Testamente Itsva 2023
Mbudzi 13–19. Jakobo: “Ivai Vaiti veShoko, Musava Vanzwi Voga”


“Mbudzi13–19. Jakobo: ‘Ivai Vaiti veShoko, Musava Vanzwi Voga,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Mbudzi13–19. Jakobo,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
wechidiki achichenesa chidziro

Mbudzi 13–19

Jakobo

“Ivai Vaiti veShoko, Musava Vanzwi Voga”

Apo paunoverenga Mwadhi yaJakobo, teerera kundevo dzakakosha kwauri. Unokurudzirwa sei kuva “muiti” wemashoko aya? Jakobo 1:22

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Dzimwe nguva ndima imwechete yechinyorwa chitsvene inokwanisa kushandura nyika. Jakobo 1:5 inoratidzika serairo iri nyore—kana uchida uchenjeri, kumbira Mwari. Asi apo Joseph Smith aiva nemakore gumi nemana ekuberekwa paakaverenga ndima iyoyo, “yakaratidzika kupinda nesimba guru mumanzwiro ose emwoyo [wake]” (Nhooroondo—yaJoseph Smith 1:12). Akurudzirwa saizvozvo, Joseph akaita chimwe chinhu nerairo yaJakobo uye akatsvaka uchenjeri kubva kuna Mwari kuburikidza nemunamato. Uye Mwari vakapa zvirokwazvo norupo rusina rutsuta, vachipa Joseph imwe yeshanyiro dzekudenga dzinoshamisa zvikurusa munhoroondo yevanhu—Chiratidzo Chekutanga Chiratidzo ichi chakashandura nzira yeupenyu hwaJoseph uye chikatungamirira kuKudzorerwa kweChechi yaJesu Kristu panyika. Tose takaropafadzwa nhasi nokuti Joseph Smith akaverenga uye akaita chimwe chinhu pana Jakobo 1:5.

Chii chaunozowana apo paunonzvera Mwadhi yaJakobo? Pamwe ndima imwechete kana mbiri dzinozokushandura iwe kana mumwe munhu waunoda. Ungangowana nhungamiro apo paunotsvaka kuzadzikisa chinangwa chako muupenyu. Ungangowana kurudziro yekutaura netsitsi kana kunyanya kuva nemwoyo murefu. Ungangonzwa kukurudzirwa kuita kuti zviito zvako zviyanane zvirinani nerutendo rwako. Chiri chipi zvacho chinokukurudzira, ita kuti mashoko aya “apinde … mukunzwa kwose kwemwoyo [wako].” Uye zvino, apo “pamunogamuchira nomwoyo munyoro … shoko,” sekunyora kwakaita Jakobo, ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga (ona ona Jakobho 1:21–22).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Jakobo aiva ani?

Chinhu chinotendwa nevakawanda kuti munyori weMwadhi yaJakobo aiva mwanakomana waMaria, amai vaJesu Kristu, uye naizvozvo munun’una wekwaamai weMuponesi. Jakobo anotaurwa muna Mateo 13:55; Marko 6:3; Mabasa AvaApositora 12:17; 15:13; 21:18; uye VaGaratia 1:19; 2:9. Zvinoratidzika kubva mumagwaro matsvene aya kuti Jakobo aiva mutungamiri weChechi muJerusarema uye akanga adaidzwa semuApositora (ona VaGaratia 1:19).

Jakobo 1:2– 4; 5:7–11

Tsungiriro nemwoyo murefu inotungamirira kuururami.

Mushure mekuverenga Jakobo 1:2–4; 5:7–11, chii chaungati chaiva shoko guru raJakobo pamusoro pemwoyo murefu?   “Basa rakakwaniswa” remwoyo murefu chii? (Jakobo 1:4). Ungaratidza sei Ishe kuti unoda kuva nemwoyo murefu?

Jakobo 1:3–8, 21–25; 2:14–26; 4:17

Rutendo runoda mabasa.

Unoziva sei kana uine rutendo muna Jesu Kristu? Mabasa ako anoratidza sei rutendo rwako muna Mwari? Funga pamusoro pemibvunzo iyi apo paunonzvera dzidziso dzaJakobo pamusoro perutendo. Zvingangova zvinofadza kuverengawo pamusoro paAbrahama naRahabi, mienzaniso miviri yakataurwa naJakobo (ona Genesi 22:1–12; Joshua 2). Vakaratidza sei kuti vaiva nerutendo muna Mwari?

Kuverenga Jakobo 1:3–8, 21–25; 2:14–26; 4:17 kungangokubatsira kufunga nzira dzaungakwanisa kuva muiti weshoko ari nani. Nyora pasi manzwiro api zvawo aunotambira, uye woita zvirongwa zvekuita chimwe chinhu paari.

Onawo Aruma 34:27–29; 3 Nifai 27:21.

