Testamente Itsva 2023
Gunyana 11–17. 2 Vakorinte 1–7: “Yananiswai naMwari”


“Gunyana 11–17. 2 VaKorinte 1–7: ‘Yananiswai naMwari,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Gunyana 11–17. 2 Vakorinte 1–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Jesu Kristu

Gunyana 11–17

2 VaKorinte 1–7

“Yananiswai naMwari”

Apo paunonzera tsamba dzaPauro kuVakorinte, nyora pasi mimwe yemisimboti yevhangeri yaunowana uye fungisisa mashandisiro aungaiita muupenyu hwako.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Dzimwe nguva, kuva mutungamiri weChechi zvinoreva kufanira kutaura zvimwe zvinhu zvakaoma. Izvi zvaiva chokwadi muzuva raPauro sezvazvingori nhasi. Zviri pachena kuti tsamba yakare yakabva kuna Pauro kuenda kuVatendi vechiKorinte yaisanganisira rutsiuro uye yakakonzera manzwiro ekurwadziwa. Mutsamba yacho iyo yakazova 2 Vakorinte, akaedza kutsanangura izvo zvakanga zvakurudzira mashoko akakomba ake achiti “Nokuti ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomwoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo” (2 Corinthians 2:4). Apo paunotambira mamwe mashoko egadziriso kubva kumutungamiri, zvinobatsira chaizvo kuziva kuti akafemerwa nerudo rwakafanana nerwaKristu. Uye kunyangwe mamiriro ezvinhu apo painenge isina, kana tiine chido chokuona vamwe nerudzi rwerudo Pauro rwaakanzwa, zvirinyore kupindura zvakakodzera kuzvigumburo zvipi zvazvo. Sokuraira kwakaita Gosa Jeffrey R. Holland, “Iva netsitsi maererano neutera hwavanhu—hwako wega pamwepo neuhwo hwaavo vanoshandira newe muChechi inotungamirirwa navarume namadzimai vanozvipira venyama inofa. Kusara kwemumamiriro ezvinhu eMwanakomana Wakaberekwa Wavo mumwechete akarurama, vanhu vasina kururama ndivo chete avo Mwari vavakangogara vainavo vokushanda navo” (“Lord, I Believe,” Liahona, Chivabvu 2013, 94).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

2 Vakorinte 1:3–7; 4:6–10, 17–18; 7:4–7

Zviedzo zvangu zvinokwanisa kuva ropafadzo.

Nokuda kweizvo zvose Pauro zvaakatarisana nazvo panguva youpenyu hwake, hazvishamisi kuti akanyora zvizhinji pamusoro pezvinangwa uye maropafadzo ematambudziko. Apo paunoverenga 2 Vakorinte 1:3–7; 4:6–10, 17–18; 7:4–7, funga pamusoro penzira idzo zviedzo zvako yazvinokwanisa kuva ropafadzo. Somuenzaniso, ungangofungisisa kuti Mwari “vanokunyaradza pakutambudzika [kwako]” sei uye kuti iwe unokwanisa sei, mukudzerera, “kunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi” (2 Vakorinte 1:4). Kana kuti ungangonangisa pfungwa pakuti chiedza chaJesu Kristu “chakavhenekera” sei mumwoyo mako, kunyangwe apo pawaiva “uchitambudzika” uye “uchikanganiswa” (2 Vakorinte 4:6,8).

Onawo Mosaya 24:13–17; Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Matambudziko,” topics.ChurchofJesusChrist.org

2 VaKorinte 2:5–11

Ruregerero iropafadzo yandinokwanisa kupa zvose nokugamuchira.

Hatizivi zvakawanda pamusoro pemurume uyo Pauro waakataura nezvake muna 2 Vakorinte 2:5–11—tinoziva chete kuti akanga atadza (ona ndima 5–6) uye kuti Pauro aida Vatendi kuti vamuregerere (ona ndima 7–8). Sei dzimwe nguva tichitadza “kusimbisa rudo [rwedu] kune” uyo watinoda atigumburisa? (ndima 8). Kuramba kupa ruregerero kunorwadzisa sei vamwe uye nesu? (ona ndima 7, 10–11). Kuramba kupa ruregerero kunopa sei “Satani … simba patiri”? (ndima 11).

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 64:9–11.

2 VaKorinte 5:14–21

Kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu, ndinokwanisa kuyananiswa naMwari.

