Testamente Yekare 2022
Kurume 28–Kubvumbi 3. Eksodo 7–13: “Rangarirai Zuva Iri, iro Ramakabuda kubva muEgipita”


“Kurume 29–Kubvumbi 3. Eksodo 7–13: “Rangarirai Zuva Iri, iro Ramakabuda kubva muEgipita,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kurume 29–Kubvumbi 3. Eksodo 7–13,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Mosesi, Aroni, naFarao

Mufananidzo waMosesi naAroni mudare raFarao, naRobert T. Barrett

Kurume 29–Kubvumbi 3

Eksodo 7–13

“Rangarirai Zuva Iri, iro Ramakabuda kubva muEgipita”

Paunoverenga uye kufungisisa Eksodo 7–13, nyora pasi manzwiro ako. Apo paunoita izvi nguva dzose, kwaniso yako yokuziva ruzeveze rweMweya Mutsvene inozokura.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Dambudziko mushure medambudziko rakatambudza Egipita, asi Farao airamba kusunungura vaIsraeri . Asi Mwari vakaramba vachiratidzira simba Ravo uye vakapa Farao mikana yekubvuma “kuti ini ndini Ishe” uye “hakuna mumwe akafanana neni nepanyika pose” (Eksodo 7:5; 9:14). Zvichakadaro, Mosesi nevaIsraeri vanofanirwa kunge vakashamiswa pavaiona simba raMwari richishanda rakavamiririra. Chokwadi izvi zviratidzo zvakaramba zvichisimbisa rutendo rwavo muna Mwari uye zvakasimbisa chido chavo chokutevera muporofita waMwari. Zvino, mushure mekunge matambudziko akaipisisa mapfumbamwe atadza kukonzera kuti Pharaoh asunungure vaIsraeri, rakanga riri denda rechigumi—kufa kwematangwe, kusanganisira dangwe raFarao—rakazogumisa hutapwa. Izvi zvinoita sezvakakodzera nokuda kwekuti pese apo vanhu pavanoitwa nhapwa dzezvepamweya, zvirokwazvo pane nzira imwechete yekupukunyuka. Zvisinei chero chipi zvacho chatingange takamboedza munguva yakapfuura, zvatiri zvakangofanana nezvazvaiva nevana vaIsraeri. Chibayiro chaJesu Kristu chete, Dangwe—iro ropa reGwayana risina charingapomerwa —ndiro rinozotiponesa.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Eksodo 7–11

Ndinogona kusarudza kupfavisa mwoyo wangu.

Tinovimba kuti kuda kwako hakupikisani zvakanyanyisa nekuda kwaMwari sezvakanga zvakaita kuda kwaFarao. Kunyange zvakadaro, tese tine nguva apo mwoyo yedu painenge isina kupfava sezvainofanira kuita, saka pane chimwe chinhu chekudzidza kubva pazviito zvaFarao izvo zvakanyorwa muna Eksodo 7–10. Apo paunge uchiverenga pamusoro pematambudziko muzvitsauko izvi, chii chinonyanya kukosha kwauri pamusoro pemhinduro dzaFarao? Unocherechedza here maitiro ekuomesa mwoyo akafanana naiwawo mauri iwe? Fungisisa izvo zvaunodzidza muzvitsauko izvi pamusoro pezvazvinorevei kuva nemwoyo.wakapfava.

Cherechedza kuti Dudziro yaJoseph Smith yaEksodo 7:3, 13; 9:12; 10:1, 20, 27; 11:10 inojekesa kuti Ishe havana kuomesa mwoyo waFarao—Farao ndiye akaomesa ega mwoyo wake.

Unodzidzei kubva muzvinyorwa zvitsvene zvinotevera pamusoro pekukudziridza mwoyo wakapfava? 1 Nifai 2:16; Mosaya 3:19; Aruma 24:7–8; 62:41; Eta 12:27.

­

Eksodo 12:1–42

Paseka inomiririra Rudzikinuro rwaJesu Kristu.

Nzira imwe chete yevaIsraeri yekuti vaponeswa kubva kudambudziko rechigumi, iro rinotsanangurwa pana Eksodo 11:4–5, yaiva yekutevedzera nemazvo chaimo mirairidzo iyo Ishe yavakapa kuMosesi muEksodo 12, iyo tsika inozivikanwa sePaseka. Paseka inotidzidzisa kuburikidza nezviratidzo kuti sekununura kwakaita Ishe vaIsraeri kubva muuranda muEgipita, Vanogonawo kutinunura kubva muuranda hwezvivi. Zvii zvaunowana mumirayiridzo nezviratidzo zvePaseka zvinokuyeuchidza nezvaJesu Kristu uye Rudzikinuro rwake? Zviratidzo izvi nemirairidzo iyi zvinotaura chii kwauri pamusoro pemagamuchiriro ekuita maropafadzo eRudzikinuro Rwake? Semuenzaniso, kuisa ropa regwayana pamagwatidziro emusuwo kunomiririrei? (ndima 7). Zvinorevei kwauri kuva “neshangu dzako patsoka dzako, uye tsvimbo yako mumaoko ako”? (ndima 11).

