Testamente Yekare 2022
Kubvumbi 4–10. Eksodo 14–17: “Mirai, Mugoona Sununguro yaJehova”


“Kubvumbi 4–10. Eksodo 14–17: “Mirai, Mugoona Sununguro yaJehovha” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamende Yekare 2022 (2021)

“Kubvumbi 4–10. Eksodo 14–17,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Gungwa Dzvuku

Gungwa Dzvuku

Kubvumbi 4–10

Eksodo 14–17

“Mirai, Mugoona Sununguro yaJehovha”

Mwari akaraira Mosesi kuti anyore pamusoro pezviitiko zvake kuitira “chirangaridzo mubhuku, uye azvirondedzerewo munzeve” dzaJoshua (Eksodo 17:14). Saizvozvovo, kunyora pasi zviitiko zvako zvemweya kunozokubatsira iwe nevadikanwi vako kuti murangarire kunaka kwaIshe.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

VaIsraeri vakanga vakavharirwa. Gungwa Dzvuku raiva kune rimwe divi, masoja aFarao achiuya nekune rimwe. Zvaitaridzika sekuti kubuda kwavo muEgipita kwaizogumira ipapo. Asi Mwari aiva neshoko kuvaIsraeri ravaida kuti vayeuke kwemakore achauya: “Musatya zvenyu. … Jehova achakurwirai” (Eksodo 14:13–14).

Kubva panguva iyoyo, apo vanhu vaMwari pavanoda rutendo uye ushingi, kazhinji vanoenda kurondedzero iyi yekununurwa kunoshamisa kwevaIsraeri. Apo Nifai paaida kukurudzira madzikoma nevanin’ina vake, akati, “Ngativei nesimba saMosesi; zvechokwadi akataurira mvura yeGungwa Dzvuku uye ikapatsanuka napakati, uye madzibaba edu vakapfuura, vachibuda kubva muusungwa, nepakaoma” (1 Nifai 4:2). Apo Mambo Rimuhai paaida kuti vanhu vake vakanga vakatapwa “vasimudze misoro yavo, uye vafare,” akavayeuchidza nezve nyaya imwechete iyi (Mosaya 7:19). Apo Aruma paaida kupupura kumwanakomana wake nezve simba raMwari, akataurawo nezve nyaya iyi (ona Aruma 36:28). Uye apo patinenge tichida kununurwa—kana tichida rutendo rwakawanda, apo patinofanira “kumira, tigoona ruponeso rwaIshe” —tinokwanisa kuyeuka kuti “Ishe vakaponesa Israeri sei zuva iro kubva muruoko rwavaEgipita” (Eksodo 14:13, 30).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Eksodo 14

Mwari ane simba rekundinunura.

Apo paunenge uchiverenga Eksodo 14:1–10, fungidzira kuti vaIsraeri vangange vakanzwa sei apo pavaiona varwi vaFarao vachiswedera pedyo. Pamwe unonzwa kuti unoda chishamiso kuti ukurire chinetso chakaoma chawakatarisana nacho. Unodzidzei kubva muna Eksodo 14:13–31 icho chinokwanisa kukubatsira kutsvaga kununurwa naMwari muupenyu hwako? Wadzidzei pamusoro penzira idzo Mwari dzavanonunura nadzo vanhu kubva mudambudziko? Fungisisa kuti wakaona sei simba rekununura Ravo muupenyu hwako.

Onawo Dzidziso neZvebvumirano 8:2–3 May 2012, 94–97; Mamepu eBhaibheri, nhamba. 2, “Kubuda kwevaIsraeri muEgipita neKupinda muKanani

Eksodo 15:22–27

Ishe vanogona kuita kuti zvinhu zvinovava zvitapire.

Apo paunenge uchiverenga Eksodo 15:22–27 pamusoro nzedzo dzevaIsraeri kuenda kunyika yechipikirwa, funga pamusoro pezvinhu zvemuupenyu hwako zvaitaridzika “sezvinovava” semvura yekuMara. Funga nezve mibvunzo inotevera apo paunofungisisa ndima idzi: Ishe vanogona sei kuita kuti zvinovava zvitapire muupenyu hwako? Zviitiko izvi zvakava zvakakosha sei muupenyu hwako? Chii chinotaurwa nendima 26 uye 27 pamusoro pokuti Ishe vanotiropafadza sei apo patinoteerera kuinzwi Ravo?

Eksodo 15:23–27; 16:1–15; 17:1–7

Ndinokwanisa kuvimba naIshe, kunyange panguva dzakaoma.