Semumwe munhu upi zvake, Pauro aiziva zvazvaiva zvakaita kuva “chisikwa chitsva” (2 Vakorinte 5:17). Akashanduka kubva mukuva mutambudzi wavaKristu akazova murwiri anoushingi waKristu. Apo paunoverenga 2 Vakorinte 5:14–21, funga pamusoro pemibvunzo yakaita seiyi: Zvinorevei kuyanana? Zvinorevei kuyananiswa kuna Mwari? Fungisisa pamusoro peizvo zvingangova zvinokuparadzanisa kubva kuna Mwari. Chii chaunofanira kuita kuti uyananiswe zvakanyanya kuzara Navo? Muponesi anoita kuti izvozvo zvive zvinokwanisika sei?

Ungangofungisisawo zvazvinoreva kuva “nhume dzaKristu” “mukushumira kwokuyananisa” (ndima 18, 20). ­­

Onawo 2 Nifai 10:23–25.

2 VaKorinte 7:8–11

Kuchema sezvinoda Mwari kunotungamirira kurutendeuko.

Kazhinji hatifungi nezve kuchema sechinhu chakanaka, asi Pauro akataura nezve “kuchema sezvinoda Mwari” (2 Vakorinte 7:10) sechikamu chakakosha cherutendeuko. Funga pamusoro peizvo zvaunodzidza pamusoro pekuchema sezvinoda Mwari kubva mundima dzinotevera: 2 Vakorinte 7:8–11; Aruma 36:16–21; Mormoni 2:11–15 Ndiriini pawakanzwa kuchema sezvinoda Mwari, uye ishanduro ipi yakwakaunza muupenyu hwako?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

2 VaKorinte 3:1–3.Nhengo dzemhuri yako dzakambokumbira here mumwe munhu kuti avanyorere tsamba yerumbidzo, sezvakaita yekutsvakisa basa kana chikoro? Vakumbire kuti vataure pamusoro pechiitiko ichi. Pauro akadzidzisa kuti upenyu hwaVatendi hwaiva hwakaita setsamba dzerumbidzo kuvhangeri raJesu Kristu, “isina kunyorwa neingi, asi noMweya waMwari mupenyu.” Apo pamunoverenga 2 Vakorinte 3:1–3 pamwechete, kurukurai kuti mienzaniso yedu yakafanana sei netsamba idzo dzinokwanisa “kuzikwana nokurahwa navanhu vose,” dzichiratidza chokwadi nekodzero yevhangeri. Pamwe nhengo yemhuri yoga yoga inokwanisa kunyora tsamba kana “mwadhi” ichitsanangura kuti imwe nhengo yemhuri yanga iri sei muenzaniso wakanaka wemudzidzi waJesu Kristu. Vanokwanisa kuverenga tsamba dzavo kumhuri uye vodzipa kunhengo yemhuri yavanyora pamusoro payo. Sei zvakakosha kunzwisisa basa kuti upenyu hwedu “imwadi [dza]Kristu”?

2 VaKorinte 5:6–7.Zvinorevei “kufamba norutendo, kwete nokuona”? Chii chatiri kuita kuratidza kuti tinotenda muMuponesi kunyangwe zvazvo tisingakwanisi kuMuona?

1 Vakorinte 5:17.Mhuri yenyu inokwanisa here kufunga kana kuwana mienzaniso munyika yezvinhu izvo zvinoshanduka zvinoshamisa uye zvova zvisikwa zvitsva? (ona mufananidzo uri kumagumo kwechirongwa chechidzidzo chino). Vhangeri raJesu Kristu rinokwanisa kutishandura sei?

2 VaKorinte 6:1–10.Maererano na2 Vakorinte 6:1–10, zvinorevei kuva “vashumiri vaMwari”? (verse 4). Ndehupi hunhu uhwo mushumiri waMwari hwaanahwo?

2 VaKorinte 6:14–18.Tingakwanisa sei kutevera rairo yaPauro yokuti “budai pakati pavo [vasina kururama], muzviravure,” asi tichidawo avo vakatikomberedza?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Govera dzidziso yekushandisa zvinhu zvinobatwa. Mimwe mifungo yevhangeri, sezvakaita Rudzikinuro, inokwanisa kuva yakaoma kunzwisisa. Funga kushandisa mifananidzo iyo inokwanisa kubatsira mhuri yako kunzwisisa misimboti yaunowana mumagwaro matsvene.

Mufananidzo
gonye, chikukwa, uye chipembenene.

Apo patinotendeutsirwa kuvhangeri raKristu, rushanduko rwedu rukuru zvokuti Pauro akarutsanangura sokuva “chisikwa chitsva” (2 Vakorinte 5:17).

Dhinda