Mufananidzo
Abrahama achinamata kunze kwetende yake

“Abrahama wakatenda Mwari kukanzi kwaari ndiko kururama” (Jakobo 2:23). Abraham on the Plains of Mamre [Abrahama ari paMapani eMamre], naGrant Romney Clawson

Jakobo 1:263:1–18

Mashoko andinotaura ane simba rekurwadzisa kana kuropafadza vamwe.

Pakati pemifananidzo mizhinji uye ine revo dzakakosha yakashandiswa naJakobo nemumwadhi yake yose, mamwe emashoko ake akajeka zvikurusa anowanikwa murairo yake pamusoro pemutauro. Funga pamusoro pekuita mudorongodzwa wenzira dzose Jakobo dzaakatsanangura rurimi kana muromo. Enzaniso yega yega kana mufananidzo unopa pfungwa yokuti kudii pamusoro pemashoko atinotaura? Funga chimwe chinhu chaungakwanise kuita kuropafadza mumwe munhu nemashoko ako (ona Dzidziso neZvibvumirano 108:7).

Jakobo 2: 1– 9

Somudzidzi waJesu Kristu, ndinofanira kuda vanhu vose, zvisinei nemamiriro ezvinhu avo.

Jakobo akayambira Vatendi kunyanya pamusoro pekufarira vapfumi uye vachizvidza varombo, asi yambiro yake inokwanisa kuva maererano nerutsauro kana rusaruro rupi zvarwo rwatingange tiinarwo kune vamwe. Apo paunonzvera nemunamato Jakobo 2:1–9, nyatsotsvaka mumwoyo wako pachako uye uteerere kufemero dzeMweya Mutsvene. Zvingangobatsira kutsiva ndevo dziri mundima idzi, dzakaita sokuti “murombo wakapfeka nguvo dzakaipa” (ndima 2), nemamwe mashoko kana ndevo dzinotsanangura mumwe munhu waungangoedzwa kutonga zvisina kururama. Unonzwa shanduro dzipi zvadzo here dzaunofanira kuita munzira yaunobata nayo kana kufunga vamwe?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Jakobo 1:5.Mushure mokuverenga Jakobo 1:5, mhuri yako inokwanisa kutaura muchidimbu rondedzero yeChiratidzo Chekutanga (ona Nhoroondo yaJoseph Smith 1:8–20). Koka nhengo dzemhuri kuti dzigovere uchapupu hwavo hweMuporofita Joseph Smith nezviitiko zvavo apo Baba Vokudenga pavakapindura minamato yavo.

Jakobo 1:26–27  Zvino moverenga tsananguro yaJakobho “yechitendero chakarurama” muna Jakobo 1:26–27, uye mokurukura nzira idzo mhuri yenyu dzainokwanisa kuita kuti tsika yenyu yechitendero inyanye kururama.

Jakobo 3.Jakobo 3 inosanganisira mifananidzo mizhinji inokwanisa kukurudzira zvidzidzo zvisingakanganwike zvinoshandisa zvinhu zvinobatika kuitira kubatsira mhuri yako kuyeuka kutaura zvine tsitsi. Semuenzaniso, munokwanisa kuvesa moto pamwechete uye motaura pamusoro pekuti shoko duku, risina tsitsi rinokwanisa sei kukonzera dambudziko guru (ona ndima 5–6). Kana kuti unokwanisa kuisa chimwe chinhu chinovava mune chimwe chinhu chinonyanyoshandiswa muzvokudya zvinotapira—sezvakaita kuisa muto weremoni mumudziyo une uchi. Izvi zvinokwanisa kutungamirira kuhurukuro pamusoro pekushandisa mashoko anotapira uye anosimudzira (ona ndima 9–14).

Jakobo 4:5–8.Sei tichifanira “kuswedera kuna Mwari” (Jakobo 4:8) apo patinotarisana nemuedzo?

Jakobo 5:14–16.Mutungamiri Dallin H. Oaks vakadzidzisa kuti “vabereki vanofanira kukurudzira maropafadzo mazhinji ehupirisita mumhuri” (“The Powers of the Priesthood,” Liahona, Chivabvu 2018, 67. Pamwe kuverenga Jakobo 5:14–16 uye kugoverana zviitiko pamusoro pekugamuchira ropafadzo rehupirisita kunokwanisa kukurudzira nhengo dzemhuri kukumbira ropafadzo apo pavanenge vachirwara kana pavanoda simba rezvepamweya.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa “Ita Zvakanaka,” Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba, 223.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Ita chimwe chinhu paneizvo zvaunenge wadzidza. Apo paunonzvera, teerera kufemero dzinobva kuMweya pamusoro pemakwanisiro aungaita kushandisa izvo zvauri kudzidza muupenyu hwako. Zvipire kutevera femero idzi uye worarama vhangeri zvakanyanya kuzara. (Ona Teaching in the Savior’s Way35.)

Mufananidzo
Joseph Smith achiverenga Bhaibheri

Rairo yaJakobo “yekukumbira kuna Mwari” (Jakobo 1:5) yakakurudzira Joseph Smith kuti atsvake ungwaru kubva kuna Mwari. Photograph [Mufananidzo] naChristina Smith.

Dhinda