Testamente Yekare 2022
Kubvumbi 18–24. Eksodo 18–20: “Izvo Zvose Zvataurwa naJehova Tichazviita”


“Kubvumbi 18–24. Eksodo 18–20: “Izvo Zvose Zvataurwa naJehova Tichazviita” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kubvumbi 18–24. Eksodo 18–20,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
gomo

Gomo riri muEgipita iro rakagara richitendwa kuti ndiro Gomo reSinai.

Kubvumbi 18–24

Eksodo 18–20

“Izvo Zvose Zvataurwa naJehova Tichazviita””

Sisita Michelle Craig vakadzidzisa kuti, “Iwe semudzidzi akatendeka [waJesu Kristu], unokwanisa kugamuchira kurudziro yako pachako uye zvakazarwa zvako pachako, zvinoenderana nemirairo yake, yakanangana newe” (“Kukwanisa Mumweya,” Riahona, Mbudzi. 2019, 21). Nyora pasi woita maererano nefemero yaunogamuchira apo paunoverenga Eksodo 18–20.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Rwendo rwevaIsraeri kubva kuEgipita kusvika kuzasi kweGomo reSinai rwainge rwakazara nezvishamiso—zviratidzo zvisingarambwi zvesimba, rudo uye tsitsi zvisingaenzaniswi zvaIshe. Zvisinei Ishe vakanga vane maropafadzo kwavari ayo aipfuura kuvasunungura kubva muEgipita uye nokugutsa nzara nenyota yavo yepanyama. Vaida kuti vave vanhu Vavo vechibvumirano, “pfuma inoshamisa,” Yavo uye “rudzi rutsvene” Rwavo (Eksodo 19:5–6). Nhasi, maropafadzo echibvumirano ichi haasingori enyika imwechete kana rudzi rumwechete. Mwari anoda kuti vana Vavo vese vave vanhu vechibvumirano Vavo, kuti chokwadi “vateerere inzwi [Ravo], uye vachengete chibvumirano [Chavo]” (Eksodo 19:5), nokuti Vanoratidza ngoni Dzavo “kuzviuru zveavo vanoVada, uye vanochengeta mirairo Yavo” (Eksodo 20:6).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Eksodo 18:13–26

Ndinokwanisa kubatsira “kutakura mutoro” wekuita basa raIshe.

Apo paunenge uchiverenga rairo iyo Mosesi yaakagamuchira kubva kuna tezvara vake, Jetero, funga kuti ungaita sei kuti uve “savarume vechokwadi” (dzimwe nguva vanodudzirwa “sevarume vakavimbika”) avo vakatsanangurwa mundima 21. Ungabatsira sei “kutakura mutoro” wevatungamiri vako veChechi? (vhesi 22). Semuenzaniso, rairo iyi inogona kushanda sei kuedza nesimba kushumira kwako?

Unogonawo kufunga kana iwe, pane dzimwe nguva, wakafanana naMosesi, uchiedza kuita zvakawandisa. Rairo yaJetero inogona kushanda kwauri sei?

Onawo Mosaya 4:27

Mufananidzo
murume ari kukwazisana nemudzimai

Kushumira kuna vamwe ndeimwe nzira yatinokwanisa kutora chinhanho mubasa raIshe.

Eksodo 19:3–6

Vanhu vechibvumirano vaIshe ipfuma kwaVari.

Funga kuti zvinorevei kwauri kuva “pfuma inoshamisa” yaIshe (Eksodo 19:5). Mutungamiri Russell M. Nelson vakapa imwe tsananguro yendevo iyi: “MuTesitamente Yekare, shoko rechiHeberu rinodudzira shoko rekuti shamisa nderekuti segullah, zvinoreva ‘zvinhu zvinokosheswa’ kana ‘pfuma’. … Kuti isu tizivikanwe nevaranda vaIshe sevanhu vavo vanoshamisa irumbidzo inopfuura dzose ”(“Children of the Covenant,” Ensign, Chivabvu 1995, 34). Kuziva kuti kuchengetedza zvibvumirano zvako kunoita kuti iwe uve “pfuma inoshamisa” kunoshandura sei mararamiro ako?

­

Eksodo 19:10–11, 17

Zviitiko zvitsvene zvinoda gadziriro.

Ishe vakaudza Mosesi kuti vana vaIsraeri vaifanira kuva vakagadzirira vasati vakwanisa “kusangana naMwari” (Eksodo 19:10–11, 17) uye vagochengeta chibvumirano Navo (Ona Eksodo 19:5). Chii chaunoita kuti ugadzirire zviitiko zvinoera muupenyu hwako, sezvakaita kuenda kutemberi kana kutora sakaramende? Ungaita sei kuti unyatsogadzirira zvakazara kuzvinhu izvi? Funga nezve zviito zvemweya zvinoda gadziriro, uye wofungisisa kuti gadziriro yako inokwanisa kushandura sei rudzi rwechiitiko chaunozova nacho.

