:35–54

Miviri Yakamutswa Kuvakafa yakasiyana nemiviri yenyama.

Wakambozvibvunza here kuti muviri wakamutswa kuvakafa wakaita sei? Maererano nemuna 1 VaKorinte 15:35, vamwe vaKorinte vaizvibvunza zvimwechetezvo. Verenga mhinduro yaPauro mundima 36–54, uye wocherechedza mashoko nendevo zvinotsanangura mutsauko uri pakati pemiviri yenyama nemiviri yakamutswa kuvakafa. Apo paunodaro, ungangoenzanisa ndima 40–42 neDzidziso neZvibvumirano 76:50–112. Chakazarurwa ichi kuMuporofita Joseph Smith chinowedzera chii kune kunzwisisa kwako? Sei zvokwadi izvi zvakakosha kwauri?

Onawo Ruka 24:39; Aruma 11:43–45; Dzidziso neZvibvumirano 88:14–33.

Mufananidzo
kubuda kwezuva

“Kubwinya kwezuva ndokumwe” (1 VaKorinte 15:41).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

1 VaKorinte 15:29.Tinodzidza kubva mundima 29 kuti maKristu echinyakare vaitora chinhano murubhabhatidzo rwevakafa, sezvatinongoita nhasi. Tingatsanangurira sei vamwe chikonzero chatinobhabhatidzirwa madzitateguru edu? Chii chatirikuita semhuri kuti tiwanise zvisungo zvemutemberi kumadzitateguru edu akafa ayo anozvida?  

1 VaKorinte 15:35–54.Ndezvipi zvinhu kana mifananidzo zvaungataridza kubatsira mhuri yako kuti inzwisise mamwe emashoko akashandiswa naPauro kutsanangura masiyaniro akaita miviri yenyama nemiviri yakamutswa kuvakafa? Semuenzaniso, kuti uratidze musiyano uripo pakati pekuora uye kusaora (ona ndima 52–54) unokwanisa kuratidza simbi yakaita ngura uye simbi isingaiti ngura. Kana kuti unokwanisa kusiyanisa chimwe chinhu chisina kusimba nechimwe chinhu chakasimba (ona ndima 43).

1 VaKorinte 15:55–57.Hurukuro pamusoro pendima idzi inokwanisa kunyanya kukosha kana mhuri yako ichiziva mumwe munhu akashaya. Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kupa uchapupu hwemabvisiro anoita Jesu Kristu “rumborera rwerufu” (ndima 56).

1 Vakorinte 16:13.Kubatsira nhengo dzemhuri yako kunzwisisa ndima iyi, unokwanisa kudhirowa denderedzwa pasi uye woraira nhengo yemhuri kuti “imire nesimba” mukati maro maziso ayo akavharwa. Zvino vamwe vanokwanisa kuedza kumusundidzira kana kumukweva kubva mudenderedzwa iri. Zvinoita musiyano wakaita sei apo munhu ari mudenderedzwa paanenge akavhura maziso ake uye achikwanisa “kutarisa”?   ChurchofJesusChrist.org

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Amuka!,” Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba 108.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaka mitoo. Mumagwaro matsvene tinowana mitoo inoratidza mashandiro anoita Ishe basa Ravo. Mitoo ipi yaunowana muna 1 VaKorinte 14 inotibatsira kunzwisisa masimudzirano atingaita?

Mufananidzo
Kristu achizviratidza kuna Maria pabwiro remubindu

Why Weepest Thou [Unochemeiko], © Simon Dewey 2021. Wakashandiswa nemvumo kubva kuAltus Fine Art/www.altusfineart.com

Dhinda