Testamente Yekare 2022
Kurume 21–27. Eksodo 1–6: “Ndarangarira Chibvumirano Changu”


“Kurume 21–27. Eksodo 1–6: “Ndarangarira Chibvumirano Changu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kurume 21–27. Eksodo 1–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Mosesi negwenzi rinopfuta

Moses and the Burning Bush (Mosesi neGwenzi Rinopfuta), naHarry Anderson

Kurume 21–27

Eksodo 1–6

“Ndarangarira Chibvumirano Changu”

Tanga chidzidzo chako nemunamato, uye wokumbira rubatsiro rwekuwana mashoko muna Eksodo 1–6 anoenderana neupenyu hwako uye nekushandira kwako muumambo hwaMwari.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kukokwa kunogara muEgipita kwakaponesa mhuri yaJakobo. Asi mushure memazana emakore, zvizvarwa zvavo zvakaitwa nhapwa uye zvikatambudzwa zvikuru nafarao mutsva “uyo aisaziva Josefa” (Eksodo 1:8). Zvaizova chinhu chinotarisirwa kuti vaIsraeri vashamisike kuti sei Mwari vakabvumidza izvi kuti zviitike kwavari, vanhu Vavo vechibvumirano. Vakayeuka chibvumirano chaVakaita navo here? Vakanga vachiri vanhu Vavo here? Vaikwanisa here kuona kutambura kwavaiita?

Pangangova nenguva idzo dzawakanzwa uchida kubvunza mibvunzo yakafanana neiyi. Unogona kunetseka kuti, Mwari vanoziva zvandiri kusangana nazvo here? Vanonzwa here kuchemera rubatsiro kwangu ? Nyaya iri muna Eksodo yekununurwa kwaIsraeri kubva kuEgipita inopindura mibvunzo yakadai zvakajeka: Mwari havakanganwe vanhu Vavo. Vanorangarira zvibvumirano Zvavo nesu uye anozozvizadzikisa munguva nemunzira Yavo (ona Dzidziso Nezvibvumirano 88:68). “Ndichakudzikunura neruoko rwakatambanudzwa,” Vanotaura kudaro. “Ini ndiri Ishe, Mwari wako, uyo unokuburitsa kubva pasi pemitoro [yako]” (Eksodo 6:6–7).

Kuti uwane pfupiso yebhuku raEksodo, ona “Eksodo, bhuku ra” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Eksodo 1–2

Jesu Kristu ndiye Mununuri wangu.

Mumwe wemisoro yenyaya yakakoshesesa iri mubhuku raEksodo ndeye kuti Mwari vane simba rekusunungura vanhu Vavo kubva muudzvinyiriri. Kuiswa muuranda kwevaIsraeri sezvakatsanangurwa muna Eksodo 1 kunogona kuoneka sechiratidzo chehutapwa hwatakatarisana nahwo nekuda kwechivi uye rufu (ona 2 Nifai 2:26–27; 9:10; Aruma 36:28). Uye Mosesi, mununuri wevaIsraeri, anogona kuoneka sechiratidzo, kana mumiririri, waJesu Kristu (ona Deuteronomio 18:18–19; 1 Nifai 22:20–21). Verenga Eksodo 1–2 uine enzaniso idzi mufungwa. Semuenzaniso, unogona kuona kuti vese Mosesi naJesu vakachengetedzwa kubva kurufu vari vana vadiki (ona Eksodo 1:222:10; Mateu 2:13–16) uye kuti vese vakambogara murenje vasati vatanga basa ravo rekushumira (ona Eksodo 2:15–22; Mateo 4:1–2). Ndedzipi dzimwe nzwisiso dzaunodzidza kubva kuna Eksodo pamusoro pekutapwa kwepamweya? pamusoro perununuro rweMuponesi?

­

Mufananidzo
Mwana Mosesi ari Mutswanda

Moses in the Bulrushes (Mosesi ari Mutsanga), © Providence Collection/licensed from goodsalt.com

Eksodo 3–4

Mwari vanopa simba kune avo vaVanodaidza kuti vaite basa Ravo.

Nhasi tinoziva Mosesi semuporofita nemutungamiri mukuru. Asi Mosesi haana kuzviona nenzira iyoyo apo Ishe pavakatanga kumudana. “Ini ndini aniko,” Mosesi akanetseka , “kuti ndiende kuna Farao?” (Eksodo 3:11). Ishe, zvisinei, vaiziva kuti Mosesi aive ari ani chaizvo—uye uyo waizokwanisa kuva. Apo paunenge uchiverenga Eksodo 3–4, cherechedza kuti Ishe vakavimbisa sei Mosesi uye kuti vakapindura sei kuzvinonetso zvake. Chii chaunowana muzvitsauko izvi chinogona kukukurudzira apo paunonzwa sekuti hauna kwaniso yekuita zvimwe zvinhu? Ishe vanoropafadza sei varanda Vavo nesimba rakawedzerwa rekuita kuda Kwavo? (ona Mosesi 1:1–10, 24–39; 6:31–39, 47). Ndiriini wawakaona Mwari vachiita basa Ravo kuburikidza newe kana nevamwe?