Eksodo 20

Mwari vane nyasha.

Apo paunoverenga Eksodo 20, funga kucherechedza kuti ndeupi paMirairo ine Gumi waunonzwa kuti uri kuteerera uye kuti ndeupi waunonzwa kuti ungangofanira kuteera zvakawedzerwa. Unokwanisa kusarudza murairo mumwechete wekushanda pauri uye zvino wounzvera zvakadzama nekuverenga zvinyorwa zvitsvene zvinoenderana nawo (ona Nhungamiro kuMwagwaro Matsvene pa scriptures.ChurchofJesusChrist.org) kana mashoko emusangano (ona chikamu chemisoro yenyaya che conference.ChurchofJesusChrist.org). Funga kusanganisira mukunzvera kwako maropafadzo anouya kune avo vanoteerera murairo wacho. Maropafadzo aya anoratidza sei nyasha nerudo rwaMwari kwauri?

Onawo Carole M. Stephens, “If Ye Love Me, Keep My Commandments,” Liahona, Mbudzi 2015, 118–20.

Eksodo 20:1–7

Zvakakosha kuisa Ishe pekutanga muupenyu hwangu.

Kuverenga Eksodo 20:1–7 kunogona kukukurudzira kuti ufunge pamusoro pezvinhu zvinokoshesa muupenyu hwako—unokwanisa kuzvinyora pasi mumudorongodzwa . Ndevapi vamwe “vamwari” kana “mifananidzo yakavezwa” (Eksodo 20:3–4) yaungaedzwa kuti ukoshesa kupfuura Mwari? Kuisa Ishe pekutanga kunokwanisa kukubatsira sei pane zvimwe zvinhu zvinokosha muupenyu hwako? Unokurudzirwa kuitei kuti uwedzere nangiso yako kuna Baba Vekudenga naJesu Kristu?

Onawo Dallin H. Oaks, “No Other Gods,” Liahona, Mbudzi. 2013, 72–75.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Eksodo 18:8–12.Uchapupu hwaMosesi hwekununurwa naMwari hwakava neshanduro yei pana Jeturo? Ndezvipi zvinhu zvikuru zvakaitirwa mhuri yedu naIshe? Ndiani watingagoverana naye zviitiko zvedu? Tingachengeta sei zviitiko izvozvo kuti zvizozivikanwa nezvizvarwa zvichatevera?

Eksodo 18:13–26.Ndima idzi dzinogona kukurudzira mhuri yako kuti ifunge pamusoro pekushandira kwevatungamiri venyu veChechi vemunzvimbo menyu, sabhishopi, vatungamiriri vevechidiki, kana vadzidzisi veBato reVana Vadiki. Mabasa api avainavo anotaridzika “seanonyanya kurema” (Eksodo 18:18) kuti munhu mumwechete aaite ega? Chii chatingaite kubatsira kuti vasanyanya kuremerwa?

Eksodo 20:3–17.Fungai nezve nzira inobatsira yekukurukura nayo Mirairo ineGumi semhuri. Semuenzaniso, munogona kunyora mirairo iri muna Eksodo 20:3–17 pamapepa gumi. Nhengo dzemhuri dzinogona kuaronga kuisa muzvikamu zviviri: (1) kukudza Mwari uye (2) kuda vamwe (onawo Mateo 22:36–40). Fungai kusarudza murairo mumwechete kana miviri zuva rega rega vhiki rino moukurukura pamwechete zvakadzama. Semuenzaniso, kuteerera murairo uyu kunosimbisa sei mhuri yedu? Muponesi akauteerera sei?

Eksodo 20:12.Kuti munzwisise zvirinani Eksodo 20:12, zvinogona kubatsira kana mhuri yenyu ikatsvaga tsananguro dzeshoko rekuti “kukudza.” Zvino nhengo dzemhuri dzinogona kunyora zvinhu zvatingaite kuti tikudze vabereki vedu. ­

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­,

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Wana nguva inoshanda kwauri. Kazhinji zviri nyore kudzidza magwaro kana uchiadzidza pasina chinokuvhiringidza. Wana nguva inoshanda kwauri, uye ita zvese zvaunokwanisa kuti ugare uchidzidza panguva iyoyo zuva nezuva.

Mufananidzo
Mosesi akabata mahwendefa emabwe

Mufananidzo waMosesi akabata Mirairo ine Gumi, naSam Lawlor

Dhinda