Testamente Yekare 2022
Kubvumbi 11–17. Isita: “Achamedza Rufu Mukukunda”


“Kubvumbi 11–17. Isita: ‘Achamedza Rufu Mukukunda,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kubvumbi 11–17. Isita,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
bwiro hwune dombo rakabviswa kubva pamusuwo

Mufananidzo weguva risina chinhu, naMaryna Kriuchenko

Kubvumbi 11–17

Isita

“Achamedza Rufu Mukukunda”

Apo paunoverenga nekufungisisa pamusoro peRudzikinuro rweMuponesi vhiki ino, funga pamusoro pekunyora pfungwa dzako nemanzwiro ako pamusoro pekuzvipira Kwake mujenari rako kana munzvimbo yakapuwa muchirongwa chino.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Upenyu hwaJesu Kristu “hwakakosha kunhoroondo yevanhu yose” (“The Living Christ: The Testimony of the Apostles,” ChurchofJesusChrist.org). Zvinorevei izvozvo? Muchikamu, zvirokwazvo zvinoreva kuti upenyu hweMuponesi hunoshandura magumo ekusingaperi emunhu wese akambofa akararama kana anozombofa akararama. Ungangotiwo upenyu nemushando zvaJesu Kristu, izvo zvakapedzisira muKumuka Kuvakafa kwake paSvondo yeIsita yekutanga iyoyo, zvinobatanidza vanhu vose vaMwari munhoroondo yose: Avo vakazvarwa Kristu asati auya vakatarisira kwaari nerutendo (ona Jakobo 4: 4), uye avo vanozvarwa mushure mekuuya kwake vanoyeuka zvaAkaita nerutendo. Apo patinoverenga nhoroondo dzeTestamente Yekare uye nehuporofita, hatimboona zita rekuti Jesu Kristu, asi tinoona umboo muvatendi vechinyakare hwerutendo uye nekushuvira kwavo Mesia neMununuri wavo. Naizvozvo isu tinokokwa kuMuyeuka tinokwanisa kunzwa kubatana neavo vakatarisira Kwaari. Nekuti zvirokwazvo Jesu Kristu akatakura “kuipa kwedu tose” (Muporofita Isaya 53: 6; mavara akarereka akawedzerwa), uye “muna Kristu tose tichararamiswa” (1 VaKorinte 15:22; mavara akarereka akawedzerwa).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Testamende Yekare inopupurira nezve rudzikinuro rwekuzvipira rweMuponesi.

Ndima dzakawanda dziri muTestamente Yekare dzinotaura nezve shumiro uye nerudzikinuro rwekuzvipira zveMuponesi. Tafura iri pazasi inodorongodza dzimwe dzendima idzi. Apo paunoverenga ndima idzi, ndeapi manzwiro anouya kwauri pamusoro peMuponesi?

Testamente Yekare

Testamende Itsva

Testamente Yekare

Muporofita Zekaria 9:9

Testamende Itsva

Mateo 21:1–11

Testamente Yekare

Muporofita Zekaria 11:12–13

Testamende Itsva

Mateo 26:14–16

Testamente Yekare

Muporofita Isaya 58:4

Testamende Itsva

Mateo 8:16–17; 26:36–39

Testamente Yekare

Muporofita Isaya 53:7

Testamende Itsva

Marko 14:60–61

Testamente Yekare

Mapisarema 22:16

Testamende Itsva

Johane 19:17–18; 20:25–27

Testamente Yekare

Mapisarema 22:18

Testamende Itsva

Mateo 27:35

Testamente Yekare

Mapisarema 69:21

Testamende Itsva

Mateo 27:34, 48

Testamente Yekare

Mapisarema 118:22

Testamende Itsva

Mateo 21:42

Testamente Yekare

Muporofita Isaya 53:9, 12

Testamende Itsva

Mateo 27:57–60; ; Marko 15:27–28

Testamente Yekare

Muporofita Isaya 25:8

Testamende Itsva

Marko 16:1–6; Ruka 24: 6

Testamente Yekare

Danieri 12:2

Testamende Itsva

Mateo 27:52–53

Huporofita nedzidziso pamusoro peMuponesi zvakatonyanya kuwanda uye zvakajeka muBhuku raMormoni. Funga pamusoro pemasimbisirwo anoitwa rutendo rwako nendima dzakadai: 1 Nifai 11: 31–33; 2 Nifai 25:13; Mosaya 3:2–11.

Ndinokwanisa kuwana runyararo nemufaro kuburikidza neRudzikinuro rweMuponesi.