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 89:21.

Mufananidzo
vanhu vachitora sakaramende

Sakaramende inotibatsira kuyeuka Mununuri wedu, Jesu Kristu.

Eksodo 12:14–17, 24–27; 13:1–16

Sakaramende inondibatsira kuyeuka rununuro rwangu kuburikidza naJesu Kristu.

Muponesi aida kuti vaIsraeri vagare vachiyeuka kuti Akanga avanunura, kunyange pavaizenge vasisanyanyi kuyeuka nezveutapwa hwavo. Ndokusaka akavaraira kuti vaite mabiko ePaseka gore roga roga. Paunoverenga zvaakati vaite muna Eksodo 12:14–17, 24–27; 13:1–16, funga pamusoro pezvauri kuita kuyeuka maropafadzo aMwari kwauri. Ungaita sei kuti uchengetedze ndangariro iyoyo “nemuzvizvarwa zvako zvese”? (ona Eksodo 12:14, 26–27).

Ndedzipi fanano dzaunoona pakati pezvinangwa zvemabiko ePaseka nesakaramende? Kuverenga pamusoro pePaseka kunokuyeuchidza sei sakaramende uye kunounza sei kukosha kwakawedzerwa kuchisungo ichocho? Funga zvaunogona kuita kuti “ugare uchirangarira” Jesu Kristu (Moroni 4:3; 5:2; onawo Ruka 22:7–8, 19–20).

Unogonawo kufungisisa zvinhu izvo Ishe vanoda kuti uyeuke; ona, semuenzaniso, Heramani 5:6–12; Moroni 10:3; Dzidziso Nezvibvumirano 3:3–5, 10; 18:10; 52:40.

Onawo Johani 6:54.

Mufananidzo
family study icon

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Eksodo 7–12.Pamwe mushure mokuverenga pamusoro pematambudziko akatumirwa naIshe kuvaEgipita sechiratidzo chesimba Ravo, mhuri yako inogona kugoverana nzira idzo Ishe dzavari kuratidza simba Ravo nhasi.

Eksodo 8:2832; 9:27–28, 34–35.Ndima idzi dzinokwanisa kushandiswa kutanga hurukuro pamusoro pekukosha kwekuchengeta shoko redu. Zvimwe nhengo dzemhuri dzinogona kugovera zviitiko apo vakaona vamwe vachiita izvo zvavakabvuma kuita.

Eksodo 12:1–42.Mushure mokuverenga Eksodo 12:1–42 pamwechete, munogona kunyora pamapepa zvinhu zvamunogona kuita semhuri kuti muyeuke rudzikinuro rwaJesu Kristu. Nokuda kwekuti ropa regwayana pamagwatidziro emba (ona ndima 23) raimiririra Muponesi, munogonawo kuisa mapepa aya pedyo nemusiwo mumba menyu. Munogonawo kudya zvimwe zvokudya zvaidyiwa paPaseka, sechingwa chisina kuviriswa (macrackers kana matortillas) kana miriwo inovava (parsley kana horseradish), uye mokurukura kuti Paseka inotibatsira sei kurangarira manunuriro akaita Mwari vanhu Vavo. Semuenzaniso, chingwa chisina kuviriswa chakavayeuchidza kuti pakanga pasina nguva yekuti chingwa chavo chisimuke vasati vatiza kubva muutapwa. Miriwo inovava yaivayeuchidza nezve marwadzo makuru eutapwa.

Eksodo 12:14, 24–27.Pamwe munogona kuwongorora ndima idzi semhuri musangano wenyu wesakaramende unotevera usati wasvika. Ndima idzi dzinoenderana sei nesakaramende? Tingaite sei zvakanyanya kuzara kuti sakaramendi ive “chiyeuchidzo” chezvatakaitirwa noMuponesi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Onai Mununuri Afa,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba. 30.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Govera dzidziso dzinoshandisa zviratidzwa. Kumbira nhengo dzemhuri kuti dzitsvage zvinhu zvinovabatsira kuti vanzwisise misimboti iri mumagwaro matsvene amuri kuverenga. Semuenzaniso, zvinhu zvakapfava uye zvakaomarara zvinogona kubatsira nhengo dzemhuri kukurukura mutsauko uripo pakati pekuva nemoyo wakapfava uye nemoyo wakaoma.

Mufananidzo
Mhuri yechiHeberu iine zvokudya zvePaseka

Mufananidzo wePaseka, naBrian Call

Dhinda