Zviri nyore kushoropodza vaIsraeri nekuda kwekuti vakagunun’una kana kunyunyuta apo mamiriro ezvinhu avo paakange aoma, kunyangwe mushure mezvose zvavainge vaitirwa naMwari. Asi paunoverenga Eksodo 15:23–27; 16:1–15; 17:1–7, funga kana wakamboita chinhu chimwechetecho. Chii chaunodzidza kubva kuzviitiko zvevaIsraeri icho chinokwanisa kukubatsira kuti usanyanya kugunun’una uye uvimbe zvakanyanya kuzara munaMwari? Semuenzaniso, isiyano dzipi dzaunocherechedza pamusoro penzira iyo vaIsraeri yavakatarisana nezvinetso uye nzira iyo Moses yaatarisana nazvo. Ndima idzi dzinokudzidzisei pamusoro paMwari?

Onawo 1 Nifai 2:11–12

Mufananidzo
mukadzi ari kunhonga mana

VaIsraeri vaidya mana yaibva kuna Mwari; isuwo tinoda kudya zvemweya zuva nezuva. Mufananidzo naLeopold Bruckner

Eksodo 16

Ndinofanira kutsvaga zvekudya zvemweya zuva nezuva.

Pane zvidzidzo zvemweya zvakawanda zvatinodzidza kubva pachishamiso chemana, chinowanika muna Eksodo 16. Onai mirayiro yakadzama yakapihwa vaIsraeri nezvenzira yekuunganidza, kushandisa, uye kuchengetedza mana (ona Eksodo 16:16, 19, 22–26). Chii chaunowana mumirayiro iyi chinoshanda kwauri zuva nezuva uchitsvaga zvekudya zvemweya?

Onawo. Johani 6:31–35, 48–58

Eksodo 17:1–7

Jesu Kristu ndiye dombo remweya rangu uye mvura mhenyu yangu.

Funga pamusoro peMuponesi apo paunoverenga Eksodo 17:1–7. Jesu Kristu akaita sedombo sei kwauri? (ona Mapisarema 62:6–7; Heramani 5:12). Akaita sei semvura? (ona Johani 4:10–14; 1 VaKorinde 10:1–4; 1 Nifai 11:25).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Eksodo 14:13–22.Nhengo dzemhuri yako dzinogona kunakidzwa nekuedza “kupatsanura” mvura mundiro kana mubhavhu rekugezera, saMosesi akapatsanura Gungwa Dzvuku. Vabatsire kunzwisisa kuti Gungwa Dzvuku raikwanisa kupatsanurwa pasina simba raMwari. Takaona sei simba raMwari muupenyu hwedu uye hwemadziteteguru edu?

Eksodo 15:1–21.Mushure mekuyambuka nenzira inoshamisa Gungwa Dzvuku, vaIsraeri vakaimba rwiyo rwekurumbidza rwunozivikanwa serwiyo rwaMosesi, urwo rwunowanikwa muna Eksodo 15:1–21. Semhuri, tsvagai mashoko ari mundima idzi ayo anopupura zvakaitirwa vaIsraeri naMwari uye nedzimwe ndevo dzakakosha. Zvino munokwanisa kuimba rwiyo rwunoyeuchidza mhuri yenyu zvamakaitirwa naMwari.

Eksodo 16:1–5; 17:1–7.Kuverenga Eksodo 16:1–5 uye 17:1–7 kunokwanisa kutungamirira kuhurukuro pamusoro peMuponesi seChingwa cheUpenyu, seMvura Mhenyu, uye seDombo redu. Nyaya idzi dzinotiyeuchidza sei zvatinoitirwa naJesu Kristu? Sechikamu chehurukuro yenyu, munogona kuverenga Johane 4:10–14; 6:29–35, 48–51; Heramani 5:12; Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79.

Eksodo 17:8–16.Munogona kuita mutambo wenyaya yaAroni naHuri vachisimudza maoko aMosesi uye mokurukura kuti izvi zvinokwanisa kuvaratidza sei matsigiriro atinoita avo vakadanwa naMwari kuti vatitungamirire. Munogonawo kusiyanisa muenzaniso waAroni naHuri nekugunun’unira Mosesi kwakaitwa nevaIsraeri (kunotsanangurwa nemuzvitsauko 15–17). Ndedzipi dzimwe nzira dzatingabatsira nokutsigira vatungamiriri vedu? Maropafadzo api anouya kwatiri uye nekuvatungamiri vedu apo patinodaro?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Mununuri waIsraeri,” Nziyo, nhamba. 6.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaka nzwisiso yako pachako yezvemweya. Mukunzvera kwako wega uye nekwemhuri, usangogumira pandima dzakapuwa muchirongwa chedzidzo chino. Ishe vanokwanisa kunge vaine mashoko kwauri muzvitsauko izvi ayo anenge asina kusimbiswa pano. Nemunamato tsvaka femero.

Mufananidzo
Mosesi achipatsanura Gungwa Dzvuku

Mufananidzo waMosesi achipatsanura Gungwa Dzvuku, naRobert T. Barrett

Dhinda