Kuti uwane zvimwe pamusoro peupenyu uye ushumiri hwaMosesi, ona “Mosesi” Nhungamiro kuMagwaro Matsvene..

Eksodo 5–6

Zvinangwa zvaIshe zvichazadzikiswa munguva Yavo Pachavo.

Kunyangwe zvazvo Mosesi akashinga akaenda pamberi paFarao, sezvakanga zvarairwa naMwari, uye akamuudza kuti asunungure vaIsraeri, Farao akaramba. Chokwadi ndechekuti, akatoita kuti hupenyu hwevaIsraeri hunyanye kuoma. Mosesi nevaIsraeri vanogona kunge vakanetseka kuti sei zvinhu zvainge zvisiri kubudirira kunyange apo Mosesi ainge achiita zvaakanga ainzi aite naMwari (ona Eksodo 5:22–23).

Wakambonzwa here kuti uri kuita kuda kwaMwari asi usingaoni budiriro yawaitarisira? Wongorora Eksodo 6:1–8, uchitsvaga zvakataurwa naIshe kuti vabatsire Mosesi kutsungirira. Ishe vakakubatsira sei kuti utsungirire kuita kuda Kwavo?

Eksodo 6:3

Jehova ndiani?

Jehova nderimwe remazita aJesu Kristu uye rinoreva Muponesi wemuupenyu huno hwusati hwavapo. Dudziro yaJoseph Smith yaEksodo 6.3 inotsanangura kuti vaporofita Abrahama, Isaka, naJakobo vaiziva Ishe nezita iri. (ona Eksodo 6:3). Kazhinji, shoko rekuti “Ishe” rinowanika muTestamente Yekare, rinoreva Jehova. Muna Eksodo 3:13–15, zita rokuti “NDICHAVA” unorevawo Jehova (onawo Dzidziso neZvibvumirano 38:1; 39:1).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Eksodo 1–2.Madzimai akati wandei vakava nemabasa akakosha muchirongwa chaMwari chekumutsa mununuri weVaIsraeri. Semhuri, munogona kuverenga pamusoro pavananyamukuta Shifra naPua (Eksodo 1:15–20); amai vaMosesi, Jokebedi, uye hanzvadzi yake, Miriami (Eksodo 2:2–9; Numeri 26:59); mwanasikana waFarao (Eksodo 2:5–6, 10); uye mukadzi waMosesi Zipora (Eksodo 2:16–21). Madzimai ava vakafambisira mberi chirongwa chaMwari sei? Zviito zvavo zvinotiyeuchidza sei nezve basa raJesu Kristu? Unogonawo kuunganidza mifananidzo yemadzimai vehukama uye madziteteguru uye mogoverana nyaya pamusoro pavo. Takaropafadzwa sei namadzimai vakarurama? ­

Eksodo 3:1–6.Mosesi paakasvika pedyo negwenzi raipfuta, Ishe vakamuudza kuti abvise shangu dzake sechiratidzo cheruremekedzo. Tinogona sei kuratidza ruremekedzo tiri panzvimbo dzinoera? Semuenzaniso, chii chatingaite kuti imba yedu ive nzvimbo inoera iyo Mweya waIshe yaunokwanisa kugara? Tingaratidza sei ruremekedzo rwakanyanya mune dzimwe nzvimbo dzinoera?

Eksodo 4:1–9.Ishe vakapa Mosesi simba rekuita zvishamiso zvitatu sezviratidzo zvekuratidza vana vaIsraeri kuti Vakanga vatuma Mosesi. Zviratidzo izvi zvinotidzidzisei pamusoro paJesu Kristu?

Eksodo 5:2.Zvingarevei kwatiri “kuziva” Ishe? Tinosvika sei pakuvaziva? (semuenzaniso, ona Aruma 22:15–18). Ukama hwedu Navo hwunoshandura sei chido chedu chekuvateerera? (onawo Johani 17:3; Mosiya 5:13).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muna Huyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kudzidza Kwedu

Chengeta jenari reekunyorera zvaunonzvera. Ungangoona zvichibatsira kushandisa jenari kana bhuku remanotsi kunyora pasi pfungwa, mazano, mibvunzo, kana manzwiro anouya mupfungwa paunenge uchinzvera.

Mufananidzo
Mwanasikana waFarao achiwana mucheche Mosesi

Moses Found in the Bulrushes by Pharaoh’s Daughter (Mosesi Anowanikwa Mutsanga neMwanasikana waFarao), by George Soper

Dhinda