Nemunguva yose, Jesu Kristu, kuburikidza nerudzikinuro rwekuzvipira rwake, akapa runyararo nemufaro kune vose vanouya kwaAri (ona Mosesi 5: 9–12). Funga pamusoro pekudzidza zvinyorwa zvitsvene zvinotevera izvo zvinopupurira nezve runyararo uye mufaro zvaAnopa, uye apo paunoita izvi, funga pamusoro pekuti ungakwanisa kugashira sei runyararo nemufaro waAnounza: Mapisarema 16:8–11; 30:2–5; Muporofita Isaya 12; 25:8–9; 40:28–31; Johane 14:27; 16:33; Aruma 26:11–22.

­

Mufananidzo
Kristu pamuchinjikwa

Grey Day Golgotha (Zuva Rerusuwo paGorgota), naJ. Kirk Richards

Kuburikidza neRudzikinuno rwake, Jesu Kristu ane simba rekundibatsira kukunda zvivi, rufu, miedzo, neutera.

Mumagwaro matsvene mose, vaporofita vakapupura nezvesimba raJesu Kristu rekutisunungura kubva kuchivi nerufu uye nekutibatsira kukunda miedzo yedu neutera. Kristu akaita shanduro sei muupenyu hwako? Sei akakosha kwauri? Fungisisa mibvunzo iyi apo paunoverenga ndima idzi, uye wonyora pasi pfungwa dzako nemanzwiro ako pamusoro peMuponesi:

­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Eksodo 12:1–28.Apo pamunopemberera Isita, mhuri yako inokwanisa kuongorora izvo zvamakadzidza pamusoro pePaseka kutanga kwemwedzi uno. Sei zvakakosha kuti kuzvipira kweMuponesi kuve kwakaitika panguva imwecheteyo seyePaseka?

Kuti muwane pfupiso yezvakaitika muvhiki yekupedzisira yeupenyu hweMuponesi, ona “Holy Week” pa ComeuntoChrist.org/2016/easter/easter-week. ­

Muporofita Isaya 53.Kuverenga huporofita pamusoro paJesu Kristu muna Muporofita Isaya 53 kunokwanisa kubatsira nhengo dzemhuri kunzwisisa rudzikinuro rwekuzvipira rweMuponesi. Ndedzipi ndima kana ndevo idzo mhuri yako dzainowana dziri dzakanyanya kusimba? Funga pamusoro pekuva nemusangano weuchapupu hwemhuri umo mamunogoverana uchapupu hwenyu pachenyu hweRudzikinuro rweMuponesi.

“Zvapupu Zvakakosha zvaKristu”App yeRaibhurari reVhangeri uye pa ChurchofJesusChrist.org pane muunganidzwa wemavhidiyo anonzi “Special Witnesses of Christ,” umo nhengo yoga yoga yeHutungamiri Hwekutanga uye yeChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri inogovera uchapupu hwayo hwaJesu Kristu. Pamwe mhuri yako inokwanisa kuona mamwe emavhidhiyo aya uye motaura pamusoro peizvo zvamunodzidza pamusoro paJesu Kristu kubva kuvaranda Vake vakasarudzwa. Semhuri, taurai pamusoro penzira dzamunokwanisa kugovera uchapupu hwenyu hwaKristu. Semuenzaniso, ungangokoka mumwe munhu kunamata nemi kuchechi paSvondo yeIsita Ino.

Nziyo nedzimo.Mimhanzi inzira ine simba yekuyeuka Muponesi uye kukoka Mweya mudzimba dzedu. Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana nekuimba pamwechete nziyo kana dzimbo pamusoro peIsita kana pamusoro paJesu Kristu, dzakaita “saKristu Ishe Wamuka Nhasi” (Hwaro hweVhangeri, nhamba 332) kana “Amuka” (Hwaro hweVhangeri, 334). Kuti muwane dzimwe nziyo kana dzimbo dzevana vadiki, tarisa gwashamazwi remisoro yenyaya reHwaro hweVhangeri uye Nziyo neDzevana Vadiki.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­ ­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Rarama vhangeri raJesu Kristu. “Kuti uve mudzidzisi akaita saKristu [mumba mako], pamwe chinhu chakakosha zvikuru chaungaite ndeche … kurarama vhangeri nemwoyo wako wese. … Iyi ndiyo nzira huru yekukodzera hufambidzani hweMweya Mutsvene. Haufanire kuva wakarurama, kungoedza nekushingaira kwakasimba—uye nekutsvaga ruregerero kuburikidza neRudzikinuro rweMuponesi apo pose paunogumburwa” (Teaching in the Savior’s Way, 13).

Mufananidzo
Kristu akamira pamusuwo wedombo wakapwanyika webwiiro

For This Purpose I Have Come (Nechikonzero Ichochi Ndauya), naYongsung Kim

Dhinda